Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

Rambai Muchiratidzana Rudo Rusingachinji

Rambai Muchiratidzana Rudo Rusingachinji

“Ratidzanai rudo rusingachinji, muchinzwirana tsitsi.”—ZEK. 7:9.

RWIYO 107 Muenzaniso waMwari Werudo

ZVICHADZIDZWA *

1-2. Ndezvipi zvikonzero zvakanaka zvatiinazvo zvekuti tiratidzane rudo rusingachinji?

 TINE zvikonzero zvakanaka zvekuti tiratidzane rudo rusingachinji. Zvimwe zvacho ndezvipi? Ona kuti zvirevo zvinotevera zvemuBhaibheri zvinopindura sei mubvunzo iwoyo. “Usarega rudo rusingachinji nekutendeka zvichikusiya. . . . Uchabva wawana nyasha uye uchanzi unonyatsonzwisisa pamberi paMwari nevanhu.” “Murume ane rudo rusingachinji anoita zvinomubatsira.” “Munhu wese anoda kuramba achiita zvakarurama uye achiratidza rudo rusingachinji achawana upenyu.”—Zvir. 3:3, 4; 11:17, mashoko emuzasi; 21:21.

2 Zvirevo izvi zvinotaura zvikonzero zvitatu zvinotibatsira kuona kuti nei tichifanira kuratidza rudo rusingachinji. Chekutanga, kuratidza rudo rusingachinji kunoita kuti tive vanhu vanokosha pamberi paMwari. Chechipiri, kuratidza rudo rusingachinji kunotibatsira. Semuenzaniso, tinova neushamwari hwakasimba nevamwe. Chechitatu, kana tikaratidza rudo rusingachinji tichawana zvinhu zvakanaka mune remangwana, kusanganisira upenyu husingaperi. Saka tine zvikonzero zvakanaka zvekuteerera mashoko aJehovha ekuti: “Ratidzanai rudo rusingachinji, muchinzwirana tsitsi.”—Zek. 7:9.

3. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

3 Munyaya ino tichaona mhinduro dzemibvunzo mina inoti, Ndivanaani vatinofanira kuratidza rudo rusingachinji? Bhuku raRute rinotidzidzisei nezvekuratidza rudo rusingachinji? Tingaratidza sei rudo rusingachinji mazuva ano? Zvinhu zvipi zvakanaka zvinowanikwa nevaya vanoratidza rudo rusingachinji?

NDIVANAANI VATINOFANIRA KURATIDZA RUDO RUSINGACHINJI?

4. Tingatevedzera sei Jehovha pakuratidza rudo rusingachinji? (Mako 10:29, 30)

4 Sezvatakadzidza munyaya yakapfuura, Jehovha anongoratidza rudo rwake rusingachinji kune vaya vanomuda uye vanomushumira. (Dhan. 9:4) Tinoda kuva “vatevedzeri vaMwari, sevana vanodiwa.” (VaEf. 5:1) Saka tinoda kuratidza rudo rusingachinji kuhama nehanzvadzi dzedu.—Verenga Mako 10:29, 30.

5-6. Rudo runongoratidzwa munhu wese rwakasiyana papi nerudo rusingachinji?

5 Kana tikanzwisisa zvakaita rudo rusingachinji, tichakwanisa kururatidza kuhama nehanzvadzi dzedu. Kuti tiwedzere kunzwisisa zvakaita rudo rusingachinji, ngationei kusiyana kwarwakaita nerudo runongoratidzwa munhu wese.

 6 Rudo runongoratidzwa munhu wese tinoruona pane zvakaitika kuvanhu vakaita tsaona yengarava, avo vaisanganisira muapostora Pauro. Ngarava yavo yakaparara pamahombekombe echitsuwa cheMarita. Kunyange zvazvo vagari vepachitsuwa cheMarita vaisaziva vanhu ava vaifamba nengarava, vakavagamuchira zvakanaka. (Mab. 28:2, 7) Vagari vepachitsuwa ichi vakaratidza rudo runongoratidzwa munhu wese kwete rudo rusingachinji.

7-8. (a) Chii chinoita kuti munhu aratidze rudo rusingachinji? (b) Nei tiri kuda kukurukura mamwe mavhesi ari mubhuku raRute?

7 Musiyano uri pakati perudo runongoratidzwa munhu wese  nerudo rusingachinji uri pavavariro yemunhu wacho. Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, nei vanhu vaMwari vairatidza rudo rusingachinji? Vaya vairatidza rudo rusingachinji vaizviita kwete nekuti ndizvo zvavaitofanira kuita, asi nekuti ndizvo zvaiva pamwoyo pavo. Funga nezvaDhavhidhi. Akanzwa achida kuratidza rudo rusingachinji kushamwari yake yepamwoyo Jonatani kunyange zvazvo baba vaJonatani vaida kuuraya Dhavhidhi. Papera makore Jonatani afa, Dhavhidhi akaramba achiratidza rudo rusingachinji kuna Mefibhosheti mwanakomana waJonatani.—1 Sam. 20:9, 14, 15; 2 Sam. 4:4; 8:15; 9:1, 6, 7.

8 Tinogona kudzidza zvakawanda nezverudo rusingachinji kana tikaongorora mamwe mavhesi ari mubhuku reBhaibheri raRute. Tinodzidzei nezverudo rusingachinji pavanhu vanotaurwa mubhuku iroro? Tingashandisa sei zvidzidzo izvi muungano yedu? *

TINODZIDZEI NEZVERUDO RUSINGACHINJI KUBVA MUBHUKU RARUTE?

9. Nei Naomi akasvika pakufunga kuti Jehovha aimurwisa?

9 Mubhuku raRute tinoverenga nezvenyaya yaNaomi, muroora wake Rute, uye murume aitya Mwari ainzi Bhoazi uyo aiva hama yemurume waNaomi. MuIsraeri makaita nzara, saka Naomi nemurume wake nevanakomana vavo vaviri vakatamira kuMoabhi. Vari ikoko murume waNaomi akafa. Vanakomana vake vaviri vakaroora, asi zvinorwadza kuti naivowo vakazofa. (Rute 1:3-5; 2:1) Matambudziko iwayo akaita kuti Naomi aore mwoyo zvikuru. Akaora mwoyo zvakanyanya zvekuti akafunga kuti Jehovha aimurwisa. Ona zvaakataura nezvemanzwiro aaiita nezvaMwari. Akati: “Ruoko rwaJehovha rwava kundirwisa.” “Wemasimbaose akaita kuti ndirwadziwe chaizvo neupenyu.” Akatiwo: ‘Jehovha akandirwisa uye Wemasimbaose ndiye akaita kuti ndiwirwe nematambudziko.’—Rute 1:13, 20, 21.

10. Jehovha akaitei nemashoko anorwadza akataurwa naNaomi?

10 Jehovha akaitei nemashoko anorwadza akataurwa naNaomi? Haana kurega kubatsira mushumiri wake ainge akaora mwoyo. Akamunzwira tsitsi. Jehovha anoziva kuti “kudzvinyirirwa kunogona kuita kuti munhu akachenjera aite sebenzi.” (Mup. 7:7) Kunyange zvakadaro, Naomi aida kubatsirwa kuti aone kuti Jehovha aiva naye. Mwari akamubatsira sei? (1 Sam. 2:8) Akaita kuti Rute aratidze rudo rusingachinji kuna Naomi. Rute aida kuratidza kuti anoda Naomi uye akamubatsira kuti asanyanya kuora mwoyo uye kuti azive kuti Jehovha akanga achiri kumuda. Tinodzidzei pane zvakaitwa naRute?

11. Nei hama nehanzvadzi dzakawanda dzichiedza kubatsira vaya vakasuruvara uye vakaora mwoyo?

11 Rudo rusingachinji runoita kuti tide kubatsira vaya vakaora mwoyo. Sezvakaitwa naRute uyo akaramba aina Naomi, hama nehanzvadzi dzakawanda mazuva ano dzinoramba dzichibatsira vaya vari muungano vanenge vakasuruvara kana kuti vakaora mwoyo. Vanoda hama nehanzvadzi dzavo uye vanoda kuita zvese zvavanogona kuti vadzibatsire. (Zvir. 12:25; 24:10) Muapostora Pauro akatikurudzira kuita izvozvo paakati: “Munyaradze vaya vakaora mwoyo, mutsigire vasina simba, uye muitire mwoyo murefu vanhu vese.”—1 VaT. 5:14.

Tinogona kubatsira hama kana hanzvadzi yakaora mwoyo kana tikaiteerera (Ona ndima 12)

12. Ndeipi nzira yakanyanya kunaka yekubatsira nayo hama kana hanzvadzi yakaora mwoyo?

12 Nzira yakanyanya kunaka yaungabatsira nayo muKristu akaora mwoyo ndeyekumuteerera uye kuita kuti azive kuti unomuda. Jehovha anoona zvese zvauri kuita pakubatsira vashumiri vake vanokosha. (Pis. 41:1) Zvirevo 19:17 inoti: “Anonzwira tsitsi munhu akaderera anenge achikweretesa Jehovha, uye iye achamuripa zvaanoita.”

Rute anoramba aina vamwene vake Naomi, Opa paanodzokera kuMoabhi. Rute anoudza Naomi kuti: “Kwamunoenda ndiko kwandichaendawo.” (Ona ndima 13)

13. Zvakaitwa naRute zvainge zvakasiyana papi nezvakaitwa naOpa, uye Rute akaratidza sei rudo rusingachinji? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

13 Tine zvimwe zvatinodzidza nezverudo rusingachinji kana tikaongorora zvakaitika kuna Naomi pashure pekunge murume wake uye vanakomana vake vaviri vafa. Naomi paakaziva kuti “Jehovha akanga afunga vanhu vake nekuvapa zvekudya,” akasarudza kudzokera kumusha kwake. (Rute 1:6) Varoora vake vaviri vakabva vabatana naye parwendo rwacho. Asi pavaiva munzira, Naomi akavaudza katatu kese kuti vadzokere kuMoabhi. Vakaita sei? Tinoverenga kuti: “Opa [akabva] atsvoda vamwene vake ndokubva adzokera. Asi Rute akaramba kuvasiya.” (Rute 1:7-14) Opa akaita zvaakaudzwa naNaomi uye akadzokera kuMoabhi. Asi Rute akaita zvakanaka kupfuura ipapo. Ainge akasununguka kudzokera, asi rudo rusingachinji rwakaita kuti arambe aina Naomi. (Rute 1:16, 17) Rute akaita izvozvo nekuti ndizvo zvaiva pasi pemwoyo wake, kwete nekungoti ndizvo zvaaifanira kuita. Apa Rute akaratidza rudo rusingachinji. Tinodzidzei pane zvakaitwa naRute?

14. (a) Mazuva ano hama nehanzvadzi dzine rudo dziri kuitei? (b) Maererano naVaHebheru 13:16, Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakaita sei?

14 Rudo rusingachinji runoita kuti tiite zvakawanda kupfuura zvinenge zvichitarisirwa. Mazuva anowo, hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinosarudza kuratidza rudo rusingachinji kune vavanonamata navo kunyange kune vaya vavasati vamboonana navo. Semuenzaniso, kana pakaitika njodzi inongoitika yega, vanokurumidza kuda kuziva kuti vangabatsira sei. Kana mumwe munhu wemuungano akaomerwa neupenyu, vanomhanya-mhanya kuti vaone kuti vangamubatsira sei. Sezvakaitwa nevaKristu vekuMakedhoniya, vanoita zvinopfuura zvinenge zvichitarisirwa. Vanopa ‘zvinotopfuura zvavanowana’ kuitira kuti vabatsire hama dzavo. (2 VaK. 8:3) Jehovha anofara chaizvo paanoona vachiratidza rudo rusingachinji rwakadaro!—Verenga VaHebheru 13:16.

TINGARATIDZA SEI RUDO RUSINGACHINJI MAZUVA ANO?

15-16. Chii chinoratidza kuti Rute akaramba achiedza kubatsira Naomi?

15 Tinogona kudzidza zvakawanda kana tikaongorora kubatsira kwakaita Rute vamwene vake Naomi. Ngationei zvimwe zvacho.

16 Ramba uchiedza kubatsira. Rute paakati aida kuenda navamwene vake kuJudha, pakutanga Naomi akaramba. Asi Rute akaramba kuvasiya. Zvakaguma nei? “Naomi paakaona kuti Rute akanga asimbirira kuenda naye, haana kuzoramba achimumanikidza.”—Rute 1:15-18.

17. Chii chichatibatsira kuti tisakurumidza kuneta pakubatsira vaya vanenge vakaora mwoyo?

17 Zvatinodzidza: Zvinoda mwoyo murefu kuti tibatsire vaya vakaora mwoyo, asi hatifaniri kuneta. Hanzvadzi inenge ichida rubatsiro inogona kumboramba kubatsirwa. * Asi rudo rusingachinji ruchaita kuti tiite zvese zvatinogona kuti tisaisiya. (VaG. 6:2) Tinovimba kuti ichazobvuma rubatsiro rwedu uye kunyaradzwa nesu.

18. Chii chinofanira kunge chakaita kuti Rute arwadziwe?

18 Usagumbuka. Naomi naRute pavakasvika muBhetrehema, Naomi akaonana nevanhu vaimbova vavakidzani vake. Akavaudza kuti: “Ndakaenda ndiine zvakawanda, asi Jehovha aita kuti ndidzoke ndiri maoko chete.” (Rute 1:21) Chimbofunga kuti Rute anofanira kunge akanzwa sei Naomi paaitaura mashoko iwayo! Rute akanga aita zvese zvaaikwanisa kuti abatsire Naomi. Rute akanga achema naye, amunyaradza uye afamba naye kwemazuva akawanda. Pasinei nezvese izvi, Naomi akati: “Jehovha aita kuti ndidzoke ndiri maoko chete.” Nemashoko iwayo, Naomi haana kutomboratidza kuti aikoshesa kubatsirwa kwaainge aitwa naRute uyo ainge akamira pedyo naye. Izvozvo zvinofanira kunge zvakarwadza Rute chaizvo. Asi akaramba aina Naomi.

19. Chii chichatibatsira kuti tirambe tiri pedyo nemunhu akaora mwoyo?

19 Zvatinodzidza: Mazuva ano hanzvadzi yakaora mwoyo ingataura mashoko anotirwadza pasinei nezvese zvatinenge taita kuti tiibatsire. Asi tinoedza kusagumbuka. Tinoramba tiri pedyo nehanzvadzi yedu inoda kubatsirwa, uye tinokumbira Jehovha kuti atibatsire kuwana nzira yekuinyaradza nayo.—Zvir. 17:17.

Mazuva ano vakuru vechiKristu vangatevedzera sei Bhoazi? (Ona ndima 20-21)

20. Chii chakapa Rute simba rekuti arambe achibatsira Naomi?

20 Kurudzira munhu anenge achida kukurudzirwa. Rute akaratidza Naomi rudo rusingachinji, asi iye zvino Rute pachake aida kukurudzirwa. Jehovha akaita kuti Bhoazi amukurudzire. Bhoazi akati kuna Rute: “Jehovha ngaakupe mubayiro wezvawakaita, uye ngapave nemubayiro wako wakakwana unobva kuna Jehovha Mwari waIsraeri, ane mapapiro awauya kuzopotera pasi pawo.” Mashoko iwayo anokurudzira akanyaradza Rute chaizvo. Rute akapindura Bhoazi achiti: “Mandinyaradza uye zvamataura zvandisimbisa.” (Rute 2:12, 13) Bhoazi akakurudzira Rute panguva yaaida kukurudzirwa uye izvozvo zvakaita kuti Rute asaneta.

21. Sezvinotaurwa pana Isaya 32:1, 2, zvii zvinoitwa nevakuru vane hanya?

21 Zvatinodzidza: Vaya vanoratidza vamwe rudo rusingachinji vanodawo kukurudzirwa dzimwe nguva. Bhoazi akarumbidza Rute paakaona kubatsira kwaakanga aita Naomi. Mazuva anowo, vakuru vanorumbidza hama nehanzvadzi dziri muungano pavanoona kubatsira kwadzinoita vamwe. Kukurudzira hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichida kukurudzirwa kunodzipa simba rekuramba dzichibatsira vamwe.—Verenga Isaya 32:1, 2.

ZVINHU ZVIPI ZVAKANAKA ZVICHAITIKA KUNE VAYA VANORATIDZA RUDO RUSINGACHINJI?

22-23. Mafungiro aNaomi akachinja sei uye chii chakaita kuti achinje? (Pisarema 136:23, 26)

22 Papera kanguva, Bhoazi akapa Rute naNaomi zvekudya zvakawanda. (Rute 2:14-18) Naomi akaita sei pavakapiwa zvekudya naBhoazi? Akati: “Ngaakomborerwe naJehovha, uyo asina kurega kuva nerudo rusingachinji kuvapenyu nevakafa.” (Rute 2:20a) Mafungiro aNaomi akanga achinja! Akanga ambochema achiti: “Jehovha akandirwisa,” asi iye zvino akanga ava kushevedzera nemufaro achiti: “Jehovha [haana] kurega kuva nerudo rusingachinji.” Chii chingangodaro chakaita kuti mafungiro aNaomi achinje?

23 Naomi akazotanga kuona kubatsirwa kwaaiitwa naJehovha muupenyu hwake. Jehovha akanga ashandisa Rute kuti atsigire Naomi paaidzokera kunyika yeJudha. (Rute 1:16) Naomi akaonawo ruoko rwaJehovha, Bhoazi “mumwe wevadzikinuri” vavo paakabatsira vakadzi vaviri ava. * (Rute 2:19, 20b) Anofanira kunge akataura nechemumwoyo kuti, ‘Iye zvino ndava kunzwisisa kuti Jehovha haana kumbobvira andisiya. Nguva yese iyi anga aineni!’ (Verenga Pisarema 136:23, 26.) Naomi anofanira kunge akaonga kuti Rute naBhoazi havana kumusiya. Vese vakafara chaizvo kuti Naomi akanga avazve nemufaro uye simba rekushumira Jehovha.

24. Nei tichida kuratidza hama nehanzvadzi dzedu rudo rusingachinji?

24 Tadzidzei mubhuku raRute nezverudo rusingachinji? Rudo rusingachinji runoita kuti tisakurumidza kuneta pakubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzinenge dzakaora mwoyo. Runoitawo kuti tide kuzvipira kudzibatsira. Vakuru vanofanira kuwana nguva yekukurudzira vaya vanoratidza rudo rusingachinji kune vamwe. Patinoona vaya vakaora mwoyo vachivazve nemufaro uye simba rekushumira Jehovha, tinofara chaizvo. (Mab. 20:35) Asi ndechipi chikonzero chinonyanya kukosha chinoita kuti tirambe tichiratidza rudo rusingachinji? Ndechekuti tinoda kutevedzera uye kufadza Jehovha uyo “azere nerudo rusingachinji.”—Eks. 34:6; Pis. 33:22.

RWIYO 130 Kanganwira Vamwe

^ ndima 5 Jehovha anoda kuti tiratidze rudo rusingachinji kuhama nehanzvadzi dzedu dziri muungano. Tinogona kuwedzera kunzwisisa zvakaita rudo rusingachinji nekuongorora kuti vamwe vashumiri vaMwari vekare vakaruratidza sei. Munyaya ino tichaona zvatinogona kudzidza pana Rute, Naomi, naBhoazi.

^ ndima 8 Kuti unyatsobatsirwa nenyaya ino, tinokukurudzira kuverenga zvitsauko 1 ne2 zvebhuku raRute.

^ ndima 17 Sezvo tiri kukurukura muenzaniso waNaomi, pano tiri kutaura nezvehanzvadzi dzinoda rubatsiro. Asi mazano ari munyaya ino anoshandawo kuhama.

^ ndima 23 Kuti uwane mamwe mashoko anotaura nezvaBhoazi semudzikinuri, ona nyaya inoti “Tevedzera Kutenda Kwavo—‘Mukadzi Akanaka Kwazvo,’” iri muNharireyomurindi yaOctober 1, 2012, peji 20.