Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 46

Vachangopinda Muwanano—Vakirai Upenyu Hwenyu Pakushumira Jehovha

Vachangopinda Muwanano—Vakirai Upenyu Hwenyu Pakushumira Jehovha

“Jehovha ndiye simba rangu . . . Mwoyo wangu unovimba naye.”—PIS. 28:7.

RWIYO 131 “Zvasungwa Pamwe Chete Pajoko naMwari”

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Nei vachangopinda muwanano vachifanira kuvimba naJehovha? (Pisarema 37:3, 4) (b) Tichakurukurei munyaya ino?

 WAVA pedyo kupinda muwanano here kana kuti uchangopinda? Kana zvakadaro, zviri pachena kuti unotarisa kuzonakidzwa neupenyu nemunhu waunoda chaizvo. Asi imba ine matambudziko ayo, uye pane zvisarudzo zvinokosha zvinofanira kuitwa. Zvamuchaita pamuchasangana nematambudziko uye zvisarudzo zvamuchaita zvinogona kuita kuti mufare kana kusafara kwemakore akawanda. Kana mukavimba naJehovha, muchaita zvisarudzo zvakanaka, imba yenyu ichasimba, uye muchawedzera kufara. Kana mukasava nemafungiro aMwari, kakawanda kacho muchasangana nematambudziko mumba menyu uye izvozvo zvichaita kuti musafara.—Verenga Pisarema 37:3, 4.

2 Kunyange zvazvo nyaya ino yakanyanya kunyorerwa vachangochata, ichataurawo matambudziko anogona kusanangana nevanhu vese vari muwanano. Tichaongorora zvatinogona kudzidza pane vamwe varume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri. Mienzaniso iyi yemuBhaibheri ine zvidzidzo zvatinogona kushandisa muupenyu uye muwanano. Tichaonawo zvatingadzidza pane vamwe vari muwanano.

VACHANGOPINDA MUWANANO VANGASANGANA NEMATAMBUDZIKO API?

Zvisarudzo zvipi zvingatadzisa vachangopinda muwanano kuti vawedzere basa ravanoitira Jehovha? (Ona ndima 3-4)

3-4. Matambudziko api angasangana nevachangopinda muwanano?

3 Vamwe vanhu vanogona kukurudzira vachangopinda muwanano kuti vararame sezvinoita vanhu vakawanda. Semuenzaniso, vabereki uye vamwe veukama vanogona kukurudzira vachangopinda muwanano kuti vakurumidze kuita vana. Kana kuti shamwari nevamwe vemumhuri vanogona kuvakurudzira kuti vatenge imba, voizadza nezvinhu zvakanaka.

4 Kana vakasangwarira, murume nemudzimai vanogona kuita zvisarudzo zvinoita kuti vazoremerwa nezvikwereti. Vese vangatozofanira kushanda kwenguva yakareba, vachiitira kuti vakwanise kubhadhara zvikwereti izvozvo. Mabasa avo anogona kuzotora nguva yavangadai vachishandisa pakudzidza Bhaibheri, pakunamata kwemhuri, uye pakuita ushumiri. Vanogona kutadza kupinda misangano vachishanda ovhataimu kuitira kuti vawane imwe mari kana kuti varambe vaine mabasa avo. Izvi zvinoita kuti varasikirwe nemikana yakanaka yekuwedzera basa ravanoitira Jehovha.

5. Unodzidzei pana Klaus naMarisa?

5 Zvakaitika kune vanhu vakawanda zvinoratidza kuti kuraramira kuunganidza zvinhu hakuiti kuti munhu afare. Ona kuti Klaus nemudzimai wake Marisa vakadzidzei panyaya iyi. * Vachangochata, vese vaienda kubasa kuitira kuti vave nemari uye zvinhu zvakawanda. Asi vakanga vasina mufaro chaiwo. Klaus anoti: “Taiva nezvinhu zvakawandisa, asi takanga tisina zvinangwa zvekunamata. Kutaura chokwadi upenyu hwatairarama hwaitemesa musoro.” Zvimwe wakaonawo kuti kuraramira kuunganidza zvinhu hakusi kuita kuti ugutsikane. Kana zvakadaro, usaora mwoyo. Kufunga zvakanaka zvakaitwa nevamwe kunogona kukubatsira. Ngatitangei nekuona kuti varume vanodzidzei pana Mambo Jehoshafati.

VIMBA NAJEHOVHA SEZVAKAITA MAMBO JEHOSHAFATI

6. Maererano nezano riri pana Zvirevo 3:5, 6, Mambo Jehoshafati akaita sei paakasangana nedambudziko rakakura?

6 Varume, munombonzwa sekuti makawandirwa nezvekuita here? Kana muchimbonzwa saizvozvo, munogona kudzidza pane zvakaitwa naMambo Jehoshafati. Sezvo aiva mambo, aifanira kuva nechokwadi chekuti rudzi rwese rwakachengeteka. Akaitei kuti akwanise kuita basa iroro rinorema? Jehoshafati akaita zvaaigona kuti achengetedze vanhu. Akavaka maguta eJudha uye akava neuto rine simba remasoja anopfuura 1 160 000. (2 Mak. 17:12-19) Nekufamba kwenguva, Jehoshafati akasangana nedambudziko rakakura. Uto guru revaAmoni, vaMoabhi, nevarume vemunyika ine makomo yeSeiri vakauya kuzorwisa Jehoshafati nevanhu vake. (2 Mak. 20:1, 2) Jehoshafati akaitei? Akakumbira Jehovha kuti amubatsire uye amupe simba. Izvi zvinoenderana nezano reuchenjeri riri pana Zvirevo 3:5, 6. (Verenga.) Munyengetero waJehoshafati uri pana 2 Makoronike 20:5-12 unoratidza kuti aivimba chaizvo naBaba vake vekudenga vane rudo. Jehovha akapindura sei munyengetero waJehoshafati?

7. Jehovha akapindura sei munyengetero waJehoshafati?

7 Jehovha akataura naJehoshafati achishandisa muRevhi ainzi Jahazieri. Jehovha akati: “Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.” (2 Mak. 20:13-17) Izvozvo hazvisirizvo zvinoitwa pakurwa hondo. Zvavakaudzwa kuti vaite zvaisabva kumunhu, asi zvaibva kuna Jehovha. Achinyatsovimba naMwari wake, Jehoshafati akaita zvaainge audzwa. Iye nevanhu vake pavakaenda kunosangana nemuvengi, haana kuita kuti pamberi peuto rake pave nemasoja ane unyanzvi, asi akaisa vaimbi vainge vasina zvombo. Jehovha akaita zvaakanga avimbisa Jehoshafati. Akakunda uto remuvengi.—2 Mak. 20:18-23.

Vachangopinda muwanano vanogona kuvakira upenyu hwavo pakushumira Jehovha nekunyengetera uye kudzidza Shoko rake (Ona ndima 8, 10)

8. Varume vangadzidzei pane zvakaitwa naJehoshafati?

8 Varume, mune zvamunogona kudzidza pana Jehoshafati. Mune basa rekuchengeta mhuri dzenyu, saka munoshanda nesimba kuti mudzivirire uye muriritire mhuri dzenyu. Pamunosangana nematambudziko, mungaona sekuti munokwanisa kuagadzirisa mega. Asi musavimba nesimba renyu. Nyengeterai kuna Jehovha muri mega, muchikumbira kubatsirwa. Uyewo nyengeterai zvichibva pamwoyo muine mudzimai wenyu. Tsvagai kutungamirirwa naJehovha nekudzidza Bhaibheri uye mabhuku anopiwa nesangano raMwari, uye shandisai mazano amunowana. Vamwe vangasabvumirana nezvisarudzo zvamakaita muchitungamirirwa neBhaibheri, uye vangatokuudzai kuti muri kupenga. Vangataura kuti mari nezvinhu zvainotenga ndizvo zvinonyatsodzivirira mhuri yenyu. Asi yeukai zvakaitwa naJehoshafati. Aivimba naJehovha uye aizviratidza nezvaaiita. Jehovha haana kusiya murume iyeye akavimbika uye haazokusiyai. (Pis. 37:28; VaH. 13:5) Murume nemudzimai vangaitei kuti vave neupenyu hunofadza?

VAKIRAI UPENYU HWENYU PAKUSHUMIRA JEHOVHA SEZVAKAITA MUPROFITA ISAYA NEMUDZIMAI WAKE

9. Tingati kudii nezvemuprofita Isaya nemudzimai wake?

9 Muprofita Isaya nemudzimai wake vainyanya kukoshesa kushumira Jehovha. Isaya aiva muprofita, uye zvinoita sekuti mudzimai wake aivawo nemabasa aaiita ekuprofita, nekuti aidanwa kuti “muprofitakadzi.” (Isa. 8:1-4) Zviri pachena kuti Isaya nemudzimai wake vaiita kuti kunamata Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwavo. Uyu muenzaniso wakazonaka kune vaya vari muwanano mazuva ano!

10. Kudzidza nezveuprofita huri muBhaibheri kungabatsira sei vari muwanano kuti vade kuitira Jehovha zvese zvavanogona?

10 Mazuva ano vaya vari muwanano vanogona kuvakira upenyu hwavo pakushumira Jehovha pavanoita zvese zvavanogona mubasa rake. Vanogona kuwedzera kuvimba kwavanoita naJehovha kana vakadzidza pamwe chete uprofita hweBhaibheri vachiona kuti hunogara huchizadziswa sei. * (Tito 1:2) Vanogonawo kufunga zvavangaita pakuzadziswa kwehumwe uprofita huri muBhaibheri. Semuenzaniso, vanogona kubatsira pakuzadzisa uprofita hwakataurwa naJesu hwekuti mashoko akanaka achaparidzwa munyika yese mugumo usati wasvika. (Mat. 24:14) Kana murume nemudzimai vakava nechokwadi chekuti uprofita huri muBhaibheri huchazadziswa, vanova nechido chakasimba chekuitira Jehovha zvese zvavanogona.

ISAI UMAMBO PEKUTANGA SEZVAIITA PRISIRA NAAKWIRA

11. Prisira naAkwira vakakwanisa kuitei, uye chii chakaita kuti vakwanise kudaro?

11 Vechidiki vachangopinda muwanano vanogona kudzidza pana Prisira naAkwira, murume nemudzimai wechiJudha vaigara muguta reRoma. Vakanga vanzwa mashoko akanaka nezvaJesu uye vakanga vava vaKristu. Zviri pachena kuti vaigutsikana neupenyu hwavo. Asi zvinhu zvakangoerekana zvachinja Mambo Kraudhiyo paakarayira vaJudha vese kuti vabude muRoma. Funga kuti izvozvo zvairevei kuna Akwira naPrisira. Vakanga vava kufanira kusiya nzvimbo yavaiziva, votsvaga kumwe kwekugara, uye votanga zvakare bhizinesi ravo rekugadzira matende mune imwe nzvimbo. Kuchinja kwainge kwaita zvinhu muupenyu hwavo kwakaita kuti varege kuisa Umambo pekutanga here? Mhinduro yacho ungangodaro uchiiziva. Vava muKorinde mavakanga vatamira, Akwira naPrisira vakatanga kubatsira ungano yemo, uye vakashanda pamwe chete nemuapostora Pauro vachisimbisa hama dzemo. Vakazotamira kune mamwe maguta kwaidiwa vaparidzi vakawanda. (Mab. 18:18-21; VaR. 16:3-5) Vaiva nezvakawanda zvekuita muupenyu hwavo uye vaifara.

12. Nei murume nemudzimai vachifanira kuva nezvinangwa zvekunamata?

12 Mazuva ano vari muwanano vanogona kutevedzera Prisira naAkwira nekuisa Umambo pekutanga. Nguva yakanyatsonaka yekukurukura nezvezvinangwa zvavo ndepaya pavanenge vachiri kufambidzana. Vaviri pavanova nezvinangwa zvekushumira Jehovha uye voshanda nesimba kuti vazvizadzise, vanova nemikana yakawanda yekuona kubatsirwa kwavanoitwa naJehovha muupenyu hwavo. (Mup. 4:9, 12) Funga zvakaitwa naRussell naElizabeth. Russell anoti, “Patakanga tichiri kufambidzana, takataurirana zvataida kuzoita pakushumira Jehovha.” Elizabeth anoti, “Takakurukura izvi kuitira kuti pataizofanira kuita zvisarudzo, taizova nechokwadi chekuti zvisarudzo zvacho hazvizotitadzisi kuzadzisa zvinangwa zvedu.” Mamiriro ezvinhu aRussell naElizabeth akaita kuti vakwanise kuenda kuMicronesia kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda.

Vachangopinda muwanano vanogona kuvakira upenyu hwavo pakushumira Jehovha nekuva nezvinangwa zvekunamata (Ona ndima 13)

13. Maererano naPisarema 28:7, chii chinoitika kana tikavimba naJehovha?

13 Sezvakaitwa naRussell naElizabeth, vakawanda vari muwanano vakaita kuti upenyu hwavo husava nezvakawanda kuitira kuti vakwanise kuita nguva yakawanda vachiparidza nekudzidzisa mashoko akanaka. Kana murume nemudzimai vakava nezvinangwa zvekushumira Jehovha voshanda pamwe chete kuti vazvizadzise, vanowana makomborero akawanda. Vachaona kuti Jehovha anovachengeta sei, kuvimba kwavanoita naye kuchawedzera, uye vachava nemufaro wechokwadi.—Verenga Pisarema 28:7.

IVA NECHOKWADI NEVIMBISO DZAJEHOVHA SEZVAKAITA MUAPOSTORA PETRO NEMUDZIMAI WAKE

14. Muapostora Petro nemudzimai wake vakaratidza sei kuti vaiva nekutenda muvimbiso iri pana Mateu 6:25, 31-34?

14 Vari muwanano vanogona kudzidza kubva pane zvakaitwa nemuapostora Petro nemudzimai wake. Pashure penguva inenge mwedzi 6 kusvika kugore kubva paakaonana naJesu kekutanga, muapostora Petro aifanira kuita chisarudzo chinokosha. Petro aiita bhizinesi rehove kuti ariritire mhuri yake. Saka Jesu paakakoka Petro kuti ave muteveri wake, Petro aifanirawo kufunga nezvemudzimai wake paaida kuita chisarudzo ichocho. (Ruka 5:1-11) Petro akasarudza kufamba naJesu vachiita basa rekuparidza. Akagona kusarudza. Zviri pachena kuti mudzimai waPetro akatsigira chisarudzo chemurume wake. Bhaibheri rinoratidza kuti pashure pekunge Jesu amutswa, Petro aimbopota achifamba nemudzimai wake. (1 VaK. 9:5) Muenzaniso wakanaka wemudzimai waPetro wakaita kuti Petro ave nerusununguko rwekutaura paaipa zano kuvarume nemadzimai echiKristu. (1 Pet. 3:1-7) Zviri pachena kuti Petro nemudzimai wake vaitenda muvimbiso yaJehovha yekuti aizovapa zvekurarama nazvo kana vakaisa Umambo pekutanga muupenyu hwavo.—Verenga Mateu 6:25, 31-34.

15. Unodzidzei pane zvakaitwa naTiago naEsther?

15 Kana mava netumakore muri muwanano, mungaitei kuti muwedzere chido chekuita zvakawanda mubasa raJehovha? Imwe nzira ndeyekudzidza pane zvakaitwa nevamwe vari muwanano. Munogona kuverenga nyaya dzine musoro unoti “Vakazvipa Nemwoyo Unoda.” Nyaya dzakadaro dzakabatsira Tiago naEsther, murume nemudzimai vekuBrazil, kuti vave nechido chakasimba chekushumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Tiago anoti: “Pataiverenga nezvenyaya dzinotaura nezvekubatsira kunoita Jehovha vashumiri vake mazuva ano, taibva tada kuona ruoko rwaJehovha ruchititungamirira uye ruchitichengeta.” Vakazotamira kuParaguay, uko kwavari kushumira mundima yePortuguese kubva muna 2014. Esther anoti: “Rugwaro rwatinoda chaizvo ndiVaEfeso 3:20. Tinogara tichiona mashoko iwayo achizadzika pakushumira kwatinoita Jehovha.” Mutsamba iyoyo yaakanyorera vaEfeso, Pauro akavimbisa kuti Jehovha aizotipa zvinopfuura nekure zvatinenge takumbira. Kakawanda vimbiso iyoyo inova yechokwadi.

Vachangopinda muwanano vanogona kuvakira upenyu hwavo pakushumira Jehovha nekutsvaga mazano kuvaKristu vakasimba pakunamata (Ona ndima 16)

16. Vechidiki vari muwanano vanogona kuwana kupi mazano pavanenge vachiongorora zvinangwa zvavo?

16 Mazuva ano vechidiki vari muwanano vanogona kuwana mazano kubva kune vamwe vakadzidza kuvimba naJehovha. Vamwe vari muwanano vanogona kunge vakaita makumi emakore vari mubasa renguva yakazara. Vabvunzei mazano kana muri kufunga nezvekuongorora zvinangwa zvenyu. Iyi ndeimwe nzira yamungaratidza nayo kuti munovimba naJehovha. (Zvir. 22:17, 19) Vakuru vanogonawo kubatsira vechidiki vari muwanano kuti vave nezvinangwa zvekushumira Jehovha uye vazvizadzise.

17. Chii chakaitika kuna Klaus naMarisa, uye tinodzidzei pane zvakaitika kwavari?

17 Dzimwe nguva tingada kushumira Jehovha neimwe nzira, asi iye anogona kuita kuti timushumire neimwe nzira. Funga nezvaKlaus naMarisa vataurwa patangira nyaya ino. Pashure pemakore matatu vachata, vakatama pamba pavo vachinozvipira kuita basa rekuvaka pabazi reFinland. Asi vakaziva kuti vaisazokwanisa kuramba vari ikoko kwemwedzi inopfuura 6. Pakutanga vakaora mwoyo. Asi pasina nguva, vakakokwa kuti vaite kosi yemutauro weArabic, uye iye zvino vari kushumira vachifara mundima yemutauro weArabic mune imwe nyika. Achifunga zvakaitika, Marisa anoti: “Ndaitya kuita chimwe chinhu chandakanga ndisati ndamboita uye ndaifanira kuvimba naJehovha zvizere. Asi ndakaona kuti Jehovha anogara achitibatsira nenzira dzatisingatarisiri. Izvi zvakaita kuti ndiwedzere kuvimba naJehovha.” Sezvinoratidzwa nemuenzaniso uyu, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakupa mubayiro kana ukavimba naye zvizere.

18. Vari muwanano vanogona kuitei kuti varambe vachivimba naJehovha?

18 Wanano chipo chinobva kuna Jehovha. (Mat. 19:5, 6) Anoda kuti vari muwanano vanakidzwe nechipo ichi. (Zvir. 5:18) Vechidiki vari muwanano, ongororai zvamuri kuita neupenyu hwenyu. Muri kuita zvese zvamunogona here kuti muratidze Jehovha kuti munoonga zvipo zvaakakupai? Nyengeterai muchitaura naJehovha. Tsvagai muShoko rake mazano anoshanda pane zviri kuitika kwamuri. Chibvai mashandisa mazano amunopiwa naJehovha. Munogona kuva nechokwadi chekuti muchava neupenyu hunofadza uye hunogutsa kana mukavakira wanano yenyu pakushumira Jehovha!

RWIYO 132 Tava Nyama Imwe

^ ndima 5 Zvimwe zvisarudzo zvatinoita zvinogona kutisiya tiine nguva nesimba rakawanda kana kuti shoma pakushumira Jehovha. Vachangopinda muwanano vanofanira kuita zvisarudzo, uye zvisarudzo zvacho zvinogona kuchinja upenyu hwavo zvachose. Nyaya ino ichavabatsira kuti vaite zvisarudzo zvinoita kuti vafare muupenyu.

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.