Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEUPENYU

Jehovha Akatisimbisa Panguva Yehondo Uye Yerunyararo

Jehovha Akatisimbisa Panguva Yehondo Uye Yerunyararo

Paul: Taifara chaizvo! Maiva muna November 1985, uye taienda kuLiberia, West Africa, uko kwatakatangira kushumira semamishinari. Ndege yataiva yakamira muSenegal. Anne akati: “Tasarirwa neawa imwe chete kuti tisvike muLiberia!” Pakabva papiwa chiziviso chekuti: “Vanhu vese vari kuenda kuLiberia ngavaburuke. Pane vanhu vari kuedza kubvisa hurumende yeko, saka hatichakwanisi kuenda ikoko.” Kwemazuva 10 akazotevera, takagara nemamishinari muSenegal, tichinzwa nhau dzekuLiberia dzaitaura nezvemarori ainge akazara zvitunha zvevanhu vaiurayiwa ikoko uye kuti hurumende yairambidza vanhu kubva pamba, ichipfura vanenge vasina kuteerera.

Anne: Tagara tiri vanhu vanotya kuita zvinhu zvinotipinza munjodzi. Ndingatoti, kubvira ndichiri mudiki ndaizivikanwa saAnne anotya. Ndinototya kunyange kuyambuka mugwagwa chaiwo. Asi tainge tichakatsunga kuenda kuLiberia.

Paul: Ini naAnne takakurira munharaunda imwe chete kuEngland nechekumadokero, uye misha yedu yainge yakaparadzana nemakiromita 8 chete. Taigara tichikurudzirwa kuti tipayone nevabereki vangu uye naamai vaAnne. Saka takatanga kupayona tichangopedza chikoro. Vaifara chaizvo kuti taida kuita basa renguva yakazara kweupenyu hwedu hwese. Pandakanga ndava nemakore 19, ndakatanga kushanda paBheteri uye Anne akazotangawo kushanda paBheteri pashure pekunge tachata muna 1982.

Patakagirajuweta kuGiriyedhi musi wa8 September, 1985

Anne: PaBheteri taipafarira, asi taida chaizvo kunoshumira kunodiwa vaparidzi vakawanda. Pataiva paBheteri, kushanda nehama dzaimbova mamishinari kwakaita kuti chido chedu chekuva mamishinari chiwedzere. Tainyengetera nezvenyaya iyi manheru ega ega kwemakore matatu, saka takafara chaizvo patakakokwa kuti tipinde kirasi yechi79 yeGiriyedhi muna 1985! Pashure pekunge tagirajuweta takanzi tinoshumira kuLiberia, West Africa.

RUDO RWEHAMA NEHANZVADZI DZEDU RWAKATISIMBISA

Paul: Takakwira ndege yekutanga yakabvumidzwa kupinda muLiberia. Vanhu vaitya uye vakanga vasati vava kubvumidzwa kufamba manheru. Kana mota ikangoerekana yaita ruzha, vanhu vairidza mhere uye vaitiza. Kuti tirambe takadzikama, taiverenga zvikamu zvebhuku raMapisarema manheru ega ega. Asi taida chaizvo basa redu. Anne aienda kunoparidza, ini ndaishanda paBheteri naJohn Charuk. a Ndakadzidza zvakawanda chaizvo kwaari nekuti ainge agara muLiberia kwenguva yakareba, saka aiziva matambudziko uye mamiriro ezvinhu ehama nehanzvadzi dzeko.

Anne: Chii chakaita kuti tikurumidze kuda basa redu muLiberia? Hama nehanzvadzi dzedu dzemo dzaitida chaizvo uye dzainge dzakatendeka. Takatangawo kudzida uye dzakava mhuri yedu itsva. Zvadzaitaura zvaitisimbisa pakunamata. Kuparidza kwainakidza chaizvo. Vanhu vaisafara kana tikakurumidza kubva pamba pavo! Vaitaura nezveBhaibheri kwese kwese. Saka zvaiva nyore kungotanga kutaurawo navo. Taiva nevanhu vakawanda vekudzidza navo Bhaibheri, saka zvaitiomera kudzidza navo vese. Tainakidzwa chaizvo!

JEHOVHA AKATIPA SIMBA PATAITYA

Tichibatsira vapoteri paBheteri remuLiberia, muna 1990

Paul: Kwemakore 4 zvinhu zvakanga zvakati dzikamei, asi muna 1989, hondo inotyisa yakatanga. Vapanduki vaida kupidigura hurumende vakauya pedyo neBheteri musi wa2 July, 1990. Kwemwedzi mitatu takanga tisingakwanisi kutaura nachero ani zvake aiva kunze kweBheteri kusanganisira vanhu vemumba medu uyewo hama dzekumahofisi makuru. Kwese kwese kwaiva nemhirizhonga, zvekudya zvaiva zvishoma uye vakadzi vaibatwa chibharo. Zvakaramba zvakadaro kwemakore 14 munyika yacho yese.

Anne: Mamwe marudzi airwisana uye aiurayana. Vapanduki vainge vakazara mumigwagwa vaine zvombo zvakawanda, vakapfeka zvinoita kuti vasazivikanwa uye vaipinda mudzimba vachitora chero zvavada. Vamwe vavo vaiona kuuraya vanhu sekwakangofanana nekuuraya huku. Vapanduki vaivhara migwagwa kuti vanhu vasapfuure uye vaiuraya vanhu vachiunganidza zvitunha ipapo uye izvi zvaiitika kunyange pedyo neBheteri. Zvapupu zvakatendeka zvakaurayiwa, kusanganisirawo mamishinari maviri.

Zvapupu zvaivanza vanhu verudzi runenge ruchitsvagwa uye ruchida kuurayiwa kunyange izvozvo zvaigona kutovaurayisa. Izvi ndizvo zvaiitwawo nemamishinari uye vashandi vepaBheteri. Dzimwe hama nehanzvadzi dzinenge dzatizira paBheteri, dzairara mudzimba dzepasi uye vamwe vacho tairara navo mudzimba dzepamusoro. Mumba matairara taigara neimwe mhuri yaiva nevanhu 7.

Paul: Zuva rega rega, vapanduki vaiedza kupinda paBheteri kuti vaone kana tainge takavanza vanhu. Taiva nevanhu 4 vairinda. Vaviri vacho vainge vakamira pahwindo uye vamwe vaviri vaienda kugedhi. Kana vaviri vekugedhi vakaramba vakaisa maoko kumberi zvaireva kuti zvichiri zvakadzikama. Asi kana vakaisa maoko avo kumashure zvaireva kuti vapanduki vakaguta nehasha saka vaya vaiona nepahwindo vaibva vakurumidza kuvanza hama nehanzvadzi dzedu.

Anne: Kwapera mavhiki akawanda, rimwe boka revapanduki rakapinda paBheteri nechisimba. Ini neimwe hanzvadzi takahwanda muimba yekugezera yaive neimwe sherufu yaiva nekanzvimbo kekuti munhu aigona kukwana. Hanzvadzi yacho yakazvimanikidzira kupinda imomo. Vapanduki vainge vanditevera vachikwidza masitepisi vaine pfuti dzavo. Vakarova dhoo redu vakagumbuka zvisingaiti. Paul akaedza kutaura navo kuti vasapinde achiti: “Mudzimai wangu ari kugeza.” Pandakavhara painge pakahwanda hanzvadzi iya, pakaita ruzha uye ndaifanira kudzorera zvinhu zvese pazvaiva mumasherufu, saka zvakatora kanguva, zvikaita kuti vapanduki vaite kakunyumwira. Ndakatanga kudedera muviri wese. Ndakashaya kuti dhoo racho ndaizorivhura sei nekutya kwandaiita. Ndakanyengetera nechemumwoyo, ndichikumbira Jehovha kuti andibatsire. Ndakabva ndavhura dhoo uye ndakakwanisa kuvakwazisa ndakadzikama. Mumwe wavo akandisundidzira padivi achibva aenda paiva nesherufu iya akaivhura akatanga kungogudubudza zvinhu zvaiva imomo. Akashamisika kuti akashaya munhu. Iye nevamwe vake vakatanga kusecha dzimba kusanganisira panzvimbo yaive yakabatana nedenga remba. Asi vakashaya vanhu zvakare.

CHOKWADI CHAKARAMBA CHICHIPENYA

Paul: Kwemwedzi yakawanda taiva nezvekudya zvishoma chaizvo. Asi tairarama nezvekudya zvekunamata. Kunamata kwemangwanani kwepaBheteri ndicho chaiva chikafu chedu chemangwanani uye taikukoshesa nekuti kwaitisimbisa chaizvo.

Taiziva kuti kana tikabuda kunotsvaga zvekudya kana mvura, taisazokwanisa kuchengetedza vaya vainge vakahwanda uye vaigona kuurayiwa. Kakawanda kacho Jehovha aitipa zvekurarama nazvo panguva chaiyo uye nenzira inoshamisa. Jehovha aitipa zvataida uye aitibatsira kuti tirambe takadzikama.

Vanhu pavaiwedzera kushaya tariro, chokwadi chaitisimbisa. Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzaigara dzichitiza kuti dzisaurayiwa asi dzairamba dziine kutenda kwakasimba uye dzakadzikama. Vamwe vaiti zvaiitika muhondo iyi “zvaivabatsira kugadzirira kutambudzika kukuru.” Vakuru vemuungano nehama dzechidiki vakaita zvese zvavaigona kuti vabatsire hama nehanzvadzi. Hama nehanzvadzi dzairamba dzichibatsirana padzaitiza uye dzairamba dzichiparidza. Vaishandisa chero zvavaiwana musango kuti vagadzire pekunamatira. Misangano yavaiita yaivakurudzira chaizvo panguva iyi yainge yakaoma uye kuparidza kwavaiita kwaivabatsira kuti vatsungirire. Pataiendesa zvinhu zvekuyamura, taibayiwa mwoyo chaizvo kuona hama nehanzvadzi dzichikumbira mabhegi ekushandisa pakuparidza pane kukumbira hembe. Vanhu vainge vasangana nezvinhu zvinorwadza uye zvinoshungurudza vaida kunzwa mashoko akanaka. Vaishamiswa pavaiona mufaro waiva neZvapupu; izvo zvaiita sechiedza murima. (Mat. 5:​14-16) Kushanda nesimba kwaiita hama nehanzvadzi dzedu kwakatoita kuti vamwe vapanduki vacho vazova Zvapupu.

JEHOVHA AITIPA SIMBA PATAIFANIRA KUSIYA HAMA DZEDU

Paul: Pane pataifanira kubuda muLiberia, katatu takabuda kwenguva diki uye kaviri takabuda kwegore rese. Imwe hanzvadzi yaiva mumishinari yakanyatsotaura manzwiro ataiita ichiti: “Pataiva kuGiriyedhi, takadzidziswa kuisa mwoyo wedu pabasa, uye ndozvatakaita. Saka kusiya hama nehanzvadzi dzedu mumamiriro ezvinhu akadai kwairwadza chaizvo!” Asi chinofadza ndechekuti, taikwanisa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzaiva kuLiberia tiri munyika dzaiva pedyo.

Tichidzokera kuLiberia, muna 1997

Anne: Muna May 1996, takabva paBheteri nemota yepo tiri 4. Mota yacho yainge yakazara mapepa anokosha ane chekuita nebasa redu remuLiberia. Taida kuenda kunzvimbo yaive yakati chengetekei iyo yaiva makiromita 16 kubva pabazi. Tisati tatomboenda kure, nzvimbo yataiva yakabva yatanga kurwiswa. Vapanduki vainge vakaguta nehasha vakatanga kuridzira pfuti mudenga vachibva vatimisa vakatiburitsa mumota tiri vatatu vakaenda naPaul nemota yacho. Takangomira ipapo takavhiringidzika. Takazongoona Paul achifamba ari mukati mevanhu achibuda ropa pahuma. Takafunga kuti ainge apfurwa asi takazoti dai apfurwa angadai asiri kugona kufamba! Ainge akuvadzwa nemumwe mupanduki paaimubvisa mumota. Ainge asina hake kunyanya kukuvara.

Kwaiva nemota yemasoja yainge yakazara vanhu vaitya. Saka takabatirira pamota yacho tiri kunze, mutyairi wacho akabva aivhetemesa tikaita setichadonha. Takashevedzera kuti amire asi naiyewo aitya kumira. Takaramba takabatirira tikazosvika tsinga dzazvimba mumaoko uye tichidedera.

Paul: Tainge tazara huruva, hembe dzedu dzabvaruka kumusana uye pataitarisana taishaya kuti tainge tapona sei. Pedyo nesu paiva nechikopokopo chainge chakarohwa nemabara akawanda uye chaiita sechichadimbuka nepakati. Ndicho chakazotiendesa kuSierra Leone mangwana acho. Saka takarara pedyo nacho. Taifara kuti taiva vapenyu, asi tainetseka chaizvo pataifunga nezvehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu.

KUSIMBISWA KUTI TIGONE KUTSUNGIRIRA MAMWE MATAMBUDZIKO

Anne: Takasvika zvakanaka kuBheteri riri muFreetown, Sierra Leone, uye hama dzaitipa zvataida pakurarama. Asi pfungwa dzangu dzaimbodzokera pane zvakaitika kumashure. Ndaiswera ndichitya uye ndakavhiringidzika. Kana hwava husiku ndaigona kungopepuka ndichibuda ziya, ndichidedera, ndichityira kuti panogona kungoitika zvimwe zvinhu zvakaipa. Ndaizarirwa. Paul aindibata obva anyengetera neni. Taiimba nziyo dzeUmambo kusvikira ndisisadederi. Ndaitofunga kuti ndava kupenga uye ndaisazokwanisa kushanda semumishinari.

Handimbofi ndakakanganwa zvakazoitika. Vhiki iroro takagamuchira magazini maviri. Yekutanga yaiva Awake! yaJune 8, 1996. Yaiva nenyaya ine musoro unoti “Coping With Panic Attacks.” Yakandibatsira kunzwisisa zvaiitika kwandiri. Yechipiri yaiva Nharireyomurindi yaMay 15, 1996, iyo yaiva nenyaya yaiva nemusoro unoti “Vanowana Kupi Simba Ravo?Nharireyomurindi yacho yaiva nepikicha yaiva nebhatafurai rine bapiro rakabvaruka. Nyaya yacho yakataura kuti sezvinongoita bhatafurai iro rinogona kungoramba richidya uye richibhururuka pasinei nekuti rakakuvara mapapiro, isuwo tichibatsirwa nemweya mutsvene, tinogona kuramba tichibatsira vamwe pasinei nekuti tiri kushungurudzika. Izvi zvaiva zvekudya zvinosimbisa pakunamata zvatainge tapiwa naJehovha panguva chaiyo. (Mat. 24:45) Chimwe chakandibatsira kutsvakurudza nyaya dzaitaura nezvedambudziko rangu ndobva ndadzichengeta. Nekufamba kwenguva, dambudziko rangu rekugara ndichitya rakazoderera.

JEHOVHA AKATISIMBISA KUTI TIITE BASA IDZVA

Paul: Taifara chaizvo pese pataikwanisa kudzokera kuLiberia. Gore ra2004 rava kunopera, tainge tava nemakore anoda kusvika 20 tichibatsira hama nehanzvadzi dzemuLiberia. Hondo yainge yapera. Pabazi paiva nebasa rekuvaka rainge rarongwa. Asi takabva takumbirwa kuti tiite rimwe basa idzva.

Zvakanga zvakatiomera kugamuchira basa racho. Taida chaizvo hama nehanzvadzi dzedu dzekuLiberia zvekuti zvainge zvakatiomera kuparadzana nadzo. Asi zvakatiitira nyore kubvuma basa iri, nekuti tainge taona kukomborerwa kwatainge taitwa naJehovha patakasiya vanhu vemumhuri dzedu tichienda kuGiriyedhi. Takanzi tinoshandira kuGhana iyo iri pedyo neLiberia.

Anne: Ndakachema chaizvo patakabva kuLiberia. Takashamiswa imwe hama yechikuru ine ruzivo inonzi Frank, payakatiudza kuti: “Munofanira kukanganwa nezvedu!” Yakabva yatsanangura chikonzero chacho ichiti: “Tinoziva kuti hamusi kuzotikanganwa, asi munofanira kuisa mwoyo wenyu wese pabasa renyu idzva. Ibasa rabva kuna Jehovha, saka munofanira kuisa pfungwa dzenyu pakubatsira hama nehanzvadzi dzenyu ikoko.” Zvakataurwa nehama iyi zvakatibatsira kuti tigadzirire kutsvaga shamwari itsva munyika yatainge tisingazive uye yaingova nevanhu vashoma vaitiziva.

Paul: Hazvina kutitorera nguva kuti titange kuda hama nehanzvadzi dzedu. Kwaiva neZvapupu zvakawanda chaizvo! Takadzidza zvakawanda pahama nehanzvadzi dzedu dzeikoko idzo dzaiva neushamwari hwakasimba naJehovha. Pashure pemakore 13 tichishumira tiri muGhana, takapiwa rimwe basa ratainge tisingatarisire. Takakumbirwa kuti tinoshanda pabazi rekuKenya. Kunyange zvazvo taisuwa shamwari dzekwatainge tabva, takava neushamwari hwakasimba nehama nehanzvadzi dzakatendeka dzemuKenya. Tichiri kushanda ndima yakakura iri kudiwa vaparidzi vakawanda chaizvo muKenya.

Ndiine shamwari itsva muKenya, muna 2023

ZVATAKADZIDZA MUBASA RENGUVA YAKAZARA

Anne: Ndakasangana nezvinhu zvinotyisa uye zvakaoma muupenyu hwangu. Zvinhu zvinoisa upenyu hwedu pangozi zvinogona kukanganisa utano hwedu, zvinoita kuti titye, uye tivhiringidzike. Hatingatarisire kuti Jehovha atinzvengese pazvinhu zvese izvozvo. Pandinonzwa kurira kwepfuti, mudumbu mangu munorira uye ndinoita chiveve mumaoko. Asi ndakadzidza kuvimba nerubatsiro rwatinopiwa naJehovha kuti atisimbise urwo runosanganisira kutsigirwa kwatinoitwa nehama nehanzvadzi dzedu. Uye ndakaona kuti kana tikagara tichiita zvinhu zvine chekuita nekunamata, Jehovha achatibatsira kuti tirambe tichiita basa raakatipa.

Paul: Dzimwe nguva vanhu vanotibvunza kuti, “Munoda basa renyu here?” Nyika dzinogona kunge dzakanaka, asi zvinhu zvinogona kungoipa dzobva dzatotanga kutyisa kugara. Saka chii chatinoda kupfuura nyika yatinenge tiri? Tinoda hama nehanzvadzi dzedu, mhuri yedu. Kunyange tichibva kwakasiyana-siyana, tine mafungiro mamwe chete. Taifunga kuti takatumwa kuti tinovakurudzira, asi chokwadi ndechekuti ndivo vari kutotikurudzira.

Kubatana kwakaita hama nehanzvadzi pasi rese, chishamiso chakaitwa naJehovha. Tiri mhuri imwe chete iri pasi rese. Kana tikangoramba tiri muungano yaJehovha, tinenge tisina chekutya uye takachengeteka. Tine chokwadi chekuti kana tikaramba tichivimba naJehovha, achatipa simba rekutsungirira pasinei nezvingaitika.—VaF. 4:13.

a Ona nyaya yeupenyu yaJohn Charuk, ine musoro unoti, “I Am Grateful to God and Christ,” iri muNharireyomurindi yeChirungu yaMarch 15, 1973.