Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 45

RWIYO 138 Runako Rwevachena Musoro

Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka

Dzidza Pamashoko Ekupedzisira Akataurwa Nevarume Vakatendeka

“Uchenjeri hausi pakati pevakwegura here, uye kunzwisisa hakuuyi nekupindana kwemazuva here?”JOB. 12:12.

ZVATICHADZIDZA

Kuteerera Jehovha Mwari kunoita kuti tiwane makomborero iye zvino uye tizowana upenyu husingaperi mune ramangwana.

1. Nei tichikwanisa kudzidza zvakawanda kuvanhu vakuru?

 TESE tinoda mazano anotibatsira pakuita zvisarudzo zvinokosha muupenyu. Tinogona kuwana mazano akadaro kuvakuru vemuungano uye kune vamwe vaKristu vane ruzivo. Kana vava vanhu vakuru chaizvo kwatiri, hatifaniri kukurumidza kuramba mazano avo tichifunga kuti haachashandi mazuva ano. Jehovha anoda kuti tiwane zvidzidzo kubva kuvanhu vakuru. Vava nenguva refu vachirarama, uye izvi zvakaita kuti vave neruzivo, vave vanhu vanonzwisisa, uye vave neuchenjeri.—Job. 12:12.

2. Tichakurukurei munyaya ino?

2 Panguva yakararama vanhu vanotaurwa muBhaibheri, Jehovha aishandisa vanhu vakuru vakatendeka kuti vakurudzire uye vatungamirire vanhu vake. Chimbofunga nezvevamwe vanhu vacho vanoti, Mozisi, Dhavhidhi, uye muapostora Johani. Vakararama panguva dzakasiyana, uye mamiriro avo ezvinhu ainge akanyatsosiyana chaizvo. Mumazuva avo ekupedzisira vachiri vapenyu, vakapa vanhu vadiki kwavari mazano anoratidza uchenjeri. Mumwe nemumwe wavo akasimbisa kukosha kwekuteerera Mwari. Jehovha akachengeta mashoko avakataura kuti atibatsire mazuva ano. Tese zvedu vakuru nevadiki, tinobatsirwa kana tikaongorora mazano avakataura. (VaR. 15:4; 2 Tim. 3:16) Munyaya ino tichaongorora mashoko akataurwa nevarume vatatu ava vainge vakura, uye zvidzidzo zvatinowana pane zvavakataura.

‘UCHAGARA KWENGUVA REFU’

3. Mabasa api akaitwa naMozisi?

3 Mozisi ainge akanyatsozvipira kuna Jehovha. Akashanda semuprofita, mutongi mutungamiriri uye munyori wenhoroondo dzekare. Mozisi akanga aona zvakawanda muupenyu. Akatungamirira vaIsraeri pakubuda muIjipiti mavaiva varanda uye akazvionera ega zvishamiso zvakawanda zvakaitwa naJehovha. Jehovha akaita kuti anyore mabhuku 5 ekutanga eBhaibheri, Pisarema 90, uye zvichida nePisarema 91. Anofanirawo kunge ari iye akanyora bhuku raJobho.

4. Ndivanaani vakakurudzirwa naMozisi uye nei akavakurudzira?

4 Nguva pfupi asati afa, paainge ava nemakore 120, Mozisi akaunganidza vaIsraeri vese kuti avayeuchidze nezvezvinhu zvavakanga vaona Jehovha achivaitira. Vamwe vaIsraeri vaiva ipapo vakanga vazvionera vega zvishamiso nezviratidzo zvakawanda zvakaitwa naJehovha vachiri vadiki. (Eks. 7:​3, 4) Vakanga vayambuka Gungwa Dzvuku nepakaoma, uye vakanga vaona Jehovha achiparadza Farao neuto rake rese. (Eks. 14:​29-31) Vakanga vazvionera vega kuchengetedzwa uye kubatsirwa kwavakaitwa naJehovha murenje. (Dheut. 8:​3, 4) Uye sezvo vakanga vava kuda kupinda munyika yavakanga vavimbiswa, Mozisi akavakurudzira kekupedzisira asati afa. a

5. Mashoko ekupedzisira aMozisi ari pana Dheuteronomi 30:​19, 20 akaita kuti vaIsraeri vave nechokwadi chei?

5 Mozisi akati kudii? (Verenga Dheuteronomi 30:​19, 20.) VaIsraeri vakanga vavimbiswa makomborero akawanda chaizvo naJehovha. Vaikwanisa kuzorarama kwenguva yakareba munyika yaakanga avavimbisa. Yaiva nyika yakanaka chaizvo ine ivhu rakaorera. Mozisi akavaudza nezvenyika iyi achiti: ‘Ine maguta makuru, akanaka amusina kuvaka, dzimba dzakazara zvinhu zvakasiyana-siyana zvakanaka zvamusina kushandira, matsime akacherwa pamatombo amusina kuchera, uye minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yamusina kudyara.’—Dheut. 6:​10, 11.

6. Nei Jehovha akaita kuti vaIsraeri vakundwe nedzimwe nyika?

6 Mozisi akayambirawo vaIsraeri. Akavaudza kuti vaifanira kuteerera mirayiro yaJehovha kuti varambe vachirarama munyika yavo yakanaka. Mozisi akavakurudzirawo kuti ‘vasarudze upenyu’ kuburikidza nekuteerera Jehovha uye “kunamatira kwaari.” Asi vaIsraeri havana kuramba vachiteerera Jehovha. Saka akaita kuti vaAsiriya nevaBhabhironi vavakunde, vachibva vaenda navo senhapwa.—2 Madz. 17:​6-8, 13, 14; 2 Mak. 36:​15-17, 20.

7. Tinodzidzei pamashoko akataurwa naMozisi? (Onawo mufananidzo.)

7 Tinodzidzei? Kuteerera kunoita kuti tiwane upenyu. Kungofanana nevaIsraeri pavakanga vava kuda kupinda munyika yavakavimbiswa, isuwo tava pedyo nekupinda munyika itsva yakavimbiswa naMwari umo matichaona ichichinjwa kusvika yava paradhiso. (Isa. 35:1; Ruka 23:43) Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vachange vasisipo. (Zvak. 20:​2, 3) Pasisina chitendero chenhema chinotsausa vanhu pana Jehovha. (Zvak. 17:16) Pasisina hurumende dzinodzvinyirira vanhu. (Zvak. 19:​19, 20) Jehovha achaita kuti muparadhiso musava nevanhu vanokanganisa vamwe. (Pis. 37:​10, 11) Vanhu vese vachange vava kuteerera mitemo yakarurama yaJehovha iyo inoita kuti vabatane uye vave nerugare. Vanhu vachange vaine rudo vachivimba nevamwe. (Isa. 11:9) Zvinhu zvichange zvakanaka chaizvo! Uyewo kana tikateerera Jehovha, ticharamba tichirarama muparadhiso pano panyika kwete kwemazana emakore chete asi nekusingaperi.—Pis. 37:29; Joh. 3:16.

Kana tikateerera Jehovha, ticharamba tichirarama muparadhiso pano panyika kwete kwemazana emakore chete asi nekusingaperi (Ona ndima 7)


8. Vimbiso yeupenyu husingaperi yakabatsira sei mumwe mumishinari? (Judha 20, 21)

8 Kana tikagara tichifunga nezvevimbiso yaMwari yeupenyu husingaperi tichava nechido chekumuteerera pasinei nemiedzo yatingasangana nayo. (Verenga Judha 20, 21.) Vimbiso iyoyo inotibatsira kuti tirwise tutsika twakaipa twatingava natwo. Mumwe mumishinari ava nemakore akawanda achishumira kuAfrica akati aigara ari pamuedzo wekuda kuita zvimwe zvinhu zvisingafadzi Jehovha. Akati: “Kuziva kuti ndaigona kurasikirwa netariro yekuwana upenyu husingaperi, kwakaita kuti ndirambe ndichirwisa dambudziko iri uye nditowedzera kunyengetera kuna Jehovha nezvazvo. Jehovha akandibatsira kuti ndikunde dambudziko racho.”

“UCHABUDIRIRA”

9. Dhavhidhi akasangana nematambudziko akaita sei?

9 Dhavhidhi aiva mambo akanaka chaizvo. Aivawo muimbi, mudetembi, murwi, uye muprofita. Akasangana nematambudziko akawanda. Akaita makore akawanda achitiza Mambo Sauro uyo aiva negodo. Pashure pekunge ava mambo, aifanira kutiza neupenyu hwake zvakare, mwanakomana wake Absaromu paaida kubvuta chigaro. Pasinei nematambudziko iwayo uye kukanganisa kwaaiita, Dhavhidhi akaramba akatendeka kuna Mwari kusvikira parufu. Jehovha akamuti aiva ‘munhu anodiwa nemwoyo wake.’ Saka zvakakosha kuti titeerere mazano akataurwa naDhavhidhi!—Mab. 13:22; 1 Madz. 15:5.

10. Nei Dhavhidhi akarayira mwanakomana wake Soromoni uyo aizomutsiva pachigaro?

10 Chimbofunga kurayira kwakaita Dhavhidhi mwanakomana wake Soromoni, uyo aizomutsiva pachigaro cheumambo. Soromoni akanga asarudzwa naJehovha kuti avake temberi iyo yaizoshandiswa nevanhu pakunamata Jehovha. (1 Mak. 22:5) Zvinhu zvaisazongofamba nyore kuna Soromoni. Dhavhidhi aizomuudza kutii? Ngationei.

11. Maererano na1 Madzimambo 2:​2, 3, Dhavhidhi akapa Soromoni zano rekutii, uye mashoko iwayo akaratidza sei kuti ndeechokwadi? (Onawo mufananidzo.)

11 Dhavhidhi akati kudii? (Verenga 1 Madzimambo 2:​2, 3.) Dhavhidhi akaudza mwanakomana wake Soromoni kuti kana akateerera Jehovha aizova mambo akanaka uye aizokomborerwa naJehovha. Uye Soromoni akakomborerwa naJehovha kwemakore akawanda. (1 Mak. 29:​23-25) Akavaka temberi yakanaka chaizvo, ane mabhuku eBhaibheri aakanyora, uye zvimwe zvaakataura zviri mune mamwe mavhesi eBhaibheri. Uchenjeri hwake neupfumi hwaaiva nahwo zvakaita kuti ave nemukurumbira. (1 Madz. 4:34) Asi sezvakataurwa naDhavhidhi, kubudirira kwaSoromoni kwaizobva pakuramba achiteerera Jehovha Mwari. Zvinosuruvarisa kuti paakanga achembera, Soromoni akatanga kunamata vamwe vanamwari. Jehovha haana kuzoramba achimufarira, uye Soromoni akarasikirwa neuchenjeri hwekutonga zvakarurama.—1 Madz. 11:​9, 10; 12:4.

Mashoko ekupedzisira akataurwa naDhavhidhi kumwanakomana wake Soromoni anotibatsira kuona kuti kana tikateerera Jehovha, anotipa uchenjeri hunotibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka (Ona ndima 11-12) b


12. Tinodzidzei pamashoko akataurwa naDhavhidhi?

12 Tinodzidzei? Kuteerera kunoita kuti tibudirire. (Pis. 1:​1-3) Jehovha haativimbisi kuti tichava nemukurumbira uye neupfumi sezvainge zvakaita Soromoni. Asi kana tikateerera Mwari, achatipa uchenjeri huchatibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka. (Zvir. 2:​6, 7; Jak. 1:5) Mazano aanotipa anotibatsira panyaya dzakadai sebasa, dzidzo, zvinotivaraidza uye mari. Kushandisa mazano aanotipa kunoita kuti tisakanganisa ushamwari hwedu naye uye tiwane upenyu husingaperi. (Zvir. 2:​10, 11) Tichava neshamwari dzakanaka uye tichava nemufaro mumhuri dzedu.

13. Chii chakabatsira Carmen kuti ave neupenyu hwakanaka?

13 Mumwe musikana anonzi Carmen, uyo anogara kuMozambique, aifunga kuti dzidzo yepamusoro ndiyo yaizoita kuti ave neupenyu hwakanaka. Akaenda kuyunivhesiti akatanga kudzidza nezvemapurani edzimba. Akanyora kuti, “Ndainyatsofarira zvandaidzidza. Asi zvainditorera nguva yakawanda nesimba. Ndaitanga chikoro na7:30 mangwanani ndichipedza na6 dzemanheru. Zvainge zvakaoma kuenda kumisangano, uye ushamwari hwangu naJehovha hwakanga husisina kusimba. Mumwoyo mangu ndaiziva kuti ndaiedza kushandira vanatenzi vaviri.” (Mat. 6:24) Carmen akanyengetera nezvazvo uye akatsvakurudza muzvinyorwa zvedu. Akati: “Pashure pekunge ndapiwa zano rinobatsira nevaKristu vakasimba pakunamata uye naamai vangu, ndakasarudza kusiya zveyunivhesiti kuti ndishumire Jehovha mubasa renguva yakazara. Izvi zvakandibatsira kuti ndiite zvisarudzo zvakanaka chaizvo muupenyu hwangu, uye handizvidembi.”

14. Mashoko api anokosha akataurwa naMozisi uye naDhavhidhi?

14 Mozisi naDhavhidhi vaida Jehovha uye vainyatsoziva kuti kuteerera Jehovha kunokosha. Mumashoko avo ekupedzisira, vakakurudzira vamwe kuti vatevedzere muenzaniso wavo, voramba vakatendeka kuna Jehovha. Asi vakavayambirawo kuti kusateerera Jehovha kwaizoita kuti asavafarire uye varasikirwe nemakomborero aakavavimbisa. Mazano akataurwa nevarume ivavo anotibatsirawo chaizvo mazuva ano. Pashure pemazana emakore, mumwe mushumiri waJehovha akaratidzawo kuti zvinokosha kuramba takatendeka kuna Mwari.

“HAPANA CHINOFADZA KUPFUURA” IZVOZVO

15. Muapostora Johani akaonei muupenyu hwake?

15 Johani aiva muapostora aidiwa chaizvo naJesu Kristu. (Mat. 10:2; Joh. 19:26) Akafamba naJesu pese paaiita ushumiri hwake panyika, akamuona achiita zvishamiso, uye akaramba akatendeka kuna Jesu kunyange pazvainge zvakaoma. Aivapo Jesu paakaurayiwa uye akamuona pashure pekunge amutswa kubva kuvakafa. Akaonawo ungano yechiKristu ichitanga uye mashoko akanaka achipararira kusvikira ‘aparidzirwa zvisikwa zvese zviri pasi pedenga.’—VaK. 1:23.

16. Ndivanaani vakabatsirwa netsamba dzakanyorwa naJohani kare, uye dziri kubatsira vanaani mazuva ano?

16 Paakanga akwegura, Johani akava neropafadzo yekunyorawo chikamu cheShoko raMwari rakafemerwa. Akanyora zvinhu zvinoshamisa “zvakazarurwa naJesu Kristu.” (Zvak. 1:1) Akanyora Evhangeri ine zita rake. Akanyorawo dzimwe tsamba nhatu dzakafemerwa. Tsamba yake yechitatu akainyorera muKristu akatendeka ainzi Gayo, uyo waaida chaizvo semwana wake. (3 Joh. 1) Kusvika panguva iyoyo, kunenge kuti Johani akanga ava nevanhu vakawanda vaaiona sevana vake vanodiwa. Zvakanyorwa nemurume uyu ainge akwegura zvakakurudzira vaKristu kare ikako uye zviri kutikurudzirawo.

17. Rugwaro rwa3 Johani 4, runotaura nezvemufaro unobva pai?

17 Johani akanyora kuti kudii? (Verenga 3 Johani 4.) Johani akanyora kuti aifara paaiona hama nehanzvadzi dzake dzichiteerera Mwari. Panguva yaakazonyora tsamba yake yechitatu, vamwe vanhu vakanga vava kuparadzira dzidziso dzenhema vachiita kuti muungano muve nemapoka. Asi pane vamwe vakaramba ‘vachifamba muchokwadi.’ Vaiteerera Jehovha uye ‘vakaramba vachiteerera mirayiro yake.’ (2 Joh. 4, 6) VaKristu ivavo vakatendeka vakaita kuti Johani afare uyewo Jehovha afare.—Zvir. 27:11.

18. Tinodzidzei pamashoko akataurwa naJohani?

18 Tinodzidzei? Kana takatendeka kuna Jehovha tinofara uye tinoita kuti vamwe vafare. (1 Joh. 5:3) Semuenzaniso, tinowana mufaro unobva pakuziva kuti tiri kufadza Jehovha. Anofara paanotiona tichirega kuita zvakaipa toteerera mitemo yake. (Zvir. 23:15) Ngirozi dzinofarawo kudenga. (Ruka 15:10) Isuwo tinofara patinoona mumwe nemumwe wedu achiramba akatendeka kunyanya paanosangana nematambudziko uye miedzo. (2 VaT. 1:4) Pachaguma nyika ino, tichafara kuziva kuti takaramba takatendeka kuna Jehovha munyika inotongwa naSatani.

19. Imwe hanzvadzi inonzi Rachel yakati kudii nezvekudzidzisa vamwe chokwadi? (Onawo mufananidzo.)

19 Tinofara chaizvo patinodzidzisa vamwe nezvaJehovha. Rachel, uyo anogara kuDominican Republic, anoona iri ropafadzo yakakura kudzidzisa vamwe nezvaMwari wedu anoshamisa. Achifunga nezvekubatsira kwaakaita vamwe vanhu kuti vave vashumiri vaJehovha, Rachel anoti: “Handikwanisi kurondedzera mufaro wandinova nawo pandinoona vanhu vandinodzidzisa Bhaibheri vachisvika pakuda Jehovha vodzidza kuvimba naye uye vochinja upenyu hwavo kuti vamufadze. Mufaro wandiinawo unopfuura nekure chero zvandakarasikirwa nazvo kuti ndivadzidzise.”

Tinowana mufaro patinodzidzisa vamwe kuti vade Jehovha uye vamuteerere sezvatinoita (Ona ndima 19)


BATSIRWA NEMASHOKO EKUPEDZISIRA EVARUME VAKATENDEKA

20. Takafanana papi naMozisi, Dhavhidhi, naJohani?

20 Mozisi, Dhavhidhi, naJohani vakararama panguva yakasiyana neyedu uye mumamiriro ezvinhu akasiyana needu, asi pane zvavaiita zvakangofanana nezvatiri kuita. Vainamata Mwari wechokwadi sezvatiri kuita. Kungofanana navo, tinonyengetera kuna Jehovha uye tinovimba naye kuti atitungamirire. Sezvaingoitwa nevarume ivavo vekare, tine chokwadi chekuti Jehovha anokomborera vaya vanomuteerera.

21. Makomborero api anowanikwa nevaya vanoteerera mazano akataurwa nevarume vakatendeka vakadai saMozisi, Dhavhidhi, naJohani?

21 Saka ngatitevedzerei mazano akataurwa nevarume ava vainge vakwegura kuburikidza nekuteerera mirayiro yaJehovha. Kana tikadaro, Jehovha achatikomborera uye achatibatsira. Tichawana upenyu uye ‘tichagara kwenguva refu,’ kureva kuti nekusingaperi! (Dheut. 30:20) Tichawana mufaro unobva pakufadza Baba vedu vekudenga vane rudo, avo vanozadzisa zvese zvavanenge vavimbisa kupfuura zvatingatarisira kana kuti zvatingafungidzira.—VaEf. 3:20.

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

a Ruzhinji rwevaIsraeri rwakaona zvishamiso zvakaitwa naJehovha paGungwa Dzvuku haruna kupinda munyika yakanga yavimbiswa. (Num. 14:​22, 23) Jehovha akataura kuti vese vaiva nemakore 20 zvichikwira vainge vakaverengwa vaizofira murenje. (Num. 14:29) Asi vakawanda vaiva nemakore ari pasi pe20 havana kufa uye vakayambuka Rwizi rwaJodhani vakapinda munyika yavakavimbiswa pamwe chete naJoshua naKarebhi nevamwe vemudzinza raRevhi.—Dheut. 1:​24-40.

b KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kuruboshwe: Dhavhidhi ari kuudza mwanakomana wake Soromoni mashoko ekupedzisira. Kurudyi: Vadzidzi vari paChikoro Chebasa Reupiyona vari kubatsirwa nedzidzo yavari kupiwa naMwari.