Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tevedzera Kururamisira Uye Ngoni dzaJehovha

Tevedzera Kururamisira Uye Ngoni dzaJehovha

“Tongai nokururamisira kwechokwadi; uye itiranai mutsa worudo nengoni.”​—ZEK. 7:9.

NZIYO: 125, 88

1, 2. (a) Jesu aiona sei Mutemo waMwari? (b) Vanyori nevaFarisi vaishandisa sei Mutemo zvisiri izvo?

JESU aida Mutemo waMosesi. Izvozvo hazvishamisi nekuti Mutemo wacho wakabva kuna Baba vake, Jehovha, avo vanokosha chaizvo kwaari. Madiro aiita Jesu mutemo waMwari akataurwa muuprofita huri pana Pisarema 40:8 hunoti: “Ndakafarira kuita zvamunoda, haiwa Mwari wangu, mutemo wenyu uri mukati mangu.” Jesu akaratidza nemashoko nemabasa kuti Mutemo waMwari wainge wakakwana, waibatsira, uye waitozozadziswa.​—Mat. 5:17-19.

2 Saka Jesu anofanira kunge akarwadziwa chaizvo paakaona vanyori nevaFarisi vachishandisa Mutemo waBaba vake zvisiri izvo. Vainyatsotevedzera tumwe tunhu tudiki diki twaiva muMutemo, sezvakataurwa naJesu kuti: “Munopa chegumi chemindi nedhiri nekumini.” Saka dambudziko raiva papi? Jesu akawedzera kuti: “Asi makarega nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni uye kutendeka.” (Mat. 23:23) Kusiyana nevaFarisi ivavo vaizviita vakarurama, Jesu ainzwisisa chinangwa cheMutemo uye kuti murayiro mumwe nemumwe wairatidzei nezvaJehovha.

3. Nyaya ino ichataura nezvei?

3 SevaKristu, hatisi pasi pesungano yeMutemo. (VaR. 7:6) Asi Jehovha akatichengetera Mutemo iwoyo muShoko rake, Bhaibheri. Haadi kuti tinyanye kungofunga nezvetunhu tudiki diki twuri muMutemo, asi kuti tinzwisise uye tishandise “nyaya dzakakura” dziri mauri, kureva chokwadi chinokosha chinoita kuti pave nemirayiro iri muMutemo. Semuenzaniso, chii chatinganzwisisa paurongwa hwemaguta ekupotera? Nyaya yakapfuura yakataura zvidzidzo zvatinodzidza pamatanho aitorwa nemupoteri. Asi kubva paurongwa hwemaguta ekupotera tinodzidzawo nezvaJehovha uye kuti tingatevedzera sei unhu hwake. Saka nyaya ino ichapindura mibvunzo mitatu inoti: Maguta ekupotera anoratidza sei kuti Jehovha ane ngoni? Maguta acho anotidzidzisei nezvemaonero aanoita upenyu? Maguta acho anoratidza sei kuti kururamisira kwake kwakakwana? Pamubvunzo mumwe nemumwe, tsvaga nzira dzaungatevedzera nadzo Baba vako vekudenga.​—Verenga VaEfeso 5:1.

“MAGUTA ANOKUITIRAI NYORE KUSVIKA”​—KURATIDZWA KWENGONI

4, 5. (a) Chii chakaitwa kuti zvive nyore kusvika kumaguta ekupotera uye zvakaitirwei? (b) Izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha?

4 Zvaiva nyore kusvika kumaguta 6 ekupotera. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vaise maguta matatu kumhiri imwe neimwe yeRwizi rwaJodhani. Akazviitirei? Kuitira kuti zvive nyore kuti munhu aitiza akurumidze kuwana kwekupotera. (Num. 35:11-14) Migwagwa yaienda kumaguta ekupotera yaigara yakanaka. (Dheut. 19:3) Maererano nemabhuku echiJudha, pane zvikwangwani zvaiiswa kuti zviratidze vapoteri kune maguta acho. Sezvo paiva nemaguta ekupotera, munhu ainge auraya netsaona aisava hake nechikonzero chekutizira kune imwe nyika kwaaigona kuzova pamuedzo wekunamata vanamwari venhema.

5 Chimbozvifunga kuti Jehovha, uyo akaisa mutongo werufu pavanhu vaiuraya nemaune, ndiye akaita kuti munhu aiuraya mumwe netsaona anzwirwe tsitsi uye adzivirirwe. Mumwe muongorori weBhaibheri akanyora kuti, “Zvinhu zvese zvakaitwa kuti zvive nyore sezvingabvira. Idzi dzaiva nyasha dzaMwari.” Jehovha haasi mutongi ane mwoyo wakaoma anofarira kuranga vashumiri vake. Asi “ane ngoni zhinji.”​—VaEf. 2:4.

6. Maonero evaFarisi aipesana sei nengoni dzaMwari?

6 Kusiyana naizvozvo, vaFarisi vakanga vasingadi kuratidza ngoni. Semuenzaniso, maererano netsika yavo, vakanga vasingadi kuregerera munhu chinhu chimwe chete kanopfuura katatu. Jesu akataura nezvemaonero avaiita vanhu vainge vatadza kuburikidza nekutaura muenzaniso wemuFarisi akanyengetera achiti: “Haiwa Mwari, ndinokuongai kuti handina kufanana nevamwe vanhu vose, makororo, vasina kururama, mhombwe, kunyange nomuteresi uyu,” kureva muteresi ainyengetera achizvininipisa kuna Mwari kuti anzwirwe ngoni. Nei vaFarisi vaisatomboda kuratidza ngoni? Bhaibheri rinoti “vaiona vamwe vose sepasina.”​—Ruka 18:9-14.

Uri kuita kuti zvirambe zviri nyore here kuti vamwe vakukumbire ruregerero? Iva munhu anotaurika naye (Ona ndima 4-8)

7, 8. (a) Kana mumwe munhu akakutadzira, ungatevedzera sei Jehovha? (b) Nei kuregerera kuchiratidza kuti munhu anozvininipisa here kana kuti kwete?

7 Tevedzera Jehovha kwete vaFarisi. Ratidza tsitsi. (Verenga VaKorose 3:13.) Ita kuti zviitire vamwe nyore kukukumbira ruregerero. (Ruka 17:3, 4) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoregerera vanhu here kunyange vanoramba vachinditadzira? Ndinoda here kuvazve nerugare nemunhu anenge anditadzira kana kuti anenge andirwadzisa?’

8 Nyaya yekuregerera vamwe inobudisa pachena kuti tinozvininipisa here kana kuti kwete. VaFarisi vakatadza kuratidza kuzvininipisa nekuti vaitarisira vamwe pasi. Zvisinei, sevaKristu tinofanira kuratidza kuzvininipisa ‘tichifunga kuti vamwe vakuru kwatiri.’ (VaF. 2:3) Uchatevedzera Jehovha here woratidza kuzvininipisa? Ita kuti zvirambe zviri nyore kuti vamwe vakukumbire ruregerero. Iva munhu anokurumidza kuratidza ngoni uye anononoka kugumbuka.​—Mup. 7:8, 9.

REMEKEDZA UPENYU KUTI “PAREGE KUVA NEMHOSVA YEROPA INOVA PAURI”

9. Jehovha akaita sei kuti abatsire vaIsraeri kunyatsoona kuti upenyu hwemunhu hutsvene?

9 Chinangwa chinokosha chemaguta ekupotera chaiva chekudzivirira vaIsraeri kuti vasava nemhosva yekuuraya munhu ainge auraya mumwe netsaona. (Dheut. 19:10) Jehovha anoda upenyu uye anovenga “maoko anoteura ropa risina mhosva.” (Zvir. 6:16, 17) Mwari akarurama uye mutsvene aisakwanisa kungosiya kunyange munhu aiteura ropa netsaona. Ichokwadi kuti munhu aiuraya mumwe netsaona ainzwirwa ngoni. Kunyange zvakadaro, aifanira kutaura nyaya yake kuvakuru, uye kana zvaakaita zvikanzi yaiva tsaona aifanira kuramba ari muguta rekupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Izvi zvaigona kureva kuti aizoita mupenyu hwake hwese ari ikoko. Izvi zvaiita kuti vaIsraeri vese vanyatsoona kuti upenyu hwemunhu hutsvene. Kuti vakudze Mupi Weupenyu, vaifanira kudzivisa kuita zvinhu zvaiisa upenyu hwevamwe pangozi.

10. Maererano nezvakataurwa naJesu, vanyori nevaFarisi, vairatidza sei kuti vakanga vasina kana hanya neupenyu?

10 Kusiyana naJehovha, vanyori nevaFarisi vairatidza kuti vakanga vasina kana hanya neupenyu. Vaizviita sei? “Makabvisa kiyi yezivo,” Jesu akavaudza kudaro. “Imi hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vaipinda!” (Ruka 11:52) Vaifanira kubatsira vanhu kunzwisisa zvinorehwa neShoko raMwari uye kuvabatsira kuti vafambe munzira inoenda kuupenyu husingaperi. Pane kudaro, vaiita kuti vanhu vasaenda kune “Mumiririri Mukuru woupenyu,” Jesu, vachivatungamirira munzira yaigona kuita kuti vazoparadzwa nekusingaperi. (Mab. 3:15) Vachiratidza kuzvikudza uye udyire, vanyori nevaFarisi vakanga vasina hanya neupenyu hwevamwe uye kugara zvakanaka kwavo. Vakanga vasina ngoni uye vaiva neutsinye chaizvo.

11. (a) Muapostora Pauro akaratidza sei kuti aiona upenyu sezvinoita Mwari? (b) Chii chichatibatsira kuti tione ushumiri semaonero aiita Pauro?

11 Tingadzivisa sei maonero evanyori nevaFarisi totevedzera Jehovha? Tinofanira kuremekedza uye koshesa chipo cheupenyu. Muapostora Pauro akaita izvozvo kuburikidza nekunyatsoita basa rekuparidza. Izvozvo zvakaita kuti akwanise kutaura kuti: “Ndakachena paropa revanhu vose.” (Verenga Mabasa 20:26, 27.) Asi Pauro aisangoita basa rekuparidza nekuti ndizvo zvaaifanira kuita kana kuti aizova nemhosva akasariita. Panzvimbo pezvo, aida vanhu uye upenyu hwavo hwaikosha chaizvo kwaari. (1 VaK. 9:19-23) Saka tinofanira kuedzawo kuona upenyu semaonero anoita Mwari. Jehovha “anoda kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Pet. 3:9) Ndizvo zvaunodawo here? Uchaona kuti kuva nechido chekunzwira vamwe ngoni mumwoyo mako kuchaita kuti ushingaire muushumiri uye uwedzere kufara.

12. Nei vanhu vaMwari vachikoshesa nyaya yekungwarira njodzi?

12 Tinoratidzawo kuti tinoona upenyu semaonero anoita Jehovha kuburikidza nekukoshesa nyaya yekungwarira njodzi. Tinofanira kudhiraivha mota uye kushanda zvisina ngozi, kunyange patinenge tichivaka nzvimbo dzekunamatira, kudzigadziridza, kana kuti patinenge tichienda kwadziri. Usambofa wakakoshesa kuita zvakawanda pabasa, mari, kana kuti nguva kupfuura kuchengeteka uye utano. Mwari wedu anogara achiita zvinhu zvakarurama uye zvakakodzera. Tinoda kuita saiye. Vakuru vanoedza kuva vakangwarira kuti vave vakachengeteka uyewo kuti vamwe vari kushandira pedyo navo vavewo vakachengeteka. (Zvir. 22:3) Saka kana mukuru akakuyeuchidza nezvekuchengeteka, gamuchira zano rake. (VaG. 6:1) Ona upenyu sezvinoita Jehovha kuti “parege kuva nemhosva yeropa inova pauri.”

‘TONGAI MAERERANO NEKUTONGA UKU’

13, 14. Vakuru vemuIsraeri vaigona kuratidza sei kururamisira kwaJehovha?

13 Jehovha akaudza vakuru vemuIsraeri kuti vatevedzere kururamisira kwake kwakakwirira. Vakuru vaifanira kutanga vaziva zvakaitika zvacho. Uye pakusarudza kuti voratidza ngoni here, vaifanira kunyatsoongorora vavariro yemuurayi, mafungiro ake, uye maitiro aaimboita. Kuti varatidze kururamisira kwaMwari, vaifanira kuona kuti mupoteri akauraya mumwe “nokuti anomuvenga” uye “akavandira” here. (Verenga Numeri 35:20-24.) Kana paizodiwa zvapupu, paifanira kuva nezvapupu zviviri kana kupfuura, zvaipa uchapupu hwekuti munhu akauraya achida.​—Num. 35:30.

14 Saka pashure pekuziva zvakaitika zvacho, vakuru vaifanira kutarisa munhu wacho, kwete kungotarisa zvaakatadza chete. Vaifanira kuva neungwaru nekunzwisisa, kuti vakwanise kuona zvinhu zvisiri pachena uye kuona zvikonzero zvainge zvaita kuti munhu apare mhosva. Kupfuura zvese, vaifanira kuva nemweya mutsvene waJehovha, uyo waizovabatsira kuti varatidze ungwaru nekunzwisisa, ngoni uye kururamisira sezvinoita Jehovha.​—Eks. 34:6, 7.

15. Maonero aiita Jesu vatadzi ainge akasiyana papi neevaFarisi?

15 VaFarisi vaingoisa pfungwa pane zvainge zvaitwa nemutadzi pane kudziisa pakuti mutadzi wacho aiva nemwoyo wakaita sei. VaFarisi pavakaona Jesu achidya nevamwe kumba kwaMateu, vakabvunza vadzidzi vake kuti: “Nei mudzidzisi wenyu achidya nevateresi nevatadzi?” Jesu akapindura kuti: “Vanhu vakagwinya havadi chiremba, asi vanorwara vanomuda. Saka endai, mudzidze kuti izvi zvinorevei, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.” (Mat. 9:9-13) Jesu akanga achipembedza zvakaipa here? Aiwa. Mashoko anokosha aiparidzwa naJesu aisanganisira mashoko ekuti vanhu vapfidze pazvivi. (Mat. 4:17) Jesu akaona kuti paiva nevamwe ‘vateresi nevatadzi’ vaida kuchinja. Vakanga vasina kungofambira zvekudya. Asi ‘paiva nevazhinji vavo vaitevera Jesu.’ (Mako 2:15) Zvinosuwisa kuti vaFarisi vakatadza kuona zvaionekwa naJesu pavanhu ivavo. Kusiyana naMwari anoruramisira uye ane ngoni wavaiti vainamata, vaFarisi vaiona vamwe vanhu sevatadzi, vachivati vaisava netariro.

16. Dare rinotonga rinoedza kuongorora chii?

16 Vakuru vanofanira kutevedzerawo Jehovha, uyo “anoda kururamisira.” (Pis. 37:28) Kutanga, vanofanira ‘kuongorora uye kubvunzisisa’ kuti vaone kana paine chivi chakaitwa. Kana chiripo, vanobva vabata nyaya yacho maererano nezvinotaurwa neMagwaro. (Dheut. 13:12-14) Pavanenge vari mudare rinotonga vanofanira kunyatsoongorora kana muKristu akaita chivi chakakura ari kupfidza. Hazvisi nyore kuona kuti munhu ari kupfidza here kana kuti kwete. Kupfidza kunosanganisira maonero ake, mafungiro ake, uye mwoyo wake. (Zvak. 3:3) Mutadzi anofanira kupfidza kuti anzwirwe ngoni. *

17, 18. Vakuru vangaona sei kana munhu ari kupfidza zvechokwadi? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

17 Kusiyana naJehovha naJesu, vakuru havakwanisi kuona zviri mumwoyo. Saka kana uri mukuru, ungakwanisa sei kuona kana munhu apfidza zvechokwadi? Kutanga, nyengeterera uchenjeri uye kunzwisisa. (1 Madz. 3:9) Chechipiri, verenga Shoko raMwari uye mabhuku anobva kumuranda akatendeka kuti akubatsire kusiyanisa “kusuruvara kwenyika” ‘nekusuruvara sezvinodiwa naMwari,’ kureva kupfidza kwechokwadi. (2 VaK. 7:10, 11) Ona kuti Magwaro anorondedzera sei vanhu vanenge vapfidza uye vanenge vasina. Bhaibheri rinorondedzera sei manzwiro avo, maonero avo uye kuzvibata kwavo?

18 Chekupedzisira, edza kuona munhu wacho sezvaari. Funga nezvekuti mutadzi wacho ari mumamiriro ezvinhu akaita sei, ane vavariro dzipi. Richitaura nezvaJesu, musoro weungano, Bhaibheri rakaprofita kuti: “Haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera vakaderera nokururama, uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika.” (Isa. 11:3, 4) Imi vakuru, muri vafudzi vadiki vakagadzwa naJesu, uye achakubatsirai kuti mutonge sematongero aanoita. (Mat. 18:18-20) Tinotenda chaizvo kuti tine vakuru vane hanya nesu vanoda kuita kudaro! Tinoonga kushanda nesimba kwavanoita kuti tive vanoruramisira uye vane ngoni muungano.

19. Uri kuronga kushandisa chidzidzo chipi chinowanika pamaguta ekupotera?

19 Mutemo waMosesi wairatidza “kuumbwa kwezivo nokwechokwadi” pamusoro paJehovha nemitemo yake yakarurama. (VaR. 2:20) Semuenzaniso, maguta ekupotera anodzidzisa vakuru kuti vangaita sei kuti ‘vatonge nekururamisira,’ uye anotidzidzisa tese kuti tingaratidzana sei ‘rudo rwakavimbika nengoni.’ (Zek. 7:9) Hatisisiri pasi peMutemo waMosesi. Kunyange zvakadaro, Jehovha haachinji, uye kururamisira nengoni zvichiri kukosha kwaari. Iropafadzo chaiyo kunamata Mwari akadaro. Ngatitevedzerei unhu hwake hwakanaka uye ngatipoterei kwaari kuti tive vakachengeteka!

^ ndima 16 Ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaSeptember 15, 2006, peji 30.