Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Vabatsiri vakataurwa naJesu usiku hwekupedzisira asati afa ndivanaani, uye nei vakapiwa zita iroro?

Usiku hwekupedzisira asati afa, Jesu akapa vaapostora vake zano rekuti vasazvitsvagira chinzvimbo kana mukurumbira pakati pevamwe vatendi. Akavaudza kuti: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri. Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro.”​—Ruka 22:25, 26.

Vabatsiri vakataurwa naJesu ndivanaani? Mari nezvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti vaGiriki nevaRoma vaiva netsika yekukudza varume vane mukurumbira uye vatongi nekuvapa zita rekuti Euergetes kana kuti Mubatsiri. Varume ava vaipiwa kukudzwa kwakadaro nekuti vainge vaita zvinhu zvaibatsira vanhu vakawanda.

Madzimambo akawanda aipiwa zita rekuremekedza rekuti Mubatsiri. Vamwe vemadzimambo iwayo vaiva vatongi veIjipiti avo vaizivikanwa saPtolemy III Euergetes (c. 247-222 B.C.E.) uye Ptolemy VIII Euergetes II (c. 147-117 B.C.E.). Vatongi veRoma vaiti Julius Caesar (48-44 B.C.E.) uye Augustus (31 B.C.E.–14 C.E.) vakapiwawo zita iroro rekuremekedza, sezvainge zvakaita Herodhi Mukuru, mambo weJudhiya. Kana ari Herodhi, anofanira kunge akawana rukudzo irworwo paakatenga gorosi kunze kwenyika kuti vanhu vasafa nenzara uye paakapa zvekupfeka kune vaishaya.

Maererano nemumwe muongorori weBhaibheri wekuGermany anonzi Adolf Deissmann, kushandiswa kwezita rekuti Mubatsiri kwainge kwakatekeshera. Akati: “Kudai munhu aizoda kutsvaga zita iri pazvinhu zvekare, zvaizova nyore kuti ariwane kanopfuura ka100 munguva pfupi.”

Saka Jesu airevei paakaudza vadzidzi vake kuti: “Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro”? Jesu aivaudza here kuti vasava nehanya nekugara zvakanaka kwevanhu vainge vakavapoteredza? Aiwa. Zvinoita sekuti Jesu ainetseka nezvevavariro yekupa kwakadaro.

Jesu paaiva panyika vanhu vakapfuma vaivavarira kuva nezita rakanaka nekupa mari yekutsigira zvinhu zvakadai semitambo yakasiyana-siyana yaiitirwa munhandare dzemitambo, kugadzira mapaki nekuvaka temberi uye kutsigira zvinhu zvakaita saizvozvo. Zvisinei, vaiita izvozvo nechinangwa chekuti vave nemukurumbira, vafarirwe nevanhu kana kuvhoterwa. Rimwe bhuku rinoti, “Kunyange zvazvo paiva nevamwe vaipa zvichibva pamwoyo, izvi zvaiwanzoitwa nevavariro yekuwana chinzvimbo mune zvematongerwo enyika.” Mafungiro iwayo ekuda chinzvimbo uye ekungozvifunga ndiwo aitaurwa naJesu kuti vateveri vake vadzivise.

Papera makore akati kuti, muapostora Pauro akasimbisa chokwadi ichocho chinokosha chekuti munhu ape aine vavariro yakanaka. Akanyorera vaKristu vaiva muKorinde kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asinganyunyuti kana achigombedzerwa, nokuti Mwari anoda munhu anopa achifara.”​—2 VaK. 9:7.