Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 46

Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako

Shinga—Jehovha Ndiye Mubatsiri Wako

“Handizokusiyi, uye handizokurasi.”—VAH. 13:5.

RWIYO 55 Musavatye!

ZVICHADZIDZWA *

1. Chii chichatinyaradza patinonzwa sekuti hapana anogona kumira nesu, kana kuti patinonzwa sekuti tava kukundwa nematambudziko edu? (Pisarema 118:5-7)

WAKAMBOSANGANA nedambudziko ukanzwa sekuti hapana anogona kumira newe here? Vakawanda vakambonzwawo saizvozvo kusanganisira vashumiri vaJehovha vakatendeka. (1 Madz. 19:14) Kana izvozvo zvikaitika kwauri, yeuka vimbiso yaJehovha yekuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” Saka tinogona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi.” (VaH. 13:5, 6) Muapostora Pauro akanyora mashoko iwayo kuvaKristu vaigara muJudhiya munenge muna 61 C.E. Mashoko ake anotiyeuchidza zvakanyorwa pana Pisarema 118:5-7.—Verenga.

2. Tichakurukurei munyaya ino uye nei tichifanira kuzvikurukura?

2 Kufanana nemunyori wepisarema, Pauro aiziva kubva pane zvakaitika kwaari kuti Jehovha ndiye Mubatsiri wake. Semuenzaniso, pachiine makore anopfuura maviri Pauro asati anyora tsamba yake kuvaHebheru, akaita rwendo rwaiva nengozi mugungwa. (Mab. 27:4, 15, 20) Asati aita rwendo irworwo uye paaiva parwendo rwacho, Jehovha akamubatsira munzira dzakasiyana-siyana. Tichakurukura nhatu dzacho. Jehovha akamubatsira achishandisa Jesu nengirozi, vanhu vane zvinzvimbo, uyewo vamwe vaainamata navo. Kuongorora zviitiko izvi zveupenyu hwaPauro kuchaita kuti tiwedzere kuva nechokwadi chekuti Mwari achanzwa minyengetero yedu patinokumbira kubatsirwa.

KUBATSIRWA NAJESU UYE NENGIROZI

3. Pauro akasangana nedambudziko ripi, uye chii chingangodaro chakauya mupfungwa dzake?

3 Pauro aida kubatsirwa. Munenge muna 56 C.E., mhomho yevanhu yakamuzvuzvurudzira kunze kwetemberi muJerusarema ichida kumuuraya. Mangwana acho, paakaendeswa pamberi peSanihedrini, vavengi vake vakapotsa vamuita kanyama-kanyama. (Mab. 21:30-32; 22:30; 23:6-10) Panguva iyoyo Pauro anogona kunge akanetseka kuti aizokwanisa kuramba achitsungirira zvaaiitirwa kusvika riini.

4. Jehovha akabatsira sei Pauro achishandisa Jesu?

4 Pauro akabatsirwa sei? Paakasungwa, “Ishe” Jesu akazomira pedyo naye usiku hwacho akati: “Usatya! Nekuti unofanirawo kupa uchapupu hwakasimba nezvangu kuRoma sezvawanga uchiita muJerusarema.” (Mab. 23:11) Mashoko iwayo akakurudzira Pauro chaizvo! Jesu akarumbidza Pauro nekuda kweuchapupu hwaakanga apa muJerusarema. Uye akavimbisa kuti Pauro aizosvika zvakanaka kuRoma kwaaizopa humwe uchapupu. Vimbiso iyoyo inofanira kunge yakaita kuti Pauro anzwe akachengeteka semwana akatakurwa nababa vake.

Pakwaiva nemhepo ine simba mugungwa, ngirozi yakavimbisa Pauro kuti munhu wese aiva mungarava aizopona parwendo irworwo rwainge ruine ngozi (Ona ndima 5)

5. Jehovha akabatsira sei Pauro achishandisa ngirozi? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

5 Pauro akasangana nemamwe matambudziko api? Pashure pemakore anenge maviri kubva paakatambudzwa muJerusarema, akakwira ngarava yaienda kuItari, iyo yakarohwa nemhepo ine simba zvekuti vanhu vese vaivamo vakafunga kuti vaizofa. Asi Pauro akanga asingatyi. Nei aisatya? Akaudza vanhu vaiva mungarava yacho kuti: “Usiku huno ngirozi yaMwari wangu wandinoitira basa dzvene yamira pedyo neni, ikati, ‘Pauro, usatya. Unofanira kumira pamberi paKesari, uye Mwari achakuponesera vese vauri kufamba navo mungarava.’” Jehovha akanga ashandisa ngirozi kuti adzokorore vimbiso yaakanga ambopa Pauro achishandisa Jesu. Uye Pauro akasvika kuRoma sezvakanga zvavimbiswa naJehovha.—Mab. 27:20-25; 28:16.

6. Ivimbiso ipi yakapiwa naJesu inogona kutisimbisa, uye nei ichitisimbisa?

6 Isu tinobatsirwa sei? Jesu achatitsigira sezvaakaita Pauro. Semuenzaniso, Jesu anovimbisa vateveri vake vese kuti: “Ndichange ndiinemi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mat. 28:20) Mashoko aJesu anotisimbisa. Nei tichidaro? Nekuti zvimwe zvinhu zvinoitika muupenyu zvakaoma kutsungirira. Semuenzaniso patinofirwa, tinogona kurwadziwa kwemakore akawanda. Vamwe vanofanira kutsungirira matambudziko anokonzerwa nekukwegura. Vamwewo vanofanira kutsungirira mazuva avanenge vakaora mwoyo. Kunyange zvakadaro, tinowana simba rekutsungirira nekuti tinoziva kuti Jesu anesu “mazuva ese,” kusanganisira aya atinenge takaremerwa nematambudziko.—Mat. 11:28-30.

Ngirozi dzinotitsigira uye dzinotitungamirira patinenge tichiita basa rekuparidza (Ona ndima 7)

7. Maererano naZvakazarurwa 14:6, Jehovha anotibatsira sei mazuva ano?

7 Shoko raMwari rinotiudza kuti Jehovha anotibatsira achishandisa ngirozi dzake. (VaH. 1:7, 14) Semuenzaniso, ngirozi dzinotitsigira uye dzinotitungamirira patinenge tichiita basa rekuparidza “mashoko akanaka eUmambo” kuvanhu ‘vemarudzi ese nemadzinza nendimi.’—Mat. 24:13, 14; verenga Zvakazarurwa 14:6.

KUBATSIRWA NEVANHU VANE ZVINZVIMBO

8. Jehovha akabatsira sei Pauro achishandisa mukuru weuto?

8 Pauro akabatsirwa sei? Muna 56 C.E., Jesu akaita kuti Pauro ave nechokwadi chekuti aizosvika kuRoma. Asi vamwe vaJudha vaiva muJerusarema vakanga varonga kuhwandira Pauro kuti vamuuraye. Mutungamiriri weuto reRoma uyo ainzi Kraudhiyo Risiyasi paakaziva zvakanga zvarongerwa Pauro, akamuponesa. Kraudhiyo akabva akurumidza kuendesa Pauro akachengetedzwa nemasoja akawanda kuKesariya, vachifamba nenzira yaiita anenge makiromita 105 kubva kuJerusarema. KuKesariya, Gavhuna Ferikisi akarayira kuti Pauro “achengetedzwe mumuzinda waHerodhi.” VaJudha vaida kuuraya Pauro vakanga vasingachakwanisi kumukuvadza.—Mab. 23:12-35.

9. Gavhuna Festo akabatsira sei Pauro?

9 Pashure pamakore maviri, Pauro akanga achiri mujeri kuKesariya. Ferikisi akanga atsiviwa paugavhuna naFesto. VaJudha vakakumbira Festo kuti aite kuti Pauro aunzwe kuJerusarema kuti atongwe, asi Festo akaramba. Zvichida gavhuna wacho akanga achiziva kuti vaJudha “vakanga vachironga kuhwandira Pauro munzira, vomuuraya.”—Mab. 24:27-25:5.

10. Gavhuna Festo akatii Pauro paakakumbira kutongwa naKesari?

10 Nyaya yaPauro yakazotongerwa kuKesariya. Sezvo Festo aida “kunzi akanaka nevaJudha,” akabvunza Pauro kuti: “Unoda here kukwidza kuJerusarema wonotongerwa nyaya idzi pamberi pangu?” Pauro aiziva kuti aigona kuurayiwa muJerusarema. Aizivawo zvaaifanira kuita kuti asaurayiwa, osvika kuRoma uye oramba achiita ushumiri hwake. Akati: “Ndinokwidza nyaya yangu kuna Kesari!” Pashure pekunge Festo ataura nemakurukota ake, akaudza Pauro kuti: “Wakwidza nyaya yako kuna Kesari, saka uchaenda kuna Kesari.” Chisarudzo chakaitwa naFesto chakaponesa Pauro pavavengi vake. Nekufamba kwenguva Pauro aizenge ava muguta reRoma, kure nevaJudha vaida kumuuraya.—Mab. 25:6-12.

11. Pauro anogona kunge akafunga nezvemashoko api anokurudzira akanyorwa naIsaya?

11 Pauro paainge akamirira kutanga rwendo rwake rwekuenda kuItari nengarava, anogona kunge akafunga nezvenyevero yemuprofita Isaya yaakapa vanhu vaipikisa Jehovha yekuti: “Rongai zano, asi richavhiringidzwa! Taurai zvamunoda, asi hazvizobudiriri, nekuti Mwari anesu!” (Isa. 8:10) Pauro aiziva kuti Mwari aizomubatsira, uye izvi zvinofanira kunge zvakamubatsira kuti atsungirire miedzo yaakazosangana nayo.

Sezvaaiita kare, Jehovha anogona kuita kuti vanhu vane zvinzvimbo vadzivirire vashumiri vake mazuva ano (Ona ndima 12)

12. Juriyasi akabata sei Pauro, uye izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti Pauro azivei?

12 Muna 58 C.E., Pauro akatanga rwendo rwake rwekuenda kuItari nengarava. Sezvo aiva musungwa, akaiswa mumaoko emukuru weuto reRoma ainzi Juriyasi. Juriyasi aigona kuitira Pauro utsinye kana kuti aigona kumubata zvakanaka. Aizoshandisa sei simba rake? Mangwana acho pavakasvika pachiteshi chekutanga, “Juriyasi akabata Pauro zvakanaka, akamubvumira kuenda kushamwari dzake.” Nekufamba kwenguva, Juriyasi akatozoponesa Pauro paainge ava kuda kuurayiwa. Akamuponesa sei? Masoja aida kuuraya vasungwa vese vaiva mungarava, asi Juriyasi akaarambidza. Akaarambidzirei? Nekuti “aiva nechido chekusvitsa Pauro zvakanaka.” Pauro anofanira kunge akaziva kuti Jehovha ndiye aishandisa mukuru weuto uyu aiva netsitsi kuti amubatsire uye amudzivirire.—Mab. 27:1-3, 42-44.

Ona ndima 13

13. Jehovha anogona kushandisa sei vanhu vane zvinzvimbo?

13 Isu tinobatsirwa sei? Kana zvichienderana nechinangwa chake, Jehovha anogona kushandisa mweya wake mutsvene kuti vanhu vane zvinzvimbo vaite zvaanoda. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Mwoyo wamambo wakaita sehova dzemvura dziri muruoko rwaJehovha. Anoita kuti uende chero kwese kwaanoda.” (Zvir. 21:1) Chirevo ichi chinorevei? Vanhu vanogona kuchera mugero kuti vatsause mvura iri murukova yoenda kwavanenge vachida. Jehovha anogonawo kushandisa mweya wake mutsvene kuti achinje mafungiro evatongi, voita zvinoenderana nechinangwa chake. Zvinhu zvakadai pazvinoitika, vanhu vane zvinzvimbo vanobva vaita zvisarudzo zvinobatsira vanhu vaMwari.—Enzanisa naEzra 7:21, 25, 26.

14. Maererano naMabasa 12:5, ndivanaani vatinogona kunyengeterera?

14 Zvii zvatingaita? Tinogona kunyengeterera “madzimambo nevaya vese vane zvinzvimbo zvepamusoro” pavanoita zvisarudzo zvinobatabata upenyu hwedu hwechiKristu uye ushumiri hwedu. (1 Tim. 2:1, 2; Neh. 1:11) Sezvakaitwa nevaKristu vekutanga, isuwo tinogona kunyengetera zvikuru kuna Mwari kuti abatsire hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri. (Verenga Mabasa 12:5; VaH. 13:3) Tinogonawo kunyengeterera magadhijeri anochengetedza hama nehanzvadzi dzedu. Tinogona kukumbira Jehovha kuti achinje mafungiro evanhu ava kuitira kuti ‘vabate zvakanaka’ hama nehanzvadzi dzedu dziri mumajeri sezvakaitwa naJuriyasi.—Mab. 27:3.

KUBATSIRWA NEVAMWE VAKRISTU

15-16. Jehovha akabatsira sei Pauro achishandisa Aristako naRuka?

15 Pauro akabatsirwa sei? Pauro paaiva parwendo rwake rwekuenda kuRoma, Jehovha akamubatsira kakawanda achishandisa vamwe vaKristu vaainamata navo. Ngatikurukurei nezvevamwe vavo.

16 Aristako naRuka avo vaiva shamwari dzakatendeka dzaPauro, vakasarudza kuenda naye kuRoma. * Vakazvipira kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vave naPauro, kunyange zvazvo pasina patinonzwa kuti Jesu akanga avavimbisa kuti vaizosvika kuRoma vakachengeteka. Pavakanga vari mungarava ndipo pavakatozoziva kuti vaizosvika kuRoma vari vapenyu. Saka Aristako naRuka pavakakwira ngarava muKesariya, Pauro anofanira kunge akanyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha achimutenda nerubatsiro rwaakamupa achishandisa vaKristu ava vaviri vainge vakashinga.—Mab. 27:1, 2, 20-25.

17. Jehovha akabatsira sei Pauro achishandisa vamwe vaKristu?

17 Paaiva parwendo rwake, Pauro akabatsirwa kakawanda nevamwe vaKristu. Semuenzaniso, pavakamira muSidhoni, Juriyasi “akamubvumira kuenda kushamwari dzake kuti dzinomubatsira.” Uye pavakazosvika muguta rePuteori, Pauro neshamwari dzake ‘vakawana hama uye dzakavakumbira kuti vambogara nadzo kwemazuva manomwe.’ Zviri pachena kuti vaKristu vaigara munzvimbo idzi pavaichengeta Pauro neshamwari dzake, vakafara chaizvo Pauro paaivaudza zvinhu zvinokurudzira. (Enzanisa naMabasa 15:2, 3.) Pashure pekunge vazorora, Pauro neshamwari dzake vakaenderera mberi nerwendo.—Mab. 27:3; 28:13, 14.

Tinobatsirwa naJehovha achishandisa vatinonamata navo sekubatsira kwaakaita Pauro (Ona ndima 18)

18. Chii chakaita kuti Pauro aonge Mwari uye anzwe asimbiswa?

18 Paaifamba akananga kuRoma, Pauro anogona kunge aifunga nezvemashoko aakanga anyora makore matatu akanga apfuura kuungano yaiva muguta racho kuti: “Ndava nemakore ndichida kuuya kwamuri.” (VaR. 15:23) Asi haana kumbofunga kuti aizosvika ikoko ari musungwa. Anofanira kunge akakurudzirwa chaizvo paakaona hama dzekuRoma dzakamumirira munzira kuti dzimukwazise! “Pauro paakadziona, akaonga Mwari, akanzwa asimbiswa.” (Mab. 28:15) Ona kuti Pauro paakaona hama dzauya, akaonga Mwari. Nei akadaro? Nekuti akaonazve kuti Jehovha akanga achimubatsira achishandisa vamwe vaKristu.

Ona ndima 19

19. Sezvinotaurwa pana 1 Petro 4:10, Jehovha angatishandisa sei pakubatsira vaya vanoda kubatsirwa?

19 Tingaitei? Muungano menyu mune hama kana hanzvadzi dziri kushungurudzika nekuti dziri kurwara, dzakafirwa, kana kuti dzine mamwewo matambudziko here? Kana tikaziva nezvemumwe munhu anoda kubatsirwa, tinogona kukumbira Jehovha kuti atibatsire kutaura kana kuita chimwe chinhu chinoratidza kuti tinoda munhu iyeye. Zvatinotaura uye zvatinoita zvinogona kunge zviri izvo chaizvo zvichakurudzira hama kana hanzvadzi yedu. (Verenga 1 Petro 4:10.) * Vaya vatinobatsira vanogona kutangazve kubvuma kuti vimbiso yaJehovha yekuti, “handizokusiyi, uye handizokurasi,” inoshanda kwavari. Izvi zvinoita kuti tifare chaizvo.

20. Nei tichigona kutaura nechivimbo kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu”?

20 Sezvakaitika kuna Pauro neshamwari dzake, tinogona kusangana nematambudziko akakura muupenyu. Asi panguva imwe chete, tinoziva kuti tinogona kushinga nekuti Jehovha anesu. Anotibatsira achishandisa Jesu uye ngirozi. Uyewo kana zvichienderana nechinangwa chake, Jehovha anogona kutibatsira achishandisa vanhu vane zvinzvimbo. Uye sezvakaonekwa nevakawanda vedu, Jehovha anoshandisa mweya wake mutsvene kuita kuti vashumiri vake vave nechido chekubatsira hama nehanzvadzi dzavo dzechiKristu. Saka tinogona kutaura nechivimbo sezvakaitwa naPauro kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?”—VaH. 13:6.

RWIYO 38 Achakusimbisa

^ ndima 5 Nyaya ino inotaura nezvenzira nhatu dzakashandiswa naJehovha pakubatsira muapostora Pauro kuti atsungirire matambudziko. Tichaongorora kuti Jehovha akabatsira sei vashumiri vake kare. Izvi zvichaita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha achatibatsirawo mazuva ano patinosangana nematambudziko.

^ ndima 16 Aristako naRuka vakanga vambofamba naPauro. Varume ava vakavimbika, vakarambawo vaina Pauro paaiva musungwa kuRoma.—Mab. 16:10-12; 20:4; VaK. 4:10, 14.