Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Onésime naGéraldine

Makomborero Anowanikwa Nevaya Vanodzokera Kunyika Dzavo

Makomborero Anowanikwa Nevaya Vanodzokera Kunyika Dzavo

HAMA nehanzvadzi dzakawanda idzo dzainge dzakatamira kunyika dzakabudirira dzakadzokera kumusha. Kuda Jehovha uye vamwe vanhu ndiko kwakaita kuti vaende kunodiwa vaparidzi veUmambo vakawanda. (Mat. 22:37-39) Zvii zvavakasiya uye makomborero api avakawana? Kuti tizive, ngationei zvakaitika kuCameroon, nyika iri muAfrica nechekumadokero.

“NZVIMBO YAKAKODZERA ‘YEKUBATA HOVE’”

Muna 1998 imwe hama inonzi Onésime yakatamira kune imwe nyika ichibva kuCameroon. Akaita makore 14 achigara kunze kwenyika. Rimwe zuva ari pamusangano wechiKristu, pakataurwa muenzaniso une chekuita nebasa rekuparidza. Mukurukuri wacho akati, “Kana shamwari mbiri dzichibata hove panzvimbo dzakasiyana uye mumwe wacho achibata hove dzakawanda kudarika mumwe, uya ari kubata hove shoma haangaendi here pane uya ari kubata dzakawanda?”

Muenzaniso iwoyo wakaita kuti Onésime afunge nezvekudzokera kuCameroon uko kune vanhu vakawanda vanoda kudzidza Bhaibheri. Asi ane zvaaityira. Aizokwanisa here kugara muCameroon zvakare pashure pemakore ese aya achigara kunze kwenyika? Kuti aone kana aizozvikwanisa, Onésime akashanya kuCameroon kwemwedzi 6. Muna 2012 akabva adzokera kuCameroon zvachose.

Onésime anoti: “Ndaifanira kujairana nekupisa uye upenyu hweko. MuImba yeUmambo, ndaifanira kujaira kugara pamabhenji akaomarara.” Achinyemwerera akabva ati: “Pandairamba ndichiisa pfungwa pane zviri kudzidziswa, zvaiita kuti ndikanganwe mutepfetepfe uri muDzimba dzeUmambo kunze kwenyika.”

Muna 2013, Onésime akaroora Géraldine uyo akanga adzokerawo kuCameroon pashure pemakore 9 achigara kuFrance. Makomborero api avakawana nekuti vaisa kuda kwaMwari pekutanga muupenyu hwavo? Onésime anoti: “Takapinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo uye tiri kushumira paBheteri. Mugore richangopfuura, muungano medu makabhabhatidzwa vanhu 20. Iye zvino ndava kunyatsoona kuti ndiri panzvimbo yakakodzera ‘yekubata hove.’” (Mako 1:17, 18) Géraldine anowedzera kuti: “Ndakawana makomborero akawanda kupfuura andaifungidzira.”

MUFARO WEKUITA KUTI VANHU VAVE VADZIDZI

Judith naSam-Castel

Judith akanga atamira kuUnited States, asi aida chaizvo kuwedzera ushumiri hwake. Anoti: “Pese pandaishanya kumba kuCameroon, ndaichema pandainge ndava kudzoka nekuti ndaisiya vanhu vakawanda vandainge ndatanga kudzidza navo Bhaibheri.” Asi Judith aizeza kudzokera kunogara kuCameroon. Aiva nebasa rinobhadhara raiita kuti akwanise kurapisa baba vake vaiva kuCameroon. Asi achivimba naJehovha, Judith akadzokera kuCameroon. Anobvuma kuti aimbosuwa zvinhu zvakanaka zvaaiwana paaiva kunze kwenyika. Akanyengetera kuna Jehovha achikumbira kubatsirwa kuti ajairane neupenyu hutsva, uyewo akabatsirwa nekukurudzirwa kwaakaitwa nemutariri wedunhu nemudzimai wake.

Judith anoti: “Mumakore matatu chete, ndakafara kuona vanhu 4 vandakadzidza navo Bhaibheri vachibhabhatidzwa.” Judith akatanga kushumira sapiyona chaiye. Iye zvino ari kushumira pamwe chete nemurume wake Sam-Castel, mubasa remudunhu. Asi chii chakazoitika kuna baba vaJudith? Judith nevamwe vemumhuri make vakakwanisa kuwana chipatara chekune imwe nyika chaida kuvaopareta vasingabhadhari. Chinofadza ndechekuti oparesheni yacho yakafamba zvakanaka.

KUONA RUOKO RWAJEHOVHA

Caroline naVictor

Imwe hama inonzi Victor yakatamira kuCanada. Pashure pekunge averenga imwe nyaya yaiva muNharireyomurindi yaitaura nezvedzidzo yepamusoro, akafunga nezvedzidzo yaaiita. Akabva asiyana nezvekudzidza kuyunivhesiti, akatanga kuita imwe kosi inotora nguva pfupi yekudzidzira mabasa emaoko. Anoti: “Izvi zvakaita kuti ndikurumidze kuwana basa uye ndakabva ndatanga kupayona, uko kwandakanga ndava nemakore ndichida kuita.” Victor akazoroora Caroline uye vakashanya kuCameroon. Vari ikoko, vakashanya kuBheteri uye vakakurudzirwa kuti vafunge nezvekushumira muCameroon. Victor anoti, “Takaona pasina chikonzero chekuti tirambe uye sezvo tairarama upenyu husina zvakawanda, takabvuma kuita zvatakakurudzirwa.” Kunyange zvazvo Caroline ainetseka neutano, vakasarudza kutama.

Victor naCaroline vakatanga kushumira semapiyona enguva dzese kuti vabatsire vanhu vese vavaiona vaida kudzidza Bhaibheri. Kwekanguva, vakakwanisa kurarama vachishandisa mari yavainge vakachengeta. Vakambodzoka kuCanada kuti vanoshanda kwemwedzi mishoma uye zvakaita kuti vakwanise kudzokera kuCameroon kuti varambe vachipayona. Vakawana makomborero api? Vakapinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, vakashumira semapiyona chaiwo, uye iye zvino vava kuita basa rekuvaka zvivakwa zvesangano. Victor anoti: “Kuchinja kwatakaita mararamiro atakanga tajaira kwakaita kuti tione ruoko rwaJehovha.”

MUFARO WEKUBATSIRA VANHU KUTI VAZVITSAURIRE KUNA JEHOVHA

Stéphanie naAlain

Muna 2002, Alain uyo aidzidza pane imwe yunivhesiti muGermany, akaverenga turakiti rinonzi Vechiduku—Muchaitei Noupenyu Hwenyu? Rakamukurudzira kuti ave nezvinangwa zvitsva. Muna 2006 akapinda Chikoro Chekudzidzisa Vashumiri uye akanzi anoshumira kuCameroon, nyika yaakaberekerwa.

Paaiva kuCameroon, Alain akawana basa raaishanda kwenguva pfupi. Akazowana basa raibhadhara kupfuura raaimboita, asi ainetseka kuti raizoita kuti asawana nguva yakawanda yekuita ushumiri. Saka paakanzi ashumire sapiyona chaiye, akabvuma asingazezi. Munhu waaishandira akati aizomupa mari yakawanda kupfuura yaaitambira, asi Alain haana kuchinja zvaakanga asarudza. Alain akazoroora Stéphanie, uyo akanga agara kuFrance kwemakore akawanda. Matambudziko api akasangana naStéphanie paakatamira kuCameroon?

Stéphanie anoti: “Ndaigara ndichirwara-rwara, asi ndaikwanisa kuwana mishonga yaindibatsira kuti ndinzwe zviri nani. Vaviri ava vakawana mubayiro wekutsungirira kwavakaita. Alain anoti: “Patakaenda kune imwe nzvimbo iri kure inonzi Katé, takawana vanhu vakawanda vaida kudzidza Bhaibheri. Pave paya, takatanga kudzidza navo tichishandisa foni. Vaviri vavo vakabhabhatidzwa, uye pakaumbwa boka revaparidzi. Stéphanie anoti: “Hapana chinofadza kudarika kubatsira vanhu kusvika pakuzvitsaurira kuna Jehovha. Kushumira kuno kwakaita kuti tiwane mufaro iwoyo kakawanda. Iye zvino Alain naStéphanie vari mubasa remudunhu.

“TAKAITA CHAIZVO ZVATAIFANIRA KUITA”

Léonce naGisèle

Imwe hanzvadzi inonzi Gisèle yakabhabhatidzwa payaidzidza basa rekuva chiremba kuItaly. Aiyemura upenyu husina twakawandawanda hwemapiyona akamudzidzisa Bhaibheri uye aida kuita zvakawanda muushumiri. Saka Gisèle akatanga kushumira sapiyona wenguva dzese achipedzisa chikoro.

Gisèle aida kuita zvakawanda mubasa raJehovha ari kuCameroon, asi ane zvaaityira. Anoti: “Ndaifanira kurasikirwa nekodzero yangu yekugara kuItaly zviri pamutemo uye ndaizoparadzana nehama neshamwari dzeko.” Kunyange zvakadaro, muna May 2016, Gisèle akadzokera kunogara kuCameroon. Pave paya, akachata naLéonce, uye Hofisi yeBazi yemuCameroon yakavakurudzira kuti vaende kuAyos, taundi rinodiwa vaparidzi vakawanda veUmambo.

Upenyu hwemuAyos hwakanga kwakaita sei? Gisèle anoti: “Kakawanda taiita mavhiki tisina magetsi, uye taisakwanisa kuchajisa mafoni edu. Nguva yakawanda yacho mafoni aisashanda. Ndakadzidza kubika nehuni, uye taienda kutsime usiku nemabhara nematochi pakwainge kusina vanhu vakawanda.” Vaviri ava vakakwanisa sei kutsungirira? Gisèle anoti: “Mweya waJehovha wakatibatsira kutsungirira. Ini nemurume wangu taitsigirana, uye hama neshamwari dzaitikurudzira uye dzimwe nguva vaitibatsira nemari.”

Gisèle ari kufara here nekudzokera kwaakaita kunyika yaakaberekerwa? Anoti: “Hongu! Ndiri kufara chaizvo. Pakutanga zvinhu zvainge zvakaoma uye taimboora mwoyo. Asi patakangokunda zvinhu izvozvo, ini nemurume wangu takaita chaizvo zvataifanira kuita. Tinovimba naJehovha uye tinonzwa tiri pedyo naye. Léonce naGisèle vakapinda Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo, uye iye zvino vari kushumira semapiyona chaiwo enguva pfupi.

Sezvinoita vabati vehove vanoratidza ushingi mumamiriro ezvinhu akaoma kuti vabate hove dzakawanda, vaya vanodzokera kunyika dzavakaberekerwa vanozvipira chaizvo kuti vabatsire vanhu vanoteerera mashoko eUmambo. Jehovha achayeuka vaparidzi ava vanoshanda nesimba, ovakomborera nekuti vanoratidza kuti vanoda zita rake. (Neh. 5:19; VaH. 6:10) Kana uchigara kunze kwenyika uye munyika yawakaberekerwa muchidiwa vaparidzi vakawanda veUmambo, ungakwanisa kudzokera here? Kana ukadaro, uchawana makomborero akawanda.—Zvir. 10:22.