Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 44

Ivai Neushamwari Hwakasimba Mugumo Usati Wasvika

Ivai Neushamwari Hwakasimba Mugumo Usati Wasvika

“Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzese.”​—ZVIR. 17:17.

RWIYO 101 Kushanda Takabatana

ZVICHADZIDZWA *

Tichada shamwari dzakanaka ‘pakutambudzika kukuru’ (Ona ndima 2) *

1-2. Maererano na1 Petro 4:7, 8, chii chichatibatsira kutsungirira patinenge tiri panguva yakaoma?

SEZVO tiri kuswedera pedyo nekuguma ‘kwemazuva ekupedzisira,’ tinogona kusangana nematambudziko akakura chaizvo. (2 Tim. 3:1) Pakapera kuitwa sarudzo mune imwe nyika iri muAfrica, vanhu vakatanga kurwisana. Hama nehanzvadzi dzedu dzakaita mwedzi inopfuura 6 dzisingakwanisi kufamba dzakasununguka nekuti dzaigara munzvimbo yairwiwa. Dzakaitei nematambudziko akadaro? Vamwe vakanogara nehama dzaiva kusina mhirizhonga. Imwe hama yakati: “Panguva yakadaro, ndakafara chaizvo kuti ndaiva neshamwari. Takakwanisa kukurudzirana.”

2 “Kutambudzika kukuru” pakuchatanga, tichafara kana tiine shamwari dzinotida. (Zvak. 7:14) Saka ino ndiyo nguva yekuti tisimbise ushamwari hwedu nevamwe. (Verenga 1 Petro 4:7, 8.) Tinogona kudzidza zvakawanda kuna Jeremiya. Jerusarema parainge rava pedyo nekuparadzwa, shamwari dzake dzepedyo dzakamubatsira kuti apone. * Tingatevedzera sei Jeremiya?

DZIDZA PANE ZVAKAITWA NAJEREMIYA

3. (a) Chii chaigona kuita kuti Jeremiya azviparadzanise nevamwe vanhu? (b) Jeremiya akaudzei munyori wake Bharuki uye zvakaguma nei?

3 Kwemakore angasvika 40 kana kupfuura, Jeremiya aigara nevanhu vasina kuvimbika, avo vaisanganisira vavakidzani vake uye zvichida hama dzake dzekuAnatoti kwaaibva. (Jer. 11:21; 12:6) Asi haana kuzviparadzanisa nevamwe. Akaudza Bharuki, munyori wake ainge akatendeka, manzwiro aaiita uye isu tinozivawo manzwiro ake nekuti akanyorwa muBhaibheri. (Jer. 8:21; 9:1; 20:14-18; 45:1) Bharuki paainyora zvakaitika kuna Jeremiya, vaviri ava vanofanira kunge vakawedzera kusimbisa ushamwari hwavo uye kuremekedzana kwavaiita.​—Jer. 20:1, 2; 26:7-11.

4. Jehovha akaudza Jeremiya kuti aitei, uye basa iri rakasimbisa sei ushamwari hwaJeremiya naBharuki?

4 Kwemakore akawanda, Jeremiya akashinga kuyambira vaIsraeri achivaudza zvaizoitika kuvanhu vaiva muJerusarema. (Jer. 25:3) Jehovha paakayambirazve vanhu kuti vapfidze zvivi zvavo, akaudza Jeremiya kuti anyore yambiro yacho pagwaro. (Jer. 36:1-4) Jeremiya naBharuki pavakashanda vese pabasa iri ravakapiwa naMwari, iro rinogona kunge rakatora mwedzi yakawanda, vanofanira kunge vaikurukura zvinhu zvaisimbisa kutenda kwavo.

5. Bharuki akaratidza sei kuti aiva shamwari yakanaka kuna Jeremiya?

5 Pavakapedza kunyora gwaro racho, Jeremiya aitofanira kuvimba neshamwari yake Bharuki kuti iudze vanhu mashoko acho. (Jer. 36:5, 6) Bharuki akashinga kuita basa iri raigona kumuurayisa. Jeremiya anofanira kunge akafara chaizvo Bharuki paakaenda kuchivanze chetemberi ndokuverengera vanhu gwaro racho. (Jer. 36:8-10) Machinda eJudha akanzwa zvakanga zvaitwa naBharuki uye vakamurayira kuti avaverengere gwaro racho. (Jer. 36:14, 15) Machinda acho akaona kuti aifanira kuudza Mambo Jehoyakimu zvakanga zvataurwa naJeremiya. Vakafungawo nezvaBharuki ndokumuudza kuti: “Endai munohwanda, iwe naJeremiya, uye ngaparege kuva nemunhu anoziva kwamunenge muri.” (Jer. 36:16-19) Iroro raiva zano rakanaka.

6. Jeremiya naBharuki vakaita sei pavakapikiswa?

6 Mambo Jehoyakimu akatsamwa kwazvo paakanzwa mashoko akanyorwa naJeremiya zvekuti akapisa gwaro racho ndokurayira kuti Jeremiya naBharuki vasungwe. Asi Jeremiya haana kutya. Akatora rimwe gwaro, ndokuripa Bharuki, uye Jeremiya paaimuudza mashoko aJehovha, Bharuki akanyora “mashoko ese aiva mugwaro rekutanga rakapiswa naMambo Jehoyakimu weJudha.”​—Jer. 36:26-28, 32.

7. Chii chinofanira kunge chakaitika Jeremiya naBharuki pavakashanda pamwe chete?

7 Vanhu vanotsungirira muedzo pamwe chete vanowanzova neushamwari hwepedyo. Saka zvinoita sekuti Jeremiya naBharuki vakawedzera kuzivana uye kuva shamwari dzepedyo pavaishanda vese vachinyorazve gwaro rakanga rapiswa naMambo Jehoyakimu ainge akaipa. Zvakaitwa nevarume vaviri ava vakatendeka zvinotibatsira sei?

UDZA SHAMWARI DZAKO ZVIRI PAMWOYO

8. Chii chingatitadzisa kuva neshamwari dzepedyo, uye nei tichifanira kuramba tichiedza kuva nadzo?

8 Zvingatiomera kuudza vamwe zviri mumwoyo medu kana takamborwadziswa nemumwe munhu. (Zvir. 18:19, 24) Kana kuti tinoona sekuti hatina nguva nesimba zvekuti tiumbe ushamwari hwepedyo nevamwe. Kunyange zvakadaro, hatifaniri kuona sekuti hazvifi zvakaita. Kana tichida kuti hama dzedu dzimire nesu panouya miedzo, tinofanira kudzidza kuvimba nadzo nemwoyo wese iye zvino. Iroro idanho rinokosha rekuti tive neshamwari dzechokwadi.​—1 Pet. 1:22.

9. (a) Jesu akaratidza sei kuti aivimba neshamwari dzake? (b) Kuudza vamwe mafungiro ako nemanzwiro ako kunokubatsirai sei kuti muve shamwari dzepedyo? Taura muenzaniso.

9 Jesu akaratidza kuti aivimba neshamwari dzake nekutaura nadzo achidziudza zvinhu zvese. (Joh. 15:15) Tinogona kumutevedzera nekuudza vamwe zvinhu zvinenge zvichitifadza, zviri kutinetsa, uye zvinenge zvatirwadza. Nyatsoteerera mumwe munhu paanenge achitaura newe, uye unogona kuona kuti makafanana pamafungiro, manzwiro uye zvinangwa muupenyu. Funga nezvaCindy, hanzvadzi ine makore ekuma20. Akashamwaridzana nemumwe piyona ane makore ekuma60 anonzi Marie-Louise. Cindy naMarie-Louise vanoshanda muushumiri musi weChina wega wega mangwanani, uye vanokurukura nyaya dzakasiyana-siyana vakasununguka. Cindy anoti, “Ndinofarira kutaura nyaya dzinokosha neshamwari dzangu nekuti zvinondibatsira kudziziva zviri nani.” Ushamwari hunosimba kana vanhu vachiudzana zvavanofunga uye manzwiro avo. Kufanana naCindy, kana ukatanga iwe kuudza vamwe manzwiro ako uye mafungiro ako, ushamwari hwako navo hunogona kuwedzera kusimba.​—Zvir. 27:9.

SHANDAI MESE

Shamwari dzakanaka dzinoshanda dzese muushumiri (Ona ndima 10)

10. Maererano naZvirevo 27:17, chii chinogona kuitika patinoshanda nehama nehanzvadzi dzedu?

10 Sezvakaitika kuna Jeremiya naBharuki, patinoshanda nevamwe vatinonamata navo, tozvionera tega zvakanaka zvavanoita, tinodzidza kwavari tova pedyo navo. (Verenga Zvirevo 27:17.) Paunenge uri muushumiri, unonzwa sei shamwari yako painotaura neushingi zvainotenda, kana kuti painotaura nemwoyo wese nezvaJehovha uye zvinangwa zvake? Kakawanda kacho unobva wawedzera kuida.

11-12. Taura muenzaniso unoratidza kuti kuita ushumiri neshamwari dzedu kunogona kusimbisa ushamwari hwedu.

11 Funga nezvemienzaniso miviri inoratidza kuti kuita ushumiri kunogona kubatsira vanhu kuti vawedzere kudanana. Adeline, hanzvadzi ine makore 23, akakumbira imwe shamwari yake inonzi, Candice, kuti vaende kunoparidza kundima isingawanzoshandwi. Anoti, “Taida kuwedzera kushingaira uye kunakidzwa neushumiri. Taida chinhu chinotikurudzira, kuitira kuti tirambe tichipa Jehovha zvakanakisisa.” Vaviri ava vakabatsirwa sei nekushanda pamwe chete? Adeline anoti, “Paipera zuva rimwe nerimwe, taikurukura manzwiro ataiita, zvainge zvatikurudzira muushumiri, uye kuti Jehovha ainge atitungamirira sei muushumiri hwedu. Tese tainakidzwa nekukurukura uku uye takawedzera kuzivana.”

12 Laïla naMarianne, hanzvadzi mbiri dzisina kuroorwa dzekuFrance, dzakaenda kunoparidza kwemavhiki 5 kuBangui, guta guru reCentral African Republic. Laïla anoti: “Ini naMarianne takasangana nematambudziko, asi kukurukura zvakanaka uye kudanana zvechokwadi kwakaita kuti ushamwari hwedu huwedzere kusimba. Pandakaona kukwanisa kwaiita Marianne kujaira mararamiro matsva, kuda kwaaiita vanhu vemunyika macho, uye kushingaira kwake muushumiri, ndakawedzera kumuyemura.” Unogona kuva nemakomborero aya kunyange usina kuenda kune imwe nyika. Pese paunoshanda mundima yenyu neimwe hama kana hanzvadzi, une mukana wekuziva munhu iyeye zviri nani uye wekusimbisa ushamwari hwenyu.

ISA PFUNGWA PANE ZVAKANAKA UYE REGERERA VAMWE

13. Tingasangana nedambudziko ripi patinoshanda neshamwari dzedu?

13 Dzimwe nguva patinoshanda neshamwari dzedu, tinoona zvakanaka zvadzinoita uyewo zvadzinokanganisa. Chii chingatibatsira kuti tirambe tiri pedyo nadzo pasinei nezvadzinokanganisa? Funga zvakare nezvaJeremiya. Chii chakamubatsira kuona zvakanaka mune vamwe uye kuvaregerera?

14. Jeremiya akadzidzei nezvaJehovha, uye izvi zvakamubatsira sei?

14 Jeremiya ndiye akanyora bhuku rinozivikanwa nezita rake uye anofanira kunge ari iye akanyora mabhuku eBhaibheri anozivikanwa sa1 na2 Madzimambo. Basa iroro rakaita kuti aone kuti Jehovha ane ngoni chaizvo nevanhu vane chivi. Semuenzaniso, Jehovha paakaona kuti Mambo Ahabhi ainge apfidza pane zvakaipa zvaakaita, akaita kuti Ahabhi asaona mhuri yake yese ichiparadzwa iye achiri mupenyu. (1 Madz. 21:27-29) Uyewo Jeremiya aiziva kuti Manase akaita zvakawanda zvinogumbura Jehovha kupfuura zvakaitwa naAhabhi. Kunyange zvakadaro, Jehovha akaregerera Manase nekuti akapfidza. (2 Madz. 21:16, 17; 2 Mak. 33:10-13) Nyaya idzodzo dzinofanira kunge dzakabatsira Jeremiya kuti atevedzere mwoyo murefu uye ngoni dzaMwari pakushanda kwake neshamwari dzake dzepedyo.​—Pis. 103:8, 9.

15. Jeremiya akatevedzera sei mwoyo murefu waJehovha pakambotsauswa Bharuki?

15 Funga kuti Jeremiya akabatsira sei Bharuki paakambotsauswa pabasa rake. Jeremiya haana kukurumidza kufunga kuti shamwari yake Bharuki haichabatsiriki, asi akamuudza mashoko aMwari ayo ainge asingapotereri, airatidza rudo. (Jer. 45:1-5) Tinodzidzei panyaya iyi?

Shamwari dzakanaka dzinoregererana nemwoyo wese (Ona ndima 16)

16. Sezvinoratidzwa pana Zvirevo 17:9, tinofanira kuitei kuti ushamwari hwedu hurambe huripo?

16 Chokwadi ndechekuti hama nehanzvadzi dzedu dzinokanganisa. Saka kana tangova neushamwari hwepedyo, tinofanira kushanda nesimba kuti ushamwari ihwohwo hurambe huripo. Kana shamwari dzedu dzikakanganisa, tingafanira kudzitsiura nerudo tichishandisa Shoko raMwari asi tisingapotereri. (Pis. 141:5) Uye kana dzikatirwadzisa, tinofanira kudziregerera. Kana tangodziregerera, tinofanira kurwisa muedzo wekuzotaurazve nezvenyaya yacho. (Verenga Zvirevo 17:9.) Panguva ino yakaoma yatiri kurarama, zvakakosha chaizvo kuti tiise pfungwa pazvinhu zvakanaka zvinoitwa neshamwari dzedu pane kungofunga zvadzinokanganisa! Izvi zvichasimbisa ushamwari hwedu uye tichada shamwari dzepedyo pakutambudzika kukuru.

RATIDZA RUDO RUSINGACHINJI

17. Jeremiya akaratidza sei kuti aiva shamwari yechokwadi panguva dzakaoma?

17 Muprofita Jeremiya akaratidza kuti aiva shamwari yechokwadi panguva dzakaoma. Semuenzaniso, Ebhedhi-mereki mukuru wemumuzinda wamambo, paakanunura Jeremiya kuti asafira mutsime raiva nematope, Ebhedhi-mereki akatyira kuti iye pachake aizokuvadzwa nemachinda. Jeremiya paakaziva nezvazvo haana kuramba akanyarara, achitarisira kuti shamwari yake yaizongokwanisa kutsungirira yega. Kunyange zvazvo Jeremiya aiva mujeri, akaita zvaaigona kuti audze shamwari yake Ebhedhi-mereki vimbiso yaJehovha inonyaradza.​—Jer. 38:7-13; 39:15-18.

Shamwari dzakanaka dzinobatsira hama nehanzvadzi (Ona ndima 18)

18. Maererano naZvirevo 17:17, tinofanira kuita sei kana shamwari yedu iri mumatambudziko?

18 Mazuva ano vatinonamata navo vanosangana nematambudziko akasiyana-siyana. Semuenzaniso, vakawanda vanowirwa nenjodzi dzinongoitika dzega kana kuti dzinokonzerwa nevanhu. Izvozvo pazvinoitika, vamwe vedu tinogona kugara neshamwari idzi pamba pedu. Vamwe vangabatsira nemari. Asi tese zvedu tinogona kukumbira Jehovha kuti abatsire hama nehanzvadzi dzedu. Kana hama kana hanzvadzi yedu yakaora mwoyo, tingasaziva zvekutaura kana zvekuita. Asi tese tine zvatingaita kuti tibatsire. Semuenzaniso, tinogona kutsvaga nguva yekuva neshamwari yedu. Tinogona kunyatsoiteerera painenge ichitaura. Uye tinogona kutaura nayo nezverugwaro rwatinofarira runonyaradza. (Isa. 50:4) Chinonyanya kukosha ndechekuti uve neshamwari dzako padzinenge dziri mumatambudziko.—Verenga Zvirevo 17:17.

19. Kuumba ushamwari hwakasimba iye zvino kuchatibatsira sei mune ramangwana?

19 Tinofanira kuumba ushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzedu iye zvino toshanda nesimba kuti ushamwari hwacho hurambe huripo. Tinofanira kudaro nekuti vavengi vachaedza kutiparadzanisa vachishandisa nhema. Vachaedza kuita kuti tisavimba nehama dzedu uye tisadzitsigira, asi havazobudiriri. Havazokwanisi kuita kuti tirege kuda hama dzedu. Hapana chavangaita chichakanganisa ushamwari hwedu. Ushamwari ihwohwo huchatoramba huripo kusvika pakuguma kwenyika ino uyewo nekusingaperi.

RWIYO 24 Uyai Kugomo raJehovha

^ ndima 5 Zvatiri kuswedera pedyo nemugumo, tese tinofanira kusimbisa ushamwari hwedu nevatinonamata navo. Munyaya ino tichaongorora zvatinogona kudzidza pane zvakaitika kuna Jeremiya. Tichakurukurawo kuti kuva neushamwari hwepedyo nevamwe vaKristu iye zvino kuchatibatsira sei panguva dzakaoma.

^ ndima 2 Zviitiko zviri mubhuku raJeremiya hazvina kunyorwa maererano nenguva yazvakaitika.

^ ndima 57 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mufananidzo uyu uri kuratidza zvingaitika ‘pakutambudzika kukuru.’ Hama nehanzvadzi dzakaungana pamwe chete mumba meimwe hama. Sezvo vaine ushamwari, vari kukwanisa kunyaradzana panguva iyoyo yakaoma. Hama nehanzvadzi idzodzo dzakagara dzaumba ushamwari hwakasimba dambudziko guru risati ratanga.