Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba naJehovha Urarame!

Vimba naJehovha Urarame!

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kuvimba nokunzwisisa kwako.”​—ZVIR. 3:5.

NZIYO: 3, 8

1. Nei tese tichida kunyaradzwa?

TESE tinoda kunyaradzwa. Zvichida tine zvinhu zvakatiodza mwoyo, tine matambudziko uye tinogara tichishushikana. Tinogona kunge tichirwadziwa nemhaka yekurwara, kukwegura kana kufirwa. Vamwe vedu vari kubatwa zvisina kunaka. Vanhu vakatipoteredza vari kuwedzera kuita zvemhirizhonga. Tine chokwadi chekuti “nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo” dzatiri kurarama madziri dzinoratidza kuti tiri ‘mumazuva ekupedzisira’ uye zuva rimwe nerimwe rinotiswededza pedyo nenyika itsva. (2 Tim. 3:1) Kunyange zvakadaro tinogona kunge tava nenguva refu takamirira kuzadzika kwezvakavimbiswa naJehovha, uye matambudziko edu anogona kunge achiwedzera. Saka ndekupi kwatingawana nyaradzo?

2, 3. (a) Tinozivei nezvaHabhakuki? (b) Kuongorora bhuku raHabhakuki kuchatibatsira sei?

2 Kuti tiwane mhinduro, ngationgororei bhuku raHabhakuki. Kunyange zvazvo Bhaibheri risingatauri zvakawanda nezveupenyu hwaHabhakuki uye zvaaiita, bhuku rine zita rake rinotikurudzira. Zita rake rinogona kunge richireva “Kumbundira Kwerudo.” Izvi zvinogona kunge zvichireva kunyaradzwa kwatinoitwa naJehovha, achiita seari kutimbundira zvine rudo, kureva kutitakura mumaoko ake. Uye zvinogona kurevawo kubatirira zvakasimba kwatinoita paari. Habhakuki akataura naMwari, achimubvunza mibvunzo. Jehovha akapindura muprofita wacho uye akamufemera kuti anyore zvavaikurukura nekuti aiziva kuti zvaizotibatsira.​—Hab. 2:2.

3 Mashoko ekukurukura kwakaita muprofita uyu naJehovha ndiwo chete atinoudzwa neBhaibheri nezvaHabhakuki. Bhuku rake chikamu ‘chezvinhu zvese zvakanyorwa kare’ uye zvakachengetedzwa muShoko raMwari, Bhaibheri, “kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” (VaR. 15:4) Mumwe nemumwe wedu angabatsirwa sei nebhuku raHabhakuki? Rinogona kutibatsira kuti tione kuti kuvimba naJehovha kunorevei. Uprofita hwaHabhakuki hunotipa chivimbo chekuti tinogona kuva nemwoyo wakadzikama pasinei nematambudziko nemiedzo yatinosangana nayo. Tichifunga izvozvo, ngationgororei bhuku raHabhakuki.

NYENGETERA KUNA JEHOVHA

4. Nei Habhakuki ainetseka?

4 Verenga Habhakuki 1:2, 3. Habhakuki akararama panguva yakaoma zvikuru. Ainetseka nekuti ainge akapoteredzwa nevanhu vakaipa vaida zvechisimba. Uipi hwavo hwaizopera riini? Nei Jehovha akatora nguva yakareba asina zvaakaita nezvazvo? Kwese kwaaitarisa, Habhakuki aingoona vaIsraeri vachiitirana utsinye uye vachidzvinyirirana. Aishaya kuti oitei. Saka akakumbira Jehovha kuti apindire. Habhakuki anogona kunge akafunga kuti Jehovha aisava nehanya nezvaitika. Zvaiita sekuti Mwari aisazozvigadzirisa nekukurumidza. Wakambonzwawo saizvozvo here?

5. Chidzidzo chipi chinokosha chiri mubhuku raHabhakuki? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 Habhakuki ainge asisavimbi naJehovha here? Akatadza here kuramba aine kutenda kuti zvakavimbiswa naJehovha zvaizozadzika? Kwete. Kuudza kwaakaita Jehovha kuti amubatsire pamatambudziko ake uye pane zvaimunetsa kunoratidza kuti ainge asina kurasa tariro. Zviri pachena kuti ainetseka nekuti aisanzwisisa kuti nei Jehovha aibvumira kuti asangane nezvinhu zvinorwadza kudaro uye kuti nei Mwari ainge asiri kuzvigadzirisa. Jehovha paakafemera Habhakuki kuti anyore zvichemo zvake, akatipa chidzidzo chinokosha chekuti: Hatifaniri kutya kumuudza zvichemo zvedu kana zvinhu zvatisina chokwadi nazvo. Anotikumbira kuti tinyengetere kwaari tichidurura zviri mumwoyo medu. (Pis. 50:15; 62:8) Zvirevo 3:5 inotikurudzira kuti ‘tivimbe naJehovha nemwoyo wedu wese’ uye tirege ‘kuvimba nekunzwisisa kwedu.’ Habhakuki angangodaro aiziva mashoko aya uye akaashandisa muupenyu hwake.

6. Nei kunyengetera kuchikosha?

6 Habhakuki akatora matanho ekuti aswedere pedyo naJehovha, Baba vake uye Shamwari yake yaaivimba nayo. Habhakuki paainetseka nezvaiitika haana kuedza kuzvigadzirisa ega. Pane kudaro akanyengetera achitaura manzwiro ake uye zvaimunetsa, achiratidza muenzaniso wakanaka wekuti titevedzere. Uyewo Jehovha, Munzwi wemunyengetero, anoda kuti tiratidze kuti tinovimba naye nekunyengetera tichimuudza zvinotinetsa. (Pis. 65:2) Kuita izvozvo kuchaita kuti tione kupindura kunoita Jehovha minyengetero yedu. Tichanzwa kumbundira kwake paanotinyaradza uye paanotitungamirira. (Pis. 73:23, 24) Achatibatsira kuziva mafungiro ake pasinei nezvinotitambudza. Minyengetero yedu inobva pasi pemwoyo ndiyo imwe nzira yakanakisisa yekuratidza nayo kuti tinovimba naMwari.

TEERERA JEHOVHA

7. Jehovha akaita sei paakanzwa zvichemo zvaHabhakuki?

7 Verenga Habhakuki 1:5-7. Pashure pekuudza Jehovha zvaimunetsa, Habhakuki anogona kunge akanetseka kuti Jehovha aizoita sei. Sezvo ari Baba vane rudo uye vanonzwisisa, Jehovha haana kutsiura Habhakuki pamusana pezvaakabvunza. Mwari aiziva kuti kwaiva kuchema kwemunhu ari kurwadziwa. Achitaura kuvaJudha vainge vatsauka, Jehovha akaudza Habhakuki kuti chii chaizoitika munguva pfupi yaitevera. Zvichida Habhakuki ndiye akatanga kuudzwa naJehovha kuti vaJudha ivavo vaizorangwa nekukurumidza.

8. Nei mhinduro yaJehovha isiri iyo yaitarisirwa naHabhakuki?

8 Jehovha akaudza Habhakuki kuti ane zvaaizoita. VaJudha vaiita zvechisimba uye vainge vakaipa vaizorangwa nekukurumidza. Paakashandisa mashoko ekuti “mumazuva enyu,” Jehovha akaratidza kuti mutongo wake waizouya muprofita wacho achiri mupenyu kana kuti vamwe vaakararama navo vachiri vapenyu. Mhinduro yaJehovha haisi iyo yaitarisirwa naHabhakuki. Zvaakaudzwa naJehovha zvaireva kuti kutambura kwaizowedzera munyika yese yeJudha. VaKadheya kana kuti vaBhabhironi vaiva neutsinye uye vaida zvechisimba kupfuura vaIsraeri, avo vaiziva zvinodiwa naJehovha. Nei Jehovha aizoshandisa vahedheni vaiva neutsinye kuti arange vanhu vake? Kudai uri iwe Habhakuki, waizoita sei pashure pekunzwa mhinduro yaMwari yakadaro?

9. Habhakuki anogona kunge akazvibvunza mibvunzo ipi?

9 Verenga Habhakuki 1:12-14, 17. Habhakuki akanzwisisa kuti Jehovha aizoshandisa Bhabhironi kuti atonge uye arange vanhu vakaipa vainge vakamupoteredza asi zvakanga zvichiri kumuvhiringidza. Kunyange zvakadaro, akati Jehovha akaramba ari “Dombo” rake. (Dheut. 32:4; Isa. 26:4) Habhakuki aizoramba achivimba kuti Mwari ane rudo nemutsa. Izvi zvakaita kuti muprofita wacho ave nechivimbo chekubvunza Jehovha zvakare. Nei Mwari aizobvumira kuti zvinhu zviwedzere kuipa muJudha? Nei aisazvigadzirisa panguva iyoyo? Nei Wemasimbaose aizosiya vanhu vachiwedzera kutambura? Nei ‘aizoramba akanyarara’ zvakaipa zvichiitika? Iye “Mutsvene” uye ‘maziso ake akanyanya kuchena zvekuti haadi kuona zvakaipa.’

10. Kungofanana naHabhakuki, dzimwe nguva tinonzwa sei?

10 Dzimwe nguva tinogona kunzwa sezvakaita Habhakuki. Tinoteerera Jehovha. Tinovimba naye, tinoverenga Shoko rake uye tinoridzidza, uye izvozvo zvinotipa tariro. Tinonzwa zvaakavimbisa patinoteerera zvatinodzidziswa nesangano rake. Asi tinogona kuramba tichinetseka kuti, ‘Matambudziko edu achapera riini?’ Tingadzidzei pane zvakazoitwa naHabhakuki?

MIRIRA JEHOVHA

11. Habhakuki akatsunga kuitei pashure pekunge ateerera Jehovha?

11 Verenga Habhakuki 2:1. Kukurukura kwakaita Habhakuki naJehovha kwakaita kuti Habhakuki ave nemwoyo wakadzikama. Saka izvi zvakaita kuti atsunge kuramba akamirira nechivimbo kuti Jehovha agadzirise zvinhu. Haana kungomirira Jehovha panguva iyoyo chete nekuti akazodzokorora kutaura nezvekutsunga kwake paakati aizomirira “zuva rokutambudzika chinyararire.” (Hab. 3:16) Vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vakaratidzawo kuti vaivimba naye, uye izvozvo zvinotikurudzira kuti tirambe takamirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu.​—Mika 7:7; Jak. 5:7, 8.

12. Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza kubva kuna Habhakuki?

12 Tinodzidzei pakutsunga kwaHabhakuki? Chekutanga, hatifaniri kumbomira kunyengetera kuna Jehovha pasinei nematambudziko angatiwira. Chechipiri, tinofanira kuteerera zvatinoudzwa naJehovha achishandisa Shoko rake nesangano rake. Chechitatu, tinofanira kumirira Jehovha nemwoyo murefu, tichivimba kuti achatinyaradza pamarwadzo edu panguva yakakodzera. Kana tikaramba tichitaura naJehovha tichinyatsobudisa manzwiro edu uye tichimuteerera nekumumirira sezvakaitwa naHabhakuki, tinogona kuwana mwoyo wakadzikama, uyo uchatibatsira kutsungirira. Tariro yedu ichaita kuti tiwedzere kuva nemwoyo murefu uye izvozvo zvichaita kuti tifare pasinei nematambudziko atingasangana nawo. Tariro inotipa chivimbo chekuti Baba vedu vekudenga vachatibatsira.​—VaR. 12:12.

13. Tinowana vimbiso ipi pana Habhakuki 2:3?

13 Verenga Habhakuki 2:3. Jehovha akafadzwa nekumirira kwakaita Habhakuki. Wemasimbaose ainyatsoziva kutambura kwaiita Habhakuki. Saka Mwari akanyaradza muprofita wacho nekumuvimbisa kuti aizowana mhinduro dzemibvunzo yake. Pasina nguva aizozorodzwa pakunetseka kwake. Mwari aiudza Habhakuki kuti: “Chingova nemwoyo murefu uvimbe neni. Mhinduro yangu ichauya pasinei nekuti ingaita seiri kunonoka.” Jehovha akamuyeuchidza kuti aiva nenguva yakatarwa yekuzadzisa zvaakavimbisa. Jehovha akaudza Habhakuki kuti amirire kuzadzika kwezvinangwa zvake. Pakupedzisira muprofita wacho aisazoora mwoyo.

Nei takatsunga kuita zvese zvatinogona pakushumira Jehovha? (Ona ndima 14)

14. Tinofanira kutsunga kuitei patinenge tiri mumatambudziko?

14 Kumirira Jehovha nemwoyo murefu uye kunyatsoteerera zvaanotiudza kuchatipa chivimbo uye kuchatibatsira kuva nemwoyo wakadzikama pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Jesu akatikurudzira kuvimba naJehovha uyo anonyatsochengeta nguva, kwete kunyanya kufunga “nezvenguva kana mwaka” zvatisati taudzwa nezvazvo naMwari. (Mab. 1:7) Naizvozvo tisakanda mapfumo pasi, asi ngatimirirei tichizvininipisa, tiine kutenda nemwoyo murefu, tichishandisa zvakanaka nguva yatiinayo pakushumira Jehovha.​—Mako 13:35-37; VaG. 6:9.

JEHOVHA ANOPA UPENYU VAYA VANOVIMBA NAYE

15, 16. (a) Ivimbiso dzipi dzatinowana mubhuku raHabhakuki? (b) Vimbiso idzi dzinotidzidzisei?

15 Jehovha anovimbisa vakarurama vanovimba naye achiti: “Munhu akarurama, acharamba achirarama nokutendeka kwake,” uye “nyika ichazara nokuziva kubwinya kwaJehovha.” (Hab. 2:4, 14) Vaya vane mwoyo murefu uye vanovimba naMwari vachapiwa upenyu husingaperi.

16 Munhu paanotanga kuona mashoko ari pana Habhakuki 2:4, anogona kufunga kuti angoriwo mashoko. Asi muapostora Pauro akaona kuti vimbiso iyoyo inokosha zvekuti akataura mashoko evhesi iyi katatu. (VaR. 1:17; VaG. 3:11; VaH. 10:38) Tinogona kuva nechokwadi chekuti pasinei nematambudziko atingasangana nawo, kana tikaramba takavimbika kuna Jehovha, tiine kutenda maari, tichaona zvaakavimbisa zvichizadzika. Jehovha anoda kuti tiise pfungwa patariro yedu yeramangwana.

17. Bhuku raHabhakuki rinotivimbisei?

17 Bhuku raHabhakuki rinotidzidzisa chidzidzo chine simba isu tiri kurarama mumazuva ano ekupedzisira. Jehovha anovimbisa upenyu husingaperi chero munhu akarurama anotenda maari uye anovimba naye. Ngatirambei tichisimbisa kutenda kwedu uye tichiwedzera kuvimba kwatinoita naMwari pasinei nematambudziko atingasangana nawo. Achishandisa Habhakuki, Jehovha anotivimbisa kuti achatitsigira uye achatiponesa. Anotikumbira kuti tivimbe naye uye kuti timirire nemwoyo murefu nguva yaakaronga yekuti Umambo hwake hutonge nyika. Panguva iyoyo, nyika ichange yakazara nevanhu vanoshumira Jehovha vachifara uye vaine rugare.​—Mat. 5:5; VaH. 10:36-39.

VIMBA NAJEHOVHA UFARE

18. Mashoko aJehovha akaita kuti Habhakuki anzwe sei?

18 Verenga Habhakuki 3:16-19. Zvakaudzwa Habhakuki naJehovha zvakamubaya mwoyo. Habhakuki akafungisisa zvinhu zvinoshamisa zvakanga zvaitwa naJehovha achiitira vanhu vake. Iye zvino kuvimba kwaaiita naJehovha kwakanga kwawedzera. Aiziva kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu nekukurumidza. Izvozvo zvakanyaradza muprofita wacho, kunyange zvazvo aiziva kuti aizotambura kwekanguva. Kusava nechokwadi kwaHabhakuki kwainge kusisipo. Ainge ava kuvimba zvakasimba kuti Jehovha aizomuponesa. Mashoko aakataura anogona kunge ari mamwe emashoko anoyeukwa chaizvo anoratidza chivimbo chakasimba muna Mwari. Vamwe vaongorori veBhaibheri vanofunga kuti vhesi 18 inoreva kuti “Ndichasvetuka nemufaro munaShe; ndichatenderera nemufaro muna Mwari.” Iyi ivimbiso ine simba chaizvo kwatiri tese. Jehovha haana kugumira pakungotivimbisa zvinhu zvakanaka, asi anotivimbisawo kuti iye zvino ari kushanda kuti azadzise chinangwa chake chikuru.

19. Tinganyaradzwa sei sezvakaitwa Habhakuki?

19 Chidzidzo chinokosha chatinowana mubhuku raHabhakuki ndechekuvimba naJehovha. (Hab. 2:4) Kuti tirambe tichivimba naJehovha, tinofanira kusimbisa ushamwari hwedu naye. Saka tinofanira (1) kuramba tichinyengetera, tichiudza Jehovha zvese zvinenge zvichitinetsa; (2) kunyatsoteerera zvatinoudzwa naJehovha achishandisa Shoko rake uye mirayiridzo yese yatinowana kubva kusangano rake; uye (3) kumirira Jehovha tiine kutenda nemwoyo murefu. Ndizvo zvakaitwa naHabhakuki. Kunyange zvazvo ainetseka paakatanga kutaura naJehovha, pakupedzisira akanga akurudzirwa uye ava nemufaro. Kana tikatevedzera Habhakuki tinogonawo kunyaradzwa nekumbundira kwerudo kwaBaba vedu vekudenga, Jehovha. Hakuna kumwe kwatinogona kunyaradzwa zvakadaro munyika ino iri kuwedzera kuipa.