Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ramba Mafungiro Enyika

Ramba Mafungiro Enyika

‘Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira hwenyika.’​—VAK. 2:8.

NZIYO: 38, 31

1. Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vaiva muKorose zano rekutii? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

ZVIRI pachena kuti muapostora Pauro akanyora tsamba yake kuvaKristu vaiva muKorose paaiva musungwa muRoma munenge mugore ra60 kana kuti 61 C.E. Akavaudza nezvekukosha kwekuti vave ‘nekunzwisisa kwemweya.’ (VaK. 1:9) Pauro akawedzera kuti: “Ndiri kutaura izvi kuti parege kuva nomunhu angakunyengerai nemashoko okunyengetedza. Chenjerai: zvichida pangava nomumwe munhu angaenda nemi semhuka yake yaabata nouzivi uye nounyengeri husina zvahunobatsira maererano netsika yevanhu, maererano nezvinhu zvokutanga zvenyika, kwete maererano naKristu.” (VaK. 2:4, 8) Pauro akaenderera mberi achitsanangura kuti nei mamwe mafungiro aifarirwa nevamwe ainge akaipa uye kuti nei vanhu vane chivi vangatorwa mwoyo nemafungiro enyika. Semuenzaniso, angaita kuti munhu azvione seakachenjera kana kuti ari nani pane vamwe. Chinangwa chetsamba yacho chaiva chekubatsira hama kuti dzirambe mafungiro enyika uye mabasa akaipa.​—VaK. 2:16, 17, 23.

2. Nei tava kuda kukurukura mienzaniso yemafungiro enyika?

2 Vanhu vane mafungiro enyika havana kana basa nezvinotaurwa naJehovha, uye tikasangwarira, mafungiro avo anogona kuderedza kutenda kwedu zvishoma nezvishoma. Mazuva ano, tese tinosangana nemafungiro enyika. Mafungiro aya anokurudzirwa muTV, paIndaneti, kubasa kana kuti kuchikoro. Munyaya ino tichaongorora zvatingaita kuti pfungwa dzedu dzisakanganiswa nemafungiro akadaro. Tichaona mienzaniso mishanu yemafungiro enyika uye tokurukura kuti tingaramba sei mafungiro iwayo.

TINOFANIRA KUTENDA MUNA MWARI HERE?

3. Ipfungwa ipi inofarirwa nevanhu vakawanda, uye nei vachiifarira?

3 “Ndinogona kuva munhu akanaka kunyange ndisingatendi muna Mwari.” Munyika dzakawanda, hazvishamisi kunzwa vanhu vachiti havatendi muna Mwari. Vanogona kunge vasina kunyatsoongorora kuti Mwari ariko here, asi vanofarira pfungwa yekuti munhu akasununguka kuita zvaanoda. (Verenga Pisarema 10:4.) Vamwe vangazviona sevakachenjera pavanoti, “Ndinogona kuita zvinhu zvakanaka ndisingatendi muna Mwari.”

4. Tingakurukura sei nemunhu anotaura kuti hakuna Musiki?

4 Zvinotaurwa nevasingatendi zvekuti hakuna Musiki zvine musoro here? Kana munhu akatarisa zvinotaurwa nesainzi kuti aone kuti zvinhu zvipenyu zvakasikwa here, anogona kurasika zviri nyore nemhaka yemashoko akawandisa uye asinganzwisisiki. Asi mhinduro yacho iri nyore. Kana imba ichifanira kuvakwa nemunhu, zvakadini nezvinhu zvipenyu! Kutaura zvazviri, kunyange masero asina twakawandawanda ezvimwe zvinhu zvipenyu akaoma kunzwisisa kupfuura chero imba ipi zvayo nekuti anokwanisa kuita zvisingagoni kuitwa neimba. Masero anogona kugadzira mamwe masero. Saka masero aya ane nzira yekuchengeta nayo uye yekukopa mashoko anodiwa kuti akwanise kugadzira mamwe masero. Ndiani akaita kuti masero ashande saizvozvo? Bhaibheri rinopindura kuti: “Imba imwe neimwe inovakwa nomumwe munhu, asi iye akavaka zvinhu zvose ndiMwari.”​—VaH. 3:4.

5. Tingati kudii nezvenyaya yekuti munhu anokwanisa kuziva kuti zvakanaka ndezvipi asi asingatendi muna Mwari?

5 Tingati kudii nezvenyaya yekuti munhu anokwanisa kuziva kuti zvakanaka ndezvipi asi asingatendi muna Mwari? Shoko raMwari rinobvuma kuti vanhu vasingatendi vanogona kuva nezvimwe zvakanaka zvavanoita. (VaR. 2:14, 15) Semuenzaniso, vanogona kunge vachida uye vachiremekedza vabereki vavo. Asi kana munhu asingabvumi kuti Musiki wedu ane rudo ndiye anofanira kutiisira mitemo yezvakanaka nezvakaipa, munhu wacho anogona kungoita zvisarudzo zvakaipa. (Isa. 33:22) Vanhu vane njere vakawanda vachabvuma kuti mamiriro ezvinhu akaipa ari panyika anoratidza kuti vanhu vanofanira kubatsirwa naMwari. (Verenga Jeremiya 10:23.) Saka hatifaniri kufunga kuti munhu anokwanisa kuziva kuti zvakanaka ndezvipi asingatendi muna Mwari uye asingatevedzeri zvaanotaura.​—Pis. 146:3.

TINOFANIRA KUVA NECHITENDERO CHATINOPINDA HERE?

6. Vanhu vakawanda vanoona sei zvechitendero?

6 “Unogona kufara usina chitendero chaunopinda.” Mafungiro aya enyika anofarirwa nevakawanda munyika zhinji nekuti vanoona zvechitendero sezvisinganakidzi uye zvisina basa. Uyewo, zvitendero zvakawanda zvinoita kuti vanhu vasada Mwari kuburikidza nekudzidzisa nezvehero yemoto, kutora mari yechegumi kana kuparidza zvematongerwo enyika. Ndosaka vakawanda vachifunga kuti vanogona kufara vasingaiti zvechitendero. Vanhu vakadaro vangati, “Ndinofarira zvaMwari, asi handidi kuva nechitendero chandinopinda.”

7. Chitendero chechokwadi chinoita sei kuti pave nemufaro?

7 Ichokwadi here kuti munhu anogona kufara asina chitendero chaanopinda? Chokwadi ndechekuti munhu anogona kufara kana asina chitendero chenhema chaanopinda, asi munhu haakwanisi kunyatsofara kunze kwekunge aine ushamwari naJehovha, uyo anorondedzerwa ‘saMwari anofara.’ (1 Tim. 1:11) Zvese zvinoitwa naMwari zvinobatsira vamwe. Vashumiri vake vanofara nekuti vanoisa pfungwa pakubatsira vamwe. (Mab. 20:35) Semuenzaniso, funga kuti kunamata kwechokwadi kunobatsira sei kuti mhuri dzifare. Kunamata kwechokwadi kunotidzidzisa kukudza uye kuremekedza watakachata naye, kuona mhiko dzedu dzemuchato setsvene, kudzivisa upombwe, kurera vana nenzira yakanaka, uye kuratidza rudo rwechokwadi. Saka kunamata kwakadaro kunobatanidza vanhu muungano dzine mufaro uye musangano rine mufaro riri pasi rese.​—Verenga Isaya 65:13, 14.

8. Tingashandisa sei Mateu 5:3 kuti tikurukure mubvunzo wekuti, Chii chinoita kuti vanhu vafare?

8 Tingatii nezvepfungwa yenyika yekuti munhu anogona kufara asingashumiri Mwari? Funga nezvemubvunzo wekuti, Chii chinoita kuti vanhu vafare? Vamwe vanogutsikana nekuva nebasa, kuita zvemitambo, kana kuita chimwe chinhu chekuzvivaraidza nacho. Vamwe vanogutsikana nekuitira vemumhuri kana kuti shamwari dzavo zvinhu zvakanaka. Zvinhu zvese izvi zvinogona kuita kuti tifare, asi upenyu hwedu hune chinangwa chikuru chinotoita kuti tifare nekusingaperi. Kusiyana nemhuka, tinogona kuziva Musiki wedu uye kumushumira takatendeka. Takasikwa nenzira inoita kuti tiwane mufaro patinoita izvozvo. (Verenga Mateu 5:3.) Semuenzaniso, vanamati vechokwadi vanowana mufaro uye vanokurudzirwa pavanoungana pamwe chete kuti vanamate Jehovha. (Pis. 133:1) Vanonakidzwawo nekuva musangano rakabatana, kurarama upenyu hwakanaka uye kuva netariro inofadza.

TINOFANIRA KUVA NETSIKA DZATINOTEVEDZERA HERE?

9. (a) Vakawanda munyika vanotii nezvenyaya yebonde? (b) Nei Shoko raMwari richirambidza kuti vanhu vasina kuchata vaende pabonde?

9 “Pane chakaipa here pakurara nemunhu wausina kuchata naye?” Vanhu vangati kwatiri: “Munhu anofanira kunakidzwa neupenyu. Nei muchiti kurara nemunhu wausina kuchata naye kwakaipa?” Pfungwa yekuti muKristu anofanira kuona unzenza hwepabonde sehusina kuipa haina kunaka. Nemhaka yei? Nekuti Shoko raMwari rinorambidza unzenza hwepabonde. * (Verenga 1 VaTesaronika 4:3-8.) Jehovha ane kodzero yekutipa mitemo nekuti akatisika. Mutemo waMwari unobvumira kuti murume nemukadzi vakachata chete vaende pabonde. Mwari anotipa mitemo nekuti anotida. Mitemo yacho inotibatsira. Vanhu vari mumhuri dzinoteerera mitemo yacho vane rudo, vanoremekedzana uye havana chekutyira. Mwari acharanga vese vasingateereri mitemo yake asi vachiiziva.​—VaH. 13:4.

10. MuKristu angatambira sei kure neunzenza hwepabonde?

10 Shoko raMwari rinotidzidzisa kuti titambire kure neunzenza hwepabonde. Nzira inokosha yekuita izvozvo ndeyekudzora zvatinotarisa. Jesu akati: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make. Zvino kana ziso rako rokurudyi iroro richiita kuti ugumburwe, ribvise urirasire kure newe.” (Mat. 5:28, 29) Saka muKristu achadzivisa kutarisa zvinonyadzisira kana kuteerera mimhanzi ine mashoko eunzenza. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve.” (VaK. 3:5) Tinofanirawo kudzora zvatinofunga uye zvatinotaura nezvazvo.​—VaEf. 5:3-5.

TINOFANIRA KUISA PFUNGWA PABASA REKUNYIKA HERE?

11. Nei kuisa pfungwa pabasa rekunyika kungaita kuti munhu atorwe mwoyo?

11 “Basa rinobhadhara rinoita kuti munhu afare.” Vanhu vakawanda vanotikurudzira kuti tiise pfungwa dzedu pabasa rekunyika kunyanya riya ringaita kuti munhu ave nechinzvimbo, simba uye upfumi. Nemhaka yekuti vakawanda vanoisa pfungwa dzavo pakuita basa rinobhadhara, muKristu angapedzisirawo ava nemafungiro akadaro.

12. Kubudirira pabasa rinobhadhara uye rinounza mukurumbira ndiko kunoita kuti munhu afare here?

12 Ichokwadi here kuti kubudirira pabasa rekunyika, iro rinoita kuti munhu ave nesimba nemukurumbira, kunoita kuti afare zvikuru? Aiwa. Yeuka kuti chishuwo chekuda kudzora vamwe uye chekuda kuyemurwa ndizvo zvakakwezva Satani, asi haasi kufara uye akatsamwa. (Mat. 4:8, 9; Zvak. 12:12) Kubatsira vanhu kuti vadzidze nezveuchenjeri hwaMwari kuitira kuti vawane upenyu husingaperi kunoita kuti munhu awane mufaro wechokwadi, asi basa rekunyika rinongoita kuti munhu agutsikane zvishoma. Uyewo munyika ino mune makwikwi akanyanyisa. Nyika inokurudzira vanhu kuti vade kukunda vamwe, inokonzera godo uye pakupedzisira zvese zvinova “kudzingana nemhepo.”—Mup. 4:4.

13. (a) Tinofanira kuona sei basa rekunyika? (b) Maererano netsamba yaakanyorera vaTesaronika, chii chakaita kuti Pauro awane mufaro mukuru?

13 Ichokwadi kuti tinofanira kuwana cheuviri uye hapana chakaipa nekusarudza basa ratinofarira. Asi basa rekunyika harifaniri kuva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu. Jesu akati: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mat. 6:24) Patinoisa pfungwa pakushumira Jehovha uye kudzidzisa vamwe Shoko rake, tinowana mufaro usingaenzaniswi. Muapostora Pauro akawana mufaro wakadaro. Paaiva mudiki, akaisa pfungwa dzake pakuva nebasa raizoita kuti abudirire. Pava paya, akazowana mufaro wechokwadi paakaona kuti zvinotaurwa naMwari zvakachinja sei upenyu hwevanhu vaakaparidzira. (Verenga 1 VaTesaronika 2:13, 19, 20.) Hapana rimwe basa rinounza mufaro wakadaro.

Kubatsira vamwe kuti vadzidze nezveuchenjeri hwaMwari kunounza mufaro wechokwadi (Ona ndima 12, 13)

TINOGONA KUGADZIRISA MATAMBUDZIKO EVANHU HERE?

14. Nei vamwe vangafarira pfungwa yekuti vanhu vanogona kugadzirisa vega matambudziko avo?

14 “Vanhu vanogona kugadzirisa vega matambudziko avo.” Vakawanda vangafarira pfungwa iyi yenyika. Nemhaka yei? Kudai iri yechokwadi, zvaizoreva kuti vanhu havafaniri havo kutungamirirwa naMwari uye kuti vanogona kuita chero zvavanoda. Uyewo pfungwa yekuti vanhu vanogona kugadzirisa vega matambudziko avo ingaonekwa nevamwe seyechokwadi nekuti maererano nedzimwe ongororo zvinhu zvakadai sehondo, kuparwa kwemhosva, zvirwere uye urombo zviri kudzikira. Mumwe mushumo unoti: “Chikonzero chiri kuita kuti upenyu hwevanhu huve nani ndechekuti vanhu vava kuda kuita kuti nyika ive nzvimbo iri nani.” Mashoko akadaro anoratidza here kuti vanhu vava kuziva kuti vanogadzirisa sei matambudziko avaonesa chitsvuku kwenguva yakareba? Kuti tiwane mhinduro ngatinyatsoongororai matambudziko acho.

15. Ndezvipi zvinoratidza kuti vanhu vane matambudziko akakura?

15 Hondo: Hondo yenyika yekutanga neyechipiri dzakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 60 kana kupfuura. Kubva pakapera Hondo Yenyika II, vanhu vari kutadza kuita kuti pasava nehondo. Pakazosvika 2015, nhamba yevanhu vakamanikidzwa kusiya misha yavo pamusana pehondo kana kutambudzwa yakanga yasvika mamiriyoni 65. Vanhu vanenge mamiriyoni 12,4 vakamanikidzwa kusiya misha muna 2015 chete. Kuparwa kwemhosva: Kunyange zvazvo dzimwe mhosva dzava shoma mune dzimwe nzvimbo, dzimwe mhosva dzakadai sedzinoparwa pachishandiswa makombiyuta kana Indaneti, kurwisana mudzimba uye ugandanga dziri kuwedzera zvinotyisa. Kuwedzera pane izvozvo, vanhu vakawanda vanobvuma kuti pasi rese uori hwawedzera. Vanhu havakwanisi kupedza kuparwa kwemhosva. Zvirwere: Zvimwe zvirwere zvava kurapika. Asi mumwe mushumo wakabuda muna 2013 unoti gore negore vanhu vanosvika mamiriyoni 9 vari pasi pemakore 60 vanofa nezvirwere zvemwoyo, sitiroko, kenza, zvirwere zvinokanganisa kufema uye chirwere cheshuga. Urombo: Maererano neWorld Bank, nhamba yevanhu vari muurombo hwakanyanyisa muAfrica chete yakabva pamamiriyoni 280 muna 1990 kusvika kumamiriyoni 330 muna 2012.

16. (a) Nei Umambo hwaMwari huri ihwo chete hunokwanisa kupedza matambudziko evanhu? (b) Isaya uye munyori wemapisarema vakataura kuti Umambo huchaunza makomborero api?

16 Zveupfumi uyewo zvematongerwo enyika zviri mumaoko evanhu vane udyire. Zviri pachena kuti vanhu vakadaro havakwanisi kupedza hondo, kuparwa kwemhosva, zvirwere uye urombo, asi Umambo hwaMwari chete ndihwo hunokwanisa. Ona zvichaitirwa vanhu naJehovha. Hondo: Umambo hwaMwari huchabvisa zvinhu zvinokonzera hondo zvakadai seudyire, uori, kunyanya kuda nyika yatinogara, zvitendero zvenhema, uye Satani pachake. (Pis. 46:8, 9) Kuparwa kwemhosva: Umambo hwaMwari huri kutodzidzisa mamiriyoni evanhu kuti vadanane uye vavimbane nepo hapana imwe hurumende inogona kuita izvozvo. (Isa. 11:9) Zvirwere: Jehovha achaita kuti vanhu vake vave neutano hwakakwana. (Isa. 35:5, 6) Urombo: Jehovha achahupedza uye achaita kuti vanhu vake vave neupenyu hunofadza uye ukama hwakanaka naye. Izvi zvinokosha chaizvo kupfuura chero mari yakawanda zvakadini.​—Pis. 72:12, 13.

“MUZIVE MAPINDURIRO AMUNOFANIRA KUITA”

17. Ungaramba sei mafungiro enyika?

17 Kana ukanzwa imwe pfungwa yenyika inopesana nezvaunotenda, tsvakurudza zvinotaurwa neShoko raMwari nezvenyaya yacho uye kurukura nezvayo nemumwe muKristu ane ruzivo. Funga kuti nei pfungwa yacho ingafarirwa nevakawanda, nei mafungiro akadaro akarasika, uye kuti ungaaramba sei. Tese zvedu tinogona kuzvidzivirira pamafungiro enyika nekuteerera nyevero yakapiwa ungano yemuKorose naPauro yekuti: “Rambai muchifamba nokuchenjera kune vaya vari kunze . . . Muzive mapinduriro amunofanira kuita.”​—VaK. 4:5, 6.

^ ndima 9 Vanhu vakawanda havazivi kuti mashoko anowanika mune mamwe maBhaibheri pana Johani 7:53–8:11 akaita zvekuwedzeredzwa uye akanga asimo muzvinyorwa zvakafemerwa zvekutanga. Vachizvitorera pamashoko aya, vamwe vanoti munhu asina chivi ndiye chete anogona kuti mumwe munhu ane mhosva yeupombwe. Asi mutemo wakapiwa vaIsraeri naMwari wakati: “Kana murume akawanikwa akarara nomukadzi womuridzi, vose vanofanira kufa pamwe chete.”​—Dheut. 22:22.