Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

“Nyatsotarisa Mberi” Uchiona Ramangwana

“Nyatsotarisa Mberi” Uchiona Ramangwana

“Maziso ako anofanira kunyatsotarisa mberi; ramba wakangotarisa mberi kwako.”—ZVIR. 4:25.

RWIYO 77 Chiedza Munyika Ine Rima

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Tingashandisa sei zano riri pana Zvirevo 4:25? Taura muenzaniso.

FUNGA nezvemienzaniso iyi mitatu. Hanzvadzi yechiKristu yakwegura inoyeuka zvinhu zvaiinakidza zvakaitika kare. Kunyange zvazvo upenyu hwayo hwatiomei iye zvino, iri kuitira Jehovha zvese zvainogona. (1 VaK. 15:58) Inogara ichifungidzira iri munyika itsva yakavimbiswa naMwari, iine hama neshamwari dzayo. Imwe hanzvadzi inoyeuka kurwadziswa kwayakaitwa nemumwe munhu wemuungano asi inosarudza kusaramba ichifunga nezvazvo. (VaK. 3:13) Hama inoyeuka zvayakambokanganisa kare, asi inoisa pfungwa pakuita zvese zvainogona kuti irambe yakatendeka iye zvino.—Pis. 51:10.

2 VaKristu vatatu ava vakafanana papi? Vese vanoyeuka zvakamboitika kare muupenyu hwavo, asi havasi kuramba vachizvifunga. Vari ‘kuramba vakanyatsotarisa mberi.’—Verenga Zvirevo 4:25.

3. Nei tichifanira “kunyatsotarisa mberi” tichiona ramangwana?

3 Nei zvichikosha kuti ‘tinyatsotarisa mberi’ tichiona ramangwana? Sezvo munhu anoramba achingocheuka asingagoni kufamba zvakatwasuka, hatigoniwo kufambira mberi pakushumira Jehovha kana tikaramba tichingofunga zvaiitika kare.—Ruka 9:62.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvisina kunaka zvingaita kuti tirarame tichingofunga zvaiitika kare. Zvinoti: (1) kushuva kuti dai upenyu huri sezvahwaimbova kare, (2) kuva nechigumbu, uye (3) kuramba uchizvipa mhosva. Pachinhu chimwe nechimwe, tichaona kuti Bhaibheri ringatibatsira sei kuti tisaramba tichifunga “zvinhu zviri shure” asi kuti tisveerere “zvinhu zviri mberi.”—VaF. 3:13.

KUSHUVA KUTI DAI UPENYU HURI SEZVAHWAIMBOVA KARE

Chii chinogona kutitadzisa kunyatsotarisa mberi tichiona ramangwana? (Ona ndima 5, 9, 13) *

5. Muparidzi 7:10 inoti zvii zvatisingafaniri kuita?

5 Verenga Muparidzi 7:10. Vhesi iyi haitauri kuti pane chakaipa nekubvunza kuti: “Nei mazuva ekare ainge akanaka?” Kuyeuka zvinhu zvakanaka zvakaitika kare, chipo chinobva kuna Jehovha. Asi vhesi yacho inoti: “Usati, ‘Nei mazuva ekare aiva nani pane aya?’” Saka dambudziko riri pakuenzanisa upenyu hwatiri kurarama iye zvino nehwatairarama kare, toona sekuti zvinhu zvese zvawedzera kuipa iye zvino. Mune rimwe Bhaibheri, vhesi iyi yakashandurwa kuti: “Rega kubvunza uchiti, ‘Ko seiko mazuva ekare akanga akanaka kupinda mazuva ano?’ Nokuti munhu akachenjera haabvunzi mubvunzo usina maturo wakadaro.”

Pashure pekunge vabuda muIjipiti, vaIsraeri vakaita chikanganiso chipi? (Ona ndima 6)

6. Nei kusiri kuchenjera kuramba tichifunga kuti upenyu hwedu hwaiva nani kare? Taura muenzaniso.

6 Nei kusiri kuchenjera kuramba tichifunga kuti upenyu hwedu hwaiva nani kare? Izvozvo zvinogona kuita kuti tingoyeuka zvinhu zvakanaka chete zvaiitika kare. Kana kuti zvinogona kuita kuti tione sekuti matambudziko ataiva nawo aiva madiki. Funga nezvevaIsraeri. Pashure pekunge vabuda muIjipiti, vakakurumidza kukanganwa kuoma kwainge kwakaita upenyu hwavo imomo. Vakanga vava kungofunga nezvechikafu chakanaka chavaidya. Vakati: “Tava kufunga hove dzataidya muIjipiti tisingatengi, tichidyawo magaka, manwiwa, rikisi, hanyanisi, negariki!” (Num. 11:5) Asi vaizvidya vasingabhadhari here? Aiwa. Vaibhadhara nekufondoka kwavaiita sevaranda muIjipiti. (Eks. 1:13, 14; 3:6-9) Kunyange zvakadaro vakakanganwa matambudziko iwayo uye vakashuva upenyu hwekare. Pane kuti varambe vakaisa pfungwa dzavo pazvinhu zvakanaka zvavakanga vachangobva kuitirwa naJehovha, vakasarudza kuramba vachifunga nezvemazuva ekare. Jehovha haana kufadzwa nazvo.—Num. 11:10.

7. Chii chakabatsira imwe hanzvadzi kuti isangoramba ichifunga kuti upenyu hwayo hwaiva nani kare?

7 Tingaitei kuti tisangoramba tichishuva upenyu hwekare? Funga nezveimwe hanzvadzi yakatanga kushumira paBheteri rekuBrooklyn muna 1945. Pashure pemakore, yakazochata neimwe hama yaishandawo paBheteri, uye vakashumira vese ipapo kwemakore akawanda. Muna 1976, murume wayo akatanga kurwara. Hanzvadzi yacho yakati murume wayo paakaziva kuti akanga ava pedyo nekufa, akaipa mazano akanaka aizoibatsira painenge yava chirikadzi. Akaiudza kuti: “Takava newanano inofadza. Vanhu vakawanda havambovi newanano yakadaro.” Akaiudzawo kuti: “Kunyange zvazvo usingazokanganwi zvinhu zvakanaka zvatakaita pamwe chete, usazongoramba wakaisa pfungwa pazviri. Nguva zvainofamba, kusuruvara kwako kuchange kuchidzikira. Usazonyanya kuora mwoyo kana kunetseka kuti nei izvi zvakaitika kwauri. Fara kuti takava neupenyu hunofadza tichishumira Jehovha pamwe chete. . . . Kuyeuka zvinhu zvakanaka zvakaitika, chipo chinobva kuna Mwari.” Iri raiva zano rakazonaka.

8. Hanzvadzi yedu yakabatsirwa sei nemazano ayakapiwa nemurume wayo?

8 Hanzvadzi yedu yakashandisa mazano ayakapiwa nemurume wayo. Yakashumira Jehovha yakatendeka kusvikira payakafa yava nemakore 92. Makore mashomanana isati yafa, yakati: “Ndikatarisa makore anopfuura 63 andashumira Jehovha mubasa renguva yakazara, ndinogona kuti ndararama upenyu hunofadza chaizvo.” Nei yakadaro? Yakatsanangura kuti: “Chinoita kuti upenyu hufadze kuva musangano redu rehama uye tariro yekurarama nehama nehanzvadzi dzedu munyika inenge yava paradhiso, tichishumira Musiki wedu Mukuru, Mwari wechokwadi, Jehovha, nekusingaperi. * Uyu muenzaniso wakazonaka wemunhu akanyatsotarisa mberi achiona ramangwana!

KUVA NECHIGUMBU

9. Maererano naRevhitiko 19:18, ndepapi pazvinganyanya kutiomera kuregerera munhu anenge atigumbura?

9 Verenga Revhitiko 19:18. Zvinowanzotiomera kuregerera munhu anenge atigumbura kana achinge ari wemuungano, shamwari yepedyo kana kuti weukama. Imwe hanzvadzi yakapomerwa neimwe hanzvadzi kuti yakanga yaibira mari. Hanzvadzi iya yekutaura kuti yakanga yabirwa mari yakazokumbira ruregerero, asi iya yakanga yapomerwa yakaramba ichifunga nezvazvo. Wakambonzwawo saizvozvo here? Kunyange zvazvo zvinhu zvakadai zvisina kumboitika kwatiri, vakawanda vedu tinogona kunge takambova nechigumbu uye takaona sekuti hatizombofi takaregerera munhu wacho.

10. Chii chingatibatsira kana tagumburwa?

10 Chii chinogona kutibatsira kana tagumburwa? Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha anoona zvinhu zvese. Anoziva zvese zvatinosangana nazvo, kusanganisira paya patinobatwa zvisina kunaka nevamwe. (VaH. 4:13) Anorwadziwa patinotambura. (Isa. 63:9) Uye akavimbisa kuti achabvisa marwadzo edu ese anokonzerwa nekubatwa zvisina kunaka nevamwe.—Zvak. 21:3, 4.

11. Kuregerera vamwe kunotibatsira sei?

11 Tinogonawo kuyeuka kuti patinoregerera vamwe, tinonzwa zviri nani. Izvi ndizvo zvakaonekwa nehanzvadzi iya yakanga yapomerwa kuti yakanga yaba mari. Nekufamba kwenguva, yakazokwanisa kuregerera hanzvadzi iya yakanga yaipomera. Yakaziva kuti patinoregerera vamwe, Jehovha anotiregererawo. (Mat. 6:14) Yaiziva kuti zvakaitwa nehanzvadzi yakaipomera zvainge zvakaipa, asi yakasarudza kuiregerera. Izvi zvakaita kuti hanzvadzi yedu iwedzere kufara uye yakakwanisa kuisa pfungwa pakushumira Jehovha.

KURAMBA UCHIZVIPA MHOSVA

12. Tinodzidzei pana 1 Johani 3:19, 20?

12 Verenga 1 Johani 3:19, 20. Dzimwe nguva tinombonzwa tiine mhosva. Semuenzaniso, vamwe vanhu vanozvipa mhosva yezvinhu zvavakaita vasati vadzidza chokwadi. Vamwe vanozvipa mhosva yezvinhu zvavakakanganisa vabhabhatidzwa. Iwaya ndiwo manzwiro anoita vakawanda. (VaR. 3:23) Tinoda kuita zvakanaka, asi “tese tinokanganisa kazhinji.” (Jak. 3:2; VaR. 7:21-23) Kuzvipa mhosva hakufadzi, asi kunogona kutibatsira. Nei tichidaro? Kuzvipa mhosva kunogona kutibatsira kuti tigadzirise zvatakakanganisa totsunga kusazvidzokorora.—VaH. 12:12, 13.

13. Nei tichifanira kungwarira kuti tisaramba tichizvipa mhosva?

13 Zvinogonawo kuitika kuti tinoramba tichizvipa mhosva pashure pekunge tapfidza zvivi zvedu, uye pashure pekunge Jehovha aratidza kuti akatiregerera. Izvozvo zvinogona kutikanganisa. (Pis. 31:10; 38:3, 4) Zvinotikanganisa sei? Funga nezveimwe hanzvadzi yakaramba ichizvipa mhosva yezvivi zvayakaita kare. Yakati: “Hazvibatsiri kuti ndishande nesimba mubasa raJehovha nekuti anogona kusandiponesa.” Vakawanda vedu tinogona kunzwa sezvakaita hanzvadzi iyi. Saka tinofanira kungwarira kuti tisaramba tichizvipa mhosva. Nei tichifanira kungwarira? Nekuti Satani anofara chaizvo kana tikarega kushumira Jehovha, kunyange zvazvo Jehovha achiri kutida.—Enzanisa na2 VaKorinde 2:5-7, 11.

14. Tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha akatiregerera?

14 Zvimwe takambozvibvunza kuti, ‘Ndingava sei nechokwadi chekuti Jehovha akandiregerera?’ Kana wakazvibvunza mubvunzo iwoyo, zvinoratidza kuti Jehovha anogona kukuregerera. Makore akawanda apfuura, Nharireyomurindi yakati: “Tinogona kunge tichiramba tichidzokorora kuita chimwe chinhu chisina kunaka. Izvi zvingava zvichikonzerwa nekutadza kukunda imwe tsika yataiita tisati tava kushumira Mwari. . . . Usaora mwoyo. Usabva waona sekuti wakaita chivi chisingamboregererwi. Satani anoda kuti ufunge saizvozvo. Kurwadziwa uye kushungurudzika kwauri kuita nezvawakakanganisa, kunoratidza kuti hausi munhu akaipa uye Jehovha anogona kukuregerera. Usambofa wakaneta kushumira Mwari nemwoyo wese uye uchizvininipisa kuti akuregerere, akubatsire kuva nehana yakachena uye kuti usazodzokorora zvawakakanganisa. Enda kwaari sezvinoita mwana anoenda kuna baba vake kana aine dambudziko, pasinei nekuti dambudziko racho riri kuitika kakawanda sei, uye nenyasha dzake, Jehovha achakubatsira.” *

15-16. Vamwe vakanzwa sei pavakaziva kuti Jehovha achiri kuvada?

15 Vanhu vaJehovha vakawanda vakanyaradzwa pavakaziva kuti Jehovha akanga achiri kuvada. Makore adarika, imwe hama yakakurudzirwa neimwe nyaya yakabuda muchikamu chinoti “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.” Nyaya yacho yakataura nezveimwe hanzvadzi ine zvakaipa zvayakanga yamboita uye izvi zvaiita kuti iomerwe nekubvuma kuti Jehovha anoida. Hanzvadzi yacho yakaramba ichinetseka nemanzwiro akadaro kwemakore akawanda pashure pekunge yabhabhatidzwa. Asi payakafungisisa nezverudzikinuro yakatanga kuona kuti Jehovha anoida. *

16 Zvakaitika kuhanzvadzi iyi zvakabatsira sei hama iya? Hama yacho yakanyora kuti: “Pandaiva mudiki, ndaiedza chaizvo kuti ndirege kuona zvinonyadzisira izvo zvakanga zvandipinda muropa. Munguva pfupi ichangopfuura, ndakambozvionazve. Ndakakumbira kubatsirwa nevakuru vechiKristu uye iye zvino handisisiri kuzviona. Vakuru vakandivimbisa kuti Mwari anondida uye ane ngoni. Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva ndinombozviona semunhu asina zvaanobatsira, sekunge kuti Jehovha haangambondidi. Kuverenga nyaya [yehanzvadzi iyi] kwakandibatsira chaizvo. Ndava kuziva kuti pandinoona sekuti Mwari haangambondiregereri zvinoita sekuti ndiri kuti chibayiro cheMwanakomana wake hachigoni kufukidza zvivi zvangu. [Ndakacheka] mapeji aiva nenyaya yacho muNharireyomurindi zvekuti ndinogona kuiverenga ndichidzamisa pfungwa pese pandinombonzwa sekuti handibatsiri.”

17. Muapostora Pauro akaitei kuti asaramba achizvipa mhosva?

17 Nyaya dzakadai dzinotiyeuchidza muapostora Pauro. Asati ava muKristu, ane zvivi zvakawanda zvakakura zvaakaita. Pauro aiyeuka zvaakaita, asi aisangoramba achifunga nezvazvo. (1 Tim. 1:12-15) Aiona rudzikinuro sechipo chaakapiwa. (VaG. 2:20) Saka Pauro haana kuramba achizvipa mhosva uye akaisa pfungwa dzake pakuitira Jehovha zvese zvaaikwanisa.

RAMBA UCHIFUNGA NEZVENYIKA ITSVA!

Ngatirambei tichifunga nezvenyika itsva (Ona ndima 18-19) *

18. Tadzidzei munyaya ino?

18 Tadzidzei pazvinhu zvitatu zvakurukurwa munyaya ino? (1) Kuyeuka zvinhu zvakanaka zvakaitika kare chipo chinobva kuna Jehovha; asi pasinei nekuti upenyu hwedu hwainge hwakanaka zvakadii kare, ramangwana redu richange rakanaka kupfuura zvese izvozvo. (2) Vamwe vangatirwadzisa, asi patinovaregerera tinokwanisa kuisa pfungwa dzedu pakushumira Jehovha. (3) Kuramba tichizvipa mhosva kunotitadzisa kushumira Jehovha tichifara. Saka tinofanira kubvuma kuti Jehovha akatiregerera sezvakaitwa naPauro?

19. Tinoziva sei kuti munyika itsva hatizoyeuki zvinhu zvinoita kuti tisuruvare?

19 Tine tariro yekurarama nekusingaperi. Uye munyika itsva yaMwari hatizoyeuki chero chii zvacho chinoita kuti tisuruvare. Bhaibheri rinotaura nezvenguva iyoyo richiti: “Zvinhu zvekare hazvizouyi mupfungwa.” (Isa. 65:17) Pafunge: Vamwe vedu tashumira Jehovha kusvikira pakukwegura, asi munyika itsva tichavazve vadiki. (Job. 33:25) Saka ngatiregei kuramba tichingofunga zvaiitika kare. Asi tinoda kuramba tichifunga nezvenyika itsva, toita zvese zvatinogona iye zvino kuti tizovamo!

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

^ ndima 5 Zvakanaka kuyeuka zvakamboitika kare muupenyu hwedu. Asi hatifaniri kuzongoramba tichifunga zvakaitika kare zvekuti tinotadza kuitira Jehovha zvese zvatinokwanisa iye zvino, kana kuti tinotadza kuramba tichifunga nezveParadhiso yakavimbiswa naJehovha. Nyaya ino ichataura zvinhu zvitatu zvatisingafaniri kuita, izvo zvingaita kuti tirambe tichingofunga zvaiitika kare. Tichaona zvinotaurwa neBhaibheri uye mienzaniso yevanhu vemazuva ano inogona kutibatsira kuti tisaita zvinhu izvi.

^ ndima 14 Ona Nharireyomurindi yeChirungu yaFebruary 15, 1954 peji 123.

^ ndima 58 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kushuva kuti dai upenyu huri sezvahwaimbova kare, kuva nechigumbu uye kuramba uchizvipa mhosva kwakafanana nekudhonza zvinhu zvinorema izvo zvinogona kutitadzisa kufamba mumugwagwa unoenda kuupenyu.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Kana tichinge tasiyana nezvinhu zvinotiremera, tinonzwa tazorodzwa, tichifara uye tava nesimba idzva. Izvi zvichaita kuti tikwanise kutarisa mberi kwatiri kuenda.