Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 44

Unobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha Rusingachinji?

Unobatsirwa Sei Nerudo rwaJehovha Rusingachinji?

“Rudo [rwaJehovha] rusingachinji runogara nekusingaperi.”—PIS. 136:1.

RWIYO 108 Rudo rwaMwari Rusingachinji

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anotikurudzira kuitei?

 JEHOVHA anofarira rudo rusingachinji. (Hos. 6:6) Anokurudzira vashumiri vake kuti vaitewo izvozvo. Achishandisa muprofita Mika, Mwari wedu anotikurudzira kuti ‘tide rudo rusingachinji.’ (Mika 6:8, mashoko emuzasi) Asi kuti tikwanise kuita izvozvo, tinofanira kutanga taziva chinonzi rudo rusingachinji.

2. Chii chinonzi rudo rusingachinji?

2 Chii chinonzi rudo rusingachinji? Mashoko ekuti “rudo rusingachinji” anowanika kanenge ka230 muShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene. Maererano “neTsanangudzo Yemashoko emuBhaibheri” iri mushanduro yacho, mashoko ekuti rudo rusingachinji anoreva ‘rudo runobva pakuzvipira, kuperera, kuvimbika uye kuda munhu zvakadzama. Kakawanda kacho anoshandiswa achireva kuda kunoita Mwari vanhu, asiwo vanhu vanogona kuratidza rudo irworwo.’ Hapana anopfuura Jehovha pakuratidza rudo rusingachinji. Munyaya ino tichakurukura kuti Jehovha anoratidza sei rudo rusingachinji kuvanhu. Munyaya inotevera tichakurukura kuti isu sevashumiri vaMwari tingatevedzera sei Jehovha pakuratidzana rudo rusingachinji.

JEHOVHA “AZERE NERUDO RUSINGACHINJI”

3. Jehovha akaudzei Mozisi nezvake?

3 VaIsraeri vachangobuda muIjipiti, Jehovha akaudza Mozisi nezvezita rake uye unhu hwake. Akati: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane ngoni netsitsi, anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji, nechokwadi, anoratidza rudo rusingachinji kuzviuru, anoregerera kukanganisa, kutadza uye chivi.” (Eks. 34:6, 7) Nemashoko aya anofadza, Jehovha akaudza Mozisi chimwe chinhu chinokosha chaizvo nezverudo rwake rusingachinji. Chii ichocho?

4-5. (a) Jehovha akatii nezvake pachake? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

4 Paaitaura nezvake pachake, Jehovha haana kuti ane rudo rusingachinji, asi akati “azere nerudo rusingachinji.” Mashoko iwayo anowanika mune mamwe mavhesi 7 emuBhaibheri. (Num. 14:18; Neh. 9:17; Pis. 86:15; 103:8; 145:8; Joe. 2:13; Jona 4:2) Pese paanotaurwa, mashoko iwayo anenge achitaura nezvaJehovha kwete vanhu. Zvinokosha kuziva kuti Jehovha anotsanangura rudo rwake rusingachinji saizvozvo. Zviri pachena kuti anokoshesa rudo rusingachinji. * Ndosaka Mambo Dhavhidhi akati: “Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runosvika kumatenga . . . Rudo rwenyu rusingachinji runokosha kwazvo, haiwa Mwari. Mumumvuri wemapapiro enyu, vanakomana vevanhu vanopotera.” (Pis. 36:5, 7) Tinokoshesa rudo rwaMwari rusingachinji sezvaiita Dhavhidhi here?

5 Kuti tiwedzere manzwisisiro atinoita rudo rusingachinji, ngatikurukurei mibvunzo miviri inoti: Jehovha anoratidza rudo rusingachinji kunaani? Uye tingabatsirwa sei nemabasa aJehovha anoratidza rudo rusingachinji?

JEHOVHA ANORATIDZA RUDO RUSINGACHINJI KUNAANI?

6. Jehovha anoratidza rudo rusingachinji kunaani?

6 Ndivanaani vanoratidzwa rudo rusingachinji naJehovha? Bhaibheri rinotaura kuti pane zvinhu zvakawanda zvatinogona kuda zvakadai ‘sekurima,’ “waini nemafuta,” “kurayirwa,” “ruzivo,” uye “uchenjeri.” (2 Mak. 26:10; Zvir. 12:1; 21:17; 29:3) Zvisinei rudo rusingachinji harumboratidzwi kuzvinhu, runongoratidzwa kuvanhu chete. Asi Jehovha haaratidzi rudo rusingachinji kumunhu wese wese. Anoruratidza kune vaya vane ushamwari hwepedyo naye. Mwari wedu akavimbika kushamwari dzake. Ane zvinhu zvakanaka zvaachavaitira uye haamboregi kuvada.

Jehovha anopa zvinhu zvakanaka vanhu vese kunyange vaya vasingamunamati (Ona ndima 7) *

7. Jehovha akaratidza sei kuti anoda vanhu vese?

7 Jehovha akaratidza rudo kuvanhu vese. Jesu akaudza murume ainzi Nikodhimo kuti: “Mwari akada nyika kwazvo [kureva vanhu] zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wese anotenda maari arege kuparadzwa asi ave neupenyu husingaperi.”—Joh. 3:1, 16; Mat. 5:44, 45.

Maererano nemashoko akataurwa naMambo Dhavhidhi uye nemuprofita Dhanieri, Jehovha anoratidza rudo rusingachinji kune vaya vanomuziva, vanomutya, vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake (Ona ndima 8-9)

8-9. (a) Nei Jehovha achiratidza vashumiri vake rudo rusingachinji? (b) Chii chatava kuda kukurukura?

8 Sezvambotaurwa, Jehovha anongoratidza rudo rusingachinji kuvashumiri vake avo vane ushamwari hwepedyo naye. Izvi tinozviona pane zvakataurwa naMambo Dhavhidhi uye nemuprofita Dhanieri. Semuenzaniso, Dhavhidhi akati: “Rambai muchiratidza vaya vanokuzivai rudo rwenyu rusingachinji.” “Rudo rwaJehovha rusingachinji ruriko nariini nariini kune vaya vanomutya.” Uye Dhanieri akati: “Haiwa Jehovha Mwari wechokwadi, [uyo] anoratidza rudo rusingachinji kune vaya vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.” (Pis. 36:10; 103:17; Dhan. 9:4) Maererano nemashoko aya akafemerwa, Jehovha anoratidza rudo rwake rusingachinji kuvashumiri vake nekuti vanomuziva, vanomutya, vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake. Jehovha anongoratidza rudo rwake rusingachinji kuvanhu vake, vanamati vake vechokwadi.

9 Tisati tatanga kushumira Jehovha tairatidzwa rudo rwaMwari rwaanoratidza vanhu vese. (Pis. 104:14) Asi sevanamati vake, tinobatsirwawo nerudo rwake rusingachinji. Jehovha anotovimbisa vashumiri vake kuti: “Rudo rwangu rusingachinji haruzobviswi pauri.” (Isa. 54:10) Sezvakaonekwa naDhavhidhi muupenyu hwake, “Jehovha achakudza munhu wake akavimbika.” (Pis. 4:3) Tinofanira kuitei nekudiwa kwatinoitwa naJehovha? Munyori wemapisarema akati: “Munhu wese akachenjera achaona zvinhu izvi uye achanyatsofungisisa mabasa aJehovha anoratidza rudo rusingachinji.” (Pis. 107:43) Tichifunga nezvezano iroro rakafemerwa, ngatikurukurei kuti vashumiri vaJehovha vanobatsirwa sei munzira nhatu nemabasa ake anoratidza rudo rusingachinji.

TINGABATSIRWA SEI NEMABASA AJEHOVHA ANORATIDZA RUDO RUSINGACHINJI?

Jehovha anopa mamwe makomborero kune vaya vanomunamata (Ona ndima 10-16) *

10. Kuziva kuti rudo rwaMwari rusingachinji runogara nekusingaperi kunotibatsira sei? (Pisarema 31:7)

10 Rudo rwaMwari rusingachinji runogara nekusingaperi. Izvi zvinotaurwa ka26 muPisarema 136. Muvhesi yekutanga, tinoverenga kuti: “Ongai Jehovha, nekuti akanaka; rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.” (Pis. 136:1) Muvhesi imwe neimwe kubva pa2 kusvika ku26 tinoverenga mashoko ekuti “nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi.” Patinenge tichiverenga pisarema iri, tinoshamiswa chaizvo nenzira dzakawanda idzo Jehovha anoramba achiratidza rudo rwake rusingachinji. Mashoko anoramba achidzokororwa ekuti “nekuti rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi” anoita kuti tive nechokwadi chekuti rudo rwaMwari kuvanhu vake haruchinji. Zvinokurudzira chaizvo kuziva kuti Jehovha haakurumidzi kusiya vashumiri vake. Asi anoramba achida vaya vanomushumira uye anoramba ainavo kunyanya pavanenge vachishungurudzika. Kuziva izvi kunotibatsira sei? Kuziva kuti Jehovha anoramba ainesu kunoita kuti tifare uye tive nesimba rekukunda matambudziko atinosangana nawo toramba tichimushumira.—Verenga Pisarema 31:7.

11. Maererano naPisarema 86:5, chii chinoita kuti Jehovha akanganwire?

11 Rudo rwaMwari rusingachinji runoita kuti akanganwire. Jehovha paanoona mutadzi anenge apfidza uye anenge asiyana nemaitiro ake akaipa, rudo rusingachinji runobva rwaita kuti amuregerere. Munyori wemapisarema Dhavhidhi akataura nezvaJehovha achiti: “Haana kutiitira zvinoenderana nezvivi zvedu, uye haana kutitsiva zvinoenderana nezvitadzo zvedu.” (Pis. 103:8-11) Kubva pane zvakaitika muupenyu hwake, Dhavhidhi aiziva kurwadza kwazvinoita kuva nehana ine mhosva. Asi akadzidzawo kuti Jehovha akanga “akagadzirira kukanganwira.” Chii chinoita kuti Jehovha atikanganwire? Mhinduro yacho tinoiwana pana Pisarema 86:5. (Verenga.) Sezvakataurwa naDhavhidhi mumunyengetero, Jehovha anokanganwira nekuti rudo rwake rusingachinji rwakakura kune vese vanodana kwaari.

12-13. Chii chichatibatsira kana tichizvipa mhosva nemhaka yekukanganisa kwatakaita kare?

12 Hapana chakaipa nekuzvidemba patinenge taita chivi. Izvi zvinogona kutibatsira kuti tipfidze totora matanho ekugadzirisa zvatakakanganisa. Asi vamwe vashumiri vaMwari vanoramba vachizvipa mhosva nekukanganisa kwavakaita. Mwoyo yavo iyo inenge ichivapa mhosva inoita kuti vanzwe sekuti Jehovha haazombovaregereri pasinei nekuti vakapfidza zvivi zvavo. Kana ariwo manzwiro auri kuita, uchabatsirwa kana ukadzidza kuti Mwari anoda chaizvo kuratidza vashumiri vake rudo rusingachinji.

13 Kuziva izvi kunotibatsira sei? Pasinei nekukanganisa kwatinoita, tinogona kushumira Jehovha tichifara tiine hana yakachena. Tinokwanisa kudaro nekuti “ropa raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa pazvivi zvese.” (1 Joh. 1:7) Kana ukaora mwoyo nemhaka yekukanganisa kwaunoita, yeuka kuti Jehovha anoda chaizvo kuregerera mutadzi anopfidza. Ona kuti Dhavhidhi akataura kuti rudo rusingachinji nekuregerera zvakabatana sei. Akanyora kuti: “Kukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, ndiko kukura kwakaita rudo rwake rusingachinji rwaanoratidza vaya vanomutya. Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira, saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.” (Pis. 103:11, 12) Zviri pachena kuti Jehovha anoda ‘kukanganwira zvikuru.’—Isa. 55:7.

14. Dhavhidhi akatsanangura sei kudzivirirwa kwatinoitwa nerudo rwaMwari rusingachinji?

14 Rudo rwaMwari rusingachinji runotidzivirira pane zvekunamata. Paainyengetera kuna Jehovha, Dhavhidhi akati: “Muri nzvimbo yangu yekuvanda; muchandichengetedza pakutambudzika. Muchandipoteredza nekushevedzera kwemufaro wekununurwa. . . . Uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.” (Pis. 32:7, 10) Panguva inotaurwa muBhaibheri, rusvingo rwaipoteredza guta rwaidzivirira vanhu vanenge vari mukati. Kufanana nerusvingo irworwo, rudo rwaJehovha rusingachinji runotidzivirira pachinhu chero chipi zvacho chingakanganisa ushamwari hwedu naye. Uyewo rudo rwaJehovha rusingachinji runomuita kuti atikwevere kwaari.—Jer. 31:3.

15. Rudo rwaJehovha rusingachinji rwakaita senzvimbo inodzivirira pakudii?

15 Dhavhidhi akashandisa mumwe muenzaniso unoratidza kudzivirirwa kunoitwa vanhu vaMwari. Akanyora kuti: “Mwari ndiye nzvimbo yangu yekupotera, Mwari anondiratidza rudo rusingachinji.” Dhavhidhi akatiwo nezvaJehovha: “Ndiye rudo rwangu rusingachinji uye nhare yangu, nzvimbo yangu yekupotera uye mununuri wangu, nhoo yangu uye ndiye wandakapotera kwaari.” (Pis. 59:17; 144:2) Nei Dhavhidhi akaenzanisa rudo rwaJehovha rusingachinji nenzvimbo yekupotera uye nenhare? Pasinei nekwatinogara, kana tiri vashumiri vake, Jehovha achatidzivirira kuitira kuti tichengetedze ushamwari hwedu naye. Vimbiso iyoyo inowanikawo muPisarema 91. Munyori wepisarema iroro akati: “Ndichati kuna Jehovha: ‘Ndimi nzvimbo yangu yekupotera nenhare yangu.’” (Pis. 91:1-3, 9, 14) Mozisi akataurawo kuti Jehovha inzvimbo yedu yekupotera. (Pis. 90:1, mashoko emuzasi) Uyewo ava pedyo nekufa, Mozisi akaita kuti vanhu vafunge nezvemamwe mashoko anonyaradza. Akanyora kuti: “Mwari inzvimbo yekupotera kubvira kare kare, maoko ake asingagumi ari pasi pako.” (Dheut. 33:27) Mashoko ekuti “maoko ake asingagumi ari pasi pako,” anotiudzei nezvaJehovha?

16. Takakomborerwa munzira dzipi mbiri? (Pisarema 136:23)

16 Kana Jehovha ari nzvimbo yedu yekupotera tinonzwa takachengeteka. Asi dzimwe nguva tinogona kuora mwoyo toramba tichinetseka. Panguva dzakadaro Jehovha anotibatsira sei? (Verenga Pisarema 136:23.) Anoisa maoko ake pasi pedu, anotisimudza zvinyoro nyoro uye anotibatsira kuti tirege kuramba takaora mwoyo. (Pis. 28:9; 94:18) Kuziva izvi kunotibatsira sei? Kuziva kuti tinogona kuvimba naMwari nguva dzese kunotibatsira kuyeuka kuti takakomborerwa munzira mbiri. Yekutanga, tinoziva kuti tine nzvimbo yakachengeteka yekupotera pasinei nekwatinogara. Yechipiri, Baba vedu vekudenga vane rudo vane hanya chaizvo nesu.

TINOGONA KUVA NECHOKWADI CHEKUTI MWARI ACHARAMBA ACHITIRATIDZA RUDO RUSINGACHINJI

17. Tinogona kuva nechivimbo chei? (Pisarema 33:18-22)

17 Sezvataona, patinosangana nematambudziko tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anotibatsira kuti tirambe takaperera kwaari. (2 VaK. 4:7-9) Muprofita Jeremiya akati: “Rudo rusingachinji rwaJehovha ndirwo rwakaita kuti tisapera, nekuti tsitsi dzake hadzimboperi.” (Mari. 3:22) Tinogona kuva nechokwadi chekuti rudo rwaJehovha rusingachinji rucharamba ruri patiri nekuti Bhaibheri rinotiudza kuti “ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya, vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji.”—Verenga Pisarema 33:18-22.

18-19. (a) Chii chatinoda kuramba tichiyeuka? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Chii chatinoda kuramba tichiyeuka? Tisati tatanga kushumira Jehovha, aitiratidza rudo rwaanoratidza vanhu vese. Asi zvatava vanamati vake tinobatsirwawo nerudo rwake rusingachinji. Rudo irworwo runoita kuti Jehovha atidzivirire. Achaita kuti tirambe tiri pedyo naye. Uye achazadzisa zvaakativimbisa. Anoda kuti tive shamwari dzake nekusingaperi! (Pis. 46:1, 2, 7) Saka pasinei nedambudziko ratingasangana naro, Jehovha anotipa simba ratinoda kuti tirambe takaperera kwaari.

19 Taona kuti Jehovha anoratidza sei rudo rusingachinji kuvashumiri vake. Anodawo kuti tiratidzane rudo rusingachinji. Izvozvo tingazviita sei? Ndizvo zvatichakurukura munyaya inotevera.

RWIYO 136 ‘Mubayiro Wakakwana’ Unobva Kuna Jehovha

^ ndima 5 Chii chinonzi rudo rusingachinji? Ndivanaani vanoratidzwa rudo rwaJehovha rusingachinji, uye vanobatsirwa sei narwo? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzichakurukurwa munyaya yekutanga panyaya mbiri dzinotaura nezverudo rusingachinji.

^ ndima 4 Mamwe mavhesi eBhaibheri anotaurawo nezveukuru hwerudo rwaMwari rusingachinji.—Ona Nehemiya 13:22; Pisarema 69:13; 106:7; uye Mariro 3:32.

^ ndima 54 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jehovha anoratidza rudo rwake kuvanhu vese kusanganisira vashumiri vake. Tumifananidzo turi pamusoro pevanhu tunoratidza dzimwe nzira idzo Mwari anoratidza nadzo kuti anoda vanhu. Nzira inonyanya kukosha ndeyekuti akatipa mukana wekubatsirwa nerudzikinuro.

^ ndima 62 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Vaya vanova vashumiri vaJehovha votenda murudzikinuro, vanoratidzwa rudo rwaMwari neimwe nzira. Kuwedzera parudo rwaMwari rwaanoratidza vanhu vese, vashumiri vaJehovha vanobatsirwawo nerudo rwaMwari rusingachinji. Tumifananidzo turipo tunoratidza rudo urwu rusingachinji.