Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 48

Ngwarira Panoedzwa Kuvimbika Kwako

Ngwarira Panoedzwa Kuvimbika Kwako

“Ngwarira zvinhu zvese.”—2 TIM. 4:5.

RWIYO 123 Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika

ZVICHADZIDZWA a

1. Tinoratidza sei kuti tiri vanhu vakangwarira? (2 Timoti 4:5)

 PANOITIKA chimwe chinhu chinotirwadza, kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha nesangano rake kunogona kuedzwa. Tingaitei kuti tikunde muedzo iwoyo? Tinofanira kungwarira, uye kuramba takamuka, toramba takasimba mukutenda. (Verenga 2 Timoti 4:5.) Tinoratidza kuti tiri vanhu vakangwarira patinoramba takadzikama, tichifunga zvakanaka, uye tichiedza kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Patinoita izvi, mafungiro edu haazokanganiswi nemanzwiro atinenge tichiita.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Munyaya yakapfuura, takakurukura matambudziko matatu atingasangana nawo anokonzerwa nevanhu vasiri muungano. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvingaitika muungano zvingaedza kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha. Zvinhu zvacho zvinoti (1) patinobatwa zvisina kunaka nemumwe muKristu, (2) patinoruramiswa, uye (3) patinoomerwa nekufambirana nekuchinja kunoita zvinhu musangano. Tingaitei kuti tirambe takangwarira uye takavimbika kuna Jehovha nesangano rake panoitika zvinhu izvi?

PATINONZWA SEKUTI TABATWA ZVISINA KUNAKA NEMUMWE MUKRISTU

3. Mafungiro api akaipa atingava nawo patinoona sekuti tabatwa zvisina kunaka nemumwe muKristu?

3 Wakambonzwa sekuti wabatwa zvisina kunaka here nemumwe muKristu, zvimwe anenge atori hama yakagadzwa? Pamwe hama yacho haina kuzviita ichida kukurwadzisa. (VaR. 3:23; Jak. 3:2) Asi zvaakaita zvinogona kunge zvakakurwadza. Zvimwe wakatoshaya hope uchifunga nezvazvo. Unogona kunge wakatofunga kuti, ‘Kana hama ichiita zvakadai, ichokwadi here kuti iri isangano raMwari?’ Iwayo ndiwo mafungiro chaiwo anodiwa naSatani kuti tive nawo. (2 VaK. 2:11) Mafungiro akadaro angaita kuti tizviparadzanise naJehovha nesangano rake. Saka kana tikaona sekuti hama kana hanzvadzi yatibata zvisina kunaka, tingaitei kuti tirambe takangwarira uye kuti tisakanganiswe nemafungiro akaipa?

4. Josefa akaitei kuti arambe akangwarira paakabatwa zvisina kunaka, uye tinodzidzei paari? (Genesisi 50:19-21)

4 Usachengeta chigumbu. Josefa paaiva mumakore ekuyaruka, akabatwa zvisina kunaka nevakoma vake. Vaimuvenga, uye vamwe vacho vaitoda kumuuraya. (Gen. 37:4, 18-22) Vakazomutengesa kuti ave muranda. Izvi zvakaita kuti Josefa asangane nematambudziko akakura kwemakore anenge 13. Josefa anogona kunge akafunga kuti aisadiwa naJehovha. Uye anogona kunge akanetseka kana Jehovha akanga amusiya panguva yaaida kubatsirwa. Asi Josefa haana kuchengeta chigumbu. Akaramba akadzikama. Paakawana mukana wekutsiva vakoma vake, haana kuvatsiva, asi akavaratidza rudo uye akavaregerera. (Gen. 45:4, 5) Josefa akaita izvi nekuti akakwanisa kuramba achifunga zvakanaka. Pane kufunga nezvematambudziko ake, akaramba achifunga zvaidiwa naJehovha. (Verenga Genesisi 50:19-21.) Tinodzidzei? Kana ukabatwa zvisina kunaka, usagumbukira Jehovha kana kufunga kuti akusiya. Pane kudaro, funga nezvekukubatsira kwaari kuita kuti utsungirire dambudziko racho. Uyewo vamwe pavanokubata zvisina kunaka, edza kuita kuti rudo ruvhare zvivi zvavo.—1 Pet. 4:8.

5. Chii chakabatsira Miqueas paainzwa sekuti akanga abatwa zvisina kunaka?

5 Funga nezvemumwe mukuru wekuSouth America anonzi Miqueas. b Anoyeuka zvakaitika pane imwe nguva yaakaona sekuti akanga abatwa zvisina kunaka nedzimwe hama dzakagadzwa. Anoti: “Ndakanga ndisati ndamboshungurudzika zvakadai. Ndakanetseka. Usiku ndaitadza kurara uye ndaichema nekuti ndaiona sekuti hapana zvandaigona kuita.” Kunyange zvakadaro, Miqueas akashanda nesimba kuti adzore manzwiro ake. Akanyengetera nemwoyo wese achikumbira Jehovha kuti amupe mweya mutsvene uye simba rekutsungirira. Akatsvakurudzawo mumabhuku edu zvimwe zvinhu zvaigona kumubatsira. Tinodzidzei? Kana uchinzwa sekuti wabatwa zvisina kunaka neimwe hama kana kuti hanzvadzi, ramba wakadzikama uye edza kudzora manzwiro akaipa aungava nawo. Unogona kunge usiri kuziva kuti chii chingangodaro chaita kuti munhu wacho ataure zvaataura kana kuti aite zvaaita. Saka nyengetera kuna Jehovha, uye mukumbire kuti akubatsire kuona zvinhu semaonero anoita munhu wacho. Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti usaona sekuti hama kana hanzvadzi yako yaita chimwe chinhu ichida kukurwadzisa uye zvichaita kuti uiregerere. (Zvir. 19:11) Yeuka kuti Jehovha anoziva zviri kuitika kwauri uye achakupa simba rekuti utsungirire.—2 Mak. 16:9; Mup. 5:8.

PATINORURAMISWA

6. Nei zvichikosha kuti tinzwisise kuti Jehovha anotiruramisa nekuti anotida? (VaHebheru 12:5, 6, 11)

6 Kururamiswa kunogona kutirwadza. Asi kana tikaramba tichifunga nezvemarwadzo acho, tinogona kutanga kufunga kuti chirango chacho hachina kukodzera uye kuti hachishandi kwatiri. Izvi zvinogona kutitadzisa kunzwisisa chimwe chinhu chinokosha chaizvo, chekuti Jehovha ari kutiruramisa nekuti anotida. (Verenga VaHebheru 12:5, 6, 11.) Uye kana tikaramba tichifunga kuti chirango chacho chiri kuita kuti tinzwe sei, tinopa Satani mukana wekuti aite zvaanoda nesu. Anoda kuti tirambe chirango, uye zvakatonyanya kuipa ndezvekuti anoda kutiendesa kure naJehovha uye neungano. Kana wakamboruramiswa, ungaitei kuti uve nemaonero akanaka?

Sezvo Petro aizvininipisa uye aibvuma kururamiswa, Jehovha akamushandisa chaizvo (Ona ndima 7)

7. (a) Sezviri kuratidzwa pamufananidzo, Petro akashandiswa sei naJehovha pashure pekunge abvuma kururamiswa? (b) Unodzidzei pana Petro?

7 Bvuma kururamiswa, wogadzirisa panenge pachida kugadziriswa. Kanopfuura kamwe chete, Jesu akaruramisa Petro pamberi pevamwe vaapostora. (Mako 8:33; Ruka 22:31-34) Izvozvo zvinogona kunge zvakaita kuti Petro anyare. Asi Petro akaramba akavimbika kuna Jesu. Akabvuma kururamiswa uye akadzidza pane zvaakakanganisa. Kuvimbika kwakaita Petro kwakaita kuti apiwe mubayiro naJehovha uye mamwe mabasa anokosha muungano. (Joh. 21:15-17; Mab. 10:24-33; 1 Pet. 1:1) Tinodzidzei pane zvakaitwa naPetro? Zvinotibatsira uye zvinobatsirawo vamwe patinorega kuisa pfungwa pakunyara kunokonzerwa nechirango, tobvuma kururamiswa, uye togadzirisa panenge pachida kugadziriswa. Patinodaro, tichakwanisa kuita zvakatowanda mubasa raJehovha uye pakubatsira hama dzedu.

8-9. Pashure pekunge aruramiswa, Bernardo akanzwa sei pakutanga, uye chii chakamubatsira kuti agadzirise mafungiro ake?

8 Funga zvakaitika kune imwe hama iri kuMozambique inonzi Bernardo. Akambobviswa pakuva mukuru. Pakutanga Bernardo akanzwa sei? Anoti, “Ndakagumbuka nekuti handina kufarira chirango chandakapiwa.” Ainetseka kuti vamwe vari muungano vaizomuona sei. Anoti, “Zvakanditorera kanguva kuti nditange kuona chirango chacho neziso rakanaka uye kuti nditangezve kuvimba naJehovha nesangano rake.” Chii chakabatsira Bernardo kuti ave nemaonero akanaka?

9 Bernardo akagadzirisa mafungiro ake. Anoti: “Pandaishumira semukuru, ndaishandisa VaHebheru 12:7 kuti ndibatsire vamwe kuva nemaonero akanaka pavanorangwa naJehovha. Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndiani anofanira kushandisa rugwaro urwu?’ Vashumiri vese vaJehovha, kusanganisira ini.” Bernardo ane zvimwezve zvaakaita kuti atangezve kuvimba naJehovha nesangano rake. Akawedzera zvaaiita pakuverenga Bhaibheri, uye akawedzera nguva yaaidzamisa pfungwa pane zvaaiverenga. Kunyange zvazvo akanga achiri kutyira kuti hama nehanzvadzi dzake dzaizomuona sei, aishanda nadzo muushumiri uye aipindura pamisangano. Nekufamba kwenguva, Bernardo akazogadzwazve semukuru. Kana wakaruramiswa sezvakaitwa Bernardo, usanyanya kufunga nezvekunyara kwaunoita, asi bvuma kururamiswa uye gadzirisa panoda kugadziriswa. c (Zvir. 8:33; 22:4) Kana ukadaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakupa mubayiro nekuti unoramba wakavimbika kwaari uye kusangano rake.

PATINOOMERWA NEKUFAMBIRANA NEKUCHINJA KUNOITA ZVINHU MUSANGANO

10. Kuchinja kupi kwakaitika kungangodaro kwakaedza kuvimbika kwevamwe vaIsraeri?

10 Kuchinja kunoita zvinhu musangano kunogona kuedza kuvimbika kwedu. Kana tikasangwarira, tinogona kutorega izvozvo zvichitiparadzanisa naJehovha. Semuenzaniso, funga nezvekuchinja kwakaita zvinhu panguva yevaIsraeri. Pasati pava neMutemo waMozisi, misoro yemhuri ndiyo yaiita mabasa akazenge ava kuitwa nevapristi. Vaivaka atari, vopa zvibayiro kuna Jehovha vachimiririra mhuri dzavo. (Gen. 8:20, 21; 12:7; 26:25; 35:1, 6, 7; Job. 1:5) Asi Mutemo waMozisi pawakazovapo, misoro yemhuri yakanga isingachabvumirwi kuita mabasa iwayo. Jehovha akagadza vapristi vaibva mumhuri yaAroni kuti vape zvibayiro. Kubva ipapo, musoro wemhuri aigona kuurayiwa kana aizoita mabasa aiitwa nevapristi, asi iye asiri wedzinza raAroni. d (Revh. 17:3-6, 8, 9) Kuchinja uku kungava kuri iko here kwakaita kuti Kora, Dhatani, Abhiramu uye machinda 250 vapandukire Mozisi naAroni? (Num. 16:1-3) Hatinyatsozivi hedu. Asi chatinoziva ndechekuti Kora nevamwe vake vakatadza kuramba vakavimbika kuna Jehovha. Kana kuchinja kunoita zvinhu musangano kukaedza kuvimbika kwako ungaitei?

VaKohati pavakachinjwa basa ravaiita, vakatanga kushumira sevaimbi, sevarindi vepamagedhi, kana kuti sevashandi vemumatura (Ona ndima 11)

11. Tinodzidzei pane zvakaitwa nevamwe vaKohati?

11 Tsigira nemwoyo wese kuchinja kunoita zvinhu musangano. Pavaiva murenje, vaKohati vaiita basa rinokosha chaizvo. Pese paitama musasa wevaIsraeri, vamwe vaKohati vaitakura areka yesungano pamberi pevanhu vese. (Num. 3:29, 31; 10:33; Josh. 3:2-4) Iyi yaiva ropafadzo yakazonaka! Asi zvinhu zvakachinja vaIsraeri pavakanga vava kugara muNyika Yakapikirwa. Areka yakanga isingachafaniri kugara ichitamiswa. Saka pakazosvika nguva yaitonga Mambo Soromoni, vamwe vaKohati vakanga vava kuita mabasa akadai sekuimba, kushumira sevarindi vepamagedhi, uye vamwe vakanga vava kuona nezvematura. (1 Mak. 6:31-33; 26:1, 24) Hapana patinoverenga kuti vaKohati vakagunun’una kana kuti vakati vanoda kuva nemabasa anoonekera nekuti kare kacho vaimbova nebasa rinokosha. Tinodzidzei? Tsigira nemwoyo wese kuchinja kunoita zvinhu musangano raJehovha kusanganisira kuya kunobatabata basa raunoita. Wana mufaro pabasa chero raunopiwa. Yeuka kuti basa rako handiro rinoita kuti ukoshe kuna Jehovha. Jehovha anokoshesa kuteerera kwaunoita kupfuura chero basa raungaita.—1 Sam. 15:22.

12. Zaina akanzwa sei paakanzi anoshumira mundima?

12 Funga nezvemuenzaniso weimwe hanzvadzi inonzi Zaina, iyo yakachinjwa basa ikarasikirwa neropafadzo yayaida chaizvo. Zaina akanzi anoshumira mundima pashure pekunge ashumira paBheteri kwemakore anopfuura 23. Akati: “Kuchinjwa kwandakaitwa kwakandivhundutsa. Ndakanzwa sendisingabatsiri uye ndairamba ndichizvibvunza kuti, ‘Ndakakundikana papi?’” Zvinorwadza kuti dzimwe hama nehanzvadzi dzemuungano dzakatowedzera kumurwadzisa nekumuudza kuti: “Kudai waigona basa, sangano ringadai rakaita kuti urambe uri paBheteri.” Kwenguva yakati, Zaina akaora mwoyo, uye aichema usiku hwega hwega. Asi akati: “Handina kumbobvira ndarega kuva nechokwadi nesangano, uye handina kumbobvira ndafunga kuti Jehovha haandidi.” Chii chakabatsira Zaina kuti arambe aine maonero akanaka?

13. Zaina akaita sei kuti akunde manzwiro asina kunaka aaiva nawo?

13 Zaina akakwanisa kukurira manzwiro asina kunaka aaiva nawo. Akazviita sei? Aiverenga nyaya dzaibuda mumabhuku edu dzaitaura zvaaisangana nazvo uye dzaimubatsira kutsungirira. Nyaya inoti “Unogona Kurarama Nokuora Mwoyo!” iri muNharireyomurindi yaFebruary 1, 2001, yakamubatsira chaizvo. Nyaya yacho yakatsanangura kuti munyori weBhaibheri Mako anogona kunge ainetseka nemanzwiro akadaro paakachinjwa basa raaiita. Zaina anoti, “Zvakaitika kuna Mako ndizvo chaizvo zvandaida kunzwa kuti ndisaramba ndakaora mwoyo.” Zaina akarambawo ari pedyo neshamwari dzake. Haana kuzviparadzanisa nevamwe kana kuzvinzwira tsitsi. Akaziva kuti mweya mutsvene ndiwo unotungamirira zvisarudzo zvinoitwa nesangano raJehovha uye kuti hama dzinotungamirira dzinomuda chaizvo. Asi akazivawo kuti zvinokosha chaizvo kuti sangano raMwari riite zvese zvarinogona kuti basa raJehovha riitwe.

14. Vlado akanetseka kuti ajairane nezvinhu zvipi zvainge zvachinja musangano, uye chii chakamubatsira?

14 Mumwe mukuru ane makore 73 wekuSlovenia anonzi Vlado akanetseka ungano yavo payakabatanidzwa neimwe ungano, zvikaita kuti Imba yeUmambo yaaipindira ivharwe. Anoti: “Handina kunzwisisa kuti nei Imba yeUmambo yakanaka kudaro yakavharwa. Ndakarwadziwa nekuti takanga tichangobva kuigadzirisa. Ndinoita basa rekuveza, uye ndakanga ndagadzira imwe fenicha itsva yemo. Uyewo kubatanidzwa uku kwakaita kuti zvinhu zvakawanda zvichinje, izvo zvaisava nyore kwatiri isu vaparidzi vakwegura.” Chii chakabatsira Vlado kuti atsigire zvakanga zvasarudzwa? Anoti: “Kufambirana nekuchinja kunoita zvinhu musangano raJehovha kwagara kuchiunza makomborero. Izvi zviri kutibatsira kugadzirira kuchinja kwakatokura kuchaitika mune ramangwana.” Zviri kukuomera here kuti ujairane nekuchinja kwakaita zvinhu, kana kuri kuti ungano yenyu yakabatanidzwa neimwe kana kuti wakachinjwa basa rawaiita? Iva nechokwadi chekuti Jehovha anonzwisisa manzwiro auri kuita. Kana ukatsigira kuchinja ikoko, woramba wakavimbika kuna Jehovha nesangano raari kushandisa, uchakomborerwa.—Pis. 18:25.

NGWARIRA ZVINHU ZVESE

15. Tingaramba sei takangwarira patinosangana nematambudziko anoitika muungano?

15 Sezvatinoswedera pedyo nekuguma kwenyika ino, tinogona kutarisira matambudziko kuti auye achibva muungano. Matambudziko iwayo anogona kuedza kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha. Saka tinofanira kungwarira. Kana uchinzwa sekuti mumwe muKristu haana kukubata zvakanaka, rega kuva nechigumbu. Kana ukaruramiswa, pane kuti uise pfungwa pakunyara kwaungaita, bvuma zano racho, wogadzirisa zvaunofanira kugadzirisa. Uye sangano raJehovha parinochinja zvimwe zvinhu zvinokubatabata iwe pachako, gamuchira kuchinja kwacho nemwoyo wese, uye teerera zvinenge zvataurwa.

16. Ungaitei kuti urambe uchivimba naJehovha nesangano rake?

16 Unogona kuramba uchivimba naJehovha uye nesangano rake panoedzwa kuvimbika kwako. Asi kuti uite izvozvo, unofanira kungwarira, kureva kuti kuramba wakadzikama, kufunga zvakanaka, uye kuona zvinhu semaonerwo azvinoitwa naJehovha. Dzidza nezvevanhu vanotaurwa muBhaibheri vakabudirira pavakasangana nemamiriro ezvinhu akadaro, uye fungisisa nezvemienzaniso yavo. Nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kubatsirwa. Uye usambozviparadzanisa neungano. Kana ukadaro, Satani haazokwanisi kukuparadzanisa naJehovha kana kuti nesangano rake.—Jak. 4:7.

RWIYO 126 Rambai Makamuka Uye Mirai Makasimba

a Kuvimbika kwatakaita kuna Jehovha nesangano rake kunogona kuedzwa, kunyanya panoitika chimwe chinhu chinotirwadza muungano. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvinogona kuitika uye zvatingaita kuti tirambe takavimbika kuna Jehovha nesangano rake.

b Mamwe mazita akachinjwa.

c Unogona kuwana mamwe mazano munyaya yakanzi “Wakamboshumira Here? Ungashumirazve Here?” iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2009, peji 30.

d Mutemo waMozisi waiti kana musoro wemhuri achida kuuraya chipfuwo kuti awane nyama aifanira kuenda nemhuka yacho kunzvimbo tsvene. Asi kana vari vaya vaigara kure nenzvimbo tsvene, vaibvumirwa kuurayira zvipfuwo zvacho kwavaigara.—Dheut. 12:21.