Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ngapasava Nechinoita Kuti Ushaye Mubayiro

Ngapasava Nechinoita Kuti Ushaye Mubayiro

“Ngaparege kuva nomunhu anokushayisai mubayiro.”​—VAK. 2:18.

NZIYO: 122, 139

1, 2. (a) Vashumiri vaMwari vanotarisira kuzowana mubayiro wei? (b) Chii chinotibatsira kuti tirambe takaisa pfungwa pakuwana mubayiro? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

KUFANANA naPauro, vaKristu vakazodzwa nemweya mutsvene vane tariro inoshamisa yekugamuchira “mubayiro wokudanwa kumusoro naMwari.” (VaF. 3:14) Vanotarisira kuzoshumira naJesu Kristu muUmambo hwake hwekudenga vachishanda naye pakuita kuti vanhu vasava nechivi. (Zvak. 20:6) Iyi itariro yakazonaka! Vemamwe makwai vane tariro yakasiyana neiyi. Vanotarisira kuzowana mubayiro weupenyu husingaperi panyika, uye iyoyo itariro inofadza chaizvo!​—2 Pet. 3:13.

2 Kuti abatsire vamwe vaKristu vakazodzwa kuti varambe vakatendeka vowana mubayiro, Pauro akavakurudzira achiti: “Pfungwa dzenyu ngadzirambe dziri pazvinhu zviri kumusoro.” (VaK. 3:2) Vaifanira kuramba vachifunga nezvetariro inokosha yekuwana mubayiro wavo wekudenga. (VaK. 1:4, 5) Kufunga nezvemakomborero achapiwa vanhu naJehovha kunobatsira vashumiri vake vese kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pamubayiro, ungava wekudenga kana kuti wepanyika.​—1 VaK. 9:24.

3. Pauro akanyevera vaKristu nezvengozi dzipi?

3 Pauro akanyeverawo vaKristu nezvezvinhu zvaigona kuvatadzisa kuwana mubayiro. Semuenzaniso, akanyorera ungano yaiva muKorose nezvevaKristu venhema vaiedza kufarirwa naMwari kuburikidza nekuita zvinhu zvaiva muMutemo pane kuti vatende muna Kristu. (VaK. 2:16-18) Pauro akataurawo nezvengozi dzichiriko nanhasi dzinogona kutitadzisa kuwana mubayiro. Semuenzaniso, akatsanangura kuti tingadzivisa sei zvido zvekuita unzenza, tingagadzirisa sei kusawirirana kwatingaita nevamwe vaKristu uye matambudziko emumhuri. Zano raakataura panyaya idzi rinokosha kwatiri mazuva ano. Saka ngationei dzimwe nyevero dzaPauro dziri mutsamba yaakanyorera vaKorose.

URAYAI ZVIDO ZVEKUITA UNZENZA

4. Nei zvido zvekuita unzenza zvichigona kutitadzisa kuwana mubayiro?

4 Apedza kuyeuchidza hama dzake nezvetariro yavo inofadza, Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.” (VaK. 3:5) Zvido zvekuita unzenza zvinogona kuva nesimba zvekuti zvinogona kuita kuti tirasikirwe neushamwari hwedu naJehovha uye tariro yedu yeramangwana. Imwe hama yakambokundwa nechido chekuita unzenza. Payakazodzorerwa muungano yakataura kuti chido chekuita unzenza chainge chakasimba zvekuti yakatadza “kupengenuka kusvikira zvasvika pakashata.”

5. Tingazvidzivirira sei mumamiriro ezvinhu ane ngozi?

5 Tinofanira kuchenjerera kunyanya patinenge tiri mumamiriro ezvinhu anogona kutiisa pamuedzo wekuita zvisingadiwi naJehovha. Semuenzaniso, kuchenjera kuti pavanongotanga kudanana, mukomana nemusikana vazviisire miganhu pazvinhu zvakadai sekubatana, kutsvodana kana kuva vega vangori vaviri. (Zvir. 22:3) MuKristu anogona kuva mumamiriro ezvinhu ane ngozi paanoenda kunoshandira kure nekumba kana kuti paanenge achifanira kushanda nemurume iye ari mukadzi kana kuti nemukadzi iye ari murume. (Zvir. 2:10-12, 16) Kana ukava mumamiriro ezvinhu akadaro, buda pachena kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ita zvinhu zvinoita kuti urambe uchiremekedzwa uye yeuka kuti kutamba nemunhu uchiita seunomuda kune ngozi. Tinogonawo kuva pamuedzo wakakura patinenge takaora mwoyo kana kuti takasurukirwa. Panguva dzakadaro, tingada chaizvo kuva nemumwe munhu anoita kuti tinzwe kuti tinokosha. Tingatosvika pakupererwa zvekuti chero munhu anenge aratidza kutifarira tinongobvuma. Kana izvozvo zvikaitika kwauri, tsvaga kubatsirwa naJehovha nevanhu vake kuitira kuti usatadza kuwana mubayiro.​—Verenga Pisarema 34:18; Zvirevo 13:20.

6. Panyaya yekusarudza varaidzo, chii chatinofanira kugara tichifunga nezvacho?

6 Kuti tiuraye zvido zvekuita unzenza, tinofanira kudzivisa varaidzo yeunzenza. Zvinhu zvakawanda zvinovaraidza vanhu mazuva ano zvinotiyeuchidza zvaiitika muSodhoma neGomora. (Jud. 7) Vaya vanoita zvekuvaraidza vanhu vanosimudzira mafungiro avo nekuita kuti unzenza hwepabonde huite sechinhu chinongoitwa nevanhu vese, chisina matambudziko achinokonzera. Tinofanira kugara takangwarira, kwete kungovaraidzwa nezvinhu zvese zvese. Tinofanira kusarudza varaidzo isingazotitadzisi kuramba takaisa maziso edu pamubayiro weupenyu.​—Zvir. 4:23.

“PFEKAI” RUDO UYE MUTSA

7. Tingasangana nematambudziko api muungano yechiKristu?

7 Tese tinobvumirana kuti takakomborerwa chaizvo kuva muungano yechiKristu. Kudzidza kwatinoita Shoko raMwari pamisangano yedu uye kutsigirana kwatinoita nenzira yerudo kunotibatsira kuti tirambe takaisa maziso edu pamubayiro. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva kusanzwisisana kungaita kuti pave nematambudziko pakati pehama nehanzvadzi. Kana tikatadza kugadzirisa matambudziko akadaro, anogona kuita kuti vamwe vave nechigumbu.​—Verenga 1 Petro 3:8, 9.

8, 9. (a) Unhu hupi huchatibatsira kuti tiwane mubayiro? (b) Chii chinogona kutibatsira kuchengetedza rugare kana mumwe muKristu akatigumbura?

8 Tingaita sei kuti chigumbu chisatitadzisa kuwana mubayiro? Pauro akakurudzira vaKorose achiti: “Sevanhu vaMwari vakasarudzwa, vatsvene uye vanodiwa, pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.”​—VaK. 3:12-14.

9 Rudo nemutsa zvinogona kutibatsira kuti tikanganwirane. Semuenzaniso, kana tikaona kuti mumwe muKristu atirwadzisa nezvaataura kana kuti zvaaita, tinogona kuedza kuyeuka patakataura kana patakaita zvinhu zvaisaratidza mutsa. Tinoonga chaizvo rudo uye mutsa zvakaratidzwa nehama dzedu nehanzvadzi dzedu padzakatikanganwira! (Verenga Muparidzi 7:21, 22.) Tinonyanya kutenda mutsa waKristu waanoratidza pakuunganidza vanamati vechokwadi kuti vave vakabatana. (VaK. 3:15) Tese tinoda Mwari mumwe chete, tinoparidza mashoko mamwe chete uye miedzo yakawanda yatinosangana nayo yakafanana. Kana tiine mutsa nerudo uye tichikanganwira vamwe, tinenge tichitoita kuti ungano ibatane uye tinenge tichiramba takaisa maziso edu pamubayiro weupenyu.

10, 11. (a) Nei kuva negodo kuine ngozi? (b) Tingaita sei kuti godo risatitadzisa kuwana mubayiro?

10 Mienzaniso yemuBhaibheri inotiyeuchidza kuti godo rinogona kutitadzisa kuwana mubayiro. Semuenzaniso, Kaini akaitira godo munin’ina wake Abheri, ndokumuuraya. Kora, Dhatani naAbhiramu vakaitira godo Mosesi, ndokumupikisa. Uyewo, Mambo Sauro paakaona kubudirira kwaiita Dhavhidhi, akamuitira godo ndokuedza kumuuraya. Ndosaka Shoko raMwari richiti: “Pane godo nokukakavara, ndipo pane nyonganyonga nezvinhu zvose zvakaipa.”​—Jak. 3:16.

11 Kana tikashanda nesimba kuti tive nerudo nemutsa mumwoyo medu, hatizokurumidzi kunzwa godo. Shoko raMwari rinoti: “Rudo rune mwoyo murefu uye rune mutsa. Rudo haruna godo.” (1 VaK. 13:4) Kuti tisava negodo mumwoyo medu, tinofanira kuedza chaizvo kuona zvinhu semaonero anoita Mwari, tichiona hama nehanzvadzi dzedu senhengo dzemuviri mumwe chete, kureva ungano. Izvi zvichatibatsira kuti tiite zvinoenderana nezano rakafemerwa rekuti: “Kana nhengo imwe chete ikakudzwa, dzimwe nhengo dzose dzinofara pamwe chete nayo.” (1 VaK. 12:16-18, 26) Saka pane kuti tinzwe godo, tinofara vamwe pavanowana makomborero. Funga nezvemuenzaniso waJonatani, mwanakomana waMambo Sauro. Haana kunzwa godo Dhavhidhi paakasarudzwa kuti ave mambo. Asi akatokurudzira Dhavhidhi. (1 Sam. 23:16-18) Tingatevedzerawo here Jonatani pakuva nemutsa uye rudo?

WANAI MUBAYIRO SEMHURI

12. Izano ripi remuMagwaro ratinofanira kuteerera richatibatsira kuwana mubayiro semhuri?

12 Kushandisa mazano ari muBhaibheri kunogona kuita kuti vari mumhuri vave nerugare nemufaro uye kunovabatsira kuwana mubayiro. Pauro akapa vaKristu vaiva muKorose mazano api emuMagwaro ane chekuita nemhuri? Akati: “Imi madzimai, zviisei pasi pevarume venyu, sezvazvakakodzera munaShe. Imi varume, rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo. Imi vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza kwazvo munaShe. Imi vanababa, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaK. 3:18-21) Hapana mubvunzo kuti kushandisa zano rakafemerwa Pauro kuchiri kubatsira varume, madzimai uye vana.

13. Hanzvadzi yechiKristu ingabatsira sei murume wayo asingatendi kuti auye muchokwadi?

13 Ko kana uri mudzimai uye uchiona sekuti murume wako asingatendi haasi kukubata zvakanaka? Kunetsana naye nezvemaitiro ake kune zvakungavandudza here? Kunyange ukakwanisa kumuita kuti aite zvaunoda, uchakwanisa here kumuita kuti auye muchokwadi? Zvingasaita. Asi kana ukamuremekedza semusoro wemhuri, unogona kuita kuti mumhuri menyu muve nerugare, uye uchaita kuti Jehovha akudzwe. Muenzaniso wako wakanaka unogona kutoita kuti murume wako ade kushumira Jehovha, uye mese munogona kuzowana mubayiro.​—Verenga 1 Petro 3:1, 2.

14. Murume wechiKristu anofanira kuita sei kana asiri kuremekedzwa nemudzimai wake asingatendi?

14 Ko kana uri murume uye uchiona sekuti mudzimai wako asingatendi haakuremekedzi? Ungamuita kuti awedzere kukuremekedza here nekumupopotera kuti umuratidze kuti ndiwe mutungamiriri? Aiwa! Mwari anotarisira kuti utungamirire nenzira yerudo, uchitevedzera Jesu. (VaEf. 5:23) Jesu anotungamirira ungano nenzira yerudo achiratidza mwoyo murefu. (Ruka 9:46-48) Murume anogona kuita kuti mudzimai wake afarire kunamata kwechokwadi kuburikidza nekutevedzera muenzaniso waJesu.

15. Murume wechiKristu anoratidza sei kuti anoda mudzimai wake?

15 Varume vanoudzwa kuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaK. 3:19) Murume ane rudo anokudza mudzimai wake. Anozviita sei? Anoteerera paanotaura zvaanofunga uye kumuita kuti azive kuti zvaanotaura zvinokosha kwaari. (1 Pet. 3:7) Kunyange zvazvo asingakwanisi kuita zvese zvinokumbirwa nemudzimai, kakawanda kacho murume anoita chisarudzo chakanakira vese kana akanzwawo zvinofungwa nemudzimai wake. (Zvir. 15:22) Murume ane rudo anoremekedzwa nemudzimai wake kuburikidza nekuita zvinhu zvinoita kuti aremekedzwe kwete nekurayira kuti aremekedzwe. Murume anoda mudzimai wake nevana vake anogona kuva nemhuri inoshumira Jehovha ichifara uye inozowana mubayiro weupenyu.

Tingaita sei kuti matambudziko emumhuri asatitadzisa kuwana mubayiro? (Ona ndima 13-15)

VECHIDIKI​—NGAPASAVA NECHINOITA KUTI MUSHAYE MUBAYIRO

16, 17. Sewechidiki, ungaita sei kuti usanyanya kugumbukira vabereki vako?

16 Ko kana uri wechidiki achiri kuyaruka uye uchiona sekuti vabereki vako vechiKristu havakunzwisisi uye vanokushayisa rusununguko? Izvi zvingakugumbura zvoita kuti usave nechokwadi chekuti kushumira Jehovha ndicho chinhu chakanakisisa muupenyu. Asi kana ukarega kugumbuka kuchiita kuti usiye kushumira Jehovha, pasina nguva uchaona kuti hakuna ane hanya newe zvechokwadi kupfuura vabereki vako vanotya Mwari uye ungano yako.

17 Haungafungi here kuti vabereki vako havanyatsokudi kana vasingambokutsiuri? (VaH. 12:8) Asi zvichida nzira yaunorayirwa nayo nevabereki vako ndiyo ingaita kuti ugumbuke. Pane kuti unetseke nezvinoitwa nevabereki vako pavanokurayira, edza kuona zvikonzero zvinoita kuti vadaro. Saka ramba wakadzikama uye ita zvese zvaunogona kuti usanyanya kugumbuka paunotsiurwa. Shoko raMwari rinoti: “Munhu anorega kutaura mashoko ake ane zivo, uye munhu ane ungwaru akadzikama.” (Zvir. 17:27) Ngachive chinangwa chako kuti uve munhu akura anogamuchira zano akadzikama, obatsirwa naro asinganyanyi kunetseka kuti zano racho rapiwa sei. (Zvir. 1:8) Kuva nevabereki vanonyatsoda Jehovha chikomborero chaicho. Vanoda chaizvo kukubatsira kuti uwane mubayiro weupenyu.

18. Nei wakatsunga kuramba wakaisa maziso ako pamubayiro?

18 Mubayiro watichapiwa, ungava weupenyu hwekusafa kudenga kana kuti weupenyu husingaperi muparadhiso panyika, unofadza kufunga nezvawo. Itariro yechokwadi, iyo inobva pane zvakavimbiswa neMusiki pachake. Achitaura nezveParadhiso yepanyika, Mwari anoti: “Nyika ichazara nokuziva Jehovha.” (Isa. 11:9) Munhu wese achange achigara panyika panguva iyoyo achadzidziswa naMwari. Uyu mubayiro wakakodzera kuti tiushandire. Saka ramba wakaisa pfungwa dzako pane zvakavimbiswa naJehovha, uye ngaparege kuva nechinhu chinokutadzisa kuwana mubayiro!