Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

ZVAUNGAITA PAKUDZIDZA

Tsvaga Nzvimbo Yakanaka Yekudzidzira

Tsvaga Nzvimbo Yakanaka Yekudzidzira

Unoda kuti kudzidza kwaunoita kuwedzere kukubatsira here? Mazano anotevera anogona kukubatsira kuti ukwanise kuisa pfungwa pane zvaunenge uchidzidza:

  • Tsvaga nzvimbo yakanaka. Kana zvichiita, edza kutsvaga nzvimbo yakachena uye ine chiedza chakakwana. Unogona kushandisa tafura necheya kana kutsvagawo pamwe panogarika zvakanaka panze.

  • Tsvaga nzvimbo yekuti unenge uri wega. Jesu akasarudza kunyengetera “mangwanani-ngwanani” ari “kwake ega.” (Mako 1:35) Kana usingakwanisi kuwana nzvimbo yekuti unge uri wega, udza vemumhuri mako kana kuti vaunogara navo kuti unodzidza nguvai wovakumbira kuti vasakuvhiringidza.

  • Isa pfungwa pane zvaunenge uchidzidza. Usarega zvimwe zvinhu zvichikuvhiringidza. Kana uchishandisa foni yako, ita kuti isazokuvhiringa nezvinhu zvakadai semameseji nezvimwewo. Uye kana ukafunga nezvechimwe chinhu chaunoda kuita, chinyore pasi wozochiita pane imwe nguva. Kana wava kutadza kuisa pfungwa pane zvauri kudzidza, unogona kumbosimuka wombofamba-famba kana kumbotwasanudza muviri.