Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 47

Kutenda Kwako Kuchange Kwakasimba Zvakadii?

Kutenda Kwako Kuchange Kwakasimba Zvakadii?

‘Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Ivai nekutenda.’—JOH. 14:1.

RWIYO 119 Tinofanira Kuva Nekutenda

ZVICHADZIDZWA *

1. Mibvunzo ipi yatingazvibvunza?

 UNOMBONETSEKA here paunofunga nezvezviitiko zviri mberi zvakadai sekuparadzwa kwechitendero chenhema, kurwisa kwaGogi weMagogi, uye hondo yeAmagedhoni? Unombozvibvunza here kuti, ‘Kana nguva iyoyo yasvika, ndichakwanisa here kuramba ndakaperera kuna Mwari panenge pachiitika zvinhu izvozvo zvinotyisa?’ Kana pfungwa idzodzo dzichimbouya, kukurukura kwatichaita mashoko aJesu ari murugwaro rwuri kutungamirira nyaya ino, kuchakubatsira chaizvo. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: ‘Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Ivai nekutenda.’ (Joh. 14:1) Kutenda kwakasimba kuchatibatsira kutsungirira pasinei nezvichaitika mune ramangwana.

2. Tingasimbisa sei kutenda kwedu uye tichakurukurei munyaya ino?

2 Tinogona kusimbisa kutenda kwedu kuti tikwanise kutsungirira miedzo iri mberi kana tikafunga zvatinoita iye zvino patinosangana nemiedzo. Izvozvo zvichatibatsira kuona patinofanira kuwedzera kutenda kwedu. Pese patinokunda dambudziko, kutenda kwedu kunowedzera kusimba. Izvi zvichatibatsira kutsungirira matambudziko ari mberi. Munyaya ino tichaongorora mamiriro ezvinhu mana anoratidza kuti vadzidzi vaJesu vaifanira kusimbisa kutenda kwavo. Tichakurukura kuti tingatsungirira sei matambudziko akadaro mazuva ano uye kuti izvi zvichatibatsira sei kuti tizotsungirira matambudziko mune ramangwana.

TINOFANIRA KUVA NEKUTENDA KUTI MWARI ACHATIPA ZVATINODA PAKURARAMA

Tinogona kusangana nematambudziko ekushaya zvekurarama nazvo, asi kutenda kwedu kuchatibatsira kuti tirambe tichishumira Jehovha (Ona ndima 3-6)

3. Mashoko aJesu ari pana Mateu 6:30, 33 anotibatsira kunzwisisei?

3 Zvingori muropa kuti murume anoda kuti mudzimai wake nevana vawane zvekudya zvakakwana, zvekupfeka uye pekugara. Asi kuita izvozvo kungasava nyore munguva dzino dzakaoma. Dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzakarasikirwa nemabasa uye kunyange zvazvo dziri kuedza chaizvo kutsvaga mamwe, dziri kuashaya. Vamwe vakaramba mabasa asina kukodzera kuitwa nevaKristu. Kana zvakadaro zvikaitika, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba kuti Jehovha achava nechokwadi chekuti tawana zvekuraramisa mhuri dzedu. MuMharidzo yepaGomo Jesu akaita kuti vadzidzi vake vajekerwe nenyaya iyi. (Verenga Mateu 6:30, 33.) Patinova nechokwadi chekuti Jehovha haazotisiyi, tinokwanisa kuisa pfungwa dzedu pakushumira Jehovha. Patinoona kuti Jehovha ari kutipa sei zvatinoda pakurarama, tinowedzera kuswedera pedyo naye uye kutenda kwedu kunosimbiswa.

4-5. Chii chakabatsira imwe mhuri payaizvidya mwoyo nenyaya yekuwana zvekurarama nazvo?

4 Funga kuti Jehovha akabatsira sei imwe mhuri yekuVenezuela payaizvidya mwoyo nenyaya yekuwana zvekurarama nazvo. Pane imwe nguva mhuri yekwaCastro yaiwana zvekurarama nazvo zvakakwana kubva mupurazi rayo. Vamwe varume vaiva nepfuti vakabva vavatorera purazi racho ndokuvadzinga. Baba vacho Miguel, vanoti: “Iye zvino tava kurarama nekurima kamunda kadiki katakakwereta. Ndinotanga zuva rega rega nekukumbira Jehovha kuti atipe zvatinoda zuva iroro.” Upenyu hwakaomera mhuri iyi, asi ichinyatsotenda kuti Baba vedu vane rudo vanokwanisa kuipa zvainoda zuva rimwe nerimwe, mhuri yekwaCastro inogara ichipinda misangano yeungano uye ichiita ushumiri. Kushumira Jehovha ndicho chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwavo, uye Jehovha anovapa zvavanoda pakurarama.

5 Panguva iyi yakaoma, Miguel nemudzimai wake Yurai vari kuisa pfungwa dzavo pakubatsirwa kwavari kuitwa naJehovha. Dzimwe nguva Jehovha anoshandisa hama nehanzvadzi kuti dzivape zvekurarama nazvo kana kuti dzitsvagire Miguel basa. Pamwe pacho Jehovha anoshandisa hofisi yebazi kuti avape zvavanoda pakurarama. Jehovha haana kumbobvira avasiya. Izvi zviri kuita kuti kutenda kwemhuri yacho kusimbe. Pashure pekunge ataura pamwe pavakabatsirwa naJehovha, mwanasikana wavo mukuru Yoselin akati: “Zvinokurudzira chaizvo kuona kuti Jehovha ari kutibatsira sei. Ishamwari yangu uye ndine chokwadi chekuti achagara achindibatsira.” Yoselin akawedzera kuti: “Matambudziko atasangana nawo semhuri ari kutibatsira kugadzirira matambudziko akatooma ari mberi.”

6. Ungasimbisa sei kutenda kwako paunoomerwa nekuwana zvekurarama nazvo?

6 Kana uri kushayiwa zvekurarama nazvo, upenyu hunofanira kunge hwakakuomera. Asi pasinei nekuomerwa kwawakaita, unogona kushandisa nguva ino kuti usimbise kutenda kwako. Nyengetera kuna Jehovha, uye verenga mashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 6:25-34 wofungisisa nezvawo. Funga nezvemienzaniso yevanhu vemazuva ano inoratidza kuti Jehovha anopa zvekurarama nazvo vaya vanoramba vachimushumira. (1 VaK. 15:58) Kuita izvozvo kuchasimbisa chivimbo chako chekuti Baba vako vekudenga vachakubatsira, sekubatsira kwavakaita vamwe vaiva mumamiriro ezvinhu akafanana neako. Vanoziva zvinokosha kwauri pakurarama, uye vanoziva zvekuita kuti vakupe zvinhu zvacho. Paunoona kubatsirwa kwaunoitwa naJehovha muupenyu hwako, kutenda kwako kunowedzera kusimba zvokubatsira kutsungirira matambudziko akatokura mune ramangwana.—Hab. 3:17, 18.

TINOFANIRA KUVA NEKUTENDA KUTI TITSUNGIRIRE MATAMBUDZIKO AKAKURA

Kutenda kwakasimba kunogona kutibatsira kuti titsungirire miedzo yekutenda yakaita sedutu rine simba (Ona ndima 7-11)

7. Maererano naMateu 8:23-26, “dutu guru” rakaedza sei kutenda kwevadzidzi?

7 Jesu nevadzidzi vake pavaifamba nechikepe, kwakaerekana kwaitika dutu. Jesu akashandisa chiitiko ichocho kuti avabatsire kunzwisisa kuti vaifanira kusimbisa kutenda kwavo. (Verenga Mateu 8:23-26.) Dutu racho rakanga rakasimba zvekuti masaisai egungwa aizadza chikepe chavo nemvura, asi Jesu akanga akarara. Vadzidzi pavakamumutsa ndokumukumbira kuti avaponese, Ishe akavabvunza zvakanaka-naka kuti: “Muri kutyeiko, imi mune kutenda kudiki?” Vadzidzi ava vaifanira kuziva kuti Jehovha aikwanisa kudzivirira Jesu nevaya vaakanga ainavo. Tinodzidzei? Kutenda kwakasimba kunogona kutibatsira kuti titsungirire dutu rine simba, kana kuti dambudziko rakaita sedutu.

8-9. Kutenda kwaAnel kwakaedzwa sei uye chii chakamubatsira?

8 Imwe hanzvadzi isina kuroorwa inonzi Anel inobva kuPuerto Rico, yakasangana nedambudziko rakaita kuti kutenda kwayo kuwedzere kusimba. Muna 2017 imba yaAnel yakaparadzwa nedutu rinonzi Hurricane Maria. Dutu iroro rakakonzerawo kuti arasikirwe nebasa rake. Anel anoti: “Panguva iyoyo yainge yakaoma ndaizvidya mwoyo, asi ndakadzidza kuvimba naJehovha kuburikidza nekunyengetera uye ndakadzidza kusarega kuzvidya mwoyo kuchindipedza simba.”

9 Anel akataura kuti kuteerera kwakamubatsirawo kuti atsungirire matambudziko ake. Akati: “Kuita zvataiudzwa nesangano raJehovha kwakandibatsira kuti ndirambe ndakadzikama. Ndakaona ruoko rwaJehovha pakukurudzirwa kwandaiitwa pane zvekunamata uye pakubatsirwa kwandaiitwa nehama nehanzvadzi kuti ndiwane zvekurarama nazvo.” Anowedzera kuti: “Jehovha akandipa zvakawanda chaizvo kupfuura zvandakanga ndakumbira uye kutenda kwangu kwakawedzera chaizvo kusimba.”

10. Ungaitei kana ukasangana nedambudziko rakakura?

10 Uri kusangana nedambudziko rakakura muupenyu hwako here? Zvimwe uri kutambura nemhaka yenjodzi yakangoitika yega. Kana kuti unogona kunge uine dambudziko rakakura reutano, iro rinoita kuti uore mwoyo chaizvo uye upererwe. Dzimwe nguva ungazvidya mwoyo, asi usarega izvozvo zvichikutadzisa kuvimba naJehovha. Swedera pedyo naye kuburikidza nekunyengetera zvichibva pamwoyo. Simbisa kutenda kwako nekufungisisa kubatsirwa kwawakamboitwa naJehovha. (Pis. 77:11, 12) Unogona kuva nechokwadi chekuti haazombokusiyi.

11. Nei tichifanira kuva nechido chakasimba chekuteerera vaya vari kutungamirira?

11 Chii chimwe chingakubatsira kutsungirira matambudziko? Sezvakataurwa naAnel, kuteerera kunogona kukubatsira. Dzidza kuvimba nevaya vanovimbwa navo naJehovha naJesu. Dzimwe nguva vaya vari kutungamirira vanogona kutiudza zvinhu zvatinoona sezvisina musoro kwatiri. Asi Jehovha anotikomborera kana tikateerera. Tinoziva kubva muShoko rake uye kubva pane zvakaitika kuvashumiri vakatendeka kuti kuteerera kunoponesa. (Eks. 14:1-4; 2 Mak. 20:17) Fungisisa mienzaniso iyoyo. Kana ukaita izvozvo chido chako chekuteerera zvinotaurwa nesangano iye zvino uye mune ramangwana chichawedzera. (VaH. 13:17) Uchange usina chikonzero chekutya dutu guru riri kuuya nekukurumidza.—Zvir. 3:25.

TINOFANIRA KUVA NEKUTENDA KUTI TITSUNGIRIRE KUBATWA ZVISINA KUNAKA

Kana tikaramba tichinyengetera kuna Jehovha, kutenda kwedu kunowedzera kusimba (Ona ndima 12)

12. Ruka 18:1-8 inoratidza sei kubatana kwakaita kutenda nekutsungirira kubatwa zvisina kunaka?

12 Jesu aiziva kuti vadzidzi vake vaizobatwa zvisina kunaka uye izvozvo zvaizoedza kutenda kwavo. Kuti avabatsire kutsungirira, akavaudza mumwe mufananidzo wakanyorwa mubhuku raRuka. Jesu akavaudza nyaya yeimwe chirikadzi yakaramba ichichema kumutongi asina kururama kuti itongerwe nyaya yayo zvakanaka. Yaiva nechokwadi chekuti yaizobatsirwa kana ikaramba ichikumbira. Mutongi wacho akazonzwa chikumbiro chayo. Tinodzidzei? Jehovha anotonga zvakarurama. Ndosaka Jesu akati: “Saka Mwari angatadza here kuita kuti vanhu vake vakasarudzwa vanochema kwaari siku nesikati vatongerwe nyaya dzavo zvakarurama?” (Verenga Ruka 18:1-8.) Jesu akabva awedzera kuti: “Mwanakomana wemunhu paachasvika, achawana kutenda uku panyika here?” Patinobatwa zvisina kunaka, tinofanira kuratidza nemwoyo murefu uye nekutsungirira kuti tine kutenda kwakasimba sekwaiva nechirikadzi iyi. Kutenda kwakadaro kuchaita kuti tive nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira. Tinofanirawo kutenda kuti kunyengetera kune simba. Dzimwe nguva minyengetero yedu ingapindurwa nenzira dzatisingatarisiri.

13. Munyengetero wakabatsira sei imwe mhuri yakanga ichishungurudzwa?

13 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Vero, inogara kuDemocratic Republic of the Congo. Iye nemurume wake asiri Chapupu pamwe chete nemwanasikana wavo ane makore 15, vaifanira kutiza nharaunda yavaigara payakarwiswa nemasoja evapanduki. Pavaitiza, vakasvika parodhibhuroku pavakamiswa nemasoja evapanduki ayo akavatyisidzira achiti aida kuvauraya. Vero paakatanga kuchema, mwanasikana wake akaedza kumubatsira kuti adzikame nekunyengetera zvinonzwika achidzokorora zita raJehovha. Paakapedza kunyengetera, mukuru wemasoja acho akamubvunza kuti, “Iwe musikana, ndiani akakudzidzisa kunyengetera?” Akapindura kuti, “Ndakadzidziswa naamai vangu vachishandisa muenzaniso uri pana Mateu 6:9-13.” Mukuru wemasoja wacho akati, “Enda hako nevabereki vako, uye Jehovha Mwari wenyu ngaakuchengetedzei!”

14. Chii chingaedza kutenda kwedu, uye chii chichatibatsira kutsungirira?

14 Mienzaniso yakadaro inotidzidzisa kuti tisambokanganwa kukosha kweminyengetero. Asi ko kana minyengetero yako ikasapindurwa nekukurumidza kana kuti nenzira inoshamisa? Sezvakaitwa nechirikadzi iri mumuenzaniso waJesu, ramba uchinyengetera uine chivimbo chekuti Mwari wedu haazokusiyi uye kuti nekufamba kwenguva achapindura munyengetero wako kunyange nenzira yausingatarisiri. Ramba uchikumbira Jehovha mweya mutsvene wake. (VaF. 4:13) Yeuka kuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha achakukomborera chaizvo zvekuti uchakanganwa kutambura kwese kwawakaita. Paunotsungirira matambudziko uchibatsirwa naJehovha, zvichakusimbisa kuti uzokwanisa kutsungirira matambudziko mune ramangwana.—1 Pet. 1:6, 7.

TINOFANIRA KUVA NEKUTENDA KUTI TIKWANISE KURAMBA TICHITSUNGIRIRA MATAMBUDZIKO

15. Sezvakanyorwa pana Mateu 17:19, 20, vadzidzi vaJesu vakatadza kuitei?

15 Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti kutenda kwaizovabatsira kuti varambe vachitsungirira pasinei nematambudziko avaizosangana nawo. (Verenga Mateu 17:19, 20.) Pane imwe nguva vakatadza kudzinga dhimoni, kunyange zvazvo vakanga vambokwanisa kuita izvozvo pane dzimwe nguva. Dambudziko raiva rei? Jesu akatsanangura kuti kutenda kwavo kwaifanira kuwedzera. Akavaudza kuti kana vaine kutenda kwakakwana vaizokwanisa kukunda matambudziko akaita semakomo! Mazuva ano tinogonawo kusangana nematambudziko angaita seasingatsungiririki.

Tingarwadziwa zvakanyanya asi kutenda kuchatibatsira kuti tirambe tichiita zvakawanda pakushumira Jehovha (Ona ndima 16)

16. Kutenda kwakabatsira sei Geydi kuti atsungirire pashure pekunge murume wake aurayiwa?

16 Funga zvakaitika kuna Geydi, hanzvadzi inogara kuGuatemala. Murume wake Edi, akapondwa pavaidzokera kumba vachibva kumusangano weungano. Kutenda kwaGeydi kwakamubatsira sei paainge akasuruvara zvakanyanya? Anoti: “Kunyengetera kunondibatsira kuti ndikande mutoro wangu pana Jehovha, uye izvozvo zvinoita kuti ndigadzikane. Jehovha anoratidza kuti ane hanya neni achishandisa vemumhuri mangu uye shamwari dzangu dzemuungano. Kugara ndiine zvekuita mubasa raJehovha kunoita kuti ndisanyanya kurwadziwa uye kunondibatsira kurarama ndisinganyanyi kunetseka nezveramangwana. Kubva pane zvakaitika izvi ndakadzidza kuti pasinei nemiedzo yatingasangana nayo mune ramangwana, tichakwanisa kuitsungirira tichibatsirwa naJehovha, Jesu uye sangano.”

17. Tingaitei patinosangana nedambudziko rakaita segomo?

17 Wakafirwa nemunhu waunoda here? Simbisa kutenda kwaunoita kuti vakafa vachamuka nekuverenga nyaya dzemuBhaibheri dzinotaura nezvevanhu vakamutswa. Uri kurwadziwa nekuti munhu wemumhuri menyu akadzingwa here? Dzidza mabhuku esangano nechinangwa chekuzvionera wega kuti chirango chaJehovha chakanaka nguva dzese. Pasinei nekuti dambudziko racho rakaita sei, rione semukana wekusimbisa kutenda kwako. Udza Jehovha manzwiro auri kuita. Usazviparadzanisa nevamwe, asi ramba uri pedyo nehama nehanzvadzi dzako. (Zvir. 18:1) Ita zvinhu zvinokubatsira kutsungirira, kunyange uchimbochema paunoyeuka zvakaitika kwauri. (Pis. 126:5, 6) Ramba uchipinda misangano, uchiparidza uye uchiverenga Bhaibheri. Uye ramba uchifunga nezvemakomborero akazonaka auchapiwa naJehovha mune ramangwana. Paunoona kubatsirwa kwauri kuitwa naJehovha, kutenda kwako kunowedzera kusimba.

“TIWEDZEREIWO KUTENDA”

18. Ungaitei kana ukaona kuti kutenda kwako hakuna kunyatsosimba?

18 Kana kuri kuti matambudziko awakambosangana nawo, kana kuti auri kusangana nawo, akaratidza kuti kutenda kwako hakuna kunyatsosimba, usaora mwoyo. Ona izvozvo semukana wekusimbisa kutenda kwako. Ita zvakaitwa nevaapostora vaJesu, avo vakati: “Tiwedzereiwo kutenda.” (Ruka 17:5) Fungawo nezvemienzaniso yatakurukura munyaya ino. Sezvakaitwa naMiguel naYurai, yeuka pese pawakabatsirwa naJehovha. Sezvakaitwa nemwanasikana waVero uye naAnel, nyengetera nemwoyo wese kuna Jehovha kunyanya paunosangana nedambudziko rakakura. Uye sezvakaitwa naGeydi, ziva kuti Jehovha anogona kukubatsira achishandisa vemumhuri kana kuti shamwari. Paunobvumira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira matambudziko auri kusangana nawo iye zvino, unowedzera kuva nechivimbo chekuti achakubatsira kutsungirira chero matambudziko aungasangana nawo mune ramangwana.

19. Jesu aiva nechokwadi chei, uye unogona kuvawo nechokwadi chei?

19 Jesu akabatsira vadzidzi vake kuti vaone pavaifanira kuwedzera kutenda, asi aiva nechokwadi chekuti vachibatsirwa naJehovha vaizokwanisa kutsungirira matambudziko mune ramangwana. (Joh. 14:1; 16:33) Aiva nechokwadi chekuti kutenda kwakasimba kuchaita kuti boka guru ripone pakutambudzika kukuru kuri kuuya. (Zvak. 7:9, 14) Uchava mumwe wavo here? Nenyasha dzaJehovha, unogona kuva mumwe wavo kana ukaita zvese zvaunogona iye zvino kuti usimbise kutenda kwako!—VaH. 10:39.

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

^ ndima 5 Tese tinoda kuti nyika ino yakaipa igume. Asi dzimwe nguva tinganetseka kuti kutenda kwedu kuchange kwakasimba here zvekuti tichakwanisa kutsungirira kusvika kumugumo. Munyaya ino tichaona zvakasangana nevamwe vanhu uye zvidzidzo zvinogona kutibatsira kusimbisa kutenda kwedu.