Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Uri Kuita Kuti Mafungiro aJehovha Avewo Ako Here?

Uri Kuita Kuti Mafungiro aJehovha Avewo Ako Here?

“Shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu.”​—VAR. 12:2.

NZIYO: 56, 123

1, 2. Patinowedzera kuva pedyo naJehovha, tinodzidza kuitei? Taura muenzaniso.

MWANA mudiki anopiwa chipo, vabereki vake vobva vamuudza kuti “Ita maita basa.” Mwana wacho anongoita izvozvo asi zvisingabvi pamwoyo. Paanokura, anowedzera kuonga mafungiro evabereki vake uye mutsa waanoratidzwa nevamwe vanhu. Iye zvino anenge ava kuonga ega zvichibva pamwoyo. Nei? Nekuti akadzidza kuva munhu anoonga.

2 Saizvozvowo, patakatanga kuziva chokwadi, takadzidza kuti kuteerera mirayiro yaJehovha kunokosha. Asi patinoramba tichiswedera pedyo naJehovha, tinodzidza zvakawanda nezvemafungiro ake, zvaanofarira nezvaasingafariri uye maonero aanoita nyaya dzakasiyana-siyana. Nekudzidza kufunga saizvozvo uye nekuita kuti mafungiro akadaro atungamirire zvatinoita uye zvatinosarudza, tinoratidza kuti tiri kuva nemafungiro aJehovha.

3. Nei zvingatiomera kuva nemafungiro aJehovha?

3 Kunyange zvazvo kudzidza kuva nemafungiro aJehovha kuchifadza, kunogonawo kuoma. Dzimwe nguva chivi chatiinacho chinogona kukanganisa mafungiro edu. Semuenzaniso, zvinogona kutiomera kunzwisisa maonero anoita Jehovha unzenza, kuda pfuma, basa rekuparidza, kushandisa ropa zvisiri izvo uyewo dzimwe nyaya. Saka tingaita sei? Tingaramba sei tichiwedzera kuva nemafungiro aJehovha? Uye kuita izvozvo kunotibatsira sei pakuita zvisarudzo zvakanaka iye zvino uye mune ramangwana?

ZVATINGAITA KUTI TIVE NEMAFUNGIRO AMWARI

4. Kuchinja pfungwa dzedu kunosanganisirei?

4 Verenga VaRoma 12:2. Muvhesi iyi muapostora Pauro anotaura zvatinofanira kuita kuti tidzidze kuva nemafungiro aJehovha. Akati tinofanira ‘kurega kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.’ Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, tinofanira kuramba maonero uye mafungiro enyika. Asi Pauro akataurawo kuti tinofanira ‘kuchinja pfungwa dzedu.’ Izvi zvinosanganisira kudzidza Shoko raMwari tiine chinangwa chekunzwisisa mafungiro ake, kuafungisisa uye kuita kuti mafungiro edu aenderane neake.

5. Kudzidza kuita sei?

5 Kudzidza hakusi kungoverenga mashoko uchimhanya-mhanya kana kungomaka mhinduro dzemibvunzo yekudzidza. Patinodzidza, tinotarisa kuti mashoko acho anotiudzei nezvaJehovha, nzira dzake, uye mafungiro ake. Tinoedza kunzwisisa kuti nei Mwari achitirayira kuti tiite zvimwe zvinhu uye achitirambidza kuita zvimwe zvinhu. Tinofungawo kuti zvii zvatinofanira kuchinja muupenyu hwedu uye pamafungiro edu. Kunyange zvazvo tingasafunga zvese izvi pese patinodzidza, tinobatsirwa kana tikafungisisa kwenguva yakaenzana neyatinenge tashandisa pakuverenga.​—Pis. 119:97; 1 Tim. 4:15.

6. Chii chinoitika patinofungisisa zviri muShoko raMwari?

6 Tikagara tichifungisisa zviri muShoko raMwari, tinosvika ‘pakuziva’ kana kuti kuva nechokwadi chekuti mafungiro aJehovha akakwana. Tinotanga kunzwisisa maonero aanoita zvinhu uye tinobvumirana nemaonero iwayo. Pfungwa dzedu ‘dzinochinja,’ uye tinotanga kuva nemafungiro matsva. Zvishoma nezvishoma tinova nemafungiro aJehovha.

ZVATINOITA ZVINOBVA PANE ZVATINOFUNGA

7, 8. (a) Jehovha anoona sei zvinhu zvekurarama nazvo? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.) (b) Kana tikava nemaonero ake, chii chatichanyanya kukoshesa?

7 Manzwiro edu uye zvatinoita zvinobva pane zvatinofunga. (Mako 7:21-23; Jak. 2:17) Kuti tinyatsonzwisisa izvi ngationgororei mienzaniso mishomanana. Wekutanga, mabhuku eEvhangeri anonyatsoratidza kuti Jehovha anoona sei zvinhu zvekurarama nazvo. Mwari akasarudza Josefa naMariya kuti varere Mwanakomana wake kunyange zvazvo vaiva vanhu vakaderera. (Revh. 12:8; Ruka 2:24) Jesu paakaberekwa, Mariya “akamuradzika muchidyiro chezvipfuwo, nokuti mumba mevaeni makanga musina nzvimbo yokuti vagare.” (Ruka 2:7) Kudai Jehovha aida hake, angadai akaita kuti pave nenzvimbo iri nani yekuti Mwanakomana wake aberekerwe. Asi chainyanya kukosha kwaari ndechekuti Mwanakomana wake arerwe mumhuri yaida zvekunamata.

8 Nyaya iyi yekuberekwa kwaJesu, inotidzidzisa maonero anoita Jehovha zvinhu zvekurarama nazvo. Vamwe vabereki vanoda kuti vana vavo vabudirire muupenyu, kunyange zvazvo zvichizokanganisa ushamwari hwavo naJehovha. Asi zviri pachena kuti chinonyanya kukosha kuna Jehovha ndechekuti tive neushamwari hwakanaka naye. Une maonero aJehovha here panyaya iyi? Zvaunoita zvinoratidzei?​—Verenga VaHebheru 13:5.

9, 10. Tingaratidza sei kuti tinoona nyaya yekugumbura vamwe semaonerwo ainoitwa naJehovha?

9 Mumwe muenzaniso ndewemaonero anoita Jehovha nyaya yekugumbura vamwe. Jesu akati: “Munhu wose anogumbura mumwe wevaduku ava vanotenda, zvaizomunakira kwazvo kudai guyo rakaita seriya rinotenderedzwa [nedhongi] raizosungirirwa mumutsipa make obva akandwa mugungwa.” (Mako 9:42) Mashoko iwayo anoratidza kuti nyaya yacho haisi yekutamba nayo. Sezvo Jesu akaratidza zvakakwana unhu hwaBaba vake, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anonzwa saizvozvo nezvemunhu anoita zvinhu zvinogumbura mumwe wevateveri vaJesu.​—Joh. 14:9.

10 Tine maonero akafanana neaJehovha naJesu here? Zvatinoita zvinoratidzei? Semuenzaniso, tinogona kunge tichifarira mamwe mapfekero angangoita kuti vamwe vanetseke kana kuti angangoita kuti vamwe vafunge zvebonde. Kuda vatinonamata navo kuchaita kuti tirege mamwe mapfekero atinoda here?​—1 Tim. 2:9, 10.

11, 12. Kudzidza kuvenga zvinovengwa naJehovha uye kuzvidzora, kunotidzivirira sei kuti tisaita zvakaipa?

11 Muenzaniso wechitatu ndewekuti Jehovha anovenga kusarurama. (Isa. 61:8) Kunyange zvazvo achiziva kuti dzimwe nguva zvinotiomera kuti tiite zvakarurama nemhaka yechivi chatinoberekwa tiinacho, anotirayira kuti tivenge zvakaipa sezvaanoita. (Verenga Pisarema 97:10.) Kufungisisa nezvekuti nei Jehovha achivenga uipi kuchatibatsira kuona zvinhu semaonero aanoita, zvotipa simba rekuti tisaita zvakaipa.

12 Kudzidza kuvenga zvakaipa kuchatibatsirawo kuona kuti zvimwe zvinhu zvakaipa kunyange zvazvo zvisingataurwi zvakananga muShoko raMwari. Semuenzaniso, pane mamwe matambiro asina kunaka ari kupararira munyika mazuva ano ekuti mukadzi anotamba akagara pamakumbo emurume. Vamwe vanofunga kuti maitiro iwayo akasiyana nekurara nemumwe munhu saka vanoona pasina chikonzero chekuadzivisa. * Asi kuita izvozvo kunoratidza mafungiro aMwari here, uyo anovenga zvakaipa zvese? Ngatitambirei kure nezvakaipa nekudzidza kuzvidzora uyewo kusema zvinovengwa naJehovha.​—VaR. 12:9.

GARA WAFUNGA ZVAUCHAZOITA

13. Nei tichifanira kugara tafunga nezvemaonero aJehovha pane dzimwe nyaya?

13 Patinenge tichidzidza, tinofanira kufunga kuti Jehovha anoona sei dzimwe nyaya dzatingangosangana nadzo mune ramangwana. Kana zvikaitika kuti tapinda mumamiriro ezvinhu anoda kuti tiite chisarudzo nekukurumidza, tinenge takagadzirira. (Zvir. 22:3) Ngationei mimwe mienzaniso yemuBhaibheri.

14. Tinodzidzei pakuramba kwakaita Josefa kunyengerwa nemudzimai waPotifari?

14 Josefa paakakurumidza kuramba kunyengerwa nemudzimai waPotifari, akaratidza kuti ainge agara afunga nezvemaonero anoita Jehovha kuvimbika muwanano. (Verenga Genesisi 39:8, 9.) Kuwedzera pane izvozvo mapinduriro aakaita mudzimai waPotifari achiti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?” anoratidza kuti aiva nemaonero aMwari. Zvakadini nesu? Ko kana waunoshanda naye akatanga kuita zvinhu zvinoratidza kuti ari kuda kukukwezva. Ko kana ukatumirwa meseji kana kuti pikicha ine chekuita nezvebonde pafoni pako? * Zvinova nyore chaizvo kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha kana tikagara tadzidza nezvemaonero aanoita nyaya dzakadaro uye tikagara tasarudza zvatichazoita.

15. Tingaramba sei takavimbika kuna Jehovha sezvakaitwa nevaHebheru vatatu?

15 Funga nezvemuenzaniso wevaHebheru vatatu vaizivikanwa saShadreki, Misheki naAbhedhinego. Kuramba kwavakaita kunamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari uye kupindura kwavakaita mambo kwairatidza kuti vainge vagara vafunga kuti zvii zvavaizoita kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha. (Eks. 20:4, 5; Dhan. 3:4-6, 12, 16-18) Ngatitii wakumbirwa newaunoshandira kuti ubvise mari yekuti muite mabiko ekupemberera zvinhu zvine chekuita nechitendero chenhema. Unoita sei? Pane kumirira kuti mamiriro ezvinhu aya atange amuka, wadii kugara watsvaga mafungiro aJehovha panyaya dzakadaro iye zvino? Kana zvinhu zvakadaro zvikazoitika, uchaona zviri nyore kuita kana kutaura zvakarurama sezvakaitwa nevaHebheru vatatu.

Wakatsvakurudza, wakanyora gwaro repamutemo rekurapwa rakadai seDPA uye wakataura nachiremba wako here? (Ona ndima 16)

16. Kunyatsonzwisisa mafungiro aJehovha kunotibatsira sei kuti tigare takagadzirira kana zvikaitika kuti tinofanira kurapwa nekukurumidza?

16 Kugara wafunga zvaungaita kuti urambe wakavimbika kunogona kukubatsira paunenge uchifanira kurapwa nekukurumidza. Kunyange zvazvo takatsunga kusaisirwa ropa kana zvikamu zvaro zvikuru zvina, mamwe marapirwo ane chekuita neropa anoda kuti tiite zvisarudzo maererano nemazano eBhaibheri anoratidza mafungiro aJehovha. (Mab. 15:28, 29) Nguva yakanakisisa yekusarudza zvekuita haisi iya yatinenge tava muchipatara, zvichida patinenge tichirwadziwa uye tichifanira kuita chisarudzo nekukurumidza. Ino ndiyo nguva yekutsvakurudza, yekunyora gwaro repamutemo rekurapwa rakadai seDPA uchiratidza zvaunoda uye ndiyo nguva yekutaura nachiremba wako. *

17-19. Nei zvichikosha kuti tidzidze mafungiro aJehovha iye zvino? Taura muenzaniso wemamiriro ezvinhu atinofanira kugara takagadzirira.

17 Pakupedzisira, funga mhinduro yakapiwa naJesu nekukurumidza Petro paakamupa zano raisava neuchenjeri rekuti: “Zviitirei mutsa, Ishe.” Zviri pachena kuti Jesu akanga agara anyatsofunga zvaidiwa naMwari kuti aite uye zvaitaurwa neMagwaro nezveupenyu hwake uye kufa kwake panyika. Kuziva izvi kwakamupa simba rekuramba akatendeka uye achizvipira.​—Verenga Mateu 16:21-23.

18 Mazuva ano Mwari anoda kuti vanhu vake vave neushamwari hwepedyo naye uye vaite zvese zvavanogona mubasa rake. (Mat. 6:33; 28:19, 20; Jak. 4:8) Sezvakaitika kuna Jesu, vanhu vanenge vachifunga kuti vari kutibatsira vangaedza kutibvisa munzira iyoyo. Semuenzaniso, ko kana ukakwidziridzwa kubasa kwako zvichiita kuti mari yaunotambira iwedzere asi chinzvimbo ichocho chichivhiringa kunamata kwako? Ko kana uri mwana wechikoro, wopiwa mukana wekuenda kure nekumba kuti unowedzera dzidzo yako? Panguva iyoyo, ndipo pawaizofanira here kutsvakurudza, kutaura nemhuri yako uye zvichida kutaura nevakuru wozoita chisarudzo? Wadii kudzidza mafungiro aJehovha iye zvino woedza kuva nawo. Kana zvinhu zvakadaro zvikazoitika, hazvizovi muedzo wakakura. Uchanyatsoziva zvaunofanira kuita nekuti wakatosarudza kare kuramba wakaisa pfungwa dzako pakushumira Jehovha.

19 Unogona kufunga nezvemamiriro ezvinhu angangoerekana amuka usingazvitarisiri. Hatikwanisi hedu kugadzirira chinhu chese chingangoitika. Asi kana tikafungisisa nezvemafungiro aJehovha patinenge tichidzidza tiri tega, zvichava nyore chaizvo kuti tiyeuke zvatinenge tadzidza uye tizozvishandisa. Saka patinodzidza, ngationgororei kuti Jehovha anoona sei zvimwe zvinhu, tova nemafungiro ake, uye tofunga kuti izvi zvingatibatsira sei kuti tiite zvisarudzo zvekuchenjera iye zvino uye mune ramangwana.

MAFUNGIRO AJEHOVHA UYE RAMANGWANA RAKO

20, 21. (a) Nei tichanakidzwa rusununguko rwatichange tiinarwo munyika itsva? (b) Tingava sei nemufaro iye zvino?

20 Tinotarisira chaizvo kuuya kwenyika itsva. Vakawanda vedu tiri kutarisira kurarama nekusingaperi muParadhiso panyika. Umambo huchaita kuti tisarwadziwa uye tisatambura sezvatiri kuita iye zvino. Asi kunyange panguva iyoyo vanhu vacharamba vaine rusununguko rwekusarudza. Mumwe nemumwe achaita zvisarudzo maererano nezvaanofarira uye zvaanoda.

21 Asi hazvirevi kuti rusununguko rwacho ruchange rusina parunogumira. Panyaya yekuziva kuti zvakanaka ndezvipi uye kuti zvakaipa ndezvipi, vanyoro vachatungamirirwa nemitemo yaJehovha uye mafungiro ake. Izvi zvichange zvichifadza, zvichiita kuti vanhu vafare chaizvo vaine rugare rukuru. (Pis. 37:11) Panguva ino tinogona kuva nemufaro sezvatinova nemafungiro aJehovha.

^ ndima 12 Matambiro aya, anonzi Lap dancing, anoitwa nemukadzi anenge asina kunyatsopfeka achitambisa chiuno akagara pamakumbo emunhu waanenge achivaraidza ozomubhadharisa. Zvichienderana nezvinenge zvaitika, matambiro aya anogona kuonekwa seunzenza hunoda kuti paumbwe dare rinotonga. MuKristu akambobatanidzwa mumatambiro aya anofanira kukumbira kubatsirwa nevakuru.​—Jak. 5:14, 15.

^ ndima 14 Kutumira mameseji anonyadzisira pafoni kunosanganisira kutumira mashoko, mapikicha kana mavhidhiyo ezvinhu zvinonyadzisira. Zvichienderana nezvaitika zvacho, panogona kuumbwa dare rinotonga. Pane dzimwe nyaya, vamwe vana vakatumira mameseji anonyadzisira ndokubatwa nemhosva yekushungurudza vamwe panyaya dzebonde. Kuti uone mamwe mashoko, enda pajw.org woverenga nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti​—Zvii Zvandinofanira Kuziva Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira?” (Tarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VARI KUYARUKA.) Kana kuti ona nyaya inoti “Kutaura Nemwana Nezvekutumira Mameseji Anonyadzisira” iri muMukai! yaJanuary 2014, peji 7-8.

^ ndima 16 Mazano eBhaibheri anobatsira panyaya iyi anowanikwa mumabhuku edu. Semuenzaniso ona bhuku rinonzi Rambai Muri Murudo rwaMwari, peji 215-218.