Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Anoumba Mafungiro Ako?

Ndiani Anoumba Mafungiro Ako?

“Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.”​—VAR. 12:2.

NZIYO: 88, 45

1, 2. (a) Jesu akapindura sei Petro paakamupa zano rekuti azviitire mutsa? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.) (b) Nei Jesu akapindura saizvozvo?

VADZIDZI vaJesu vakashamiswa nezvavakanga vachinzwa. Jesu, uyo wavaitarisira kuti aizoita kuti umambo hwevaIsraeri hutangezve kutonga akataura kuti pasina nguva aizotambura ofa. Muapostora Petro akabva ataura kuti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.” Jesu akapindura achiti: “Enda shure kwangu, Satani! Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”​—Mat. 16:21-23; Mab. 1:6.

2 Mashoko akataurwa naJesu anoratidza musiyano uri pakati pemafungiro aMwari nemafungiro enyika iri kutongwa naSatani. (1 Joh. 5:19) Petro akakurudzira Jesu kuti ave nemafungiro akafanana neevanhu vari munyika vanofunga zvakangovanakira. Asi Jesu aiziva kuti mafungiro aBaba vake ainge akasiyana neenyika. Aiziva kuti Mwari aida kuti agadzirire kutambura uye kuurayiwa kwaaizoitwa. Achipindura Petro, Jesu akaramba zvakajeka mafungiro enyika achitsigira mafungiro aJehovha.

3. Nei zvakaoma kuti tive nemafungiro aJehovha asi zviri nyore kuva neenyika?

3 Zvakadini nesu? Tine mafungiro aMwari here kana kuti enyika ino? Tinogona kunge takaita kuti mararamiro edu aenderane nezvinodiwa naMwari. Asi mafungiro edu akamira sei? Tiri kuita here kuti mafungiro edu uye maonero atinoita zvinhu aenderane neaJehovha? Izvi zvinoda kuti tishande nesimba. Asi hazvitombodi kushanda nesimba kuti tive nemafungiro enyika nekuti takapoteredzwa nemweya wenyika. (VaEf. 2:2) Uyewo vanhu vari munyika vanogara vachitikurudzira kuti tifunge zvakangotinakira, saka tinogona kuva pamuedzo wekuvateerera. Chokwadi ndechekuti hazvisi nyore kuva nemafungiro aJehovha asi zviri nyore chaizvo kuva nemafungiro enyika.

4. (a) Chii chichaitika kana tikarega nyika ichiumba mafungiro edu? (b) Nyaya ino ichatibatsira sei?

4 Asi kana tikarega nyika ichiumba mafungiro edu, tichava vanhu vanofunga zvakangovanakira uye tichada kusarudza tega kuti zvakanaka ndezvipi uye zvakaipa ndezvipi. (Mako 7:21, 22) Saka zvinokosha kuti tishandire kuva nemafungiro aMwari kwete evanhu. Nyaya ino ichatibatsira. Inotsanangura kuti nei kuita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha kusingatishayisi rusununguko asi kuchitotibatsira. Inoratidzawo kuti tingaramba sei kuumbwa nemafungiro enyika. Nyaya inotevera ichaongorora kuti tingava sei nemafungiro aJehovha panyaya dzakasiyana-siyana.

MAFUNGIRO AJEHOVHA ANOBATSIRA

5. Nei vamwe vasingadi kuumbwa nemunhu chero upi zvake?

5 Vamwe havadi kuti chero munhu upi zvake avaumbe kana kuti aite kuti vachinje mafungiro avo. Vanoti, “Ndinozvifungira ndega.” Vanogona kunge vachireva kuti vanozvisarudzira vega zvekuita uye vane kodzero yekuita izvozvo. Havadi kuudzwa zvekuita nevamwe kana kumanikidzwa kuti vangofanana nevamwe vese. *

6. (a) Jehovha anotipa rusununguko rwakaita sei? (b) Rusununguko urwu haruna parunogumira here?

6 Zvisinei, kuita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha hakurevi kuti hatichaiti kana kutaura zvatinofungawo. Sezvinotaurwa pana 2 VaKorinde 3:17, ‘pane mweya waJehovha, pane rusununguko.’ Jehovha anotipa rusununguko rwekusarudza kuti tinoda kuva vanhu verudzii. Tinogona kusarudza zvatinofarira. Ndiwo masikirwo atakaitwa naJehovha. Kunyange zvakadaro, rusununguko rwedu rune parunogumira. (Verenga 1 Petro 2:16.) Asi kana iri nyaya yekuziva chakanaka nechakaipa, Jehovha anoda kuti titungamirirwe nemafungiro ake ari muShoko rake. Izvi zvinotishayisa rusununguko here kana kuti zvinotibatsira?

7, 8. Nei kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha kusingatishayisi rusununguko? Taura muenzaniso.

7 Funga nezvemuenzaniso unotevera. Vabereki vanoedza kudzidzisa vana vavo zvinhu zvinokosha muupenyu. Vanogona kuvadzidzisa kuti vave vakavimbika, vashande nesimba uye vafunge zvakanakira vamwe. Uku hakusi kuvashayisa rusununguko. Asi vabereki vanenge vachitovabatsira kuti vazobudirira muupenyu. Vana pavanokura vobva pamba, vanenge vava kuzvisarudzira vega zvavanenge vachida. Kana vakasarudza kurarama vachitevedzera zvavakadzidziswa nevabereki vavo, kazhinji kacho vanoita zvisarudzo zvavasingazodembi. Izvi zvinoita kuti vasazvipinza mumatambudziko.

8 Sezvinongoitwa nemubereki akanaka, Jehovha anoda kuti vana vake vararame upenyu hunofadza. (Isa. 48:17, 18) Naizvozvo anotidzidzisa kuti tive netsika dzakanaka uye kuti tibate vamwe zvakanaka. Panyaya dzakadaro anotidzidzisa kuti tive nemafungiro ake uye tione zvinhu sezvaanoita. Izvi hazvitishayisi rusununguko asi zvinovandudza mafungiro edu. (Pis. 92:5; Zvir. 2:1-5; Isa. 55:9) Izvozvo zvichatibatsira kuita zvisarudzo zvatinoda zvinoita kuti tifare. (Pis. 1:2, 3) Kuva nemafungiro aJehovha kunobatsira.

MAFUNGIRO AJEHOVHA AKAKWIRIRA

9, 10. Chii chinoratidza kuti mafungiro aJehovha akakwirira kupfuura enyika?

9 Chimwe chikonzero chinoita kuti vanamati vaJehovha vade kuita kuti mafungiro avo afanane neake ndechekuti mafungiro ake akakwirira chaizvo kupfuura mafungiro enyika ino. Nyika inopa mazano panyaya dzekuzvibata, kuwirirana mumhuri, mabasa anogutsa uye pane zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu asi akawanda acho haaenderani nemafungiro aMwari. Semuenzaniso, pfungwa yekuti munhu aite zvakanakira iye chete yakatekeshera. Unzenza hunoonekwa sehusina kuipa. Vakaroorana vanotopiwa zano rekuti vachawedzera kufara kana vakaparadzana kana kurambana kunyange pasina chikonzero chine musoro. Zano rakadaro rinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Asi mazano enyika ari nani here mazuva ano kupfuura eBhaibheri?

10 Jesu akati, “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.” (Mat. 11:19) Nyika yafambira mberi chaizvo panyaya yekugadzirwa kwezvinhu, asi iri kukundikana kugadzirisa matambudziko makuru ari kutadzisa vanhu kufara akadai sehondo, rusarura uye kuparwa kwemhosva. Uye nyika inoona sekuti unzenza hauna kuipa. Asi vakawanda vanobvuma kuti izvi zviri kuparadza mhuri uye zviri kukonzera zvirwere nemamwe matambudziko. Vaya vanova nemafungiro aMwari vane mhuri dzakabatana, vane utano hwakanaka nekuti vanozvibata uye vane rugare nevavanonamata navo vari pasi rese. (Isa. 2:4; Mab. 10:34, 35; 1 VaK. 6:9-11) Izvi hazviratidzi here kuti mafungiro aJehovha akakwirira kupfuura enyika?

11. Mosesi akatungamirirwa nemafungiro aani, uye izvozvo zvakaguma nei?

11 Vashumiri vaMwari vanotaurwa muBhaibheri vakaona kuti mafungiro aJehovha akakwirira. Semuenzaniso, kunyange zvazvo Mosesi akanga akadzidziswa “muuchenjeri hwose hwevaIjipiti,” akatarira kuna Mwari kuti ave “nomwoyo wakachenjera.” (Mab. 7:22; Pis. 90:12) Akateterera Jehovha achiti: “Ndizivisei nzira dzenyu.” (Eks. 33:13) Sezvo aitungamirirwa nemafungiro aMwari, akabatanidzwawo pakuzadziswa kwechinangwa chaMwari uye anotaurwa nezvake muBhaibheri semurume aiva nekutenda kwakasimba.​—VaH. 11:24-27.

12. Pauro aishandisei paaiita zvisarudzo?

12 Muapostora Pauro aiva murume akachenjera uye akadzidza, aiziva chiHebheru nechiGiriki. (Mab. 5:34; 21:37, 39; 22:2, 3) Kunyange zvakadaro, paaifanira kuziva kuti zvimwe zvinhu zvainge zvakanaka here kana kuti kwete airamba uchenjeri hwenyika. Aiita zvisarudzo achishandisa zvinotaurwa neShoko raMwari. (Verenga Mabasa 17:2; 1 VaKorinde 2:6, 7, 13.) Izvi zvakaita kuti Pauro abudirire muushumiri uye atarisire kuwana mubayiro usingaperi.​—2 Tim. 4:8.

13. Ndiani ane basa rekuita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha?

13 Zviri pachena kuti mafungiro aMwari akakwirira kupfuura enyika. Kurarama zvinoenderana nemafungiro ake kuchaita kuti tifare chaizvo uye tibudirire. Asi Jehovha haazotimanikidzi kuti tive nemafungiro ake. “Muranda akatendeka, akangwara” uye vakuru havana simba pamafungiro edu. (Mat. 24:45; 2 VaK. 1:24) Asi ibasa remuKristu mumwe nemumwe rekuita kuti mafungiro ake aenderane neaJehovha. Izvozvo tingazviita sei?

RAMBA KUUMBWA NENYIKA INO

14, 15. (a) Kuti tive nemafungiro aJehovha, chii chatinofanira kufungisisa nezvacho? (b) Maererano naVaRoma 12:2, nei tichifanira kudzivisa mafungiro enyika? Taura muenzaniso.

14 Pana VaRoma 12:2 tinopiwa zano rekuti: “Regai kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino, asi shandurwai nokuchinja pfungwa dzenyu, kuti muedze, muzive zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana.” Mashoko iwayo akafemerwa anotiratidza kuti pasinei nekuti mafungiro edu akaumbwa nei tisati tadzidza chokwadi, tinokwanisa kuita kuti mafungiro edu aenderane neaJehovha. Ichokwadi kuti dzimwe nguva mafungiro edu anofanana neevanhu veukama kana kuti anobva pane zvatakasangana nazvo muupenyu. Asi mafungiro edu anoramba achichinja. Kuchinja kwacho kunobva pakuti zvii zvatinopinza mupfungwa dzedu uye zvatinogara tichifunga nezvazvo. Kana tikafungisisa nezvemafungiro aJehovha, tinozvionera tega kuti maonero ake ndiwo akanaka. Tichanzwa tichida kuita kuti mafungiro edu aenderane neake.

15 Asi kuti tive nemafungiro aJehovha, tinofanira ‘kurega kuumbwa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.’ Tinofanira kurega kuona, kuverenga uye kuteerera chero chii zvacho chinokukurudzira pfungwa dzinopesana nemafungiro aMwari. Kukosha kwedanho iri kunogona kufananidzwa nezvekudya. Munhu anoda kuvandudza utano hwake anogona kutanga kudya chikafu chinovaka muviri. Asi zvinomubatsira here kana akagara achidyawo chikafu chine utachiona? Saizvozvowo, zvatinoita kuti tive nemafungiro aJehovha hazvina zvazvinobatsira kana tichizadza pfungwa dzedu nemafungiro enyika asina kunaka.

16. Tinofanira kuzvidzivirira pachii?

16 Tinogona kunzvenga mafungiro enyika zvachose here? Aiwa, nekuti hatikwanisi kubva munyika. Mamwe mafungiro enyika haanzvengeki. (1 VaK. 5:9, 10) Basa rekuparidza richaita kuti tinzwe nhema dzinotendwa nevanhu. Kunyange zvikaitika kuti tasangana nezvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari, hatifaniri kuramba tichifunga nezvazvo kana kuzviona sekuti zvakanaka. Tinofanira kukurumidza kuramba mafungiro anotsigira chinangwa chaSatani sezvakaitwa naJesu. Uyewo tinogona kuzvidzivirira kuti tisapinda mumamiriro ezvinhu anoita kuti tisangane nemafungiro enyika pasina chikonzero chakanaka.​—Verenga Zvirevo 4:23.

17. Ndezvipi zvimwe zvatingaita kuti tisasangana nemafungiro enyika pasina chikonzero chakanaka?

17 Semuenzaniso, tinofanira kungwarira patinosarudza shamwari dzepedyo. Bhaibheri rinotiyambira kuti kana tikava neushamwari hwepedyo nevanhu vasinganamati Jehovha, tinopedzisira tava nemafungiro avo. (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:12, 32, 33) Uyewo Hatifaniri kuzvivaraidza nezvinhu zvese zvese. Kana tikaramba varaidzo inosimudzira zvechisimba, zveunzenza kana dzidziso yekuti zvinhu zvakashanduka-shanduka, tichadzivirira pfungwa dzedu pakukanganiswa nezvinhu ‘zvinopesana nekuziva Mwari.’​—2 VaK. 10:5.

Tinobatsira vana vedu here kuti vasavaraidzwa nezvinhu zvakaipa? (Ona ndima 18, 19)

18, 19. (a) Nei tichifanira kungwarira mafungiro enyika anobudiswa nenzira dzisiri pachena? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza, uye nei?

18 Tinofanirawo kuziva uye kudzivisa mafungiro enyika paanobudiswa nenzira dzisiri pachena. Semuenzaniso, nhau dzinogona kubudiswa dzichitsigira imwe pfungwa yezvematongerwo enyika. Imwe nyaya inogona kusimudzira maonero enyika panyaya yezvinangwa nezvimwe zvinhu zvinonzi ndiko kubudirira. Mamwe mafirimu nemabhuku anosimudzira pfungwa yekungozvifunga uye kufunga zvakangonakira isu nemhuri dzedu. Anopa pfungwa yekuti kuita izvozvo kune musoro uye kwakanaka. Maonero akadaro anopesana nezvinotaurwa neBhaibheri zvekuti kuda Jehovha kupfuura zvimwe zvese kunoita kuti isu nemhuri dzedu tibudirire. (Mat. 22:36-39) Uyewo, mamwe mabhuku nemafirimu evana ayo anoita seasina kuipa anogona kuita kuti vana vazopedzisira vava kufarira zvinhu zveunzenza.

19 Izvi hazvirevi kuti zvakaipa kuti munhu avaraidzwe nezvinhu zvakanaka. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuzvibvunza mibvunzo iyi: ‘Tinoona here kuti idzi idzidziso dzenyika kunyange zvazvo dzisiri kutaurwa zviri pachena? Tinoita here kuti vana vedu, kunyange isu vacho, tisaona mamwe mapurogiramu epaTV kana kuti kuverenga zvimwe zvinhu? Tinobatsira vana vedu kuti vave nemafungiro aMwari here kuitira kuti vasakanganiswa nemafungiro enyika?’ Kana tikaona musiyano uri pakati pemafungiro aMwari nemafungiro enyika, tinogona kudzivisa “kuzvienzanisa nemamiriro ezvinhu epanguva ino.”

NDIANI ARI KUKUUMBA IYE ZVINO?

20. Chii chicharatidza kuti tiri kuumbwa nemafungiro aMwari kana kuti enyika?

20 Yeuka kuti kune nzvimbo mbiri chete dzatinogona kuwana mashoko. Tinogona kuawana kuna Jehovha kana kuti munyika iri kutongwa naSatani. Ndiani ari kutiumba? Mhinduro yacho inobva pakuti tiri kuwana mashoko kupi. Kana tikagamuchira zvinotaurwa nenyika, izvozvo ndizvo zvichaumba mafungiro edu, uye tichaita kana kuona zvinhu sezvinoitwa nevanhu vari mairi. Ndosaka zvichikosha kuti tingwarire zvatinoramba tichifunga nezvazvo.

21. Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

21 Sezvambotaurwa kwatangira nyaya ino, kuti tifunge sezvinoitwa naJehovha, hatifaniri kungogumira pakusapinza zvinhu zvakaipa mupfungwa dzedu. Tinofanira kudzidza mafungiro aMwari kuitira kuti tivewo nemafungiro akadaro. Nyaya inotevera ichanyatsotsanangura kuti izvozvo tingazviita sei.

^ ndima 5 Chokwadi ndechekuti, kunyange munhu asingadi kuudzwa zvekuita nemumwe munhu, anoita zvisarudzo zvichibva pamaonero evamwe vanhu. Angava achifunga nezvenyaya inokosha yekuti upenyu hwakatanga sei kana kuti paanenge achisarudza zvekupfeka, anototevedzerawo mafungiro evamwe. Asi tinogona kusarudza watinobvumira kuti atiumbe.