Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutaura Chokwadi

Kutaura Chokwadi

“Tauriranai chokwadi.”—ZEK. 8:16.

NZIYO: 56, 124

1, 2. Chii chakashandiswa naDhiyabhorosi chakakanganisa vanhu zvakanyanya?

ZVINHU zvakagadzirwa nevanhu zvakadai semafoni, motokari, uye mafiriji zvakavandudza upenyu hwezuva nezuva. Zvimwe zvinhu zvakadai sepfuti, zvimbambaira, uye mabhomba enyukireya zviri kuita kuti upenyu hwevanhu huve pangozi. Asi pane chimwe chinhu chakatangira zvese izvi chiri kukanganisa vanhu chaizvo. Chii ichocho? Inhema! Nhema kutaura chinhu chaunotoziva kuti hachisi chechokwadi kuitira kuti unyengedze mumwe munhu. Asi ndiani akataura nhema dzekutanga? Jesu Kristu akati “Dhiyabhorosi” ‘ndibaba venhema.’ (Verenga Johani 8:44.) Akataura nhema dzekutanga riini?

2 Izvi zvakaitika makore akawanda akapfuura mumunda weEdheni. Murume nemukadzi vekutanga, Adhamu naEvha, vainakidzwa neupenyu muParadhiso yavakanga vagadzirirwa neMusiki wavo. Dhiyabhorosi akabva atanga kukanganisa zvinhu. Aiziva kuti Mwari akanga avarayira kuti vasadya “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa” uye kuti vaizofa kana vakasateerera. Kunyange zvazvo Satani aiziva izvi, akaudza Evha kuti: “Chokwadi hamungafi [idzi ndidzo dzaiva nhema dzekutanga]. Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”—Gen. 2:15-17; 3:1-5.

3. Nei nhema dzaSatani dzaikuvadza zvikuru, uye dzakakonzera chii?

3 Nhema dzaSatani dzainge dzakaipa chaizvo nekuti ainyatsoziva kuti kana Evha akabvuma zvaaitaura odya muchero wacho aizofa. Adhamu naEvha havana kuteerera murayiro waJehovha uye vakazofa. (Gen. 3:6; 5:5) Hazvina kuperera pavari. Nemhaka yechivi ichocho “rufu rwakapararira kuvanhu vose.” “Rufu rwakava mambo . . . kunyange pane vaya vakanga vasina kutadza kufanana nokudarika kwakaitwa naAdhamu.” (VaR. 5:12, 14) Iye zvino, pane kuti vanakidzwe neupenyu husingagumi uye husina matambudziko sezvakanga zvarongwa naMwari, vanhu vanongorarama “makore makumi manomwe; asi kana [vaine] simba kwazvo, makore makumi masere.” Kunyange mumakore iwayo, upenyu hunenge hwakazara “kunetseka nezvinhu zvinokuvadza.” (Pis. 90:10) Zvese izvi zvakakonzerwa nenhema dzaSatani.

4. (a) Mibvunzo ipi yatinofanira kunge tichikwanisa kupindura? (b) Maererano naPisarema 15:1, 2, ndiani anokwanisa kuva shamwari yaJehovha?

4 Achitsanangura zvakaitwa naSatani, Jesu akati: “Haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari.” Nanhasi chokwadi hachisi maari, nekuti ari “kutsausa nyika yose inogarwa” nenhema dzake. (Zvak. 12:9) Hatidi kutsauswa naDhiyabhorosi. Saka ngatikurukurei mibvunzo mitatu inoti: Satani ari kutsausa sei vanhu? Nei vanhu vachiwanzonyepa? Uye tingaratidza sei kuti ‘tinotaura chokwadi’ nguva dzese, kuitira kuti tisazombokanganisa ushamwari hwedu naJehovha sezvakaitwa naAdhamu naEvha?—Verenga Pisarema 15:1, 2.

SATANI ARI KUTSAUSA SEI VANHU?

5. Satani ari kutsausa sei vanhu mazuva ano?

5 Muapostora Pauro aiziva kuti tinokwanisa kudzivisa “kunyengerwa naSatani, nokuti mazano ake tinoaziva.” (2 VaK. 2:11) Tinoziva kuti nyika yese iri pasi paDhiyabhorosi, kusanganisira chitendero chenhema, vezvematongerwo enyika, uye vezvemabhizinesi vane makaro. (1 Joh. 5:19) Saka hazvitishamisi kuti Satani nemadhimoni ake vari kuita kuti vanhu vane simba ‘vataure nhema.’ (1 Tim. 4:1, 2) Izvi ndizvo zvinoitwa nevamwe vanhu vane mabhizinesi vanonyepa pavanoshambadza zvinhu kuti vasimudzire kushandiswa kwezvinhu zvinokuvadza uye kuti vabire vanhu mari.

6, 7. (a) Nei vatungamiriri vezvitendero vanotaura nhema vaine mhosva yakakura? (b) Inhema dzipi dzawakanzwa dzichitaurwa nevatungamiriri vezvitendero?

6 Vatungamiriri vezvitendero vane mhosva yakakura nekuti nhema dzavo dzinoita kuti ramangwana revanhu rive pangozi. Munhu anogona kutadza kuwana upenyu husingaperi kana akabvuma dzidziso dzenhema oita zvisingadiwi naMwari. (Hos. 4:9) Jesu aiziva kuti vatungamiriri vezvitendero vepanguva yake vaiva nemhosva yekutsausa vanhu nedzidziso dzenhema. Akavaudza kuti: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munofamba pagungwa nepanyika yakaoma kuti mutendeutse munhu mumwe chete, uye paanotendeuka munomuita munhu akakodzera kupinda muGehena [kuparadzwa zvachose] nekaviri kukupfuurai.” (Mat. 23:15) Jesu akashora zvakasimba vatungamiriri ivavo venhema. Zvechokwadi ‘vaibva kuna baba vavo Dhiyabhorosi, muurayi.’—Joh. 8:44.

7 Pasinei nekuti vanonzi vafundisi, mapristi, kana kuti vanoshevedzwa nemamwewo mazita, vatungamiriri vezvitendero vawanda mazuva ano. Sezvaingoitwa nevatungamiriri vezvitendero vekare, vari “kudzivisa chokwadi” chinobva muShoko raMwari uye “vakachinjanisa chokwadi chaMwari nenhema.” (VaR. 1:18, 25) Vanodzidzisa nhema dzakadai sedzekuti vanhu vakaipa vanopiswa mumoto, mweya haufi, munhu akafa anoberekwazve kune imwe nzvimbo, uye Mwari anobvumira ungochani.

8. Inhema dzipi dzatinotarisira kuti dzichataurwa rimwe zuva nevezvematongerwo enyika, uye isu tinofanira kuita sei patichadzinzwa?

8 Vezvematongerwo enyika vanotaura nhema kuti vatsause vanhu. Dzimwe nhema dzakakura tichadzinzwa pavachataura kuti tava ‘nerugare nekuchengeteka!’ Asi “kuparadzwa kusingatarisirwi kuchabva kwakurumidza kuvawira.” Hatifaniri kunyengedzwa nenhema dzavo. Chokwadi ndechekuti ‘tinonyatsoziva kuti zuva raJehovha riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.’—1 VaT. 5:1-4.

NEI VANHU VACHIWANZONYEPA?

9, 10. (a) Nei vanhu vachinyepa, uye izvi zvinoguma nei? (b) Chii chatinofanira kuyeuka nezvaJehovha?

9 Kana chinhu chitsva chikafarirwa, panobva pagadzirwa zvakawanda chaizvo. Ndizvo zviri kuitikawo nenhema. Mazuva ano, vanhu vajaira kuparadzira nhema, uye havasi vanhu vakakurumbira chete vanonyengera vamwe. Sezvakataurwa munyaya inoti “Zvinoita Kuti Tinyepe,” yakanyorwa naY. Bhattacharjee, “kunyepa kwava kuonekwa sekuti ndiwo atova mararamiro evanhu.” Vanhu vakawanda vanowanzonyepa kuitira kuti vazvidzivirire kana kuti zvivafambire zvakanaka. Vanonyepa kuitira kuti vavhare zvikanganiso zvavo nemhosva dzavakapara kana kuti vawane mari nezvimwe zvinhu. Sezvinotaurwa nenyaya yacho, kune vanhu “vanonyepa vakasununguka pazvinhu zvikuru nezvidiki, vachinyepera vanhu vavasingazivi, vavanoshanda navo, shamwari dzavo, uye vanhu vavanoda.”

10 Kunyepa uku kuri kuguma nei? Kuri kuita kuti vanhu vasavimbana uye kuti ushamwari huparare. Semuenzaniso, funga kuti zvinoodza mwoyo zvakadini, kana murume kana kuti mudzimai akanyengera mumwe wake nekudanana nemumwe munhu obva anyepa kuti avhare nyaya yacho. Kana kuti murume anoshungurudza mudzimai wake nevana asi kana ari pane vanhu achiita seanovada. Asi tinofanira kuyeuka kuti vanhu vane unyengeri hwakadaro havana chavanogona kuvanzira Jehovha nekuti “zvinhu zvose zvakafukurwa uye zviri pachena mumaziso” ake.—VaH. 4:13.

11. Tinodzidzei pane zvakaitwa naAnaniyasi naSafira? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

11 Semuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvemurume nemudzimai vechiKristu ‘vakashingiswa naSatani’ kuti vanyepere Mwari. Ananiyasi naSafira vakaronga kunyepera vaapostora. Vakatengesa munda wavo asi havana kupa vaapostora mari yacho yese. Ananiyasi naSafira vaida kuonekwa sevanhu vakanaka neungano, sekunge kuti vaiva nerupo chaizvo. Asi Jehovha akaona zvavakaita, uye akavaranga zvakakodzera.—Mab. 5:1-10.

12. Vanhu vanonyepa vasingapfidzi vakananga kupi, uye nei zvakadaro?

12 Jehovha anoona sei vanhu vanonyepa? Satani pamwe chete nevese vanonyepa vasingapfidzi vakananga “mugungwa remoto.” (Zvak. 20:10; 21:8; Pis. 5:6) Nei zvakadaro? Nekuti Jehovha anoisa vanhu vakadaro muboka rimwe chete nemunhu wese anoita ‘seimbwa,’ kureva vaya vanoita zvinhu zvinosemesa pamberi paMwari.—Zvak. 22:15.

13. Chii chatinoziva nezvaJehovha, uye kuziva izvozvo kunoita kuti tide kuita sei?

13 Tinoziva kuti Jehovha “haasi munhu zvokuti angareva nhema” uye kuti ‘hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’ (Num. 23:19; VaH. 6:18) Jehovha anovenga “rurimi runoreva nhema.” (Zvir. 6:16, 17) Kuti tifarirwe naye, tinofanira kugara tichitaura chokwadi. Ndosaka ‘tisingareverani nhema.’—VaK. 3:9.

‘TINOTAURA CHOKWADI’

14. (a) Takasiyana papi nevanhu vezvimwe zvitendero? (b) Tsanangura zvinotaurwa pana Ruka 6:45.

14 Chii chinoita kuti vaKristu vechokwadi vave vakasiyana nevanhu vezvimwe zvitendero? ‘Tinotaura chokwadi.’ (Verenga Zekariya 8:16, 17.) Pauro akati: ‘Tinoratidza kuti tiri vashumiri vaMwari, nekutaura chokwadi.’ (2 VaK. 6:4, 7) Jesu akati vanhu vanotaura “zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.” (Ruka 6:45) Saka munhu akanaka paanotaura chokwadi mumwoyo make, chokwadi chichabudawo mumuromo make. Achataura chokwadi pazvinhu zvikuru nezvidiki kuvanhu vaasingazivi, vaanoshanda navo, shamwari dzake, uye vanhu vaanoda. Ona kuti tingaratidza sei kuti tiri kuedza kuva vakatendeka pazvinhu zvese.

Uri kuona here dambudziko pamararamiro ehanzvadzi iyi yechidiki? (Ona ndima 15, 16)

15. (a) Nei kusiri kuchenjera kuedza kurarama upenyu huviri? (b) Chii chinogona kubatsira vechidiki kuti vasaita zvakaipa zvinoitwa nevezera ravo? (Ona mashoko emuzasi.)

15 Kana uri wechidiki, unogona kunge uchida kuti vezera rako vakufarire. Usambofa wakaita zviri kuitwa nevamwe zvekurarama upenyu huviri. Vanoita sevane tsika dzakanaka pavanenge vaine ungano nemhuri dzavo asi pavanenge vaine vamwe vechidiki vemunyika uye pamasocial media vanenge vari vamwe vanhu. Vanogona kunge vachitaura mutauro wakafumuka, vachipfeka hembe dzisina mwero, vachiteerera mimhanzi isina kunaka, vachidhakwa, vachiita zvekudanana pachivande kana kuita zvimwe zvinotopfuura ipapo. Vanonyepera vabereki vavo, vavanonamata navo, uye Mwari. (Pis. 26:4, 5) Jehovha anoziva ‘patinomukudza nemiromo yedu, asi mwoyo yedu iri kure naye.’ (Mako 7:6) Zviri nani kuita zvinotaurwa nechirevo chinoti: “Mwoyo wako ngaurege kuitira vatadzi shanje, asi itya Jehovha zuva rose.”—Zvir. 23:17. *

16. Tinofanira kupindura sei mibvunzo iri pamafomu ekunyorera kuita basa renguva yakazara?

16 Zvimwe unoda kuita upiyona hwenguva dzose kana kuti mamwe mabasa enguva yakazara akadai sekushanda paBheteri. Paunonyorera kuita mabasa akadaro, zvinokosha kuti upe mhinduro dzechokwadi pamibvunzo yese ine chekuita neutano hwako, varaidzo yako, uye tsika dzako. (VaH. 13:18) Ko kana wakaita chinhu chinovengwa naJehovha kana chiri kuita kuti hana yako ikupe mhosva asi usina kuudza vakuru? Kumbira kuti vakubatsire kuitira kuti ukwanise kushumira nehana yakachena.—VaR. 9:1; VaG. 6:1.

17. Chii chatinofanira kuita kana vanotitambudza vakatibvunza nezvehama dzedu?

17 Unofanira kuita sei kana hurumende ikarambidza basa redu reUmambo munyika mako uye woshevedzwa kuti ubvunzurudzwe nezvehama dzako? Unofanira kutaura zvese zvaunoziva here? Jesu akaita sei paaibvunzurudzwa nagavhuna weRoma? Achiita zvinoenderana nezvinotaurwa neBhaibheri kuti pane “nguva yokunyarara nenguva yokutaura,” dzimwe nguva Jesu airamba akanyarara. (Mup. 3:1, 7; Mat. 27:11-14) Pakadaro, tinofanira kushandisa ungwaru kuitira kuti tisaisa hama dzedu pangozi.—Zvir. 10:19; 11:12.

Ungasarudza sei pekunyarara nepekutaura chokwadi chakazara? (Ona ndima 17, 18)

18. Tinofanira kuita sei patinotaura nevakuru nezvedzimwe hama dzedu?

18 Ko kana mumwe munhu ari muungano aine chivi chakakura chaakaita uye iwe uchiziva zvakaitika? Vakuru, avo vane basa rekuchengetedza ungano yakachena, vangada kukubvunza mibvunzo pamusoro pezvaunoziva nezvenyaya yacho. Uchaita sei, kunyanya kana munhu wacho ari shamwari yako kana kuti hama yako? “Munhu anobudisa mashoko akatendeka achataura zvakarurama.” (Zvir. 12:17; 21:28) Saka unofanira kuudza vakuru chokwadi chakazara kwete kusiyirira zvimwe kana kumonyanisa chokwadi. Vane kodzero yekuziva chokwadi kuti vaone kuti vangabatsira sei mutadzi kuti avezve neushamwari naJehovha.—Jak. 5:14, 15.

19. Tichakurukurei munyaya inotevera?

19 Munyori wemapisarema Dhavhidhi, akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Makafarira chokwadi munhengo dzomukati.” (Pis. 51:6) Dhavhidhi aiziva kuti kutaura chokwadi kunobva mumwoyo. Pazvinhu zvese zvavanoita muupenyu, vaKristu vechokwadi ‘vanotaurirana chokwadi.’ Imwe nzira yatingaratidza nayo kuti sevashumiri vaMwari takasiyana nevamwe vanhu ndeyekudzidzisa chokwadi cheBhaibheri muushumiri. Nyaya inotevera ichakurukura kuti izvozvo tinozviita sei.

^ ndima 15 Ona chitsauko 15 chinoti, “Ndingaramba Sei Kufurirwa Nevezera Rangu?,” uye chitsauko 16 chinoti, “Upenyu Huviri—Ndiani Anofanira Kuzviziva?,” mubhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2.