Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 47

RWIYO 103 Vafudzi—Zvipo Zviri Varume

Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vakuru Here?

Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vakuru Here?

“Kana murume achivavarira kuva mutariri, ari kuda basa rakanaka.”1 TIM. 3:1.

ZVATICHADZIDZA

Tichadzidza zvimwe zvinhu zvinotaurwa neBhaibheri zvinofanira kuitwa nehama kuti ikodzere kushumira semukuru.

1-2. “Basa rakanaka” rinoitwa nemukuru rinosanganisirei?

 KANA wava nekanguva uri mushumiri weungano, unogona kunge uri kushanda nesimba kuti ukodzere kushumira semukuru. Unoda here kuita ‘basa iri rakanaka’ rinoitwa nevakuru?—1 Tim. 3:1.

2 Basa remukuru rinosanganisirei? Anotungamirira pabasa rekuparidza, anoshanda nesimba pakufudza uye pakudzidzisa, anokurudzira hama nehanzvadzi nezvaanotaura uye nezvaanoita. Ndosaka Bhaibheri richidana vakuru vanoshanda nesimba kuti “zvipo.”—VaEf. 4:8.

3. Hama ingaitei kuti ikodzere kuva mukuru? (1 Timoti 3:​1-7; Tito 1:​5-9)

3 Ungaitei kuti ukodzere kuva mukuru? Zvinodiwa kuti uve mukuru zvakasiyana nezvinodiwa kuti uwane basa. Munyika vanhu vanowanzoti kana uine ruzivo runodiwa pane rimwe basa, unogona kutowana basa racho. Asi kuti ugadzwe semukuru, pane zvimwe zvinhu zvinodiwa zvinopfuura unyanzvi hwekuparidza uye hwekudzidzisa. Unofanira kunge uchiita zvinhu zvinotarisirwa kuti vakuru vaite neBhaibheri zviri pana 1 Timoti 3:​1-7 uye Tito 1:​5-9. (Verenga.) Munyaya ino tichakurukura zvimwe zvacho. Tichaona kuti hama ingaitei kuti ive nemukurumbira wakanaka, ive musoro wemhuri akanaka, uye kuti chii chingaibatsira kuti ishumire ungano ichifara.

KUVA NEMUKURUMBIRA WAKANAKA

4. Zvinorevei kuva munhu “asina chaanopomerwa”?

4 Kuti ukodzere kuva mukuru, unofanira kunge uri munhu “asina chaanopomerwa.” Izvi zvinoreva kuti unofanira kunge uine mukurumbira wakanaka muungano, pasina munhu ane chikonzero chine musoro chekukupomera kuti une zvakaipa zvaunoita. Uyewo unofanira kunge ‘uchipupurirwa zvakanaka nevanhu vari kunze.’ Vanhu vasingashumiri Jehovha vangasabvumirana nezvaunotenda, asi vanofanira kushaya chinhu chekukupomera nekuti unenge uri munhu akatendeka uye akanaka. (Dhan. 6:​4, 5) Zvibvunze kuti, ‘Ndine mukurumbira wakanaka here muungano uye kuvanhu vasingashumiri Jehovha?’

5. Ungaratidza sei kuti ‘unoda zvakanaka’?

5 Kana uri munhu “anoda zvakanaka,” unotsvaga zvakanaka pane vamwe wovarumbidza. Unodawo kuitira vamwe zvakanaka, kunyange kutopfuura zvavanenge vachitarisira. (1 VaT. 2:8; ona study note iri pana Tito 1:8 muBhaibheri reChirungu rekudzidza pakanzi lover of goodness.”) Nei zvichikosha kuti vakuru vave vanhu vanoda zvakanaka? Nekuti kana vachida zvakanaka vachashandisa nguva yavo yakawanda pakufudza ungano uye pakuita mamwe mabasa muungano. (1 Pet. 5:​1-3) Kunyange zvakadaro, mufaro wavanowana unopfuura nekure chero chavanorasikirwa nacho.—Mab. 20:35.

6. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti ‘tinogamuchira vaenzi zvakanaka’? (VaHebheru 13:​2, 16; onawo mufananidzo.)

6 Unoratidza kuti uri munhu “anogamuchira vaenzi zvakanaka” paunoitira vamwe zvakanaka kusanganisira vaya vasiri shamwari dzako dzepedyo. (1 Pet. 4:9) Rimwe bhuku rinoti munhu anogamuchira vamwe zvakanaka “anogara akavhura dhoo remba yake uye remwoyo wake kuitira kuti vanhu vaasingazivi vapinde.” Zvibvunze kuti, ‘Ndinozivikanwa sei panyaya yekugamuchira vaenzi?’ (Verenga VaHebheru 13:​2, 16.) Munhu anogamuchira vamwe zvakanaka anoitira vaenzi zvakanaka, kusanganisira varombo uye vashumiri vaMwari vanoshanda nesimba, vakadai sevatariri vematunhu uye vakurukuri vanenge vashanya.—Gen. 18:​2-8; Zvir. 3:27; Ruka 14:​13, 14; Mab. 16:15; VaR. 12:13.

Murume nemudzimai vagamuchira mutariri wedunhu nemudzimai wake pamba pavo (Ona ndima 6)


7. Mukuru angaratidza sei kuti ‘haakari mari’?

7 “Asingakari mari.” Izvi zvinoreva kuti mari uye zvinhu hazvisi izvo zvinonyanya kukosha muupenyu hwako. Unoisa Umambo pekutanga pazvinhu zvese zvaunoita muupenyu hwako pasinei nekuti uri mupfumi kana kuti uri murombo. (Mat. 6:33) Unoshandisa nguva yako, simba, uye zvimwe zvinhu zvauinazvo pakunamata Jehovha, pakubatsira mhuri yako, uye pakushumira ungano. (Mat. 6:24; 1 Joh. 2:​15-17) Zvibvunze kuti: ‘Ndinoona sei mari? Ndinogutsikana nezvinhu zvinodiwa pakurarama here? Kana kuti ndinongoramba ndichifunga nezvekuita mari uye kuva nezvinhu zvakawanda?’—1 Tim. 6:​6, 17-19.

8. Zvinorevei kuva munhu “anoita zvinhu zvine mwero” uye “anozvidzora”?

8 Kana uri munhu “anoita zvinhu zvine mwero” uye “anozvidzora,” unoziva pekugumira pane zvese zvaunoita muupenyu. Izvi zvinoreva kuti hauzonyanyisi pazvinhu zvakadai sekudya, kunwa, kupfeka, uye kuzvivaraidza. Hausi munhu anomhanyisana nezvinhu zviri munyika. (Ruka 21:34; Jak. 4:4) Unoramba wakadzikama kana vamwe vanhu vakakuitira zvinhu zvakaipa. Hausi “chidhakwa” uye hauzivikanwi semunhu anonwisa. Zvibvunze kuti, ‘Mararamiro andinoita anoratidza here kuti ndiri munhu anoita zvinhu zvine mwero uye anozvidzora?’

9. Zvinorevei ‘kuva nepfungwa dzakanaka’ uye kuva “akarongeka”?

9 Kana uri munhu “ane pfungwa dzakanaka,” unofunga zvinotaurwa neBhaibheri pamamiriro ezvinhu akasiyana-siyana muupenyu. Unofunga zvakadzama kuti mazano ari muBhaibheri anoshanda sei pane zvaunenge uchida kusarudza, uye zvinokubatsira kuti uwedzere kunzwisisa wozokwanisa kusarudza zvakanaka. Haumhanyiriri kuita zvinhu. Asi unotanga wava nechokwadi chekuti une mashoko akakwana. (Zvir. 18:13) Izvi zvichaita kuti zvauchasarudza kuita zviratidze mafungiro aJehovha. Kana uri munhu “akarongeka,” unoita zvinhu zvako nenguva. Unozivikanwa semunhu anovimbwa naye uye anotevedzera mirayiridzo. Izvi zvichaita kuti uve nemukurumbira wakanaka. Iye zvino ngatichikurukurai zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yekuti mukuru angava sei musoro wemhuri akanaka.

IVA MUSORO WEMHURI AKANAKA

10. Murume ‘angatungamirira sei imba yake zvakanaka’?

10 Kana uine mhuri, uye uchida kukodzera kuva mukuru, mhuri yako inofanirawo kuva muenzaniso wakanaka. Saka unofanira kuva “murume anotungamirira imba yake zvakanaka.” Unofanira kuva munhu ane rudo uye uchikwanisa kuita zvisarudzo zvakanakira mhuri yako. Izvi zvinosanganisira kutungamirira pazvinhu zvese zvine chekuita nekunamata. Nei izvi zvichikosha chaizvo? Muapostora Pauro akati: “Kana murume asingagoni kutungamirira imba yake, angazotungamirira sei ungano yaMwari?”—1 Tim. 3:5.

11-12. Nei zvinoitwa nevana vehama inenge ichida kuzova mukuru zvichikosha chaizvo? (Onawo mufananidzo.)

11 Kana uri baba, vana vako vane makore ari pasi pe18 vanofanira kuva “vana vanozviisa pasi nemwoyo wese.” Unofanira kuvadzidzisa nerudo. Hapana chakaipa kuti vana vako vafare, vaseke uye vatambe sezvinongoitwawo nevamwe vana. Asi kana uchinge wavadzidzisa zvakanaka, vachava vana vanoteerera, vanoremekedza vamwe uye vane unhu hwakanaka. Uyewo unofanira kuita zvese zvaunogona kuti ubatsire vana vako kuti vave shamwari dzaJehovha, vararame maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, uye vashande nesimba kuti vazosvika pakubhabhatidzwa.

12 “Ane vana vanotenda vasingapomerwi kuti havazvibati kana kuti havateereri.” Kana mwana akabhabhatidzwa kana kuti ari kutora matanho ekuti abhabhatidzwe akaita chivi chakakura, zvinokanganisa sei baba vake? Kana baba vacho vanga vasiri kumudzidzisa uye kumutsiura, vanogona kusakodzera kuva mukuru.—Ona Nharireyomurindi yaOctober 15, 1996, peji 21, ndima 6-7.

Vanababa vanodzidzisa vana vavo pavanoita navo zvinhu zvekunamata zvakasiyana-siyana (Ona ndima 11)


SHUMIRA UNGANO

13. Ungaratidza sei kuti uri munhu “anonzwisisa” uye “asina kuoma musoro”?

13 Hama dzinoratidza unhu hwechiKristu hwakanaka chikomborero kuungano. Murume “anonzwisisa” anoita kuti pave nerugare. Kana uchida kuzivikanwa semunhu anonzwisisa, teerera vamwe, uye edza kunzwisisa mafungiro avo. Ngatitii wava mukuru, uchabvuma here kutsigira zvinenge zvasarudzwa nevamwe vakuru kana zvisingapesani nezvinotaurwa neShoko raMwari? Kana uri munhu “asina kuoma musoro” hausimbiriri kuti zvinhu zviitwe nenzira yaunoda iwewe. Unoziva kuti zvinokosha kuteerera zvinotaurwawo nevamwe. (Gen. 13:​8, 9; Zvir. 15:22) Hausi munhu ‘anopopota’ kana kuti ‘anokurumidza kushatirwa.’ Pane kuva munhu ane hasha uye ane nharo, unotaura nevamwe neunyoro uye neruremekedzo. Kana uri munhu anoda rugare, ndiwe unototanga kuita kuti ruvepo, kunyange kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka. (Jak. 3:​17, 18) Unotaura zvakanaka nevamwe kusanganisira vaya vanotipikisa uye izvozvo zvinobatsira kuti vasanyanya kugumbuka.—Vat. 8:​1-3; Zvir. 20:3; 25:15; Mat. 5:​23, 24.

14. Zvinorevei kana zvichinzi “kwete murume achangobva kutendeuka” uye “akavimbika”?

14 Hama inokodzera kuva mukuru inenge isiri “murume achangobva kutendeuka.” Izvi hazvirevi hazvo kuti unofanira kunge wava nemakore akawanda wabhabhatidzwa, asi unoda nguva yekuti usvike pakuva muKristu akasimba pakunamata. Usati wagadzwa semukuru, unofanira kuratidza kuti uri munhu anozvininipisa uye unofanira kumirira Jehovha kuti akupe mamwe mabasa muungano. Izvi ndizvo zvaiitwa naJesu. (Mat. 20:23; VaF. 2:​5-8) Unogona kuratidza kuti ‘wakavimbika’ paunoramba wakatendeka kuna Jehovha uchirarama maererano nemitemo yake uye uchiteerera zvatinoudzwa nesangano rake.—1 Tim. 4:15.

15. Kuti hama ikodzere kuva mukuru, inotofanira kunge ichipa hurukuro dzemhando yepamusoro here? Tsanangura.

15 Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vatariri vanofanira kunge ‘vachikwanisa kudzidzisa.’ Izvi zvinoreva here kuti unotofanira kunge uchipa hurukuro dzemhando yepamusoro? Aiwa. Vakuru vakawanda, kunyange zvazvo vasingakwanisi kupa hurukuro dzemhando yepamusoro, vanodzidzisa zvakanaka chaizvo muushumiri uye pakufudza. (Ona study note iri pana 1 Timoti 3:2 muBhaibheri reChirungu Rekudzidza pakanzi qualified to teach; enzanisa na1 VaKorinde 12:​28, 29 uye VaEfeso 4:11.) Kunyange zvakadaro, unofanira kunge uchishanda nesimba kuti uwedzere unyanzvi hwako hwekudzidzisa. Ungaitei kuti uwedzere kuva neunyanzvi pakudzidzisa?

16. Ungaitei kuti uwedzere unyanzvi hwako hwekudzidzisa? (Onawo mufananidzo.)

16 “Anobatisisa mashoko akatendeka.” Kuti uwedzere unyanzvi pakudzidzisa, ita kuti zvaunodzidzisa uye mazano aunopa zvibve muShoko raMwari. Dzidza Bhaibheri pamwe chete nemabhuku edu. (Zvir. 15:28; 16:23; Ona study note iri pana Tito 1:9 muBhaibheri reChirungu rekudzidza pakanzi holding firmly to the faithful word.”) Paunenge uchidzidza, nyatsoongorora kuti mabhuku edu anotsanangura sei mavhesi eBhaibheri kuitira kuti uzoshandisa mavhesi acho zvakarurama. Uye paunenge uchidzidzisa, edza kusvika pamwoyo yevateereri vako. Unyanzvi hwako hwekudzidzisa hunogona kuwedzera kana ukakumbira mazano kune vakuru vane unyanzvi woshandisa mazano acho. (1 Tim. 5:17) Vakuru vanofanira kunge ‘vachikwanisa kukurudzira’ hama nehanzvadzi dzavo; asi dzimwe nguva vakuru vanofanira kuvapa mazano kana kuti ‘kuvatsiura.’ Pasinei nezvingaitwa nevakuru, kungava kupa zano kana kuti kutsiura, vanofanira kuzviita nerudo. Kana uri munyoro uye uine rudo, unoita kuti zvaunodzidzisa zvibve muShoko raMwari, uye uchava mudzidzisi akanaka nekuti unenge uchitevedzera Mudzidzisi Mukuru, Jesu.—Mat. 11:​28-30; 2 Tim. 2:24.

Mushumiri weungano ari kuwedzera unyanzvi hwake hwekudzidzisa paaine mukuru ane ruzivo. Mushumiri weungano uya akamira pamberi pegirazi achigadzirira hurukuro yake yaachapa kuungano (Ona ndima 16)


RAMBA UINE CHINANGWA CHEKUVA MUKURU

17. (a) Chii chingabatsira vashumiri veungano kuti varambe vaine chinangwa chekuzova vakuru? (b) Vakuru vanofanira kuyeukei pavanenge vachiongorora kuti hama izogadzwa semukuru? (Ona bhokisi rakanzi “ Ivai Nemwero Pamunenge Muchiongorora Kana Hama Ichikodzera Kuva Mukuru.”)

17 Pashure pekuongorora zvinhu zvinotariswa kuti munhu azokodzera kushumira semukuru, vamwe vashumiri veungano vanganzwa sekuti havambofi vakakodzera. Asi yeuka kuti Jehovha nesangano rake havatarisiri kuti uite semunhu asina chivi kuti uzokodzera kuva mukuru. (1 Pet. 2:21) Uye mweya mutsvene waJehovha ndiwo unokubatsira kuti uve nezvinotarisirwa izvi. (VaF. 2:13) Une here paunoona paunofanira kugadzirisa? Nyengetera nezvazvo kuna Jehovha. Tsvakurudza nezvenyaya yacho, uye kumbira mazano kune mumwe mukuru ari muungano ezvaungaita kuti uvandudze.

18. Vashumiri veungano vese vanokurudzirwa kuitei?

18 Dai tese, kusanganisira vaya vagara vachitoshumira sevakuru, tikaramba tichishanda nesimba kuti tive neunhu hwakurukurwa munyaya ino. (VaF. 3:16) Uri mushumiri weungano here? Iva nechinangwa chekuita zvakawanda! Kumbira Jehovha kuti akudzidzise uye akuumbe kuti uwedzere kuita zvakawanda pakumushumira uye pakushumira ungano. (Isa. 64:8) Jehovha ngaakomborere zvese zvauri kuedza kuita kuti ukodzere kuva mukuru.

RWIYO 101 Kushanda Pamwe Chete Takabatana