Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Tiite Ushumiri Hwedu

Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Tiite Ushumiri Hwedu

“Chokwadi vachaziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.”—EZEK. 2:5.

RWIYO 67 “Paridza Shoko”

ZVICHADZIDZWA a

1. Zvii zvatingatarisira, uye tinogona kuva nechokwadi chei?

 TINOGONA kutarisira kupikiswa patinenge tichiita basa redu rekuparidza. Kupikiswa ikoko kunogona kutowedzera mune ramangwana. (Dhan. 11:44; 2 Tim. 3:12; Zvak. 16:21) Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira. Nei tichidaro? Jehovha agara achibatsira vashumiri vake kuti vaite mabasa avo pasinei nekuti akaoma zvakadini. Ngatikurukurei zvimwe zvakaitika muupenyu hwemuprofita Ezekieri uyo akaparidzira vaJudha vaiva nhapwa kuBhabhironi.

2. Jehovha akatii nezvevanhu vaiva mundima yaiparidzwa naEzekieri, uye tichakurukurei munyaya ino? (Ezekieri 2:3-6)

2 Ndima yaiparidzwa naEzekieri yaiva nevanhu vakaita sei? Jehovha akati vaiva vanhu “vasingateereri,” “vakaoma musoro,” uye ‘vanopanduka.’ Vainge vakaita seminzwa uye semarize. Ndosaka Jehovha aigara achiudza Ezekieri kuti: “Usatya”! (Verenga Ezekieri 2:3-6.) Ezekieri akakwanisa kuita basa rake rekuparidza nekuti (1) akanga atumwa naJehovha, (2) mweya waMwari wakamupa simba, uye (3) mashoko aMwari akasimbisa kutenda kwake. Zvinhu zvitatu izvi zvakabatsira sei Ezekieri? Uye zvingatibatsirawo sei mazuva ano?

JEHOVHA AKATUMA EZEKIERI

3. Mashoko api anofanira kunge akasimbisa Ezekieri, uye Jehovha akaratidza sei kuti aizomutsigira?

3 Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Ndiri kukutuma.” (Ezek. 2:3, 4) Mashoko aya anofanira kunge akasimbisa Ezekieri. Nei tichidaro? Ezekieri anogona kunge akayeuka kuti Jehovha akashandisa mashoko akafanana naiwayo paakatuma Mozisi uye Isaya sevaprofita vake. (Eks. 3:10; Isa. 6:8) Ezekieri aizivawo kuti Jehovha akanga abatsira sei vaprofita vaviri ava kuti vakwanise kuita mabasa akaoma. Saka Jehovha paakaudza Ezekieri kaviri kuti: “Ndiri kukutuma,” muprofita wacho aiva nechikonzero chakanaka chekuvimba kuti Jehovha aizomutsigira. Uyewo mubhuku raEzekieri tinowana mashoko aya kakawanda ekuti: “Shoko raJehovha rakauya kwandiri.” (Ezek. 3:16) Mashoko ekuti “Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri” akadzokororwawo kakawanda. (Ezek. 6:1) Zviri pachena kuti Ezekieri aiva nechokwadi chekuti akanga atumwa naJehovha. Uye sezvo aiva mwanakomana wemupristi, Ezekieri anogona kunge akadzidziswa nababa vake kuti Jehovha aiudza vaprofita vake kuti aizovabatsira. Semuenzaniso, Jehovha akanga ambotaura shoko rekuti “ndinewe,” kuvanhu vanoti Isaka, Jakobho uye Jeremiya.—Gen. 26:24; 28:15; Jer. 1:8.

4. Mashoko api anonyaradza anofanira kunge akasimbisa Ezekieri?

4 VaIsraeri vakawanda vaizoita sei pane zvaiparidzwa naEzekieri? Jehovha akati: “Imba yaIsraeri icharamba kukuteerera, nekuti havadi kunditeerera.” (Ezek. 3:7) Kuramba kwavaiita Ezekieri kwaitova kuramba Jehovha. Mashoko iwayo akaita kuti Ezekieri ave nechokwadi chekuti kurambwa kwaaiitwa nevanhu, kwaisareva kuti ainge atadza basa rake semuprofita. Jehovha akavimbisawo Ezekieri kuti panguva yaizozadzika mitongo yaaizivisa, vanhu ‘vaizoziva kuti pakati pavo paiva nemuprofita.’ (Ezek. 2:5; 33:33) Zviri pachena kuti mashoko iwayo anonyaradza akapa Ezekieri simba rekuti aite ushumiri hwake.

TAKATUMWA NAJEHOVHA

Kungofanana naEzekieri, tinogona kusangana nevanhu vasingafariri mashoko atinoparidza uye vanotipikisa, asi tinoziva kuti Jehovha anesu (Ona ndima 5-6)

5. Maererano naIsaya 44:8, simba redu rinobva kupi?

5 Isuwo tinowana simba nekuti tinoziva kuti takatumwa naJehovha. Anotikudza nekutidana kuti “zvapupu” zvake. (Isa. 43:10) Iyoyo iropafadzo yakakura. Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Usatya,” saka anotiudzawo kuti: “Musatya.” Nei tisingafaniri kutya vanotipikisa? Kungofanana naEzekieri, takatumwa naJehovha uye ari kutitsigira.—Verenga Isaya 44:8.

6. (a) Tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha achatibatsira? (b) Tinonyaradzwa uye tinowana simba kubva pachii?

6 Jehovha anotivimbisa kuti achatibatsira. Semuenzaniso, Jehovha asati ataura kuti: “Muri zvapupu zvangu,” akati: “Paunopfuura nemumvura, ndichava newe, uye paunopfuura nemunzizi, hadzizokuyeredzi. Paunofamba nemumoto, hauzopiswi, uye rimi remoto harizokubvuraudzi.” (Isa. 43:2) Patinenge tichiita ushumiri hwedu, dzimwe nguva tinosangana nematambudziko akaita senzizi uye miedzo yakaita semoto. Kunyange zvakadaro, Jehovha anotibatsira kuti tirambe tichiparidza. (Isa. 41:13) Sezvazvainge zvakaita mumazuva aEzekieri, vanhu vakawanda havadi kunzwa mashoko atinoparidza. Asi izvi hazvirevi kuti tiri kutadza kuparidza. Tinonyaradzwa uye tinowana simba kubva pakuziva kuti Jehovha anofara patinoramba tichizivisa mashoko ake takatendeka. Muapostora Pauro akati: “Mumwe nemumwe achawana mubayiro unoenderana nebasa rake.” (1 VaK. 3:8; 4:1, 2) Imwe hanzvadzi yava nemakore ichipayona yakati: “Zvinondifadza kuziva kuti Jehovha anokomborera zvese zvatinoita.”

MWEYA WAMWARI WAKAITA KUTI EZEKIERI AWANE SIMBA

Ezekieri anoona chiratidzo chengoro yaJehovha yekudenga, icho chinosimbisa chivimbo chake chekuti Jehovha achamubatsira kuti aite ushumiri hwake. (Ona ndima 7)

7. Ezekieri anofanira kunge ainzwa sei pese paaifunga nezvechiratidzo chaakaona? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

7 Ezekieri akaona simba rine mweya waMwari. Zvakaonekwa naEzekieri muchiratidzo zvakamubatsira kuziva kuti mweya mutsvene waibatsira ngirozi dzine simba uye waiita kuti mavhiri akakura chaizvo engoro yekudenga afambe. (Ezek. 1:20, 21) Izvi zvakaita kuti Ezekieri aite sei? Akanyora zvakaitika achiti: ‘Pandakaona izvi, ndakapfugama, ndikadzikisa musoro wangu.’ Ezekieri akashamiswa chaizvo zvekuti akawira pasi. (Ezek. 1:28) Pese paaifunga nezvechiratidzo ichi chinoshamisa, Ezekieri anofanira kunge aiwedzera kuva nechivimbo chekuti achibatsirwa nemweya waMwari, aizokwanisa kuita ushumiri hwake.

8-9. (a) Chii chakaitika kuna Ezekieri Jehovha paakamuudza kuti asimuke? (b) Ndezvipi zvimwe zvakaitwa naJehovha kuti asimbise Ezekieri mundima yake yainge yakaoma?

8 Jehovha akarayira Ezekieri achiti: “Mwanakomana wemunhu, simuka umire nditaure newe.” Murayiro wakapiwa Ezekieri pamwe chete nemweya mutsvene zvakamupa simba rekuti asimuke. Ezekieri akanyora kuti: “Mweya wakapinda mandiri ukaita kuti ndimire netsoka dzangu.” (Ezek. 2:1, 2) Muushumiri hwake hwese, Ezekieri aitungamirirwa ‘neruoko’ rwaMwari, kureva mweya mutsvene waMwari. (Ezek. 3:22; 8:1; 33:22; 37:1; 40:1) Mweya waMwari wakapa Ezekieri simba rekuita basa raakanga apiwa, rekuparidzira vanhu vemundima yake vaiva ‘nemisoro yakaoma nemwoyo yakaoma.’ (Ezek. 3:7) Jehovha akaudza Ezekieri kuti: “Ndaomesa chiso chako sezvakangoita zviso zvavo uye ndaomesa huma yako sezvakangoita huma dzavo. Ndaita kuti huma yako iite sedhaimondi, iome kupfuura dombo rakaomarara. Usavatya kana kuvhundutswa nezviso zvavo.” (Ezek. 3:8, 9) Zvaiita sekuti Jehovha ari kuudza Ezekieri kuti: ‘Usarega zviri kuitwa nevanhu ava zvichikuodza mwoyo. Ndichakusimbisa.’

9 Pashure peizvozvo, mweya waMwari wakabva watakura Ezekieri ukamuendesa kundima yaaizoparidza. Ezekieri akanyora kuti: “Ruoko rwaJehovha rwakagara pamusoro pangu zvine simba.” Muprofita wacho akaita vhiki rimwe chete kuti anyatsodzidza uye anzwisise mashoko aaizozivisa kuitira kuti aaparidze nechivimbo. (Ezek. 3:14, 15) Jehovha akamuudza kuti aende kubani uye “mweya wakabva wapinda [maari]” ari ikoko. (Ezek. 3:23, 24) Ezekieri akanga agadzirira kutanga ushumiri hwake.

MWEYA WAMWARI UNOITA KUTI TIWANE SIMBA

Sezvakaitika kuna Ezekieri, chii chinotibatsira mazuva ano kuti tiite ushumiri hwedu? (Ona ndima 10)

10. Tinoda rubatsiro rwakaita sei kuti tikwanise kuita basa redu rekuparidza uye nei zvakadaro?

10 Tinoda rubatsiro rwakaita sei kuti tikwanise kuita basa redu rekuparidza? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, funga zvakaitika kuna Ezekieri. Asati atanga basa rake rekuparidza, mweya waMwari wakamupa simba. Sezvakaitika kuna Ezekieri, isuwo tinongokwanisa kuita basa redu rekuparidza tichibatsirwa nemweya waMwari. Nei zvakadaro? Nekuti Satani ari kutirwisa achida kuti tirege kuparidza. (Zvak. 12:17) Mukuona kwevanhu, zvinoita sekuti hatikwanisi kubudirira pakurwisa Satani. Asi tiri kumukunda nebasa redu rekupupura! (Zvak. 12:9-11) Tiri kumukunda sei? Patinoparidza, tinenge tichiratidza kuti hatisi kubvuma kutyisidzirwa naSatani. Pese patinoparidza, Satani anenge achikundwa. Sezvo tiri kukwanisa kuramba tichiparidza pasinei nekupikiswa, tingati kudii? Tinogona kuti Jehovha anotipa simba achishandisa mweya wake mutsvene uye kuti anotifarira.—Mat. 5:10-12; 1 Pet. 4:14.

11. Mweya waMwari uchatibatsira kuti tiitei uye tingaitei kuti tirambe tichiuwana?

11 Chii chimwe chatinodzidza patinofunga nezvesimba rakapiwa Ezekieri naJehovha rekuti akwanise kuita basa rekuparidza? Mweya waMwari unogona kutibatsira kuti tikunde chero dambudziko ratinosangana naro muushumiri. (2 VaK. 4:7-9) Saka tinofanira kuitei kuti tirambe tichiwana mweya waMwari? Tinofanira kuramba tichinyengetera tiine chivimbo chekuti Jehovha achanzwa minyengetero yedu. Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuti: “Rambai muchikumbira, . . . rambai muchitsvaga, . . . rambai muchigogodza.” Jehovha ‘achabva apa mweya mutsvene kune vaya vanomukumbira.’—Ruka 11:9, 13; Mab. 1:14; 2:4.

MASHOKO AMWARI AKASIMBISA KUTENDA KWAEZEKIERI

12. Maererano naEzekieri 2:9–3:3, gwaro rakaonekwa naEzekieri raibva kupi uye raiva nei?

12 Mweya waMwari wakaita kuti Ezekieri ave neushingi hwekuparidza, uyewo mashoko aMwari akasimbisa kutenda kwake. Ezekieri akaratidzwa ruoko rwainge rwakabata gwaro. (Verenga Ezekieri 2:9–3:3.) Gwaro iri raibva kupi? Raiva nei? Rakasimbisa sei kutenda kwaEzekieri? Ngationei. Gwaro iri raibva pachigaro cheumambo chaMwari. Jehovha anogona kunge akashandisa imwe yengirozi ina dzakanga dzamboonekwa naEzekieri kuti amupe gwaro racho. (Ezek. 1:8; 10:7, 20) Gwaro iri raiva nemashoko aMwari, kureva mashoko akawanda emutongo, ayo Ezekieri aifanira kuzivisa kunhapwa dzainge dzapanduka. (Ezek. 2:7) Mashoko acho ainge akanyorwa mukati nekunze kwegwaro racho.

13. Jehovha akaudza Ezekieri kuti aitei negwaro, uye nei raitapira?

13 Jehovha akaudza muprofita wake kuti adye gwaro racho ‘ozadza dumbu rake naro.’ Ezekieri akateerera akadya gwaro racho rese. Chikamu chechiratidzo ichi chairevei? Ezekieri aifanira kunyatsonzwisisa mashoko aaizozivisa. Aifanira kuva nekutenda mumashoko iwayo kuitira kuti ave nechido chakasimba chekuazivisa. Pane chimwe chinhu chinoshamisa chakabva chaitika. Ezekieri akaona kuti gwaro racho “raitapira seuchi.” (Ezek. 3:3) Nei ainzwa richitapira? Nekuti aiona ropafadzo yekumiririra Jehovha sechinhu chinotapira kana kuti chinofadza. (Pis. 19:8-11) Aitenda chaizvo kuti Jehovha akanga amubvumira kuti ashumire semuprofita wake.

14. Chii chakabatsira Ezekieri kuti agadzirire kuita basa raakanga apiwa?

14 Jehovha akazoudza Ezekieri kuti: “Teerera mashoko ese andinokuudza uaise mumwoyo mako.” (Ezek. 3:10) Nemashoko iwayo, Jehovha akaudza Ezekieri kuti aedze kuyeuka zvainge zvakanyorwa mugwaro racho uye afungisise nezvazvo. Kuita izvi kwaizosimbisa kutenda kwaEzekieri. Uyewo gwaro iroro raiva nemashoko ane simba aaizozivisa vanhu. (Ezek. 3:11) Sezvo akanga ava nemashoko aMwari mumwoyo uye mumuromo make, Ezekieri akanga agadzirira kuita basa raakanga apiwa uye kuripedza.—Enzanisa naPisarema 19:14.

MASHOKO AMWARI ANOSIMBISA KUTENDA KWEDU

15. Kuti titsungirire muushumiri, chii chatinofanira ‘kuisa mumwoyo’ medu?

15 Kuti titsungirire muushumiri, tinofanirawo kubvumira mashoko aMwari kuti arambe achisimbisa kutenda kwedu. Tinofanira ‘kuisa mumwoyo medu’ zvese zvatinoudzwa naJehovha. Mazuva ano Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake Bhaibheri. Tingaitei kuti tive nechokwadi chekuti Shoko raMwari rinoramba richichinja mafungiro edu, manzwiro edu, uye kuti rirambe richitibatsira kutsungirira mubasa redu rekuparidza?

16. Tinofanira kuitei neShoko raMwari, uye tingaitei kuti tinyatsorinzwisisa?

16 Patinodya zvekudya, tinova vanhu vakasimba. Patinodzidzawo Shoko raMwari tofungisisa zvatinenge tadzidza, kutenda kwedu kunowedzera kusimba. Tinofanira kuramba tichiyeuka zvidzidzo zvatinowana pagwaro racho. Jehovha anoda kuti tinyatsonzwisisa Shoko rake, zvoita sekuti tiri ‘kuzadza matumbu edu naro.’ Tinogona kuita izvozvo nekunyengetera, kuverenga uye kufungisisa. Tinotanga nekunyengetera kuti tigadzirire mwoyo wedu kugamuchira mafungiro aMwari. Tinobva taverenga chikamu cheBhaibheri chatinenge tichida kuverenga. Tadaro, tinobva tazvipa nguva yekudzamisa pfungwa tichifungisisa zvatinenge taverenga. Izvozvo zvinoguma nei? Patinoramba tichifungisisa, tinobva tawedzera kunzwisisa Shoko raMwari uye izvozvo zvinosimbisa kutenda kwedu.

17. Nei zvichikosha chaizvo kuti tiwane nguva yekufungisisa zvatinoverenga muBhaibheri?

17 Nei zvichikosha chaizvo kuti tiverenge Bhaibheri uye tifungisise zvatinenge taverenga? Kuita izvozvo kunotipa simba rekuparidza mashoko eUmambo iye zvino uye rekuzivisa mashoko anorwadza emutongo atinogona kuzozivisa mune ramangwana. Uyewo patinofungisisa nezveunhu hwakanaka hwaJehovha, ushamwari hwedu naye hunoramba huchiwedzera kusimba. Izvi zvinobva zvaita kuti tiwane chimwe chinhu chinotapira kana kuti chinofadza, kureva rugare nekugutsikana.—Pis. 119:103.

TINOTSUNGIRIRA MUBASA REKUPARIDZA

18. Vanhu vemundima yedu vachazivei uye nechikonzero chei?

18 Ezekieri aiva muprofita, asi isu hatisi vaprofita. Kunyange zvakadaro, tinoda kuramba tichizivisa mashoko akafemerwa naJehovha ari muShoko rake kusvikira agutsikana kuti basa rekuparidza raitwa zvakakwana. Panguva ichapiwa mutongo, vanhu vemundima yedu havazokwanisi kutaura kuti havana kuyambirwa kana kuti Mwari akavakanganwa. (Ezek. 3:19; 18:23) Asi vachaziva kuti mashoko ataiparidza aibva kuna Mwari.

19. Simba rekuramba tichiita ushumiri hwedu tichariwanepi?

19 Simba rekuramba tichiita ushumiri hwedu tichariwanepi? Pazvinhu zvitatu zvakasimbisawo Ezekieri. Tinoramba tichiparidza nekuti tinoziva kuti takatumwa naJehovha, mweya mutsvene waMwari unoita kuti tiwane simba, uye kutenda kwedu kunosimbiswa neShoko raMwari. Tichibatsirwa naJehovha, tinoda kuramba tichiita ushumiri hwedu uye kutsungirira “kusvikira kumugumo.”—Mat. 24:13.

RWIYO 65 Fambira Mberi!

a Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvakabatsira muprofita Ezekieri kuti aite basa rake rekuparidza. Patinenge tichiona kuti Jehovha akabatsira sei muprofita wake, tichawedzerawo kuva nechivimbo chekuti Jehovha achatibatsira pakuita ushumiri hwedu.