Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Tenga Chokwadi Urege Kuchitengesa”

“Tenga Chokwadi Urege Kuchitengesa”

“Tenga chokwadi urege kuchitengesa​—tengawo uchenjeri nokurangwa nokunzwisisa.”​—ZVIR. 23:23.

NZIYO: 94, 96

1, 2. (a) Chii chatiinacho chinonyanya kukosha? (b) Ndechipi chokwadi chatinokoshesa, uye nei tichichikoshesa? (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

CHII chauinacho chinonyanya kukosha kwauri? Ungada here kuchichinjanisa nechimwe chinhu chisinganyanyi kukosha? Mibvunzo iyi iri nyore kuti vashumiri vaJehovha vapindure. Chinonyanya kukosha kwatiri ushamwari hwedu naJehovha, uye hatimbohuchinjanisi nechero chii zvacho. Tinokoshesawo chokwadi cheBhaibheri, icho chakaita kuti tikwanise kuva neushamwari ihwohwo naBaba vedu vekudenga.​—VaK. 1:9, 10.

2 Funga nezvezvinhu zvese zvatinodzidziswa neMurayiridzi wedu Mukuru achishandisa Shoko rake, Bhaibheri! Anotidzidzisa nezvekukosha kwezita rake uye unhu hwake hwakanaka. Anotiudza nezverudo rwaakatiratidza paakatipa rudzikinuro achishandisa Mwanakomana wake Jesu. Jehovha anotiudzawo nezveUmambo hwaMesiya, uye anoita kuti vakazodzwa vave netariro yekuenda kudenga uye ‘vemamwe makwai’ vave netariro yekurarama muParadhiso pasi pano. (Joh. 10:16) Anotidzidzisa kuti tinofanira kurarama sei. Tinokoshesa chokwadi ichi nekuti chinoita kuti tiswedere pedyo neMusiki wedu. Chinoita kuti tirarame upenyu hune chinangwa.

3. Jehovha anoda kuti titenge chokwadi nemari here?

3 Jehovha ndiMwari ane rupo. Haaregi kuitira zvakanaka vaya vanotsvaga chokwadi. Jehovha akatopa Mwanakomana wake sechipo. Mwari haatibhadharisi mari kuti tidzidze chokwadi. Mumwe murume ainzi Simoni paakaedza kupa muapostora Petro mari kuti atenge simba rekupa vanhu mweya mutsvene, Petro akamuratidza kuti mafungiro ake akanga asina kunaka achiti: “Sirivha yako ngaiparare newe, nokuti wafunga kuwana chipo chaMwari chepachena uchishandisa mari.” (Mab. 8:18-20) Saka murayiro wakafemerwa wekuti, “Tenga chokwadi” unorevei?

‘KUTENGA’ CHOKWADI KUNOREVEI?

4. Tichadzidzei nezvechokwadi munyaya ino?

4 Verenga Zvirevo 23:23. Hatiwani chokwadi chiri muShoko raMwari tisina kuchishandira. Tinofanira kutorasikirwa nezvimwe zvinhu kuti tichiwane. Sezvakanyorwa muna Zvirevo, kana ‘tatenga,’ kana kuti tawana “chokwadi,” tinofanira kungwarira kuti ‘tirege kuchitengesa,’ kana kuti kurasikirwa nacho. Ngatikurukurei kuti ‘kutenga’ chokwadi kunorevei uye kuti zvii zvatingarasikirwa nazvo kuti tichiwane. Kukurukura izvozvo kunogona kuita kuti tiwedzere kuda chokwadi uye kunogona kuita kuti tiwedzere kutsunga kusambofa ‘takachitengesa.’ Sezvatichaona, kutenga chokwadi hakusi kushandira pasina.

5, 6. (a) Tingatenga sei chokwadi tisingashandisi mari? Taura mienzaniso. (b) Chokwadi chinotibatsira sei?

5 Kunyange zvikanzi chinhu chiri kupiwa vanhu mahara, pane zvatinofanira kuita kuti tichiwane. Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “tenga” pana Zvirevo 23:23 rinogona kurevawo “kuwana.” Mashoko acho ese anoratidza kuti munhu anofanira kushanda kana kuti anopa chimwe chinhu kuti awane chinhu chinokosha. Tinogona kuenzanisira nyaya yekutenga chokwadi seizvi: Ngatitii pamusika pari kupiwa vanhu mabhanana emahara. Mabhanana iwayo achangoerekana ava mumba medu here? Aiwa. Tinotofanira kuenda kumusika kwacho kunoatora. Kunyange zvazvo mabhanana aya ari emahara, tinofanira kushandisa simba nenguva yedu kuti tiende kumusika kwacho. Saizvozvowo, hatidi mari kuti titenge chokwadi. Zvisinei, tinofanira kushanda nesimba kuti tichiwane.

6 Verenga Isaya 55:1-3. Mashoko aJehovha akanyorwa naIsaya anojekesa kuti kutenga chokwadi kunorevei. Mumavhesi aya, Jehovha anofananidza shoko rake nemvura, mukaka, uye waini. Sezvinoita mvura inotonhorera, yakachena, mashoko aMwari echokwadi anozorodza. Uyewo sezvinoita mukaka uyo unotipa simba uye unobatsira kuti mwana akure, mashoko aJehovha anopa simba uye anobatsira kuti munhu akure pakunamata. Mashoko aJehovha akafananawo newaini. Akafanana papi newaini? Bhaibheri rinoti waini inoita kuti munhu afare. (Pis. 104:15) Saka paanoudza vanhu vake kuti ‘vatenge waini,’ Jehovha anenge achitipa chivimbo chekuti kurarama maererano nezvaanotaura kuchaita kuti tifare. (Pis. 19:8) Izvi zvinonyatsoratidza kubatsira kunoita kudzidza uye kushandisa mashoko aMwari echokwadi. Kushanda kwatinoita nesimba kunogona kufananidzwa nezvatinenge tarasikirwa nazvo. Saka ngationei zvinhu zvishanu zvatingafanira kurasikirwa nazvo kuti titenge chokwadi.

CHII CHAWAKARASIKIRWA NACHO KUTI UTENGE CHOKWADI?

7, 8. (a) Nei tichifanira kushandisa nguva yedu kuti titenge chokwadi? (b) Mumwe musikana akarasikirwa nei uye zvakaguma nei?

7 Nguva. Uyu mutengo unofanira kubhadharwa nemunhu wese anotenga chokwadi. Zvinoda nguva kuti uteerere mashoko eUmambo, uverenge Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura, udzidze Bhaibheri uri wega, uye ugadzirire misangano yeungano nekuipinda. Tinofanira ‘kutenga’ kana kuti kutora nguva yacho pazvinhu zvisinganyanyi kukosha. (Verenga VaEfeso 5:15, 16.) Zvichatitorera nguva yakawanda sei kuti tive nezivo yakarurama yedzidziso dzeBhaibheri dzinokosha? Zvinoenderana nemamiriro edu ezvinhu. Kudzidza nezveuchenjeri hwaJehovha uye nzira dzake nemabasa ake hakuna pakunogumira. (VaR. 11:33) Nharireyomurindi yekutanga yakafananidza chokwadi ‘neruva’ uye yakati: “Usangogutsikana nekuwana ruva rimwe chete rechokwadi. Kudai rimwe chete raikwana pangadai pasina mamwe. Ramba uchiunganidza, tsvaga mamwe.” Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndine chokwadi chakawanda sei?’ Kunyange tikararama nekusingaperi, tinoramba tichidzidza zvakawanda nezvaJehovha. Mazuva ano, chinonyanya kukosha ndechekuti tishandise nguva yedu nekuchenjera kuti titenge chokwadi chakawanda sezvatingagona. Ona muenzaniso wemumwe munhu aida chaizvo chokwadi.

8 Mumwe musikana wekuJapan anonzi Mariko, * akaenda kuchikoro kuNew York City, U.S.A. Panguva iyoyo aipinda imwe chechi yakatangira muJapan muna 1959. Imwe hanzvadzi inopayona yakasangana naMariko payaiita ushumiri hwepaimba neimba. Paakatanga kudzidza chokwadi cheBhaibheri, mufaro wake wakawedzera zvekuti akakumbira kudzidza Bhaibheri kaviri pavhiki. Pasinei nekuti ainge akabatikana nezvinhu zvekuchikoro uye basa raaiita, Mariko akatanga kupinda misangano yeungano. Akaregawo kushandisa nguva yakawanda pakuita zvinhu zvekuzvivaraidza nazvo kuitira kuti atenge nguva yekudzidza chokwadi. Izvozvo zvakaita kuti akurumidze kufambira mberi pakunamata. Pasina gore akanga abhabhatidzwa. Papera mwedzi 6, muna 2006, akatanga kupayona uye achiri kushumira sapiyona.

9, 10. (a) Kutenga chokwadi kunoita kuti tione sei nyaya yekuva neupfumi? (b) Mikana ipi yakasiyiwa nemumwe musikana uye anonzwa sei nezvaakaita?

9 Mikana yekupfuma. Kuti titenge chokwadi tingatofanira kusiya basa rinobhadhara. Petro naAndreya, avo vaiva vabati vehove pavakakokwa naJesu kuti vave “vabati vevanhu,” ‘vakasiya mambure avo.’ (Mat. 4:18-20) Asi vakawanda vanodzidza chokwadi mazuva ano havakwanisi kungosiya mabasa avo. Vanofanira kushanda kuti variritire mhuri dzavo. (1 Tim. 5:8) Zvisinei, kazhinji kacho vanofanira kuchinja maonero avanoita pfuma, vorega kukoshesa zvimwe zvinhu zvavaimbokoshesa. Jesu akati: “Regai kuzviunganidzira pfuma panyika . . . Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga.” (Mat. 6:19, 20) Ona zvakaitika kune mumwe musikana.

10 Maria ainakidzwa nekutamba golf kunyange asati ava kutomboenda kuchikoro. Akaramba achiwedzera unyanzvi hwekutamba golf ava kusekondari uye akazowana bhezari rekuenda kuyunivhesiti. Chinangwa chake chaiva chekuva mutambi ane unyanzvi uye kuva nemari yakawanda. Maria akatanga kudzidza Bhaibheri, uye akafarira chokwadi chaaidzidza. Akafarira kuchinjwa kwaiitwa upenyu hwake nechokwadi. Akati: “Pandaiwedzera kuchinja mafungiro angu uye mararamiro angu kuti aenderane nezvinodzidziswa neBhaibheri, ndaiwedzera kufara.” Maria akaona kuti zvaizomuomera kuti aite zvinhu zvekunamata uku achitsvaga upfumi. (Mat. 6:24) Akasarudza kusiya mukana wekuzadzisa chinangwa chaaiva nacho muupenyu chekuva nyanzvi yemutambo wegolf uye wekuva neupfumi nemukurumbira. Zvisinei, nemhaka yekutenga kwaakaita chokwadi, iye zvino ava kushumira sapiyona uye anoti ari kurarama “upenyu hunofadza uye hune chinangwa.”

11. Chii chinogona kuitika patinotenga chokwadi?

11 Kuwirirana nevamwe. Patinosarudza kurarama tichitevedzera zvinotaurwa neBhaibheri, kuwirirana kwataimboita nehama neshamwari dzedu kunogona kuchinja. Nei zvakadaro? Jesu akanyengeterera vateveri vake achiti: “Vatsvenesei nechokwadi; shoko renyu ichokwadi.” (Joh. 17:17) Shoko rekuti “vatsvenesei” rinogonawo kureva kuti ‘vatsaurei.’ Patinogamuchira chokwadi, tinotsaurwa kubva munyika nekuti tinenge tisisaiti zvinoitwa nenyika. Vanhu vanotanga kutiona nerimwe ziso nekuti zvatinokoshesa zvinenge zvachinja. Tinorarama maererano nechokwadi cheBhaibheri. Kunyange zvazvo tisingadi kuzviparadzanisa nevamwe, dzimwe shamwari dzedu kana kuti vemumhuri vanenge vasisadi kuwirirana nesu kana kuti vanogona kutipikisa nemhaka yechokwadi chatinenge tawana. Izvi hazvitishamisi. Jesu akati: “Chokwadi, vavengi vomunhu vachava vanhu veimba yake.” (Mat. 10:36) Akatipawo chivimbo chekuti mubayiro wekutenga chokwadi haungamboenzaniswi nechero chatinenge tarasikirwa nacho.​—Verenga Mako 10:28-30.

12. Mumwe murume wechiJudha akarasikirwa nechii kuti atenge chokwadi?

12 Kubvira achiri mudiki, mumwe murume wechiJudha anonzi Aaron akadzidziswa kuti zita raMwari haritaurwi. Asi Aaron aiva nenyota yekuda kuziva chokwadi. Akafara mumwe weZvapupu paakamuratidza kuti kana akaisa mavhawero pamabhii anoumba zita raMwari aigona kushevedza zita raMwari kuti “Jehovha.” Achifara, akaenda kusinagogi kuti anoudzawo vanarabhi zvaakanga adzidza. Zvavakaita handizvo zvaitarisirwa naAaron. Pane kuti vafare naye kuti akanga adzidza chokwadi nezvezita raMwari, vakamusvipira uye vakamudzinga. Mhuri yake yakanga isisawirirani naye. Asingatyi, akaenderera mberi nekutenga chokwadi uye akashumira seChapupu chaJehovha kweupenyu hwake hwese. Kana vanhu vakatanga kutiona nerimwe ziso kana kuti tikavengwa nevemumhuri, tinoda kuita zvinoenderana nekuchinja kunenge kwaita zvinhu sezvakaitwa naAaron.

13, 14. Zvii zvatinofanira kuchinja pamafungiro nemaitiro edu kuti titenge chokwadi? Taura muenzaniso.

13 Mafungiro uye maitiro asina kuchena. Kuti tigamuchire chokwadi torarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, tinofanira kuva nechido chekuchinja mafungiro uye maitiro edu. Muapostora Petro akataura nezvekuchinja kwakadaro achiti: “Sevana vanoteerera, regai kuzvienzanisa maererano nokuchiva kwamaimbova nakwo kare pakusaziva kwenyu, asi . . . ivaiwo vatsvene pamufambiro wenyu wose.” (1 Pet. 1:14, 15) Vanhu vaiva muguta reKorinde vaiita zvakaipa, saka kuti vatenge chokwadi vaifanira kuchinja zvinhu zvakakura muupenyu hwavo. (1 VaK. 6:9-11) Saizvozvowo, mazuva ano vakawanda vakarega maitiro akaipa kuti vatenge chokwadi. Petro akayeuchidzawo vaKristu vepanguva yake kuti: “Munguva yakapfuura makapedza nguva yakakwana muchiita zvaidiwa nemamwe marudzi pamairamba muri pamabasa okusazvibata, pakuchiva kwazvo, pakunyanyisa kunwa waini, pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.”​—1 Pet. 4:3.

14 Kwemakore akawanda, Devynn naJasmine vaiva zvidhakwa. Kunyange zvazvo Devynn ainyatsogona basa rake rekuona nezvekupinda nekubuda kwemari pakambani, kunwa doro kwaimutadzisa kuramba ari pakambani imwe chete kwenguva yakareba. Jasmine aizivikanwa semunhu aiva nehasha uye aida zvemhirizhonga. Rimwe zuva achifamba akadhakwa, Jasmine akasangana nemamishinari maviri. Mamishinari acho akaronga kudzidza naye Bhaibheri, asi paakasvika kumba kwaDevynn vhiki rakatevera racho, akaona Jasmine naDevynn vakadhakwa. Vaisafungira kuti mamishinari aya aizova nehanya navo zvekuti aizouya kumba kwavo. Pakadzoka mamishinari zvakare akawana zvinhu zvachinja. Kubvira pekutanga, Jasmine naDevynn vakatanga kunyatsodzidza Bhaibheri uye vakatanga kushandisa zvavaidzidza. Mumwedzi mitatu, vakasarudza kurega doro uye vakazochata. Vanhu vakawanda vemunharaunda yavo vakaziva nezvazvo uye vakatangawo kudzidza Bhaibheri.

15. Chii chinogona kuita kuti tiomerwe nekutenga chokwadi, uye nei zvakadaro?

15 Tsika dzisingaenderani neBhaibheri. Kurega tsika dzisingaenderani neBhaibheri kunogona kuoma chaizvo. Kunyange zvazvo vamwe zvingavaitira nyore kubvuma zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yetsika dzakadaro, vamwe vangazeza kusiya dzimwe tsika nekuti vanotya vemumhuri, vavanoshanda navo, uye shamwari dzavo. Zvinhu zvinogona kutowedzera kuoma kunyanya kana imwe tsika ichibatanidza kukudza veukama vakafa. (Dheut. 14:1) Muenzaniso wevamwe vakaratidza ushingi unogona kutibatsira kuti tichinje zvatinofanira kuchinja. Ona ushingi hwakaratidzwa nevamwe vaKristu vekutanga vaigara muEfeso.

16. Vamwe vaiva muEfeso vakaita sei kuti vatenge chokwadi?

16 Guta reEfeso raizivikanwa chaizvo nekuita zvemashiripiti. VaKristu vatsva vaimboita zvemashiripiti vakaita sei kuti vazvirege kuti vatenge chokwadi? Bhaibheri rinoti: “Vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose. Vakaverenga pamwe chete mutengo wao, vakawana kuti aikosha masirivha ane zviuru makumi mashanu. Nokudaro shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richikunda.” (Mab. 19:19, 20) VaKristu ivavo vakatendeka vakarasikirwa nezvinhu zvavo asi vakakomborerwa zvikuru.

17. (a) Zvinhu zvipi zvatingarasikirwa nazvo kuti titenge chokwadi? (b) Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya inotevera?

17 Chii chawakarasikirwa nacho kuti utenge chokwadi? Tese zvedu tinoshandisa nguva yedu kuti tiunganidze chokwadi cheBhaibheri. Vamwe vanosiya mikana yekuva neupfumi, vamwe vanorega zvimwe zvinhu zvavanofarira uye vamwe vanovengwa nehama neshamwari. Vakawanda vanofanira kuchinja mafungiro nemaitiro avo uye vanofanira kurega tsika dzisingaenderani neBhaibheri. Pasinei nezvatingarasikirwa nazvo, tine chivimbo chekuti kutenga chokwadi cheBhaibheri kunokosha chaizvo. Kunoita kuti tive nechinhu chinokosha chaizvo kwatiri, ushamwari naJehovha. Kana tikafunga nezvemakomborero anobva pakuziva chokwadi, tinoona zvisingaiti kuti tichitengese. Tingachitengesa sei, uye tingaitei kuti tisamboita chikanganiso chakakura kudaro? Tichapindura mibvunzo iyoyo munyaya inotevera.

^ ndima 8 Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.