Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

1918—Makore Zana Apfuura

1918—Makore Zana Apfuura

Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1918, yakatanga nemashoko ekuti: “Chii chichaitika mugore ra1918?” Hondo Yenyika I yakanga ichiri kuitika muEurope, asi zvaiitika gore iroro richangotanga zvaiita sekuti pane zvakanaka zvaizoitika kuVadzidzi veBhaibheri uye kuvanhu vese.

NYIKA INOTAURA NEZVERUGARE

Musi wa8 January 1918, Purezidhendi Woodrow Wilson, paaitaura neU.S. Congress, akataura mazano 14 aaifunga kuti aizoita kuti nyika dzese “dzive nerugare.” Akakurudzira kuti nyika dzitaurirane pasina kurwisana, dzideredze uwandu hwezvombo, uye kuti nyika dzive nemubatanidzwa unobatsira “nyika huru nediki.” Mazano ake 14 akazoshandiswa pakuumba Sangano Renyika Dzakabatana (League of Nations) uye pakuita chibvumirano chainzi Treaty of Versailles, zvichibva zvagumisa Hondo yeNyika I.

VAVENGI VANOKUNDWA

Pasinei nematambudziko egore rainge rapfuura, * zvaiita sekuti Vadzidzi veBhaibheri vaizovawo nerugare, sezvairatidzwa nezvakaitika pamusangano webhizinesi weWatch Tower Bible and Tract Society.

Pamusangano uyu wakaitwa musi wa5 January 1918, hama dzakakurumbira dzakati kuti dzainge dzabviswa paBheteri dzakaedza kuita kuti sangano rive mumaoko adzo. Richard H. Barber, mutariri anofambira ainge akatendeka, akavhura musangano wacho nemunyengetero. Pashure pekuverengwa kwemushumo webasa wegore rainge rapfuura, pakaitwa sarudzo dzevatungamiriri. Hama Barber vakadoma Joseph Rutherford nedzimwe hama 6. Gweta raitsigira vaipikisa rakadoma mazita evamwe varume vanomwe, vaisanganisira vakanga vabviswa paBheteri. Varume ava vakakundwa. Vakawanda vakasarudza Hama Rutherford nedzimwe hama 6 dzainge dzakatendeka kuti vave vatungamiriri.

Hama dzakawanda dzaivapo pamusangano uyu dzakati “hatisati tambopinda gungano rakakomborerwa seiri.” Asi mufaro wadzo waiva wenguva pfupi.

ZVAKAITIKA PAKABUDA BHUKU RINONZI THE FINISHED MYSTERY

Kwemwedzi yakati kuti Vadzidzi veBhaibheri vaiparadzira bhuku rainzi The Finished Mystery. Vaverengi vakatendeseka vakafarira chokwadi cheBhaibheri chaiva mubhuku racho.

E. F. Crist, mutariri anofambira wekuCanada, akataura nezvemurume nemudzimai vakanga vaverenga The Finished Mystery ndokugamuchira chokwadi mumavhiki mashanu chete. Akati: “Vese murume nemudzimai vakazvipira zvizere uye vari kufambira mberi chaizvo.”

Mumwe murume akawana bhuku racho akabva audzawo shamwari dzake zvaakaverenga. Akabayiwa mwoyo nemashoko aro. Akati: “Ndaidzika nemugwagwa unonzi Third Avenue [uye] ndakatemwa pabendekete nechinhu chaiita sechidhinha, asi raiva bhuku ‘raThe Finished Mystery.’ Ndakaenda naro kumba ndokuriverenga rese. . . . Ndakazoziva kuti mumwe mufundisi . . . ndiye akakanda bhuku racho nepahwindo nekuti akanga agumbuka . . . Ndine kutenda kwakasimba kuti zvaakaita zvakatendeutsa vanhu vakawanda kuti vave netariro mhenyu kupfuura vaakatendeutsa nechero chii zvacho chaakaita muupenyu hwake. . . . Nekuda kwehasha dzemufundisi iyeye tava kurumbidza Mwari.”

Pane vamwe vakagumbukawo sezvakaita mufundisi iyeye. Hurumende yeCanada yakabhana bhuku racho musi wa12 February, 1918, ichiti raiva nemashoko anokurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende uye ekushora zvehondo. Pasina nguva, hurumende yeUnited States yakaribhanawo. Vanhu vehurumende vakasecha musha weBheteri uye mumahofisi aiva muNew York, muPennsylvania, nemuCalifornia, vachitsvaga mhosva yekupomera hama dzaitungamirira sangano. Musi wa14 March, 1918, U.S. Department of Justice yakabhana bhuku raThe Finished Mystery, ichiti raiita kuti vanhu vasava nechido chekuenda kuhondo, izvo zvaipesana neEspionage Act, mutemo unorambidza kutaura zvakaipa nezvehurumende.

KUISWA MUJERI

Musi wa7 May 1918, Department of Justice yakawana mvumo yekusunga Giovanni DeCecca, George Fisher, Alexander Macmillan, Robert Martin, Frederick Robison, Joseph Rutherford, William Van Amburgh, naClayton Woodworth. Vaipomerwa kuti “vaikonzera kuti vanhu vasazviisa pasi pehurumende, vasava vakavimbika uye varambe kuva masoja eUnited States.” Nyaya yavo yakapinda mudare musi wa3 June 1918, uye zvaitarisirwa kuti vaizotongerwa kugara mujeri. Nei zvaitarisirwa?

Gweta guru reUnited States rakati mutemo weEspionage Act wavainzi vaityora, “waibatsira zvikuru pakurwisa nhema” dzinotaurwa nezvehurumende. Musi wa16 May 1918, Congress yakaramba kugadziriswa kwemutemo wacho uko kwaizodzivirira vaya vainge vabudisa “chokwadi vaine chinangwa chakanaka.” Bhuku raThe Finished Mystery rakataurwa nezvaro chaizvo neU.S. Congress. Yakataura nezvebhuku racho ichiti: “Dzimwe nhema dzakaipisisa chaizvo dziri mubhuku rinonzi ‘The Finished Mystery’ . . . Rinoita kuti masoja asakoshesa chinangwa chedu uye rinokurudzira . . . vanhu kuti varambe kupinda muchiuto.”

Musi wa20 June 1918, vaiongorora nyaya iyi vakati hama 8 idzi dzaiva nemhosva. Zuva rakatevera racho mutongi akapa mutongo wake. Akati: “Mashoko anotaurwa uye kuparadzirwa nevanhu ava . . . ane ngozi zvikuru kupfuura boka remasoja eGermany. . . . Chirango chavo chinofanira kuva chakaoma zvikuru.” Papera vhiki mbiri, hama idzi 8 dzakaiswa mujeri muAtlanta, Georgia, uye dzainge dzatongerwa makore akasiyana-siyana aibva pa10 kusvika ku20.

BASA REKUPARIDZA RINOENDERERA MBERI

Panguva iyi, Vadzidzi veBhaibheri vaipikiswa zvikuru. Federal Bureau of Investigation (FBI) yainyatsovaongorora ichinyora pasi zvese zvavaiita. Zvayakanyora zvinoratidza kuti hama dzedu dzainge dzakatsunga kuramba dzichiparidza.

Mutsamba yaakanyorera FBI, mukuru anoona nezvekufambiswa kwematsamba muOrlando, Florida, akati: “[Vadzidzi veBhaibheri] vari kuparidza paimba neimba mutaundi rino uye vari kunyanya kuzviita usiku. . . Vari kutoenderera mberi nebasa ravo rinosvota vanhu.”

Mumwe mukuru mukuru weWar Department akanyorera veFBI kuti vataure zvaiitwa naFrederick W. Franz, uyo akazova muDare Rinotungamirira. Mukuru mukuru wacho akanyora kuti: “F. W. Franz . . . ari kutengesa zviuru zvemabhuku anonzi ‘Finished Mystery’.”

Charles Fekel, uyo akazovawo muDare Rinotungamirira, akatambudzwa chaizvo. Akasungirwa kuti aiparadzira bhuku raThe Finished Mystery uye mapurisa akatanga kuongorora tsamba dzake. Akaiswa mujeri muBaltimore, Maryland, kwemwedzi mumwe chete, achinzi “imhandu yekuAustria.” Paaipa uchapupu neushingi kune vaimubvunzurudza, akayeuka mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 9:16, ayo anoti: “Ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!” *

Vadzidzi veBhaibheri vakaramba vachishingaira pakuparidza uye vakaitawo kuti vanhu vasaine chikumbiro chekuti hama dzaiva mujeri muAtlanta dzibudiswe. Anna K. Gardner akati: “Nguva dzese tine zvataita. Hama padzaiva mujeri, basa redu rakanga rava rekutsvaga vanhu vanosaina. Taifamba paimba neimba. Zviuru zvevanhu zvakasaina. Taiudza vanhu vataitaura navo kuti varume ava vaiva vaKristu vechokwadi uye kuti vakanga vasungwa vasina mhosva.”

MAGUNGANO

Panguva iyi yainge yakaoma, paiitwa magungano kuti hama dzisimbiswe pakunamata. Nharireyomurindi yakati: “Magungano anopfuura 40 . . . akaitwa gore iroro . . . Mashoko anofadza akagamuchirwa kubva kumagungano ese iwayo. Magungano aingoitwa mumwedzi mishoma pagore, asi iye zvino ava kuitwa mwedzi wega wega.”

Vanhu vaida chokwadi vaigamuchira mashoko akanaka. Rimwe gungano rakaitirwa muCleveland, Ohio, rakapindwa nevanhu vanenge 1 200 uye 42 vakabhabhatidzwa, kusanganisira mukomana wechidiki uyo “aikoshesa Mwari uye ainge akazvipira zvekuti vakawanda vainge vakura vaigona kunyara nazvo.”

CHII CHAKAZOITIKA?

Gore ra1918 rava kuda kupera, Vadzidzi veBhaibheri vaisaziva kuti chii chaizoitika mune ramangwana. Zvimwe zvivako zvaiva muBrooklyn zvakatengeswa uye mahofisi makuru akanga ava kuPittsburgh, Pennsylvania. Hama dzaitungamirira padzaiva mujeri, mumwe musangano wepagore wevaiva nemasheya musangano wakarongwa kuti uitwe musi wa4 January, 1919. Chii chaizoitika?

Hama dzedu dzakaramba dzichiita basa radzo. Vaiva nechivimbo chekuti zvavakasarudza zvaizobudirira sezvaitaurwa nerugwaro rwegore rwa1919, rwaiti: “Hapana chombo chichagadzirirwa kukurwisa chichabudirira.” (Isa. 54:17, King James Version) Vakanga vagadzirira kuchinja kwezvinhu kwaizongoerekana kwaitika, uko kwaizosimbisa kutenda kwavo uye kwaizovasimbisa kuti vaite basa guru raiva mberi.

^ ndima 6 Ona nyaya inoti “Makore Zana Apfuura—1917” muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2017, peji 172-176.

^ ndima 22 Ona nyaya yeupenyu yaCharles Fekel, inoti “Mufaro Wekutsungirira Mubasa Rakanaka,” iri muNharireyomurindi yeChirungu yaMarch 1, 1969.