Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 47

Usarega Chimwe Chinhu Chichikuparadzanisa naJehovha

Usarega Chimwe Chinhu Chichikuparadzanisa naJehovha

“Ndinovimba nemi, haiwa Jehovha.”—PIS. 31:14.

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

ZVICHADZIDZWA a

1. Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuva pedyo nesu?

 JEHOVHA anotikoka kuti tive pedyo naye. (Jak. 4:8) Anoda kuva Mwari wedu, Baba vedu, uye Shamwari yedu. Anopindura minyengetero yedu uye anotibatsira panguva dzakaoma. Anoshandisawo sangano rake kuti atidzidzise uye atidzivirire. Asi tinofanira kuitei kuti tiswedere pedyo naJehovha?

2. Tinoswedera sei pedyo naJehovha?

2 Tinoswedera pedyo naJehovha kuburikidza nekunyengetera kwaari uye nekuverenga Shoko rake nekurifungisisa. Patinodaro, tinowedzera kumuda uye kumuonga. Izvi zvinoita kuti tide kumuteerera uye kumurumbidza nekuti ndizvo zvaakakodzerwa nazvo. (Zvak. 4:11) Patinowedzera kuziva Jehovha, tinowedzera kuvimba naye uye nesangano rake raakatipa kuti ritibatsire.

3. Dhiyabhorosi anoedza sei kutiparadzanisa naJehovha, asi chii chingatibatsira kuti tisasiya Mwari wedu nesangano rake? (Pisarema 31:13, 14)

3 Asi Dhiyabhorosi anoedza kutiparadzanisa naJehovha, kunyanya patinenge tiri mumatambudziko. Anozviita sei izvozvo? Anoedza zvishoma nezvishoma kukanganisa kuvimba kwatinoita naJehovha nesangano rake. Asi tinogona kuzvidzivirira paanotirwisa. Kana kutenda kwedu kwakasimba uye tichivimba naJehovha zvizere, hatizosiyi Mwari wedu nesangano rake.—Verenga Pisarema 31:13, 14.

4. Tichakurukurei munyaya ino?

4 Munyaya ino tichakurukura matambudziko matatu anobva kunze kweungano; rimwe nerimwe rematambudziko aya rinogona kukanganisa kuvimba kwatinoita naJehovha nesangano rake. Matambudziko aya angatiparadzanisa sei naJehovha? Uye tingaitei kuti tizvidzivirire pakurwiswa kwatinoitwa naSatani?

PATINENGE TIRI MUMATAMBUDZIKO

5. Matambudziko angakanganisa sei kuvimba kwatinoita naJehovha nesangano rake?

5 Dzimwe nguva tinosangana nematambudziko akadai sekupikiswa nevemumhuri kana kupererwa nebasa. Matambudziko akadaro angakanganisa sei kuvimba kwatinoita nesangano raJehovha uye angatiparadzanisa sei naJehovha? Patinova mudambudziko kwenguva yakareba, tinogona kurasa tariro kana kuora mwoyo. Satani anogona kushandisa mikana iyoyo kuti aite kuti tifunge kuti Jehovha haatidi. Dhiyabhorosi anoda kuti tifunge kuti kutambura kwedu kunokonzerwa naJehovha kana kuti nesangano rake. Zvinhu zvakadaro zvakamboitika kune vamwe vaIsraeri pavaiva muIjipiti. Pakutanga vaitenda kuti Jehovha akanga agadza Mozisi naAroni kuti avanunure pauranda. (Eks. 4:29-31) Asi Farao paakazowedzera kuvaomesera, vakapomera Mozisi naAroni kuti ndivo vaikonzera matambudziko avo, vachivaudza kuti: “Maita kuti Farao nevashandi vake vativenge uye maisa bakatwa muruoko rwavo kuti vatiuraye.” (Eks. 5:19-21) Vakapomera vashumiri vaMwari vakavimbika. Izvozvo zvainge zvakaipa chaizvo. Kana watsungirira matambudziko kwenguva yakareba, ungaitei kuti kuvimba kwaunoita naJehovha nesangano rake kurambe kwakasimba?

6. Tinodzidzei pana Habhakuki panyaya yekutsungirira matambudziko? (Habhakuki 3:17-19)

6 Durura mwoyo wako kuna Jehovha, uye vimba naye kuti akutsigire. Muprofita Habhakuki akasangana nematambudziko akawanda. Pane imwe nguva, akaita seaisava nechokwadi chekuti Jehovha aiva nehanya naye. Saka akanyengetera kuna Jehovha achidurura manzwiro aaiita. Akati: “Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira riini, imi musinganzwi? . . . Nei muchingosiya udzvinyiriri huripo?” (Hab. 1:2, 3) Jehovha akapindura munyengetero uyu waibva pasi pemwoyo wakapiwa nemushumiri wake akavimbika. (Hab. 2:2, 3) Pashure pekufungisisa zvakanga zvaitwa naJehovha achinunura vanhu vake, Habhakuki akatangazve kufara. Akava nechokwadi chekuti Jehovha aiva nehanya naye uye aizomubatsira kutsungirira chero dambudziko. (Verenga Habhakuki 3:17-19.) Tinodzidzei? Paunosangana nematambudziko, nyengetera kuna Jehovha uye muudze manzwiro auri kuita. Chibva wavimba naye kuti akutsigire. Paunodaro, unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakupa simba rekuti utsungirire. Paunoona kuti ari kukutsigira, kutenda kwako maari kunowedzera kusimba.

7. Hama dzaShirley dzakaedza kuita kuti afungei, uye chii chakamubatsira kuti arambe achitenda muna Jehovha?

7 Ramba uchiita zvinhu zvinokubatsira kuti urambe uri pedyo naJehovha. Ona kuti kuita izvozvo kwakabatsira sei hanzvadzi yekuPapua New Guinea inonzi Shirley, payaisangana nematambudziko. b Iye nevemumhuri make vaiva varombo, uye dzimwe nguva vaitamburira kuwana zvekudya zvakakwana. Imwe hama yake yakaedza kuita kuti arege kuvimba naJehovha. Yakati: “Unoti mweya mutsvene waMwari uri kukubatsira, asi uri kukubatsira papi? Tichiri varombo. Uri kupedza nguva yako uchiparidza.” Shirley anoti: “Ndakazvibvunza kuti: ‘Mwari ane hanya nesu here kana kuti haana?’ Saka ndakabva ndangonyengetera kuna Jehovha ndichimuudza zvese zvaiva mupfungwa dzangu. Ndakaramba ndichiverenga Bhaibheri nemabhuku edu, uye ndakaramba ndichiparidza nekupinda misangano.” Shirley akabva angotanga kuona kuti Jehovha aichengeta mhuri yavo. Mhuri yavo haina kumbova nenzara uye vaifara. Shirley anoti: “Ndakaona kuti Jehovha aipindura minyengetero yangu.” (1 Tim. 6:6-8) Kana ukaramba uchiita zvinhu zvinoita kuti urambe uri pedyo naJehovha, newewo hauzosiyi matambudziko kana kusava nechokwadi zvichikuparadzanisa naJehovha.

HAMA DZINOTUNGAMIRIRA PADZINOBATWA ZVISINA KUNAKA

8. Chii chingaitika kuhama dzinotungamirira musangano raJehovha?

8 Vavengi vedu vanoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kuti vaparadzire nhema kana kuti mashoko asiri iwo nezvehama dziri kutungamirira musangano raJehovha. (Pis. 31:13) Dzimwe hama dzakasungwa uye dzakapomerwa kuti dzainge dzapara mhosva. VaKristu vekutanga vakasanganawo nedambudziko rakadaro muapostora Pauro paakapomerwa zvenhema ndokusungwa. Vakaita sei?   

9. Vamwe vaKristu vakaita sei muapostora Pauro paakaiswa mujeri?

9 Vamwe vaKristu vekutanga vakarega kutsigira muapostora Pauro paainge ari mujeri kuRoma. (2 Tim. 1:8, 15) Nei vakadaro? Kungava here kuti vainyara naPauro nekuti vanhu vaimuona seane mhosva? (2 Tim. 2:8, 9) Kana kuti vaitya kuti naivowo vaizotambudzwa here? Pasinei nechikonzero chavo, fungidzira kuti Pauro anofanira kunge akanzwa sei. Akanga atsungirira matambudziko akawanda uye akanga atoisa upenyu hwake pangozi achiitira ivo. (Mab. 20:18-21; 2 VaK. 1:8) Ngatisamboita sevanhu vakasiya Pauro panguva yaaida kubatsirwa! Tinofanira kuramba tichiyeukei hama dzinotungamirira padzinotambudzwa?

10. Tinofanira kuyeukei panotambudzwa hama dziri kutungamirira, uye nei tichifanira kudaro?

10 Yeuka kuti nei tichitambudzwa uye kuti ndiani anozvikonzera. Pana 2 Timoti 3:12 tinoudzwa kuti: “Vese vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” Saka hatifaniri kushamisika kuti Satani anonyanya kurwisa hama dziri kutungamirira. Chinangwa chake ndechekuita kuti hama idzi dzisaramba dzakaperera kuna Jehovha uyewo anenge achida kuti titye.—1 Pet. 5:8.

Kunyange zvazvo Pauro ainge akasungwa, Onesiforasi akava neushingi hwekumutsigira. Mazuva ano hama nehanzvadzi dzedu dzinotsigira vamwe vaKristu vanenge vari mujeri, sezviri kuratidzwa pamufananidzo (Ona ndima 11-12)

11. Tinodzidzei pane zvakaitwa naOnesiforasi? (2 Timoti 1:16-18)

11 Ramba uchitsigira hama dzako uye usambodzisiya. (Verenga 2 Timoti 1:16-18.) Mumwe muKristu wepakutanga ainzi Onesiforasi akaita zvakasiyana nevamwe pakasungwa muapostora Pauro. ‘Haana kunyara kuti Pauro ainge akasungwa.’ Asi Onesiforasi akatsvaga Pauro, uye paakamuwana, akatsvaga nzira dzekumubatsira nadzo. Onesiforasi paakaita izvozvo, akatoisa upenyu hwake pangozi. Tinodzidzei pane zvaakaita? Hatifaniri kurega kutya vanhu kuchitikanganisa kana kutitadzisa kutsigira hama dzedu padzinenge dzichitambudzwa. Pane kudaro, ngatiitei zvese zvatinogona kuti tivabatsire. (Zvir. 17:17) Vanoda kudiwa uye kutsigirwa nesu.

12. Tinodzidzei pahama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia?

12 Ona kuti hama nehanzvadzi dzedu dzekuRussia dziri kubatsira sei vamwe vaKristu vanenge vari mujeri. Vamwe pavanotongwa, hama nehanzvadzi dzakawanda dzinouya kudare kuzovatsigira. Tinodzidzei? Hama dzinotungamirira padzinopomerwa, padzinosungwa, kana padzinotambudzwa, usatya. Vanyengeterere, iva nehanya nemhuri dzavo, uye tsvaga dzimwe nzira dzekuvatsigira nadzo.—Mab. 12:5; 2 VaK. 1:10, 11.

PATINOSEKWA

13. Kusekwa kungakanganisa sei kuvimba kwatinoita naJehovha nesangano rake?

13 Hama dzedu dzisingatendi, vatinoshanda navo, kana kuti vekuchikoro kwedu vanogona kutiseka nekuti tinoparidza kana kuti tinoteerera mitemo yaJehovha. (1 Pet. 4:4) Vangati: “Iwe hako ndinokufarira, asi chechi yenyu inonyanya kuomesa zvinhu uye inoita zvechinyakare.” Vamwe vangatishora pamabatiro atinoita vakadzingwa, vachiti: “Ungazviti uri munhu ane rudo here uchiita izvozvo?” Mashoko akadai angaita kuti tisava nechokwadi nemitemo yaJehovha. Tingatanga kufunga kuti: ‘Jehovha anotarisira kuti ndiite zvinopfuura zvandinokwanisa here? Sangano rake rinonyanya kuomesa zvinhu here?’ Kana uri mumamiriro ezvinhu akadaro, ungaitei kuti urambe uri pedyo naJehovha nesangano rake?

Jobho akaramba kuteerera nhema dzaitaurwa nevanhu vaizviti ishamwari dzake avo vaimuseka. Asi akaramba akaperera kuna Jehovha (Ona ndima 14)

14. Tinofanira kuitei kana vamwe vakatiseka nekuti tinoteerera mitemo yaJehovha? (Pisarema 119:50-52)

14 Ramba uchiita zvinonzi naJehovha zvakarurama. Jobho airamba achiteerera mitemo yaJehovha pasinei nekutsvinyirwa kwaaiitwa. Mumwe wevarume vainyepedzera kuva shamwari dzaJobho akatoedza kuita kuti Jobho aone sekuti Mwari aisava nebasa nazvo kuti Jobho aiteerera mitemo yake here kana kuti kwete. (Job. 4:17, 18; 22:3) Asi Jobho akaramba nhema idzodzo. Aiziva kuti mitemo yaJehovha yezvakanaka nezvakaipa yakarurama, uye aida kuramba achiiteerera. Haana kurega vamwe vachikanganisa kuperera kwake kuna Jehovha. (Job. 27:5, 6) Tinodzidzei? Usarega kusekwa kuchiita kuti usava nechokwadi nemitemo yaJehovha. Funga zvakaitika kwauri muupenyu hwako. Unogona kunge wakazvionera wega kakawanda kuti paunoita zvinonzi naJehovha zvakarurama, zvinhu zvinokufambira zvakanaka. Ramba uri musangano rinotsigira mitemo iyoyo. Kana ukadaro hauzoregi kushumira Jehovha pasinei nekushorwa kwaungaitwa.—Verenga Pisarema 119:50-52.

15. Chii chaiita kuti Brizit atsvinyirwe?

15 Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi yekuIndia inonzi Brizit. Aitsvinyirwa nevemumhuri make nemhaka yezvaanotenda. Achangobhabhatidzwa muna 1997, murume wake uyo ainge asiri Chapupu, akapererwa nebasa. Saka akasarudza kuti iye, Brizit, nevanasikana vavo vaende kunogara nevabereki vake, avo vaigara mune rimwe guta. Asi Brizit akazosangana nematambudziko akakura kupfuura ipapo. Sezvo murume wake ainge asingachaendi kubasa, Brizit aifanira kushanda nesimba kuti ariritire mhuri yake. Uyewo ungano yaiva pedyo navo yaiva kure nemakiromita anenge 350. Hama dzemurume wake dzaimupikisa nemhaka yezvaaitenda. Kupikiswa kwacho kwainge kwakanyanya zvekuti Brizit nemhuri yake vakatamazve. Murume wake akabva afa vasingambotarisiri. Papera nguva, mumwe wevanasikana vake akafa nechirwere chekenza angori nemakore 12 chete. Kuwedzera pane izvozvo, hama dzaBrizit dzakatomupomera kuti ndiye akanga akonzeresa zvese izvozvo. Vaiti kudai akanga asina kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, zvese izvi zvingadai zvisina kuitika. Kunyange zvakadaro, akaramba achivimba naJehovha uye akaramba ari pedyo nesangano rake.

16. Brizit akakomborerwa sei nekuramba ari pedyo naJehovha nesangano rake?

16 Sezvo Brizit aigara kure neungano, mutariri wedunhu akamukurudzira kuti aparidze munharaunda yaaigara uye aitise misangano pamba pake. Pakutanga, ainzwa sekuti izvozvo zvainge zvakanyanya kuoma. Asi akaita zvaakanga audzwa. Aiudza vamwe mashoko akanaka, aiitisa misangano pamba pake, uye aigara achiita kunamata kwemhuri nevanasikana vake. Izvozvo zvakaguma nei? Brizit akava nezvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda, uye vakawanda vacho vakabhabhatidzwa. Muna 2005 akatanga kushumira sapiyona wenguva dzese. Akakomborerwa nekuti akavimba naJehovha uye akaramba akavimbika kusangano rake. Vanasikana vake vari kushumira Jehovha vakatendeka, uye iye zvino munzvimbo iyoyo mava neungano mbiri! Brizit ane chokwadi chekuti Jehovha akamupa simba rekuti atsungirire matambudziko ake uye kutsvinyirwa kwaaiitwa nehama dzake.

RAMBA WAKAVIMBIKA KUNA JEHOVHA NESANGANO RAKE

17. Tinofanira kutsunga kuitei?

17 Satani anoda kuti tifunge kuti Jehovha anotisiya kana tiri mumatambudziko uye kuti kutsigira sangano raJehovha kunongoita kuti upenyu hwedu huwedzere kuoma. Satani anoda kuti titye panopomerwa hama dzinotungamirira, padzinotambudzwa, kana kuti padzinoiswa mujeri. Uye anoshandisa kusekwa kana kutsvinyirwa kuti akanganise kuvimba kwatinoita nemitemo yaJehovha uye nesangano rake. Asi tinoziva mazano ake uye hatinyengerwi. (2 VaK. 2:11) Tsunga kuramba nhema dzaSatani uye ramba wakavimbika kuna Jehovha nesangano rake. Yeuka kuti Jehovha haambokusiyi. (Pis. 28:7) Saka usamborega chimwe chinhu chichikuparadzanisa naJehovha!—VaR. 8:35-39.

18. Tichakurukurei munyaya inotevera?

18 Munyaya ino takurukura matambudziko atingasangana nawo angakonzerwa nevanhu vasiri muungano. Asi kuvimba kwatinoita naJehovha nesangano rake kungaedzwawo nematambudziko anokonzerwa nevanhu vari muungano. Tingaita sei kuti tikunde matambudziko iwayo? Tichakurukura izvozvo munyaya inotevera.

RWIYO 118 “Tiwedzereiwo Kutenda”

a Kuti tirambe tichitsungirira mazuva ano ekupedzisira, tinofanira kuramba tichivimba naJehovha nesangano rake. Dhiyabhorosi anoshandisa matambudziko kuti atitadzise kuvimba naJehovha nesangano rake. Munyaya ino tichakurukura matambudziko matatu anoshandiswa naDhiyabhorosi uye kuti tingaitei kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha nesangano rake.

b Mamwe mazita akachinjwa.