Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidzisa Chokwadi

Kudzidzisa Chokwadi

“Haiwa Jehovha, . . . zviri mushoko renyu ichokwadi.”—PIS. 119:159, 160.

NZIYO: 29, 53

1, 2. (a) Ibasa ripi rainyanya kukosheswa naJesu muupenyu hwake uye nei airikoshesa? (b) Tinofanira kuitei kuti tibudirire ‘sevashandi pamwe chete naMwari’?

JESU KRISTU aiva muvezi uye mushumiri. (Mako 6:3; VaR. 15:8) Ainyatsogona mabasa acho ese. Semuvezi, akadzidza kushandisa maturusi ebasa racho kuti agadzire zvinhu zvakasiyana-siyana kubva pamatanda. Semudzidzisi wemashoko akanaka, akashandisa kuziva kwaaiita Magwaro zvakadzama kuti abatsire vanhuwo zvavo kuti vanzwisise chokwadi cheShoko raMwari. (Mat. 7:28; Ruka 24:32, 45) Paaiva nemakore 30, Jesu akasiya basa rekuveza nekuti aiziva kuti kuva mushumiri ndiko kwainyanya kukosha. Akati chimwe chikonzero chakaita kuti Mwari amutume panyika chaiva chekuti azivise mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mat. 20:28; Ruka 3:23; 4:43) Jesu aikoshesa ushumiri kupfuura zvimwe zvese uye aida kuti vamwe vabatane naye pakuita basa iroro.—Mat. 9:35-38.

2 Tingasava hedu vavezi, asi tiri vashumiri vemashoko akanaka. Basa iroro rinokosha zvekuti patinoriita tinenge “tiri vashandi pamwe chete naMwari.” (1 VaK. 3:9; 2 VaK. 6:4) Tinobvuma kuti “zviri mushoko [raJehovha] ichokwadi.” (Pis. 119:159, 160) Ndosaka tichida kuva nechokwadi chekuti tiri ‘kubata shoko rechokwadi zvakarurama’ muushumiri hwedu. (Verenga 2 Timoti 2:15.) Saka tinoramba tichivandudza unyanzvi hwedu hwekushandisa Bhaibheri, turusi guru ratinoshandisa pakudzidzisa chokwadi nezvaJehovha, Jesu uye Umambo. Kuti tibudirire muushumiri hwedu, sangano raJehovha rakatipa mamwe maturusi anobatsira atinofanira kujairana nawo. Maturusi aya ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa.

3. Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa munguva yatasarirwa nayo yekuita ushumiri, uye Mabasa 13:48 inotibatsira sei kuti tiite izvozvo?

3 Unganetseka kuti nei richinzi Bhokisi reMaturusi Ekudzidzisa kwete Bhokisi reMaturusi Ekuparidza. “Kuparidza” kunoreva kuzivisa mashoko asi “kudzidzisa” kunoreva kuita kuti mashoko acho apinde mupfungwa nemumwoyo memunhu kuitira kuti aite zvaanenge adzidza. Munguva yatasarirwa nayo yekuita ushumiri hwedu, tinofanira kunyanya kukoshesa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri uye kudzidzisa vanhu chokwadi. Izvozvo zvinoreva kutsvaga vese ‘vane mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi’ tovabatsira kuti vave vatendi.—Verenga Mabasa 13:44-48.

4. Tingawana sei vaya ‘vane mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi’?

4 Tingaziva sei vaya ‘vane mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi’? Sezvaiitika panguva yevaKristu vekutanga, vanhu ivavo tinongovawana chete patinoita ushumiri. Saka tinofanira kuita sezvakarayirwa naJesu paakati: “Muguta rose kana musha wamunopinda, tsvakai mariri munhu akakodzera.” (Mat. 10:11) Hatitarisiri vanhu vanonyengera, vanozvikudza, kana vaya vasingadi zvekunamata kuti vangateerera mashoko akanaka. Tiri kutsvaga vanhu vakavimbika, vanozvininipisa uye vane nzara yekuda chokwadi. Tinogona kufananidza kutsvaga uku nezvingangodaro zvaiitwa naJesu semuvezi pakutsvaga miti yakakodzera yekugadzirisa midziyo, madhoo, majoko kana zvimwewo zvinhu. Paaingowana muti wakakodzera, aigona kutora bhokisi rake rematurusi, oshandisa unyanzvi hwake kugadzira chinhu chacho. Ndizvo zvatinofanira kuita patinoedza kuita kuti vanhu vanoda chokwadi vave vadzidzi.—Mat. 28:19, 20.

5. Tinofanira kuzivei nezvematurusi ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa? Taura muenzaniso. (Ona mifananidzo iri panotangira nyaya ino.)

5 Turusi rimwe nerimwe rinenge riri mubhokisi rematurusi rine zvarinoshanda. Semuenzaniso, funga nezvematurusi aishandiswa naJesu pakuveza. * Aida maturusi ekuyeresa urefu hwemapuranga, kuacheka, kuaboora nekuaveza uye mamwe maturusi aiashandisa pakuenzanisa uye kubatanidza mapuranga. Saizvozvowo, turusi rimwe nerimwe riri muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa rine zvarinoshanda. Saka ngationei kuti tingashandisa sei maturusi anokosha atakapiwa ari mubhokisi redu rematurusi.

MATURISI EKUITA KUTI VANHU VATIZIVE

6, 7. (a) Wakashandisawo sei makadhi eJW.ORG? (b) Mapepa ekukoka vanhu kumisangano ane zvinangwa zvipi zviviri?

6 Makadhi eJW.ORG. Aya maturusi madiki atinogona kushandisa pakuita kuti vanhu vatizive uye kuti vaende panzvimbo yedu yepaIndaneti pavanogona kudzidza nezvedu uye kutokumbira kudzidza Bhaibheri. Kusvika panguva ino pane vanhu vanopfuura 400 000 vakashandisa jw.org kuti vakumbire kudzidza Bhaibheri, uye zuva rega rega pane mazana evanhu vanokumbira kudzidza. Unogona kugara uine makadhi mashoma aunogona kuzoshandisa panomuka mukana wekuparidza paunenge uchiita mamwe mabasa ako.

7 Mapepa ekukoka vanhu. Pepa ratinoshandisa pakukoka vanhu kumisangano yedu rine zvinangwa zviviri. Rinoti: “Unokumbirwa kuti udzidze Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.” Rinobva rati unogona kuita izvi “pamisangano yedu” “kana kuti uchibatsirwa nemumwe munhu.” Saka turusi iri rinoita kuti vanhu vatizive uye rinokoka vaya “vanoziva zvinodiwa zvavo [zvemweya]” kuti vadzidze Bhaibheri nesu. (Mat. 5:3) Asi vanhu vanogona kupinda misangano yedu pasinei nekuti vanoda kudzidza Bhaibheri here kana kuti kwete. Kana vakauya kumisangano yedu vachaona kuti vanogona kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri.

8. Nei zvichikosha kuti vanhu vauye kumisangano yedu kunyange kamwe chete? Taura muenzaniso.

8 Zvinokosha kuti tirambe tichikoka vanhu kuti vapinde misangano yedu kunyange kamwe chete. Nei zvichikosha? Vachaona kuti takasiyana zvikuru nezvitendero zvenhema nekuti tinodzidzisa chokwadi chinobva muBhaibheri uye tinobatsira vanhu kuti vazive Mwari. (Isa. 65:13) Izvi ndizvo zvakaonekwa makore apfuura naRay naLinda, murume nemudzimai vekuUnited States. Vakasarudza kutanga kuenda kuchechi. Vaitenda kuti Mwari ariko uye vaida kumuziva zviri nani, saka vakaenda pese paiva nechechi mutaundi ravaigara. Maiva nemachechi akawanda. Kubva pavakatanga, vaiva nezvinhu zviviri zvavaitarisira. Chekutanga, vaifanira kudzidza chimwe chinhu muchechi yacho, uye chechipiri vanhu vechechi yacho vaifanira kuoneka kuti vashumiri vaMwari. Zvakavatorera makore akawanda kuti vapedze kupinda machechi ese emutaundi racho, asi vakaodzwa mwoyo. Hapana chavakanga vadzidza uye vanhu vemumachechi acho vaipfeka zvisina mutsigo. Pavakabuda muchechi yekupedzisira, Linda akaenda kubasa kwake uye Ray akananga kumba. Ari munzira, Ray akaona Imba yeUmambo uye akafunga kuti ambopindamo kuti aone kuti maiitwa nezvei. Asi zvaakaona ipapo ainge asati ambosangana nazvo. Munhu wese aiva paImba yeUmambo aiva neushamwari uye ainge akapfeka zvakakodzera. Ray akagara kumberi uye akafarira zvaakadzidza. Izvi zvinotiyeuchidza zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvemunhu anenge auya kumisangano yedu kekutanga obva ati: “Chokwadi Mwari ari pakati penyu.” (1 VaK. 14:23-25) Kubva ipapo Ray akatanga kupinda musangano musi weSvondo wega wega, uye akazotanga kupinda musangano wega wega wepakati pevhiki. Linda akatangawo kupinda misangano uye kunyange zvazvo vainge vava nemakore ekuma70, vakabvuma kudzidza Bhaibheri ndokubhabhatidzwa.

MATURUSI EKUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

9, 10. (a) Nei maturakiti ari nyore kushandisa? (b) Tsanangura kuti ungashandisa sei turakiti rinonzi Chii chinonzi Umambo hwaMwari?

9 Maturakiti. Tine maturakiti 8 ari nyore kushandisa ayo anobatsira chaizvo pakutanga kukurukura nevanhu. Kubva pakatanga kubuda maturakiti aya muna 2013, pakaprindwa anenge mabhiriyoni 5. Chakanakira maturusi aya ndechekuti ukadzidza kushandisa rimwe chete unenge wava kutogona kushandisa ese nekuti akafanana. Ungashandisa sei turakiti kuti utange kukurukura nemunhu?

10 Unogona kusarudza kushandisa turakiti rine musoro unoti Chii Chinonzi Umambo hwaMwari? Ratidza munhu wacho mubvunzo uri pekutanga womubvunza kuti: “Makambozvibvunzawo here kuti Umambo hwaMwari chii? Mungati here . . . ?” Ibva wabvunza kuti pamhinduro nhatu dziripo ndeipi yaanosarudza. Usingatauri kuti mhinduro yake ndiyo here kana kuti kwete, vhura mukati pakanzi “Bhaibheri Rinombotii” woverenga Dhanieri 2:44 naIsaya 9:6. Kana zvichiita endererai mberi nekukurukura. Pedzisa nekumuratidza mubvunzo wekuzokurukura nezvawo uri kuseri, pasi pemusoro unoti “Zvokufunga Nezvazvo.” Mubvunzo wacho unoti: “Upenyu huchange hwakaita sei Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga?” Izvozvo zvichaita kuti muve nepekutangira pauchakurukurazve nemunhu wacho. Pamunoonana zvakare, unogona kumuratidza chidzidzo 7 chebhurocha rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Iri rimwe rematurusi edu ekutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

MATURUSI ANOITA KUTI VANHU VAFARIRE

11. Magazini edu anonyorwa nechinangwa chei, asi tinofanira kuzivei nezvawo?

11 Magazini. Nharireyomurindi neMukai! ndiwo magazini anobudiswa uye anoshandurirwa mumitauro yakawanda kupfuura mamwe ese panyika. Sezvo achiverengwa nevanhu vanobva munyika dzakasiyana-siyana, nyaya dzinenge dziri pakavha dzakanyorwa nenzira inoita kuti dzifarirwe nevanhu kwese kwese. Tinofanira kushandisa magazini aya kuti tibatsire vanhu kuti vaise pfungwa pazvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu. Kuti tipe magazini aya kuvanhu vakakodzera, tinofanira kutanga taziva kuti magazini imwe neimwe yakanyorerwa vanhu vakaita sei.

12. (a) Mukai! inonyorerwa vanhu vakaita sei uye nechinangwa chei? (b) Munguva pfupi yadarika wakabudirira zvakadini pakushandisa turusi iri?

12 Mukai! inonyorerwa vanhu vanoziva zvishoma kana kuti vasina zvavanotomboziva nezveBhaibheri. Vanogona kunge vasingazivi nezvedzidziso dzechiKristu, vasingavimbi nechitendero, kana kuti vasingazivi kuti Bhaibheri rinogona kuvabatsira muupenyu hwavo. Chinangwa chikuru cheMukai! ndechekuita kuti muverengi abvume kuti Mwari ariko. (VaR. 1:20; VaH. 11:6) Inobatsirawo muverengi kuti atende kuti zvechokwadi Bhaibheri ‘ishoko raMwari.’ (1 VaT. 2:13) Nyaya nhatu dzepakavha dza2018 dzinoti: “Nzira Yekuwana Mufaro,” “Zvinhu 12 Zviri Kubatsira Mhuri Kuti Dzifare,” uye “Mazano Ekubatsira Vakafirwa.

13. (a) Nharireyomurindi yeveruzhinji inonyorerwa vanaani? (b) Munguva pfupi yadarika wakabudirira zvakadini pakushandisa turusi iri?

13 Nharireyomurindi, yeveruzhinji, inobatsira vanhu vanoremekedza Mwari uye Shoko rake kuti vanzwisise zvinodzidziswa neBhaibheri. Kunyange zvazvo vachiziva zvishoma nezveBhaibheri, havana zivo yakarurama yezvarinodzidzisa. (VaR. 10:2; 1 Tim. 2:3, 4) Nyaya nhatu dzepakavha dza2018 dzinopindura mibvunzo inoti: “Bhaibheri Richiri Kushanda Here?,” “Ramangwana Rakamira Sei?,” uye “Mwari Anokuda Here?

MATURUSI ANOKURUDZIRA

14. (a) Chinangwa chemavhidhiyo mana ari muBhokisi reMaturusi Ekudzidzisa ndechipi? (b) Wakabudirira zvakadini pakuratidza vanhu mavhidhiyo aya?

14 Mavhidhiyo. Panguva yaJesu kwakanga kusina maturusi emagetsi, asi mazuva ano kwava kushandiswa maturusi emagetsi pakucheka, pakuboora, pakukwesha, pakurovera zvipikiri, nezvimwewo. Iye zvino tavawo nemavhidhiyo akanaka ekuratidza vanhu. Mubhokisi redu rematurusi mune mavhidhiyo mana anoti: Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?, Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei?, Chii Chinoitwa paImba yoUmambo?, Zvapupu zvaJehovha—Tiri Vanhu Vakaita Sei? Mavhidhiyo asingasviki maminitsi maviri anonyatsoshanda patinoona munhu kekutanga. Akati rebei anogona kushandiswa patinodzokera uye patinoona vanhu vanenge vaine nguva yakati wandei. Maturusi aya anogona kukurudzira vanhu kuti vadzidze Bhaibheri uye vapinde misangano yedu.

15. Taura mienzaniso inoratidza kubatsira kwazvinoita kuti munhu aone imwe yemavhidhiyo edu mumutauro wake.

15 Semuenzaniso, imwe hanzvadzi yakaona mumwe mukadzi akanga abva kuMicronesia. Yapese ndiyo yaiva rurimi rwaamai vake. Hanzvadzi yedu yakaratidza mukadzi wacho vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? mumutauro wake. Paakatanga kuona vhidhiyo yacho, mukadzi wacho akati: “Uyu mutauro wangu. Ndiri kuita sendiri kurota. Ndiri kunzwa nematauriro ari kuita murume uyu kuti ndewekuchitsuwa chandinobva. Anotaura mutauro wangu!” Apedza kuiona, mukadzi wacho akati aizoverenga zvese zviri pajw.org uye kuona mavhidhiyo aripo mumutauro wake. (Enzanisa naMabasa 2:8, 11.) Ona mumwe muenzaniso. Imwe hanzvadzi yekuUnited States yakatumira muzukuru wayo ari mhiri kwemakungwa link yevhidhiyo iyoyo mumutauro wake. Muzukuru wacho akaiona ndokunyorera hanzvadzi yedu achiti: “Chikamu chinotaura nezvesimba rakaipa rinotonga nyika ndicho chakanyanya kuita kuti ndide kuziva zvakawanda. Ndakakumbira kudzidza Bhaibheri.” Muzukuru wacho anogara munyika yatisingabvumirwi kuita zvimwe zvinhu pabasa redu.

MATURUSI EKUDZIDZISA CHOKWADI

16. Tsanangura chinangwa chebhurocha rimwe nerimwe: (a) Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. (b) Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! (c) Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?

16 Mabhurocha. Ungadzidzisa sei chokwadi munhu asingakwanisi kunyatsoverenga kana kuti pasina mabhuku anotsanangura Bhaibheri mumutauro wake? Tine turusi rakagadzirirwa izvozvo. Ibhurocha rinonzi Teerera Mwari Urarame Nokusingaperi. * Bhurocha rinonzi Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! iturusi rakanaka chaizvo pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Unogona kuratidza munhu misoro 14 iri kuseri kwaro woita kuti akuudze waanenge anyanya kufarira. Ibva watanga kudzidza naye musoro iwoyo. Wakambozviedza here pawakadzokera kunoona vanhu vanofarira? Bhurocha rechitatu riri mubhokisi redu rematurusi rinonzi Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano? Rakanyorerwa kuti ribatsire vadzidzi kuti vazive nezvesangano redu. Kuti uzive kuti rinoshandiswa sei paChidzidzo cheBhaibheri ona Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa, March 2017.

17. (a) Chinangwa chebhuku rimwe nerimwe ratinoshandisa pakudzidzisa Bhaibheri ndechipi? (b) Vese vanenge vafambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa vanofanira kuitei, uye nei vachifanira kudaro?

17 Mabhuku. Kana watanga chidzidzo uchishandisa bhurocha, munogona kuzoenda mubhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? chero paunoona zvava kuita. Turusi iri richaita kuti mudzidzi awedzere kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri. Kana mapedza bhuku iri uye mudzidzi achifambira mberi pakunamata, dzidza naye bhuku rinonzi Rambai Muri Murudo rwaMwari. Turusi iri richadzidzisa mudzidzi kuti ashandise mazano eBhaibheri muupenyu hwake. Yeuka kuti kunyange vabhabhatidzwa, vatsva vanofanira kuramba vachidzidza kusvikira vapedza mabhuku aya ari maviri. Izvi zvichavabatsira kuti vanyatsodzika midzi muchokwadi.—Verenga VaKorose 2:6, 7.

18. (a) Pana 1 Timoti 4:16, tinokurudzirwa kuitei sevanhu vanodzidzisa chokwadi, uye zvinoguma nei? (b) Patinoshandisa Bhokisi reMaturusi Ekudzidzisa, chinangwa chedu chinofanira kuva chei?

18 SeZvapupu zvaJehovha, takapiwa ‘chokwadi chemashoko akanaka’ icho chinogona kuita kuti vanhu vawane upenyu husingaperi. (VaK. 1:5; verenga 1 Timoti 4:16.) Ndosaka takapiwa Bhokisi reMaturusi Ekudzidzisa rine zvese zvatinoda. (Ona “ Bhokisi reMaturusi Ekudzidzisa.”) Ngatiitei zvese zvatinogona kuti tive neunyanzvi hwekushandisa maturusi aya. Muparidzi mumwe nemumwe anogona kusarudza kuti oratidza munhu anofarira bhuku ripi riri mubhokisi rematurusi uye kuti ozviita riini. Asi chinangwa chedu hachisi chekungopa vanhu mabhuku, uye hatifaniri kuasiyira vanhu vasingafariri zvatinoparidza. Chinangwa chedu ndechekudzidzisa vanhu vanozvininipisa uye vane nzara yezvekunamata, kureva vanhu ‘vane mafungiro akanaka ekuti vave neupenyu husingaperi.’—Mab. 13:48; Mat. 28:19, 20.

^ ndima 5 Ona nyaya inoti “Muvezi” uye bhokisi rakanzi “Bhokisi Rematurusi Aishandiswa Nomuvezi” muNharireyomurindi yaAugust 1, 2010.

^ ndima 16 Kana munhu wacho asingagoni kuverenga, unogona kuita kuti atarise mubhurocha rinonzi Teerera Mwari, iro rine mashoko mashoma.