Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 46

Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Titsungirire Tichifara

Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Titsungirire Tichifara

“Jehovha akamirira nemwoyo murefu kuti akunzwirei nyasha, uye achasimuka kuti akunzwirei tsitsi.”—ISA. 30:18.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

ZVICHADZIDZWA a

1-2. (a) Mibvunzo ipi yatichapindura? (b) Chii chinoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo kutibatsira?

 JEHOVHA anogona kutibatsira kuti titsungirire matambudziko atinosangana nawo muupenyu uye kuti tiwane mufaro mubasa dzvene ratinomuitira. Anotibatsira sei? Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nezvatinoitirwa naJehovha? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya ino. Asi tisati tadaro, ngatipindurei mubvunzo uyu wekuti: Jehovha anonyatsoda here kutibatsira?

2 Shoko rakashandiswa nemuapostora Pauro mutsamba yaakanyorera vaHebheru, rinogona kutibatsira kuti tiwane mhinduro yacho. Pauro akanyora kuti: “Jehovha ndiye mubatsiri wangu; handizotyi. Munhu angandiitei?” (VaH. 13:6) Mabhuku anotsanangura Bhaibheri anotaura kuti shoko rakashandiswa muvhesi iyi rekuti “mubatsiri” rinoreva munhu anomhanya kuti anobatsira mumwe munhu anenge achida rubatsiro. Fungidzira uchiona Jehovha achimhanya kunonunura munhu anenge achitambudzika. Tsanangudzo iyi inoratidza kuti Jehovha anoda chaizvo kuva Mubatsiri wedu. Patinobatsirwa naJehovha tinogona kutsungirira matambudziko edu tichifara.

3. Inzira dzipi nhatu dzinoshandiswa naJehovha kuti atibatsire kutsungirira matambudziko edu tichifara?

3 Ndedzipi dzimwe nzira dzinoshandiswa naJehovha kuti atibatsire kutsungirira matambudziko edu tichifara? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo ngationei zvimwe zviri mubhuku raIsaya. Nei tichifanira kudaro? Uprofita hwakawanda hwakafemerwa Isaya kuti anyore hunoshanda kuvashumiri vaMwari mazuva ano. Uyewo Isaya anotaura nezvaJehovha nenzira iri nyore yatinogona kunzwisisa. Ngationei mienzaniso iri muna Isaya chitsauko 30. Muchitsauko ichocho, Isaya anoshandisa mifananidzo yakajeka achitsanangura kubatsira kunoita Jehovha vanhu vake. Akanyora kuti Jehovha anotibatsira (1) nekunyatsotiteerera uye kupindura minyengetero yedu, (2) nekutitungamirira uye (3) nekutipa makomborero iye zvino uye mune remangwana. Ngationgororei nzira nhatu idzi dzinoshandiswa naJehovha kutibatsira.

JEHOVHA ANOTITEERERA

4. (a) Jehovha akati kudii nezvevaJudha vemunguva yaIsaya uye akazorega chii chichiitika? (b) Jehovha akapa tariro ipi kuvanhu vakatendeka? (Isaya 30:18, 19)

4 Mumashoko ekutanga echitsauko 30  chaIsaya, Jehovha anotaura nezvevaJudha ‘sevanakomana vakaoma musoro,’ avo ‘vanowedzera chivi pamusoro pechimwe chivi.’ Anowedzera kuti: “Ivo vapanduki, . . . vasingadi kunzwa mutemo waJehovha.” (Isa. 30:1, 9) Sezvo vanhu ava vakaramba kuteerera, Isaya akaprofita kuti Jehovha aizoita kuti vasangane nedambudziko. (Isa. 30:5, 17; Jer. 25:8-11) Izvozvo ndizvo zvakaitika pavakatapwa nevaBhabhironi. Asi pakati pavo paivawo nevamwe vaJudha vakatendeka, uye Isaya aiva nemashoko etariro kwavari. Akavaudza kuti nerimwe zuva Jehovha aizovanzwira nyasha. (Verenga Isaya 30:18, 19.) Izvi ndizvo chaizvo zvakaitika. Jehovha akavasunungura muutapwa. Asi kununurwa kwavo kwaisazoitika ipapo ipapo. Mashoko ekuti “Jehovha akamirira nemwoyo murefu kuti akunzwirei nyasha” akaratidza kuti zvaizotora nguva vanhu ava vakatendeka vasati vanunurwa. VaIsraeri vakaita makore 70 vari muutapwa kuBhabhironi vamwe vavo vasati vabvumirwa kudzokera kuJerusarema. (Isa. 10:21; Jer. 29:10) Pavakanga vava kumusha kwavo, misodzi yekurwadziwa yavaichema vari muutapwa yakatsiviwa nemisodzi yekufara.

5. Mashoko api anonyaradza ari pana Isaya 30:19?

5 Mazuva ano tinogona kunyaradzwa nemashoko ekuti: “Chokwadi iye achakunzwira nyasha paanonzwa uchichemera kubatsirwa.” (Isa. 30:19) Isaya anoita kuti tive nechivimbo chekuti Jehovha achanyatsotiteerera patinochema kwaari uye kuti achapindura minyengetero yedu nekukurumidza. Isaya anowedzera kuti: “Achakupindura paanongonzwa kuchema kwako.” Mashoko aya anonyaradza anotiyeuchidza kuti Baba vedu vanoda chaizvo kubatsira vaya vanovakumbira rubatsiro. Kuziva izvi kuchatibatsira kuti titsungirire tichifara.

6. Mashoko aIsaya anoratidza sei kuti Jehovha anoteerera munyengetero wemushumiri wake mumwe nemumwe?

6 Ndezvipi zvimwe zvatinodzidza pavhesi iyi nezveminyengetero yedu? Jehovha anonyatsoteerera munyengetero wemumwe nemumwe wedu. Nei tichigona kutaura kudaro? Muchikamu chekutanga chechitsauko 30 chaIsaya munoshandiswa mashoko anoratidza kuti hapasi kutaurwa munhu mumwe chete nekuti Jehovha aitaura nevanhu vake seboka. Asi muvhesi 19, Jehovha ava kushandisa mashoko anoratidza kuti ava kutaura nemunhu mumwe chete. Isaya anonyora kuti: “Iwe hauzombochemi”; “chokwadi iye achakunzwira nyasha”; “achakupindura. Jehovha ndiBaba vane rudo, haangamboudzi mwanakomana wake kana mwanasikana wake akaora mwoyo kuti, “Unofanira kunge wakasimba sezvakaita hama kana hanzvadzi nhingi.” Asi anobata nemumwe nemumwe wedu sezvaari uye anonyatsoteerera minyengetero yedu.—Pis. 116:1; Isa. 57:15.

Isaya airevei paakati: ‘Musazorodza Jehovha’? (Ona ndima 7)

7. Isaya naJesu vakaratidza sei kuti zvinokosha kuti tirambe tichinyengetera?

7 Patinonyengetera kuna Mwari tichimuudza zviri kutinetsa, Jehovha anogona kutanga nekutipa simba rekutsungirira. Uye kana dambudziko redu rikasapera panguva yatinenge tichitarisira kuti richapera, tinogona kuramba tichikumbira Jehovha kuti atipe simba rekutsungirira. Anotikurudzira kuti tidaro. Izvi tinozviona mumashoko aIsaya ekuti: ‘Musazorodza Jehovha.’ (Isa. 62:7) Zvinorevei izvozvo? Tinofanira kuramba tichinyengetera kuna Jehovha, zvoita sekuti hatisi kumupa nguva yekuzorora. Mashoko aIsaya anotiyeuchidza nezvemifananidzo yakataurwa naJesu iri pana Ruka 11:8-10, 13 inotaura nezvemunyengetero. Mumavhesi iwayo Jesu akatikurudzira kuti ‘tirambe tichiteterera’ uye ‘tirambe tichikumbira’ mweya mutsvene. Tinogonawo kukumbira Jehovha kuti atitungamirire kuitira kuti tiite zvisarudzo zvakanaka.

JEHOVHA ANOTITUNGAMIRIRA

8. Mashoko ari pana Isaya 30:20, 21, akazadzika sei kare?

8 Verenga Isaya 30:20, 21. Uto revaBhabhironi parakakomba Jerusarema kwegore nehafu, vanhu vakatambura zvakanyanya zvekuti vakapedzisira vajaira nhamo yavo sekujaira kwavakanga vaita chingwa nemvura. Asi maererano nevhesi 20 ne21, Jehovha akavimbisa vaJudha kuti kana vakapfidza vochinja maitiro avo, aizovanunura. Achitaura nezvaJehovha ‘seMurayiridzi wavo Mukuru’, Isaya akavimbisa vanhu kuti Jehovha aizovadzidzisa kuti vamunamate nenzira yaanogamuchira. Mashoko iwayo akazadziswa vaJudha pavakasunungurwa muutapwa. Jehovha akaratidza kuti aiva Murayiridzi wavo Mukuru uye vachitungamirirwa naye, vanhu vakabudirira kudzorera kunamata kwakachena. Takakomborerwa kuva naJehovha seMurayiridzi wedu Mukuru mazuva ano.

9. Ndeipi imwe nzira iri kushandiswa naJehovha mazuva ano pakutitungamirira?

9 Mumavhesi aya, Isaya anotaura kuti takaita sevadzidzi vari kudzidziswa naJehovha achishandisa nzira mbiri. Isaya akataura nezvenzira yekutanga achiti: “Maziso enyu achaona Murayiridzi wenyu Mukuru.” Mumufananidzo uyu, Isaya anotaura nezveMurayiridzi seakamira pamberi pevadzidzi vake. Tine ropafadzo yakakura yekurayiridzwa naMwari mazuva ano. Jehovha anotirayiridza sei? Anotirayiridza achishandisa sangano rake. Tinotenda chaizvo kuti tinopiwa mirayiridzo yakajeka nesangano raJehovha. Mirayiridzo inopiwa pamisangano yedu nepamagungano, uyewo mumabhuku edu, mapurogiramu eJW Broadcasting, nedzimwe nzira dzakawanda, inotibatsira kuti titsungirire tichifara patinosangana nematambudziko.

10. Zvinorevei kuti tinonzwa ‘shoko shure kwedu’?

10 Isaya akataura nezvenzira yechipiri inoshandiswa naJehovha kutirayiridza achiti: “Nzeve dzenyu dzichanzwa shoko shure kwenyu.” Muvhesi iyi, muprofita wacho anofananidza Jehovha nemurayiridzi ari kufamba ari kumashure kwevadzidzi vake, achivaudza nzira yavanofanira kufamba nayo. Mazuva ano tinonzwa inzwi raMwari nechekumashure kwedu. Tinorinzwa sei? Mashoko aMwari akafemerwa akanyorwa muBhaibheri kare kare. Saka patinoverenga Bhaibheri, tinenge tichiita setiri kunzwa inzwi raMwari richibva shure kwedu.—Isa. 51:4.

11. Kuti titsungirire tichifara, zvii zvatinofanira kuita, uye nei tichifanira kudaro?

11 Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nekutungamirirwa kwatinoitwa naJehovha achishandisa sangano rake uye Shoko rake? Ona kuti Isaya akataura zvinhu zviviri. Chekutanga akati: “Iyi ndiyo nzira.” Chechipiri akati: “Fambai nayo.” (Isa. 30:21) Hatifaniri kungogumira pakuziva “nzira” yacho. Tinofanirawo ‘kufamba nayo.’ Jehovha anotidzidzisa zvaanoda kuti tiite achishandisa Shoko rake uye zvinotaurwa nesangano rake. Tinodzidzawo kuti tingashandisa sei zvatinenge tadzidza. Kuti titsungirire tichifara pakushumira kwatinoita Jehovha, tinofanira kuita zvese zviri zviviri. Kana tikadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatikomborera.

JEHOVHA ANOTIKOMBORERA

12. Maererano naIsaya 30:23-26, Jehovha aizokomborera sei vanhu vake?

12 Verenga Isaya 30:23-26. Uprofita uhwu hwakazadzika sei kuvaJudha vakanga vadzokera kunyika yeIsraeri vachibva kuutapwa kuBhabhironi? Jehovha akavapa zvinhu zvakawanda zvekurarama nazvo uye zvekunamata. Jehovha akapa vanhu vake chikafu chakawanda. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti akavapa zvese zvavaida kuti vaswedere pedyo naye uye kuti vatangezve kunamata kwakachena zvishoma nezvishoma. Kukomborerwa kwakaitwa vanhu vaMwari pakunamata panguva iyoyo kwaipfuura nekure zvinhu zvese zvakanaka zvavakanga vamboitirwa. Sezvinoratidzwa muvhesi 26, Jehovha akaita kuti chiedza chirambe chichiwedzera kujeka. (Isa. 60:2) Kukomborera kwakaita Jehovha vashumiri vake kwakavabatsira kuti varambe vachimushumira vachifara uye vaine simba ‘nekuti vainge vakagadzikana mumwoyo.’—Isa. 65:14.

13. Uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena huri kuzadzika sei mazuva ano?

13 Uprofita hwekudzorerwa kwekunamata kwakachena, hunoshandawo kwatiri here mazuva ano? Ehe! Pakuti kudii? Kubva muna 1919 C.E., mamiriyoni evanhu akasunungurwa pautapwa hweBhabhironi Guru, mubatanidzwa wezvitendero zvese zvenhema. Vakatowana zvinhu zvakanaka zvinopfuura Nyika Yakapikirwa yeIsraeri. Vakatungamirirwa kuparadhiso yemweya. (Isa. 51:3; 66:8) Chii chinonzi paradhiso yemweya?

14. Chii chinonzi paradhiso yemweya, uye ndivanaani vanogaramo mazuva ano? (Ona Kutsanangurwa Kwemashoko.)

14 Kubva muna 1919 C.E., vakazodzwa vari muparadhiso yemweya. b Nekufamba kwenguva, vaya vane tariro yekurarama panyika, vemamwe makwai, vakapindawo munyika iyi yemweya, uye vari kuwana makomborero akawanda anobva kuna Jehovha.—Joh. 10:16; Isa. 25:6; 65:13.

15. Paradhiso yemweya iri kupi?

15 Paradhiso yemweya iyi iri kupi mazuva ano? Vanamati vaJehovha vanowanika pasi rese. Saka paradhiso iyi yemweya yavanogara inowanikwawo pasi rese. Mazuva ano pasinei nekuti tinogara kupi, tinogona kuva muparadhiso iyi yemweya chero bedzi tichitsigira kunamata kwechokwadi.

Mumwe nemumwe wedu angaitei kuti paradhiso yemweya irambe yakanaka? (Ona ndima 16-17)

16. Tingaitei kuti tirambe tichiona kunaka kweparadhiso yemweya?

16 Chimwe chezvinhu zvatinofanira kuita kuti tirambe tiri muparadhiso yemweya, kuramba tichikoshesa ungano yese yechiKristu. Izvozvo tinozviita sei? Tinoita izvozvo nekuisa pfungwa dzedu pane zvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu, kwete pane zvadzinokanganisa. (Joh. 17:20, 21) Nei izvozvo zvichikosha chaizvo? Funga nezvemuenzaniso uyu. Patinopinda mupaki yakanaka, tinotarisira kuona miti yakasiyana-siyana. Saizvozvowo paradhiso yemweya iri muungano dzedu mazuva ano, ine vanhu vakasiyana-siyana avo vanofananidzwa nemiti. (Isa. 44:4; 61:3) Tinofanira kuva nechokwadi chekuti tinoramba takaisa pfungwa dzedu pakuyevedza kunoita miti yacho yese, kwete pazvinhu zvisina kunaka zviri pamuti mumwe nemumwe uri pedyo nesu. Hatifaniri kurega zvikanganiso zvedu kana zvevamwe vari muungano zvichititadzisa kuona kunaka kweungano yese yechiKristu iyo yakabatana.

17. Mumwe nemumwe wedu angaitei kuti ungano ibatane?

17 Mumwe nemumwe wedu angaitei kuti ungano irambe yakabatana? Tinogona kuita izvi kana tikava vanhu vanoita kuti pave nerugare. (Mat. 5:9; VaR. 12:18) Pese patinotanga isu kuita chimwe chinhu chinoita kuti tive nerugare nevamwe muungano, tinoita kuti kunaka kweparadhiso yemweya kuwedzere. Tinoramba tichiyeuka kuti Jehovha akaita kuti munhu mumwe nemumwe ari muparadhiso yemweya auye kuzonamata zvakachena. (Joh. 6:44) Fungidzira kufara kunoita Jehovha paanoona tichishanda nesimba kuti tisimbise rugare uye kubatana kwevashumiri vake vaanokoshesa!—Isa. 26:3; Hag. 2:7.

18. Zvii zvatinofanira kugara tichifungisisa nezvazvo, uye nei tichifanira kudaro?

18 Tingaitei kuti tinyatsobatsirwa nekukomborerwa kwatinoitwa sevashumiri vaMwari? Tinogona kufungisisa zvatinodzidza muShoko raMwari uye mumabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Kudzidza uye kufungisisa kwakadaro kuchatibatsira kuti tive neunhu hwechiKristu huchatibatsira kuti ‘tide hama dzedu’ uye ‘tidanane nemwoyo wese’ muungano. (VaR. 12:10) Tinova neushamwari hwepedyo naJehovha patinofungisisa kutikomborera kwaari kuita iye zvino. Uye kufungisisa nezvemakomborero atichapiwa naJehovha mune remangwana kuchaita kuti tariro yedu yekumushumira nekusingaperi irambe yakasimba. Zvese izvi zvinoita kuti tishumire Jehovha tichifara iye zvino.

TINORAMBA TICHITSUNGIRIRA

19. (a) Maererano naIsaya 30:18, tinogona kuva nechokwadi chei? (b) Chii chichatibatsira kutsungirira tichifara?

19 Jehovha “achasimuka” achitirwira paachagumisa nyika ino yakaipa. (Isa. 30:18) Tine chokwadi chekuti Jehovha, “Mwari anoita zvakarurama,” haazoregi zuva raakasarudza kugumisa nyika yaSatani richipfuura asina kuiparadza. (Isa. 25:9) Tinomirira nemwoyo murefu pamwe chete naJehovha kuti zuva iroro rekununurwa risvike. Panguva ino, tinoda chaizvo kuramba tichikoshesa ropafadzo yekunyengetera, kudzidza nekushandisa zvatinodzidza muShoko raMwari, uye kufungisisa makomborero edu. Patinodaro, Jehovha achatibatsira kuti titsungirire tichifara pakumunamata kwatinoita.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

a Nyaya ino ichataura nzira nhatu dzinoshandiswa naJehovha pakubatsira vanamati vake kuti vatsungirire matambudziko vachifara. Tichaongorora Isaya chitsauko 30 kuti tidzidze zvakawanda nezvenzira idzi. Patichange tichiongorora chitsauko ichi, tichayeuchidzwa nezvekukosha kunoita kunyengetera kuna Jehovha, kudzidza Shoko rake, uye kufungisisa makomborero atiri kuwana iye zvino uye atichawana mune ramangwana.

b KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Tinova ‘muparadhiso yemweya’ patinonamata Jehovha takabatana. Muparadhiso iyi yemweya tine zvekudya zvekunamata zvakawanda zvisina kukanganiswa nenhema dzechitendero uye tine basa rakawanda rinogutsa ratinoita pakuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Tine ushamwari hwepedyo naJehovha uye tine rugare nehama nehanzvadzi dzedu dzine rudo idzo dzinotibatsira kuti titsungirire matambudziko edu tichifara. Tinopinda muparadhiso yemweya patinotanga kunamata Jehovha nenzira yakarurama uye patinoita zvese zvatinogona kuti timutevedzere.