Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 44

RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha

Ungaitei Kana Usiri Kubatwa Zvakanaka?

Ungaitei Kana Usiri Kubatwa Zvakanaka?

“Usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”VaR. 12:21.

ZVATICHADZIDZA

Tichaona zvatingaita kuti tisazokonzera mamwe matambudziko patinenge tisiri kubatwa zvakanaka.

1-2. Nei zvisingatishamisi kana tikabatwa zvisina kunaka?

 JESU akataura mufananidzo wechirikadzi yakaramba ichikumbira mumwe mutongi kuti aitongere nyaya yayo zvakarurama. Zviri pachena kuti vadzidzi vaJesu vakawanda vakanzwisisa nyaya iyi nekuti mumazuva iwayo vanhu vakawanda vaisabatwa zvakanaka. (Ruka 18:​1-5) Nyaya iyi inotibatsirawo mazuva ano nekuti tese tine patinombobatwa zvisina kunaka.

2 Mazuva ano munyika vanhu vanosarurwa, vanoitirwa utsinye, uye vanodzvinyirirwa, saka hazvitishamisi kana tikasabatwa zvakanaka. (Mup. 5:8) Kunyange zvakadaro, hatingatarisiri kurwadziswa nehama kana hanzvadzi yedu, asi zvinhu zvakadaro zvinogona kuitika. Hazvirevi hazvo kuti hama nehanzvadzi dzedu dzinoda kutiitira zvakaipa sezvinoitwa nevanhu vanotipikisa. Dzingoriwo vanhu vane chivi. Tinogona kudzidza zvakawanda kubva pane zvakaitwa naJesu paaiitirwa zvakaipa nevanhu vaimupikisa. Kana tichikwanisa kuitira mwoyo murefu vanhu vanotipikisa avo vanotiitira zvakaipa, tinotofanira kuuratidza zvakanyanya kune vatinonamata navo. Jehovha anonzwa sei patinoitirwa zvakaipa nevanhu, vangava vari muungano kana kuti vasiri muungano? Ane basa nazvo here?

3. Tinoziva sei kuti Jehovha ane hanya nemabatirwo anoitwa vashumiri vake?

3 Jehovha ane hanya chaizvo nemabatirwo atinoitwa. “Jehovha anoda kutonga zvakarurama.” (Pis. 37:28) Jesu anotivimbisa kuti kana nguva yacho yakwana Jehovha ‘achaita kuti vanhu vatongerwe nyaya dzavo zvakarurama.’ (Ruka 18:​7, 8) Munguva pfupi iri kuuya, Jehovha achabvisa matambudziko edu ese uye achaita kuti pasazombova zvakare nemunhu anoitirwa zvakaipa.—Pis. 72:​1, 2.

4. Jehovha anotibatsira sei mazuva ano?

4 Patinenge takamirira kuti panyika pese pave nekururama, Jehovha anotibatsira kuti tizive zvatinofanira kuita patinobatwa zvisina kunaka. (2 Pet. 3:13) Anotidzidzisa kuti tisaita zvinhu zvatinozodemba kana tikaitirwa zvakaipa. Jehovha anoita kuti tiwanewo zvidzidzo kubva pane zvaiitwa naJesu paaibatwa zvisina kunaka. Anotipawo mazano atinowana muBhaibheri atinogona kushandisa patinoitirwa zvakaipa.

NGWARIRA ZVAUNOITA KANA UKASABATWA ZVAKANAKA

5. Nei tichifanira kungwarira zvatinoita kana tabatwa zvisina kunaka?

5 Tinogona kurwadziwa chaizvo uye kushungurudzika patinobatwa zvisina kunaka. (Mup. 7:7) Vashumiri vaJehovha vakatendeka vakadai saJobho naHabhakuki vakanzwawo saizvozvo. (Job. 6:​2, 3; Hab. 1:​1-3) Kunyange zvazvo tichiva nemanzwiro aya, tinofanira kungwarira pane zvatinoita kuitira kuti tisazoita zvinhu zvatinozodemba.

6. Zvakaitwa naAbsaromu zvinotidzidzisei? (Onawo mufananidzo.)

6 Kana mumwe munhu akatiitira zvakaipa tinogona kuda kutsiva. Asi kuita izvozvo kunogona kuita kuti zvinhu zvitowedzera kuipa. Funga zvakaitwa naAbsaromu mwanakomana waMambo Dhavhidhi. Absaromu akagumbuka chaizvo hanzvadzi yake Tamari payakabatwa chibharo nemukoma wake Amnoni. Maererano neMutemo waMozisi, Amnoni aifanira kuurayiwa nekuda kwezvaakanga aita. (Revh. 20:17) Kunyange zvazvo zvaiva nemusoro kuti Absaromu agumbuke, akanga asina kodzero yekuuraya Amnoni.—2 Sam. 13:​20-23, 28, 29.

Absaromu akatadza kudzora hasha dzake pakabatwa chibharo hanzvadzi yake Tamari (Ona ndima 6)


7. Kusabatwa zvakanaka kwaiitwa vanhu kwakamboita kuti mumwe munyori wepisarema anzwe sei?

7 Kana vaya vanoita zvakaipa vachiita sekuti havasi kurangwa, tinogona kutanga kufunga kuti hazvina zvazvinobatsira kuita zvakanaka. Mumwe munyori wepisarema aiona vanhu vakanaka vachiitirwa utsinye nevanhu vakaipa, asi vanhu vacho vakaipa vachiita sekuti vainakidzwa neupenyu. Akati: “Ava ndivo vakaipa, vasina kana zvinombovanetsa.” (Pis. 73:12) Airwadziwa chaizvo nekusabatwa zvakanaka kwaiitwa vanhu uye akatanga kufunga kuti kushumira Jehovha hakuna zvakunobatsira. Akati: “Pandakaedza kuzvinzwisisa, zvainditambudza.” (Pis. 73:​14, 16) Akatotaura kuti: “Asi ini, tsoka dzangu dzakanga dzava kuda kutsauka; tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza.” (Pis. 73:2) Zvinhu zvakada kudaro zvakaitikawo kune imwe hama yatichati Alberto.

8. Kusabatwa zvakanaka kwakakanganisa sei imwe hama?

8 Alberto akapomerwa kuti akaba mari yeungano asi iye asina. Izvi zvakaita kuti arasikirwe neropafadzo dzake uye asaremekedzwe nevanhu vakawanda muungano pavakaziva nezvenyaya yacho. Akati “Ndakarwadziwa, ndakagumbuka uye ndakaora mwoyo.” Akarega kurwadziwa ikoko kuchikanganisa ushamwari hwake naJehovha uye akabva arega kupinda misangano kwemakore 5. Zvakaitika kuna Alberto zvinoratidza zvinogona kuitika kana tikanyanya kugumbuka patinenge tisina kubatwa zvakanaka.

TEVEDZERA ZVAKAITWA NAJESU PAAIBATWA ZVISINA KUNAKA

9. Jesu akatsungirira zvinhu zvipi paaibatwa zvisina kunaka? (Onawo mufananidzo.)

9 Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wezvatingaita patinobatwa zvisina kunaka. Chimbofunga zvaakaitirwa nevanhu vemumhuri nevamwewo. Hama dzake dzaimupomera kuti ainge arasika pfungwa, vatungamiriri vechitendero vaimupomera kuti aishanda pamwe chete nemadhimoni, masoja eRoma akamutsvinyira achimurova uye akamuuraya. (Mako 3:​21, 22; 14:55; 15:​16-20, 35-37) Asi Jesu akatsungirira zvinhu zvese izvi asingatsivi. Tinodzidzei pane zvaakaita?

Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka wezvatinofanira kuita kana tisina kubatwa zvakanaka (Ona ndima 9-10)


10. Jesu aiita sei paaibatwa zvisina kunaka? (1 Petro 2:​21-23)

10 Verenga 1 Petro 2:​21-23. a Jesu akatisiyira muenzaniso wakanaka wekutevedzera patinenge tisina kubatwa zvakanaka. Aiziva nguva yekunyarara uye yekutaura. (Mat. 26:​62-64) Pane dzimwe nguva aisapindura paaipomerwa. (Mat. 11:19) Paaitaura, aisatuka vaya vaimutambudza kana kuvatyisidzira. Jesu aizvidzora nekuti ‘aizviisa mumaoko euya anotonga zvakarurama.’ Jesu aiziva kuti Jehovha aiona zvakaipa zvaaiitirwa. Aiziva kuti Jehovha aizogadzirisa zvinhu panguva yakakodzera.

11. Tingaratidza sei kuti tinozvidzora? (Onawo mifananidzo.)

11 Tinogona kutevedzera Jesu kana tikazvidzora patinoitirwa zvakaipa. Zvimwe zvacho tungori tunhu tudiki twatinogona kungosiyana natwo. Kana kuti tinogona kuramba takanyarara kuitira kuti tisazotaura mashoko anoita kuti zvinhu zviwedzere kushata. (Mup. 3:7; Jak. 1:​19, 20) Dzimwe nguva tinofanira kutaura kuti tibatsire munhu anenge asiri kubatwa zvakanaka kana kuti tinofanira kutaura kuti titsanangure zvatinotenda. (Mab. 6:​1, 2) Kana tasarudza kutaura tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tirambe takadzikama uye tichiratidza ruremekedzo.—1 Pet. 3:15. b

Patinobatwa zvisina kunaka, tinogona kutevedzera Jesu kuburikidza nekunyatsosarudza zvekutaura uye nguva yakakodzera yekuzvitaura (Ona ndima 11-12)


12. Tingaratidza sei kuti tinovimba ‘neuya anotonga zvakarurama’?

12 Tinogonawo kutevedzera Jesu kana tikavimba ‘neuya anotonga zvakarurama.’ Kana vamwe vakatadza kutinzwisisa kana kuti vakasatibata zvakanaka, tine chokwadi chekuti Jehovha anoziva zvinenge zvaitika. Kuziva izvozvo kunotibatsira kuti titsungirire nekuti tinoziva kuti Jehovha achagadzirisa zvinhu. Kusiyira nyaya yacho mumaoko aJehovha kunotibatsira kuti tisatsamwa kana kuchengeta chigumbu. Kuramba takagumbukira vamwe kunogona kuita kuti tizoita zvinhu zvakaipa, toshaiwa mufaro uye tokanganisa ushamwari hwedu naJehovha.—Pis. 37:8.

13. Chii chinogona kutibatsira kuti tirambe tichitsungirira patinenge tisina kubatwa zvakanaka?

13 Ichokwadi kuti hatigoni kunyatsotevera Jesu zvakakwana. Dzimwe nguva tinogona kuita chimwe chinhu kana kutaura zvinhu zvatinozodemba. (Jak. 3:2) Uye dzimwe nguva mabatirwo atinoitwa nevamwe anogona kuita kuti tirwadziwe uye tishungurudzike kweupenyu hwedu hwese munyika ino. Kana zviri izvo zvakaitika kwauri, iva nechokwadi chekuti Jehovha anoziva zvauri kusangana nazvo. Uye Jesu anoziva manzwiro auri kuita nekuti akaitirwawo zvakaipa. (VaH. 4:​15, 16) Jehovha akatipawo Shoko rake iro rine mazano anotibatsira kana tisina kubatwa zvakanaka. Ngatikurukurei mavhesi maviri ari mubhuku raVaRoma anogona kutibatsira.

‘SIYIRA MWARI KUTI ARATIDZE HASHA’

14. Zvinorevei ‘kusiyira Mwari kuti aratidze hasha’? (VaRoma 12:19)

14 Verenga VaRoma 12:19. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vasiyire Mwari kuti aratidze hasha. Tinosiyira Jehovha kuti aratidze hasha patinomurega achigadzirisa zvinhu panguva yake uye nenzira yake. Imwe hama inonzi John iyo isina kubatwa zvakanaka yakati: “Ndaifanira kurwisa kuti ndisaedza kugadzirisa nyaya yacho ndega. VaRoma 12:19 yakandibatsira kuti ndimirire Jehovha.”

15. Nei zvakanaka chaizvo kumirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu?

15 Tinobatsirwa patinomirira Jehovha kuti agadzirise zvinhu. Kana tikaita izvi hatizoori mwoyo kana kurwadziwa nezvinogona kuzoitika patinenge taedza kugadzirisa dambudziko racho tega. Jehovha anoda kutibatsira. Zvinoita sekuti ari kuti, ‘Ndisiyire nyaya yacho ndiigadzirise ndega.’ Kana tichibvuma zvakataurwa naJehovha kuti “ndichatsividza,” hatizorambi takagumbuka nekuti tinenge tichiziva kuti achagadzirisa nyaya yacho zvakanaka. Izvozvo ndizvo zvakabatsira John ambotaurwa. Akati, “Kana ndikamirira Jehovha kuti agadzirise matambudziko angu, zvaanoita zvinenge zvakanaka chaizvo kupfuura zvinoitika pandinoedza kugadzirisa dambudziko racho ndega.”

“RAMBA UCHIKUNDA ZVAKAIPA NEZVAKANAKA”

16-17. Munyengetero unotibatsira sei kuti ‘tirambe tichikunda zvakaipa nezvakanaka’? (VaRoma 12:21)

16 Verenga VaRoma 12:21. Pauro akakurudzirawo vaKristu kuti ‘varambe vachikunda zvakaipa nezvakanaka.’ Mumharidzo yake yepagomo, Jesu akati: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai.” (Mat. 5:44) Izvozvo ndizvo chaizvo zvaakaita. Zviri pachena kuti tinofunga nezvekurwadziwa kwakaita Jesu paairovererwa padanda nemasoja eRoma. Jesu akaitirwa utsinye hwakaipisisa uye akatsungirira marwadzo akanyanya. Hatigoni kunyatsorondedzera kutambura kwaakaita.

17 Jesu haana kukundwa nezvakaipa zvaakaitirwa. Pane kutuka masoja iwayo, akanyengetera achiti: “Baba, varegererei, nekuti havazivi zvavari kuita.” (Ruka 23:34) Patinonyengeterera vaya vanenge vasingatibati zvakanaka, zvinogona kuita kuti tisaramba takavagumbukira uye takavatsamwira. Uye tinogona kuzopedzisira tachinja maonero atinoita vaya vakatigumbura.

18. Kunyengetera kwakabatsira sei Alberto naJohn pashure pekunge vabatwa zvisina kunaka?

18 Kunyengetera kwakabatsira hama mbiri dzambotaurwa munyaya ino padzisina kubatwa zvakanaka. Alberto anoti: “Ndakanyengeterera hama idzodzo dzakandipomera. Ndakakumbira Jehovha kakawanda kuti andibatsire kuti ndisaramba ndichingozvifunga.” Chinofadza ndechekuti Alberto ava kushumirazve Jehovha akatendeka. John anoti: “Kakawanda, ndainyengeterera hama yakandirwadzisa. Minyengetero yakadaro yakandibatsira kuti ndisagumbukira hama iyi uye ndisaitonga. Uye yakandibatsirawo kuti ndisaramba ndichinetseka.”

19. Zvii zvatinofanira kuramba tichiita, sezvo tichiri munyika ino yakaipa? (1 Petro 3:​8, 9)

19 Sezvo tichiri munyika ino yakaipa, tinogona kubatwa zvisina kunaka. Asi pasinei nezvinenge zvaitika kwatiri, ngatisamborega kunyengetera kuna Jehovha kuti atibatsire. Uyewo ngatirambei tichitevedzera zvaiitwa naJesu paaibatwa zvisina kunaka, toramba tichishandisa mazano ari muBhaibheri. Kana tikadaro, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achatikomborera.—Verenga 1 Petro 3:​8, 9.

RWIYO 38 Achakusimbisa

a Muchitsauko 2 ne3 cha1 Petro, Petro anotaura nezvemamiriro ezvinhu ayo vaKristu vepanguva iyoyo vaisabatwa zvakanaka navanatenzi vavo vaivaitira utsinye kana kuti nevarume vasingatendi.—1 Pet. 2:​18-20; 3:​1-6, 8, 9.

b Ona vhidhiyo iri pajw.org inonzi Rudo Runoita Kuti Tive Nerugare Rwechokwadi.