Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

“Ndaida Kushandira Jehovha”

“Ndaida Kushandira Jehovha”

TAKABHABHAISA boka diki revanhu vatakanga tashanyira pedyo nemusha weGranbori, uri pakati chaipo pesango rinogara richinaya mvura kuSuriname. Takabva tasimuka tiri mubhoti remapuranga tichidzika neRwizi rwaTapanahoni. Pava paya, takapfuura nepaimhanya chaizvo mvura yemurwizi, uye propeller yebhoti yakabva yarovera padombo. Bhoti rakabva ranyura mumvura nemuromo, ndokubva tadzikiswa pasi pemvura. Hana yangu yakarova zvisingaiti. Kunyange zvazvo ndakanga ndava nemakore ndichifamba nemabhoti murwizi ndiri mutariri wedunhu, ndakanga ndisingagoni kushambira.

Ndisati ndataura zvakazoitika, regai ndikuudzei matangiro andakaita basa renguva yakazara.

Ndakaberekwa muna 1942, pane chimwe chitsuwa chekuCaribbean chakanaka chaizvo cheCuraçao. Baba vangu vaibva kuSuriname, asi vakatamira kuCuraçao nekuti ndiko kwavakanga vava kushandira. Makore mashoma ndisati ndaberekwa, vaiva mumwe weZvapupu zvekutanga zvakabhabhatidzwa muCuraçao. a Vaidzidza Bhaibheri nesu vana vhiki rega rega, kunyange zvazvo dzimwe nguva taisada kudzidza. Pandakanga ndava nemakore 14, mhuri yedu yakatamira kuSuriname nekuti baba vaida kuti zvive nyore kuchengeta amai vavo vakanga vakwegura.

SHAMWARI DZAKANAKA DZAKANDIBATSIRA

Tava kuSuriname, ndakatanga kushamwaridzana nevechidiki vemuungano vaishingaira pakushumira Jehovha. Vaiva vakuru kwandiri nemakore mashoma uye vaishumira semapiyona enguva dzese. Pavaitaura nezvezvavaisangana nazvo muushumiri, ndaiona kufara kwavaiita. Paipera misangano, ini neshamwari dzangu taitaurawo dzimwe nyaya dzemuBhaibheri uye dzimwe nguva taizviita takagara panze tichiona nyeredzi. Shamwari idzi dzakandibatsira kuziva zvandaida kuita neupenyu hwangu; ndaida kushandira Jehovha. Saka ndakabhabhatidzwa ndava nemakore 16. Uye ndava nemakore 18, ndakatanga kushumira sapiyona wenguva dzese.

KUDZIDZA ZVIDZIDZO ZVINOKOSHA

Ndichipayona kuParamaribo

Ndakadzidza zvakawanda pandaiva piyona, uye izvi zvakandibatsira muupenyu hwangu hwese ndiri mubasa renguva yakazara. Semuenzaniso, chimwe chezvinhu zvandakatanga kudzidza ndechekukosha kwazvakaita kudzidzisa vamwe. Pandakatanga kupayona, mumwe mumishinari anonzi Willem van Seijl akaratidza kuti aiva nehanya neni. b Akandidzidzisa zvakawanda pamaitirwo emabasa muungano. Panguva iyoyo ndaisatomboziva kuti ndine zvakawanda zvandaifanira kudzidza. Gore rakazotevera, ndakagadzwa sapiyona chaiye uye ndakatanga kubatsira mapoka ehama nehanzvadzi dzaigara mumasango anogara achinaya mvura kuSuriname. Ndinotenda chaizvo kudzidziswa kwandakaitwa nehama panguva yakakodzera! Kubva ipapo, ndakatanga kutevedzera muenzaniso wavo nekuwana nguva yekudzidzisawo vamwe.

Chinhu chechipiri chandakadzidza ndechekunaka kwazvakaita kurarama upenyu husina zvakawanda-wanda asi hwakarongeka. Paitanga mwedzi wega wega, ini napiyona chaiye wandaishanda naye taironga kuti totenga zvinhu zvakawanda sei zvinotikwanira mwedzi wese. Mumwe wedu aibva aita rwendo rurefu achienda kuguta kunotenga zvataida. Taifanira kunyatsongwarira mashandisiro ataiita mari yataipiwa pamwedzi uye taifanira kushandisa zvakanaka zvinhu zvatainge tatenga kuitira kuti zvipedze mwedzi wese. Kana taizopererwa nechimwe chinhu tiri musango kaiva kashoma kuwana munhu aitibatsira. Ndinoona kuti kudzidza kwandakaita ndiri mudiki kurarama nezvinhu zvishoma asi ndiri munhu akarongeka kwakandibatsira kuti ndiise pfungwa dzangu pabasa raJehovha kweupenyu hwangu hwese.

Chinhu chechitatu chandakadzidza ndechekuona kubatsira kwazvinoita kudzidzisa vanhu nerurimi rwaamai. Ndakakura ndichitaura mitauro inoti: chiDutch, Chirungu, chiPapiamento, uye chiSranantongo, (chinonziwo chiSranan), icho chinotaurwa nevanhu vakawanda muSuriname. Asi mumasango mataiva ndakaona kuti vanhu vaifarira chaizvo mashoko akanaka kana vakaparidzirwa nerurimi rwaamai. Zvaindiomera kutaura mimwe yemitauro iyi yakadai sechiSaramaccan, icho chinotaurwa munhu uchikwidza nekudzikisa inzwi. Asi ndakashandira zviripo. Makore ese aya, ndakakwanisa kudzidzisa vanhu vakawanda chokwadi nekuti ndaikwanisa kutaura mutauro wavo.

Asiwo pakudzidzira mutauro apa panewo zvimwe zvandaikanganisa. Semuenzaniso, pane imwe nguva ndaida kubvunza mumwe mudzidzi weBhaibheri wechiSaramaccan wataidzidza naye kuti ainzwa sei sezvo akanga achirwara nemudumbu. Asi mashoko angu akabuda sendaimubvunza kana aiva nepamuviri! Mubvunzo wangu hauna kumuitira zvakanaka. Pasinei nekukanganisa kwandaiita, ndaigara ndichishanda nesimba kuti nditaure mitauro yevanhu vemundima dzandaishumira.

KUBVUMA MAMWE MABASA

Muna 1970, ndakagadzwa kuti ndishumire semutariri wedunhu. Gore iroro, ndakaratidza hama nehanzvadzi dzaigara mumasango anogara achinaya mvura masiraidhi aiva nemusoro unoti “Kushanyira Mahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha.” Kuti tishanyire hama nehanzvadzi idzi, ini nedzimwe hama taifamba nemunzizi tiri mubhoti refu remapuranga. Mubhoti redu maiva nejenareta, jerikeni repeturu, marambi uye purojekita yekuratidza masiraidhi. Pataiburuka taibva tatakura zvinhu zvedu zvese tichifamba nemumasango kusvikira tasvika kwataizoratidza vanhu masiraidhi. Asi chandinonyanya kuyeuka panzendo idzodzo, kufarira kwaiita vanhu mapurogiramu iwayo. Ndaifara chaizvo kubatsira vamwe kudzidza nezvaJehovha uye nezvechikamu chepanyika chesangano rake. Kuona vamwe vachiswedera pedyo naJehovha kwaiita kuti ndifare nekuti ndakanga ndashandawo nesimba pabasa iri.

KUKOSA TAMBO NETAMBO NHATU

Ini naEthel takachata muna September 1971

Kunyange zvazvo ndaiona kuti kusaroora kwaiita kuti zvive nyore kuti ndiite basa rangu, ndainzwa kuti ndinoda kuva nemumwe munhu wekugara naye kweupenyu hwese. Saka ndakatanga kunyengetera kuti ndiwane mudzimai aizoshumira neni achifara mubasa iri rainge rakaoma. Pashure perinenge gore, ndakatanga kufambidzana nemumwe piyona chaiye anonzi Ethel, uyo aida kushanda nesimba mubasa raJehovha kunyange zvazvo zvaisava nyore kwaari. Kubvira achiri mudiki, Ethel aiyemura chaizvo muapostora Pauro uye aida kuita zvese zvaaigona muushumiri sezvaiitwa naPauro. Takachata muna September 1971 uye takatanga kushumira mubasa redunhu semurume nemudzimai.

Ethel akakurira mumhuri yaisava nezvakawanda zvekurarama nazvo, saka hazvina kunyanya kumuomera patakanga tava mubasa redunhu tichifamba mumasango. Semuenzaniso, pataigadzirira kushanyira ungano dzaiva pakati chaipo pemasango, taisatakura zvinhu zvakawanda. Taiwacha nekugezera murwizi. Takasvikawo pakujaira kudya chero chataipiwa nehama dzedu angava madzvinyu anonzi maiguana, hove dzinonzi mapiranha, kana kuti chero chavainge vavhima musango kana kubata murwizi. Kana pasina ndiro taidyira pamashizha emabhanana. Kana pasina maforogo nemasipunu, taidya nemaoko. Ini naEthel tinonzwa sekuti kuzvipira kwatakaita tichishandira Jehovha kwakatibatsira kuti tive tambo yakakoswa netambo nhatu. (Mup. 4:12) Hatimbodembi kuzvipira kwatakaita!

Zvandataura patanga nyaya ino zvakaitika pataidzoka kubva kunzvimbo dziri kwadzo dzega dziri mumasango. Bhoti redu parakasvika panzvimbo yaiva nemvura yaimhanya zvakanyanya rakabva ranyura richibva rakurumidza kubuda pamusoro. Takanga takapfeka malife jacket uye hatina kurasirwa kunze kwebhoti. Asi bhoti redu rakanga razara mvura. Takakutura murwizi chikafu chaiva mumapoto edu, tikabva tashandisa mapoto acho kukupa mvura yaiva mubhoti.

Sezvo takanga tisisina chekudya chakanga chasara, takatanga kuredza hove sezvataidzika nerwizi. Asi hapana chataibata. Saka takanyengetera kuna Jehovha tichimukumbira kuti atipe zvekudya zvezuva iroro. Tichangopedza kunyengetera, imwe hama yataiva nayo yakakanda chirauro mumvura ndokubva yabata hove hombe yatakadya tese tiri 5 manheru iwayo tikaguta.

MURUME, BABA, UYE MUTARIRI WEDUNHU

Pashure pemakore 5 tichishanda tese mudunhu, ini naEthel takagamuchira chipo chataisatarisira. Takanga tava kuzova vabereki. Ndakafara pandakanzwa mashoko iwayo, kunyange zvazvo ndaisaziva kuti ramangwana redu raizofamba sei. Ini naEthel taiva nechido chakasimba chekuramba tiri mubasa renguva yakazara kana zvaiita. Muna 1976 mwanakomana wedu, Ethniël ndipo paakaberekwa. Pashure pemakore maviri nehafu takava nemwanakomana wechipiri, Giovanni.

Tichiona vanhu vari kubhabhatidzwa murwizi rwaTapanahoni pedyo neGodo Holo kuEastern Suriname muna 1983

Sezvo muSuriname makanga muchiri nebasa rakakura panguva iyoyo, hofisi yebazi yakaronga kuti ndirambe ndichishumira semutariri wedunhu, uku tichirera vana vedu. Vanakomana vedu pavakanga vachiri vadiki ndakanzi ndishumire mumatunhu aiva neungano shoma. Saka izvi zvaiita kuti ndishumire semutariri wedunhu pane mamwe mavhiki mwedzi wega wega, ndozopedzisa mwedzi wacho ndiri piyona muungano yatakanga tanzi tishumire tiri. Ethel nevanakomana vedu vaizobatana neni pandaishanyira ungano dzaiva pedyo nekwataigara. Asi ndaienda ndega kuungano dzaiva mumasango uye kumagungano aiitirwa ikoko.

Pandaiva mubasa redunhu ndaiwanzofamba nebhoti ndichishanyira ungano dziri kwadzo dzega

Ndaifanira kunyatsoronga zvinhu zvangu kuti ndikwanise kuita mabasa angu ese. Ndaiva nechokwadi chekuti taiita kunamata kwemhuri vhiki rega rega. Pandainge ndisipo ndashanyira ungano dzekumasango, Ethel ndiye aisara achiitisa kunamata kwemhuri. Asi pese pazvaiita, taiita zvinhu zvedu pamwe chete semhuri. Ini naEthel taigarawo tichitandara nevana vedu, tichitamba magemhu kana kushanyira dzimwe nzvimbo dzakanaka dzaiva pedyo nekumba kwedu. Ndaiwanzorara pakati peusiku ndichiita mabasa angu echiKristu. Uye sezvo Ethel, ari mudzimai anoita zvakanaka anotaurwa pana Zvirevo 31:15, aimuka mangwanani-ngwanani kuitira kuti tiverenge rugwaro rwezuva semhuri uye todya pamwe chete nevanakomana vedu vasati vaenda kuchikoro. Ndinotenda chaizvo kuti ndakawana mudzimai anozvipira, anogara achindibatsira kuti ndikwanise kuita mabasa angu echiKristu!

Sevabereki, taishanda nesimba kuti tibatsire vana vedu kuti vade Jehovha uye ushumiri hwechiKristu. Taida kuti vanakomana vedu vazvisarudzire vega basa renguva yakazara kwete kuti tiite zvekuvasarudzira. Taigara tichivaudza nezvemufaro wavaizowana kana vakapinda mubasa renguva yakazara. Taivaudzawo nezvematambudziko ataisangana nawo, asi tainyanya kutaura nezvekubatsirwa kwataiitwa naJehovha uye kuti aitikomborera sei semhuri. Taivawo nechokwadi chekuti vanakomana vedu vaishamwaridzana neZvapupu zvaiisa Jehovha pekutanga muupenyu hwazvo.

Jehovha akatipa zvese zvataida patairera vana. Asi ndaiitawo zvese zvandaigona kuti nditsigire mhuri yangu. Upenyu hwandakararama ndisati ndaroora ndichishumira sapiyona chaiye hwakandidzidzisa kuchengeta mari kuitira kuti ndizokwanisa kutenga zvataida. Asi kunyange zvazvo taiita zvese zvataigona, dzimwe nguva taisakwanisa kuwana zvese zvataida. Izvozvo pazvaiitika ndinoona kuti Jehovha aibva atibatsira. Semuenzaniso, kubva muna 1986 kusvika muna 1992 muSuriname maiva nehondo. Mumakore iwayo, dzimwe nguva zvaioma chaizvo kuwana zvekurarama nazvo. Kunyange zvakadaro, Jehovha akatipa zvataida.—Mat. 6:32.

KUFUNGA NEZVEUPENYU HWANGU

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Ndiine mudzimai wangu, Ethel

Mwanakomana wedu mukuru, Ethniël, nemudzimai wake, Natalie

Mwanakomana wedu Giovanni nemudzimai wake, Christal

Muupenyu hwedu hwese, Jehovha ari kutichengeta uye ari kutibatsira kuti tifare uye tigutsikane. Vana vedu vanoita kuti tifare chaizvo uye tinotenda chaizvo kuti takakwanisa kuvarera kuti vashumire Jehovha. Tinofara chaizvo kuti vakasarudzawo kupinda mubasa renguva yakazara. Ethniël naGiovanni vakapinda zvikoro zvesangano, uye pari zvino vari kushumira nemadzimai avo pahofisi yebazi muSuriname.

Ini naEthel tachembera, asi tichiri kuita zvakawanda mubasa raJehovha semapiyona chaiwo. Tine zvakawanda zvekuita zvekuti handisati ndatombowana nguva yekudzidzira kutuhwina! Asi handizvidembi. Pandinotarisa kumashure, ndinonyatsonzwa kuti kusarudza kwandakaita kupinda mubasa renguva yakazara ndichiri mudiki ndicho chisarudzo chakanaka kupfuura zvimwe zvese zvandakaita muupenyu.

b Nyaya yeupenyu yaWillem van Seijl iyo ine musoro unoti, “Reality Has Exceeded My Expectations,” iri muAwake! yaOctober 8, 1999.