Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Waizviziva Here?

Waizviziva Here?

Modhekai aivako here?

MUJUDHA ainzi Modhekai akaita zvinhu zvinokosha muzviitiko zvinotaurwa mubhuku reBhaibheri raEsteri. Aiva nhapwa yechiJudha yaishanda mumuzinda waMambo wePezhiya. Izvi zvakaitika gore ra500 B.C.E. richangopfuura, ‘pamazuva aMambo Ahashivheroshi.’ (Mazuva ano, vakawanda vanoti mambo iyeye ndiye ainzi Xerxes I.) Modhekai akafumura zano revanhu vainge varonga kuuraya mambo. Achiratidza kuonga zvaainge aitirwa, mambo akaita kuti Modhekai akudzwe pamberi pevanhu. Pashure pekufa kwaHamani uyo aivenga Modhekai nevamwe vaJudha, mambo akapa Modhekai chigaro chepamusoro kupfuura mamwe machinda ese. Izvi zvakaita kuti Modhekai ape murayiro wakanunura vaJudha vaiva muumambo hwePezhiya kuti vasaurayiwa.—Est. 1:1; 2:5, 21-23; 8:1, 2; 9:16.

Vamwe vanyori vezvakaitika kare vaiti bhuku raEsteri nderengano uye Modhekai haana kumbovapo. Asi muna 1941, vanochera matongo wakawana chimwe chinhu chingangodaro chichipa uchapupu hunotsigira zvinotaurwa neBhaibheri nezvaModhekai. Vakawanei?

Vatsvakurudzi vakawana chinyorwa chekuPezhiya chaitaura nezvemurume anonzi Marduka (muchiShona Modhekai). Aishanda mumuzinda wamambo, muShushani, zvichida achiona nezveakaunzi. Panguva yakawanikwa chinyorwa ichi, Arthur Ungnad, uyo aiva nyanzvi yezvakaitika kare munzvimbo iyoyo, akanyora kuti ichi “ndicho chega chinyorwa chisiri Bhaibheri chinotaura nezvaModhekai.”

Kubvira pakataura Ungnad mashoko ake, zvimwe zvinyorwa zvakawanda zvekuPezhiya zvakashandurwa. Zvinyorwa izvi zvaisanganisira mahwendefa ekuPersepolis, ayo akawanikwa munzvimbo yaichengeterwa zvinhu pedyo nemasvingo eguta racho. Mahwendefa aya ndeemakore aitonga Xerxes I. Akanyorwa mumutauro wechiEramu uye ane mazita akawanda ari mubhuku raEsteri. a

Zita rekuti Modhekai (Marduka) semanyorerwo araiitwa kare muchiPezhiya

Mumahwendefa akawanda akawanika muPersepolis maiva nezita rekuti Marduka, uyo aishanda semunyori mumuzinda wamambo kuShushani panguva yaitonga Xerxes I. Rimwe hwendefa racho rinotaura nezvaMarduka richiti aiva mushanduri. Izvi zvinoenderana nekutsanangurwa kunoitwa Modhekai muBhaibheri. Aishanda mumuzinda waMambo Ahashivheroshi (Xerxes I) uye aitaura mitauro miviri kana kupfuura. Modhekai aiwanzogara pagedhi ramambo mumuzinda wamambo, muShushani. (Est. 2:19, 21; 3:3) Gedhi iri raiva chivakwa chihombe uye ndimo maishandira vakuru vemumuzinda wamambo.

Pane zvinhu zvakawanda zvakafanana pakati paMarduka anotaurwa mumahwendefa aya naModhekai anotaurwa muBhaibheri. Vakararama panguva imwe chete, panzvimbo imwe, uye vakashanda panzvimbo imwe chete vachiita mabasa epamusoro. Zvese izvi zvinoita sezvinoratidza kuti Marduka naModhekai munhu mumwe chete.

a Muna 1992, Purofesa Edwin M. Yamauchi akanyora nyaya ine mazita 10 ari muzvinyorwa zvekuPersepolis ayo anowanikawo mubhuku raEsteri.