Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?

Chii Chingakubatsira Kuti Ugare Uchidzidza Bhaibheri?

ZVINOKUOMERA here kugara uchidzidza Bhaibheri uye uchinakidzwa nekudzidza kwacho? Tese tinogona kumboomerwa. Asi chimbofunga nezvezvinhu zvatinogara tichiita zvakadai sekugeza. Kugeza kunotoda kushanda nesimba uye kunotora nguva, asi patinopedza tinonzwa zvakanaka! Kudzidza Bhaibheri kunoitawo kuti tinzwe zvakanaka. (VaEf. 5:26) Ona mamwe mazano anogona kukubatsira:

  • Iva nepurogiramu. Kudzidza Bhaibheri kuri pakati pezvinhu “zvinokosha kupfuura zvimwe” izvo zvinofanira kuitwa nemuKristu. (VaF. 1:10) Kuti ukwanise kutevedzera purogiramu yako, unogona kuiisa paunokurumidza kuiona pakadai sepadhoo refiriji. Unogona kuisa aramu pafoni yako kuti ikuyeuchidze kana nguva yako yekudzidza yava kukwana.

  • Ita zvinoenderana nezvaunokwanisa. Unokwanisa kudzidza zvese zvauri kuda panguva imwe chete here kana kuti unoda kuzvidzidza panguva pfupi dzakasiyana-siyana? Ndiwe unoziva zvaunokwanisa. Saka ronga kuti urefu hwenguva yaunodzidza huenderane nezvaunokwanisa. Kana uchinzwa sekuti hausi kuda kudzidza kana nguva yawakaronga yasvika, wadii kungoedza kudzidza kwemaminitsi 10 chete? Kudzidza kwenguva pfupi kuri nani pane kurega kudzidza zvachose. Uye kana wangotanga kudzidza unogona kutozoda kuramba uchienderera mberi.—VaF. 2:13.

  • Sarudza zvaunoda kuzodzidza pachine nguva. Kana ukazotanga kufunga zvauri kuda kudzidza nguva yako yekudzidza yasvika, unogona kunge usiri ‘kushandisa nguva yako nekuchenjera.’ (VaEf. 5:16) Unogona kugara wanyora zvinhu zvaunoda kuzodzidza nezvazvo. Kana uine mubvunzo pane imwe nyaya yausiri kunzwisisa, unyore pasi. Pese paunopedza kudzidza, unogona kunyora zvimwe zvauchada kuzodzidza nezvazvo.

  • Chinja zvimwe zvinhu pazvinenge zvichidiwa. Kana zvichidiwa, chinja zuva nenguva yaunodzidza, urefu hwenguva yacho, uye zvauchadzidza zvacho. Chinonyanya kukosha ndechekuti uri kugara uchidzidza, kwete kuti wadzidza riini, kwenguva yakareba sei, uye kuti wadzidza nezvei.

Tinobatsirwa chaizvo kana tikagara tichidzidza Bhaibheri. Tinova neushamwari hwakasimba naJehovha, tinoita zvisarudzo zvine uchenjeri, uye tinonzwa tazorodzwa.—Josh. 1:8.