Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 46

RWIYO 49 Kufadza Mwoyo waJehovha

Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vashumiri Veungano Here?

Hama​—⁠Mune Chinangwa Chekuva Vashumiri Veungano Here?

“Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.”MAB. 20:35.

ZVATICHADZIDZA

Kukurudzira hama dzakabhabhatidzwa kuti dzive nechido chekuva vashumiri veungano uye dzikodzere kuita basa racho.

1. Muapostora Pauro aiona sei vashumiri veungano?

 VASHUMIRI veungano vanoita mabasa anokosha chaizvo muungano. Zviri pachena kuti muapostora Pauro aikoshesa chaizvo varume ava vakatendeka. Semuenzaniso, paakanyorera vaKristu vekuFiripi, akakwazisa vashumiri veungano pamwe chete nevakuru.—VaF. 1:1.

2. Imwe hama inonzi Luis inoti kudii nekushanda kwainoita semushumiri weungano?

2 Hama dzakabhabhatidzwa dzinowana mufaro mukuru padzinoshumira sevashumiri veungano, pasinei nezera radzo. Semuenzaniso, Devan akagadzwa semushumiri weungano aine makore 18. Ukuwo, hama inonzi Luis yakagadzwa kuva mushumiri weungano yava kumakore ekuma50. Lius anotaura manzwiro anoita vakawanda achiti, “Ndinofara chaizvo kushumira hama nehanzvadzi dzangu muungano pandinoita basa iri. Vanondida chaizvo uye ini ndinovadawo!”

3. Mibvunzo ipi yatichakurukura?

3 Kana uri hama yakabhabhatidzwa asi usati wava mushumiri weungano, unogona here kuva nechinangwa ichocho? Chii chingakubatsira kuti udaro? Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvaunofanira kuita kuti ukodzere? Munyaya ino tichakurukura mhinduro dzemibvunzo iyi. Asi ngatitangei nekuona kuti basa remushumiri weungano nderei.

BASA REMUSHUMIRI WEUNGANO NDEREI?

4. Basa remushumiri weungano nderei? (Onawo mufananidzo.)

4 Mushumiri weungano ihama yakabhabhatidzwa inogadzwa nemweya mutsvene kuti ibatsire vakuru mabasa akawanda anokosha muungano. Vamwe vashumiri veungano vanova nechokwadi chekuti vaparidzi vawana ndima dzekushanda uye mabhuku ekushandisa muushumiri. Vamwe vanobatsira pakuchenesa uye pakugadziridza Imba yeUmambo. Vashumiri veungano vanoshumirawo sevarindiri uye vanoona nezvegudzanzwi nemavhidhiyo pamisangano. Ndivo vanoita mabasa akawanda anoita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano. Asi chinonyanya kukosha ndechekuti vashumiri veungano vanoda Jehovha uye vanorarama maererano nemitemo yake. Uye vanoda chaizvo hama nehanzvadzi dzavo. (Mat. 22:​37-39) Hama yakabhabhatidzwa ingaitei kuti ikodzere kuva mushumiri weungano?

Vashumiri veungano vanotevedzera Jesu pavanoshumira vamwe (Ona ndima 4)


5. Hama ingaitei kuti izadzise chinangwa chekuva mushumiri weungano?

5 Bhaibheri rinotaura zvinotarisirwa kune vaya vanoda kugadzwa sevashumiri veungano. (1 Tim. 3:​8-10, 12, 13) Unogona kuwana ropafadzo iyi kana ukadzidza zvaunotarisirwa kuti uite neMagwaro woshanda nesimba kuti uzvizadzise. Asi unofanira kutanga waongorora kuti chii chiri kuita kuti ude kuva mushumiri weungano.

NEI UCHIDA KUVA MUSHUMIRI WEUNGANO?

6. Chii chinofanira kuita kuti ude kushumira hama nehanzvadzi dzako? (Mateu 20:28; onawo mufananidzo uri pakavha.)

6 Funga nezvemuenzaniso mukuru watakasiyirwa naJesu. Zvese zvaaiita zvaibva pakuti aida Baba vake uye aida vanhu. Rudo irworwo ndirwo rwakaita kuti ashande nesimba uye aite mabasa aionekwa nevamwe seakaderera. (Verenga Mateu 20:28; Joh. 13:​5, 14, 15) Kana chinangwa chako chekuva mushumiri weungano chichibva parudo, Jehovha achakukomborera uye achakubatsira kuti uchizadzise.—1 VaK. 16:14; 1 Pet. 5:5.

Jesu akaratidza vaapostora vake muenzaniso wakanaka panyaya yekuti vaifanira kushumira vamwe vachizvininipisa pane kuzvitsvagira mukurumbira (Ona ndima 6)


7. Nei hama isingafaniri kuzvitsvagira mukurumbira?

7 Vanhu vanozvikwidziridza munyika vanowanzoyemurwa chaizvo. Asi izvi handizvo zvakaita vanhu vari musangano raJehovha. Hama inoda vamwe sezvaiita Jesu haidi kuzviona seiri pamusoro pevamwe kana kuda kuonekwa seinokosha kupfuura vamwe. Kana munhu anozvikudza akagadzwa muungano, kakawanda kacho anoramba kuita mabasa anoonekwa seakaderera ayo anobatsira makwai anokosha aJehovha. Anogona kuona sekuti mabasa akadaro anomuita kuti atarisirwe pasi. (Joh. 10:12) Jehovha haakomborere zvese zvinoedza kuitwa nemunhu anozvikudza kana kuti anoda kuzvitsvagira mukurumbira.—1 VaK. 10:​24, 33; 13:​4, 5.

8. Jesu akapa vaapostora vake zano rekuti chii?

8 Dzimwe nguva, kunyange shamwari dzaJesu dzepedyo dzaida kuwana mabasa asi nevavariro isina kunaka. Chimbofunga zvakaitwa naJakobho naJohani. Vakakumbira Jesu kuti avape zvinzvimbo zvinokosha muUmambo. Jesu haana kuvati vakagona nezvavakaita izvi. Asi akatsanangurira vaapostora vese vari 12 kuti: “Munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu, uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu mese.” (Mako 10:​35-37, 43, 44) Hama dzinoda kuita mabasa emuungano nevavariro yakanaka yekuda kushumira vamwe dzinobatsira ungano muzvinhu zvakawanda.—1 VaT. 2:8.

CHII CHINGAKUBATSIRA KUTI UVE NECHIDO CHEKUSHUMIRA VAMWE?

9. Chii chingakubatsira kuti uve nechido chekushumira vamwe?

9 Zviri pachena kuti unoda Jehovha uye unoda kushumira vamwe. Asi unogona kunge usina chido chekuita basa rinofanira kuitwa nemushumiri weungano. Chii chingakubatsira kuti uve nechido chekuita basa iri? Unogona kufunga nezvemufaro unobva pakushumira hama nehanzvadzi dzako. Jesu akati: “Kupa kune mufaro kupfuura kugamuchira.” (Mab. 20:35) Izvi ndizvo zvaaiita. Akawana mufaro wechokwadi unobva pakushumira vamwe, uye unogona kuuwanawo.

10. Jesu akaratidza sei kuti aifadzwa nekushumira vamwe? (Mako 6:​31-34)

10 Ngatimboonai muenzaniso unoratidza kuti Jesu aifadzwa nekushumira vamwe. (Verenga Mako 6:​31-34.) Pane imwe nguva, Jesu nevaapostora vake vainge vaneta. Saka akasarudza kuenda navo kwavo vega kuti vambonozorora. Asi vanhu vakavatangira kusvika ikoko, vachida kudzidziswa naJesu. Aigona kuramba kuvadzidzisa. Iye neshamwari dzake “vakanga vasina kana nguva yekuzorora kuti vadye.” Kana kuti Jesu aigona kungoita kuti vanhu vaende pashure pekuvadzidzisa zvinhu zvishoma. Asi kuda kwaaiita vanhu, ndiko kwakaita kuti atange “kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.” Uye akaramba achivadzidzisa kusvika ‘nguva dzafamba.’ (Mako 6:35) Akaita izvi kwete nekuti aifanira kuzviita, asi nekuti “akasiririswa navo.” Aida kuvadzidzisa nekuti aivada. Kushumira vamwe kwakaita kuti Jesu afare zvikuru.

11. Jesu akabatsira sei vateereri vake pane zvimwe zvinhu zvavaida? (Onawo mufananidzo.)

11 Jesu haana kungogumira pakudzidzisa vanhu, asi akavapawo zvimwe zvinhu zvavaida. Akaita chishamiso chekuti vanhu vawane zvekudya achibva aita kuti vadzidzi vake vavape. (Mako 6:41) Paakaita izvozvo, aitodzidzisa vadzidzi vake kushumira vamwe. Akaratidzawo kuti mabasa iwayo ekushumira vamwe, ayo akafanana neanoitwa nevashumiri veungano, anokosha. Vaapostora vanofanira kunge vakafara chaizvo kushanda naJesu vachiita basa iri rekupa vanhu zvekudya kusvikira ‘vese vadya uye vaguta’! (Mako 6:42) Apa hapasiripo pega Jesu paakakoshesa zvinodiwa nevamwe kupfuura zvake iye. Akaita izvozvo kweupenyu hwake hwese paaiva panyika. (Mat. 4:23; 8:16) Jesu aifadzwa chaizvo nekudzidzisa vamwe uye kuvabatsira pane zvimwe zvinhu zvavaida. Iwe uchafarawo chaizvo kana ukava nechido chekushumira vamwe semushumiri weungano.

Kana uchida Jehovha uye uine chido chekushumira vamwe uchaita chero basa raunopiwa muungano (Ona ndima 11) a


12. Nei mumwe nemumwe wedu asingafaniri kufunga kuti haana zvaanobatsira muungano?

12 Kana ukaona sekuti hauna ruzivo rwekuita zvimwe zvinhu, usaora mwoyo. Zviri pachena kuti une unhu hunoita kuti ubatsire ungano. Funga zvakataurwa naPauro pana 1 VaKorinde 12:​12-30, wonyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kuona kuti zviri mumavhesi aya zvinokubatsira sei. Mashoko aPauro anoratidza kuti une zvaunobatsira muungano sezvinongoita vamwe vashumiri vaJehovha vese. Kana usati wava kukodzera kuva mushumiri weungano pari zvino, usaora mwoyo. Ita zvese zvaunogona kuti ushumire Jehovha uye ubatsire hama nehanzvadzi dzako. Unogona kuva nechokwadi chekuti vakuru vachafunga nezvako, uye vachakupa mabasa aunokwanisa.—VaR. 12:​4-8.

13. Ndechipi chimwe chikonzero chinofanira kuita kuti usazeza kuva mushumiri weungano?

13 Chimwe chikonzero chinofanira kuita kuti ude kuva mushumiri weungano ndechekuti zvinhu zvakawanda zvinotarisirwa kuvashumiri veungano ndizvo zvinotarisirwawo kuvaKristu vese. VaKristu vese vanofanira kuva neushamwari hwepedyo naJehovha, kuva nerupo, uye kuva muenzaniso wakanaka pakurarama kwechiKristu. Asi ndezvipi zvinofanira kuitwa nehama kuti ikodzere kuva mushumiri weungano?

UNGAITEI KUTI UKODZERE KUVA MUSHUMIRI WEUNGANO?

14. Zvinorevei kuva munhu “anoita zvinhu nemwoyo wese”? (1 Timoti 3:​8-10, 12)

14 Ngationei zvimwe zvinotarisirwa kuvashumiri veungano zviri pana 1 Timoti 3:​8-10, 12. (Verenga.) Mushumiri weungano anofanira kuva munhu “anoita zvinhu nemwoyo wese.” Mashoko iwayo anogonawo kushandurwa achinzi “munhu anoremekedzwa,” kana kuti “anokudzwa.” Izvi hazvirevi kuti hautomboseki nevanhu. (Mup. 3:​1, 4) Asi zvinoreva kuti unoshanda nesimba pamabasa ese aunenge wapiwa. Kana uri munhu anogona kuvimbwa naye uye anoita mabasa ake nemazvo, ucharemekedzwa neungano.

15. Zvinorevei ‘kusava nemashoko maviri’ uye kuva munhu “asingakari pfuma”?

15 ‘Kusava nemashoko maviri’ kunoreva kuita zvinhu nemwoyo wese, usinganyengeri, uye wakatendeseka. Unoita zvaunenge wataura kuti uchaita, uye haunyeperi vamwe. (Zvir. 3:32) Kana ‘usingakari pfuma’ unenge wakatendeseka panyaya dzebhizinesi uye panyaya dzemari. Hauzooni sekuti kuwirirana kwaunoita nehama nehanzvadzi dzako mukana wekuti uite mari.

16. (a) Mashoko ekuti ‘kusanwisa waini’ anorevei? (b) Zvinorevei kuva ‘nehana yakachena’?

16 Kana ‘usinganwisi waini’ haunwi doro rakawandisa uye hauendi mbiri yekuti unonwisa doro. Kana uine “hana yakachena” unenge uchirarama maererano nemitemo yaJehovha. Kunyange zvazvo uri munhu ane chivi, unova nerugare runobva pakuti unenge uine ushamwari hwepedyo naMwari.

17. Hama ingaratidza sei kuti ‘yakaedzwa kuti ionekwe kana ichikodzera’? (1 Timoti 3:10; onawo mufananidzo.)

17 Kana zvichinzi ‘waedzwa kuti uonekwe kana uchikodzera’ zvinoreva kuti vakuru vanenge vaona kuti unoita mabasa ako zvakanaka uye vanogona kuvimba newe. Saka kana vakuru vakakupa basa, nyatsoteerera zvavanenge vakuudza uye tevedzera mirayiridzo yatinopiwa nesangano. Iva nechokwadi chekuti wanzwisisa kuti basa rawapiwa rinosanganisirei uye kuti rinofanira kupera riini. Paunoshanda nesimba pabasa rimwe nerimwe raunopiwa, vamwe vari muungano vachazviona uye vachafara nazvo. Vakuru, ivai nechokwadi chekuti munodzidzisa hama dzakabhabhatidzwa. (Verenga 1 Timoti 3:10.) Muungano menyu mune hama dzakabhabhatidzwa dzine makore ari pasi pe13 kana kuti dzati pfuurei ipapo here? Vanogara vachidzidza Bhaibheri uye vachigadzirira misangano here? Vanogara vachipindura pamisangano uye vachibuda muushumiri here? Kana vachidaro, vapei mabasa anoenderana nemazera avo uye zvavanokwanisa. Izvi zvichaita kuti vechidiki ava ‘vaonekwe kana vachikodzera.’ Pavanozosvika makore ekuma17 kusvika ku19 vanogona kunge vava kukodzera kuva vashumiri veungano.

Vakuru pavanopa hama dzakabhabhatidzwa mabasa, vanogona kuona kana ‘dzakakodzera’ (Ona ndima 17)


18. Zvinorevei kuva munhu ‘asina chaanopomerwa’?

18 Kana usina ‘chaunopomerwa’ zvinoreva kuti hauna zvakaipa zvakakura zvine musoro zvaunopomerwa kuti wakaita. Asi zvinogona kuitika kuti vaKristu vanopomerwa zvenhema. Jesu akapomerwawo zvenhema, uye akataura kuti vateveri vake vaizoitirwawo izvozvo. (Joh. 15:20) Asi kana ukaramba uchizvibata zvakanaka sezvaiita Jesu, uchava nemukurumbira wakanaka muungano.—Mat. 11:19.

19. Bhaibheri rinenge richirevei parinoti varume “vanofanira kuva nemudzimai mumwe chete”?

19 “Vanofanira kuva nemudzimai mumwe chete.” Kana wakaroora, unofanira kutevedzera murayiro waJehovha wekutanga panyaya yewanano wekuti murume anofanira kuva nemudzimai mumwe chete. (Mat. 19:​3-9) Murume wechiKristu haatombofaniri kuita upombwe. (VaH. 13:4) Izvi zvinorevawo kuti anofanira kuva munhu akavimbika kumudzimai wake. Saka haatombofaniri kutanga kuchiva mumwe munhukadzi.—Job. 31:1.

20. Murume anotungamirira sei imba yake “zvakanaka”?

20 “Vachitungamirira vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka.” Kana uri musoro wemba, unofanira kunyatsoita mabasa ako nemazvo. Gara uchiitisa kunamata kwemhuri. Gara uchibuda muushumiri nemudzimai wako uye nevana vako. Batsira vana vako kuti vave neushamwari naJehovha. (VaEf. 6:4) Murume anotungamirira mhuri yake zvakanaka anenge achiratidza kuti anogona kutungamirira ungano.—Enzanisa na1 Timoti 3:5.

21. Zvii zvaungaita kana usati wava mushumiri weungano?

21 Hama, kana musati mava kushanda sevashumiri veungano, tinokukumbirai kuti muverenge nyaya iyi, monyengetera kuna Jehovha nezvazvo. Dzidzai zvinotarisirwa pavashumiri veungano uye shandai nesimba kuti mukodzere. Wedzerai kuda kwamunoita Jehovha uye hama nehanzvadzi dzenyu. Itai kuti chido chenyu chekudzishumira chiwedzere kusimba. (1 Pet. 4:​8, 10) Kana mukava vashumiri veungano, muchawana mufaro unobva pakushumira hama nehanzvadzi dzenyu muungano. Jehovha ngaakomborere zvese zvamuri kuedza kuita kuti muzova vashumiri veungano!—VaF. 2:13.

RWIYO 17 “Ndinoda”

a KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Kuruboshwe, Jesu ari kushumira vateveri vake; kurudyi, mushumiri weungano ari kubatsira hama yechikuru yemuungano.