Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vimba neMutungamiriri Wedu—Kristu

Vimba neMutungamiriri Wedu—Kristu

“Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.”​—MAT. 23:10.

NZIYO: 16, 14

1, 2. Ibasa ripi rakakura raifanira kuitwa naJoshua pashure pekunge Mosesi afa?

JOSHUA akanga achiri kuyeuka mashoko aJehovha ekuti: “Mushumiri wangu Mosesi afa; zvino simuka, yambuka rwizi rwaJodhani urwu, iwe nevanhu ava vose, mupinde munyika yandiri kuvapa.” (Josh. 1:1, 2) Zvinhu zvakangoerekana zvachinja kuna Joshua, uyo aiva mushumiri waMosesi kwemakore anenge 40.

2 Sezvo Mosesi akanga atungamirira vaIsraeri kwenguva yakareba, Joshua anogona kunge akanetseka kuti vanhu vaMwari vaizobvuma here kutungamirirwa naye. (Dheut. 34:8, 10-12) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri, rinotaura nezvaJoshua 1:1, 2, richiti: “Kubvira kare, nguva inochinja mutungamiriri ndiyo nguva yakaoma uye ine ngozi zvikuru.”

3, 4. Tinoziva sei kuti Joshua akakomborerwa naMwari, uye mubvunzo upi watingazvibvunza?

3 Joshua anogona kunge akambonetseka, asi pasina nguva akabva atanga kuita zvaakanga audzwa naJehovha. (Josh. 1:9-11) Kuvimba naJehovha kwakaita kuti akomborerwe. Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akatungamirira Joshua nevaIsraeri achishandisa ngirozi. Ngirozi iyi inofanira kunge yaiva Shoko, Mwanakomana waMwari wedangwe.—Eks. 23:20-23; Joh. 1:1.

4 Vachibatsirwa naJehovha, vaIsraeri vakabvuma kutungamirirwa naJoshua. Isuwo tiri kurarama munguva iri kuchinja zvinhu, uye tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Sangano raMwari zvariri kufambira mberi, tine zvikonzero zvine musoro here zvekuti tivimbe naJesu, Mutungamiriri wedu akagadzwa?’ (Verenga Mateu 23:10.) Ngationei kuti Jehovha aitungamirira sei vanhu vake kare zvinhu pazvaichinja.

KUTUNGAMIRIRA VANHU VAMWARI KUPINDA MUKENANI

5. Chii chakaitika Joshua paakanga ava kusvika muJeriko? (Ona mufananidzo uri panotangira nyaya ino.)

5 VaIsraeri vachangoyambuka Jodhani, Joshua akasangana nezvaakanga asingatarisiri. Pavakanga vava kusvika muJeriko, akasangana nemurume ainge akabata bakatwa. Asingazivi kuti murume wacho aiva ani, Joshua akabvunza kuti: “Uri mumwe wedu here kana kuti mumwe wemhandu dzedu?” Joshua akashamisika murume wacho paakataura kuti aiva ani. Akanga ari “mukuru weuto raJehovha,” uyo akanga akagadzirira kudzivirira vanhu vaMwari. (Verenga Joshua 5:13-15.) Kunyange zvazvo mamwe mavhesi achiti Jehovha akataura naJoshua, hapana mubvunzo kuti Mwari akashandisa ngirozi sezvaaiwanzoita kare.—Eks. 3:2-4; Josh. 4:1, 15; 5:2, 9; Mab. 7:38; VaG. 3:19.

6-8. (a) Nei mimwe mirayiridzo yaipiwa naJehovha yaiita seisingashandi mukuona kwevanhu? (b) Mirayiridzo yacho yakaratidza sei kuti yaiva yekuchenjera uye kuti yakapiwa panguva yakakodzera? (Onawo mashoko emuzasi.)

6 Joshua ainge atoudzwa kare nengirozi zvavaifanira kuita kuti vatore guta reJeriko. Pakutanga, mimwe mirayiridzo yaakapiwa yaigona kuita seisingashandi. Semuenzaniso, Jehovha akarayira kuti varume vese vachecheudzwe uye izvi zvaizoita kuti vaite mazuva akati kuti vasingakwanisi kurwa. Ndiyo yaiva nguva yakanaka here yekuvachecheudza?—Gen. 34:24, 25; Josh. 5:2, 8.

7 Zvimwe varume ivavo vechiIsraeri vainetseka kuti vaizodzivirira sei mhuri dzavo kana vavengi vakavarwisa. Asi pasina nguva vakaziviswa kuti Jeriko rakanga “rakavharwa zvakasimba nokuda kwevanakomana vaIsraeri.” (Josh. 6:1) Kuvimba kwavo nekutungamirira kwaMwari kunofanira kunge kwakasimbiswa chaizvo nekuchinja kwakaita zvinhu.

8 VaIsraeri vakaudzwawo kuti vasarwisa Jeriko asi kuti vatenderere guta racho kamwe chete pazuva, kwemazuva matanhatu uye kanomwe pazuva rechinomwe. Mamwe masoja anogona kunge akafunga kuti ikoko kwaiva kutambisa nguva nesimba. Asi Mutungamiriri wevaIsraeri ainyatsoziva zvaakanga achiita. Zvaakaita zvakasimbisa kutenda kwevaIsraeri uye zvakaita kuti vasarwisana nemauto eJeriko aiva nesimba.—Josh. 6:2-5; VaH. 11:30. *

9. Nei tichifanira kutevedzera mirayiridzo yatinopiwa nesangano raMwari? Taura muenzaniso.

9 Tinodzidzei panyaya iyi? Dzimwe nguva tingasanyatsonzwisisa zvikonzero zvinenge zvaita kuti sangano ritange zvimwe zvinhu zvitsva. Semuenzaniso, tinogona kunge takava nemibvunzo nezvekushandiswa kwemafoni nematablet pakudzidza tiri tega, muushumiri uye pamisangano. Iye zvino tingangodaro tava kuona zvakanakira kuashandisa. Patinoona zvakanakira kuchinja kwezvimwe zvinhu, tinowedzera kuva nekutenda uye kubatana.

KRISTU AKATUNGAMIRIRA SEI VAKRISTU VEPAKUTANGA?

10. Ndiani akaita kuti musangano unokosha wedare rinotungamirira uitwe muJerusarema?

10 Papera makore anenge 13 kubva pakatendeuka Koneriyasi, vamwe vatendi vechiJudha vakanga vachiri kukoshesa kuchecheudzwa. (Mab. 15:1, 2) Pakamuka kukakavadzana muAndiyoki, pakarongwa kuti Pauro aende nenyaya yacho kudare rinotungamirira raiva muJerusarema. Asi ndiani akaita kuti izvozvo zviitwe? Pauro akati: “Ndakakwira ikoko nokuti pane zvandakanga ndazarurirwa.” Zviri pachena kuti Kristu ndiye akatungamirira kuitira kuti dare racho rigadzirise nharo dzacho.—VaG. 2:1-3.

Zvaiva pachena kuti Kristu ndiye aitungamirira ungano yevaKristu vepakutanga (Ona ndima 10, 11)

11. (a) Vamwe vaJudha vaiona sei nyaya yekuchecheudzwa? (b) Pauro akaratidza sei kuti aiva nechido chekutsigira vakuru vaiva muJerusarema? (Onawo mashoko emuzasi.)

11 Richitungamirirwa naKristu, dare rinotungamirira rakajekesa kuti paisava nechikonzero chekuti vaKristu vakanga vasiri vaJudha vachecheudzwe. (Mab. 15:19, 20) Asi pashure pemakore chisarudzo ichi chaitwa, vaJudha vakawanda vakaramba vachichecheudza vana vavo. Vakuru vaiva muJerusarema pavakanzwa runyerekupe rwekuti Pauro akanga asiri kuchengeta Mutemo waMosesi, vakamupa mirayiridzo yaakanga asingatarisiri. * (Mab. 21:20-26) Vakamuudza kuti aende nevarume vana kutemberi kuitira kuti vanhu vaone kuti Pauro ‘aichengetawo Mutemo.’ Pauro aigona kunge akataura kuti zvavakamuudza zvakanga zvisina musoro, achiti dambudziko rakanga riri pakuti vaKristu vechiJudha vakanga vasinganzwisisi nyaya yekudzingiswa. Zvisinei, achiratidza kuti aitsigira chido chevakuru chekuti vaKristu vese vave vakabatana, Pauro akazvininipisa ndokuita zvaakanga arayirwa. Asi tinogona kunetseka kuti ‘Nei Jesu akabvumira kuti nyaya iyi itore nguva yakareba kudaro nepo kufa kwake kwakadzima mutemo waMosesi?’—VaK. 2:13, 14.

12. Chii chingave chakaita kuti Kristu asakurumidza kugadzirisa nyaya yekuchecheudzwa?

12 Vamwe zvinovatorera nguva kuti vafambirane nezvinenge zvagadziridzwa. VaKristu vechiJudha vaida nguva yakawanda kuti vagadzirise maonero avo. (Joh. 16:12) Vamwe zvaivaomera kubvuma kuti kuchecheudzwa chakanga chisisiri chiratidzo chekuti vaiva neushamwari hwepedyo naMwari. (Gen. 17:9-12) Vamwe vaitya kuti vaizotambudzwa kana vakaita zvakasiyana nezvaiitwa nevamwe vaJudha. (VaG. 6:12) Zvisinei, nekufamba kwenguva, Kristu akavatungamirirazve achishandisa tsamba dzainyorwa naPauro.—VaR. 2:28, 29; VaG. 3:23-25.

KRISTU ACHIRI KUTUNGAMIRIRA UNGANO YAKE

13. Chii chinogona kutibatsira kuti tiremekedze kutungamirira kwaKristu mazuva ano?

13 Patinenge tisiri kunyatsonzwisisa zvinenge zvaita kuti zvimwe zvinhu zvichinje, tinofanira kufunga kuti Kristu akatungamirira sei ungano munguva yakapfuura. Sezvaakaita panguva yaJoshua uye yevaKristu vepakutanga, Kristu ange achitungamirira zvine uchenjeri kuti adzivirire vanhu vaMwari, asimbise kutenda kwavo uye aite kuti varambe vakabatana.—VaH. 13:8.

14-16. Mirayiridzo yatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ inoratidza sei kuti Jesu anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka pakunamata?

14 Mirayiridzo yatinopiwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ inoratidza kuti Jesu anoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka pakunamata. (Mat. 24:45) Vamwe baba vanonzi Marc vane vana 4, vanoti: “Satani ari kuedza kuita kuti ungano isasimba nekurwisa mhuri. Nekukurudzirwa kwatiri kuitwa kuti tiite kunamata kwemhuri vhiki rega rega, misoro yemhuri iri kutoudzwa kuti idzivirire mhuri dzayo!”

15 Patinonzwisisa kuti tiri kutungamirirwa naKristu, tinoona kuti anoda kutibatsira kuti kutenda kwedu kusimbe. Mumwe mukuru anonzi Patrick, akati: “Pakutanga, vamwe vakaodzwa mwoyo nekuungana mumapoka madiki kuti vabude muushumiri pakupera kwevhiki. Asi kuda kunoita Jesu mumwe nemumwe ari muungano, kuri kunyatsooneka muurongwa uhwu. Semuenzaniso, dzimwe hama nehanzvadzi dzisinganyanyi kubuda muushumiri kana kuti dzinonyara dzava kuona kuti dzinodiwa chaizvo uye kuti dzine chiyamuro. Izvi zviri kuita kuti dzishingaire muushumiri.”

16 Kristu anotibatsirawo kuti tiise pfungwa pabasa rinokosha chaizvo riri kuitwa panyika mazuva ano. (Verenga Mako 13:10.) Mumwe mukuru achangobva kugadzwa anonzi André, anogara achitevedzera mirayiridzo iri kuchinja musangano raMwari. Anoti: “Kuderedzwa kwevanhu vanoshanda pabazi kunotiyeuchidza kuti nguva yapera uye kuti tinofanira kunyanya kushandisa simba redu pabasa rekuparidza.”

KUBVUMA KUTUNGAMIRIRWA NAKRISTU TAKAVIMBIKA

17, 18. Nei tichifanira kuisa pfungwa dzedu pakubatsirwa kwatakaitwa nekuchinja kwezvinhu?

17 Kutungamirirwa kwatinoitwa naJesu Kristu, Mambo wedu, kuchatibatsira iye zvino uye mune ramangwana. Saka, ngatiisei pfungwa pakubatsirwa kwatakaitwa nekuchinja kwezvinhu munguva pfupi yadarika. Pakunamata kwenyu kwemhuri munogona kukurukura kuti makabatsirwa sei nekuchinja kwemisangano yatinopinda pavhiki kana kuti kuchinja kwezvatinoita muushumiri, uye izvi zvinogona kukukurudzirai.

Uri kubatsira mhuri yako uye vamwe kuti vafambirane nesangano raJehovha here? (Ona ndima 17, 18)

18 Kana tikanzwisisa chinoita kuti sangano raJehovha ritipe mirayiridzo uye kubatsira kwainotiita, tinogona kuitevedzera tichifara. Tinoziva kuti kuprinda mabhuku mashoma kunochengetedza mari uye kushandisa ruzivo rwemazuva ano rwekugadzirwa kwezvinhu kunotibatsira kuti tiite kuti basa reUmambo rifambire mberi pasi rese. Kuziva izvi kunoita kuti tinyanye kushandisa matablet nemafoni pakuverenga mabhuku edu uye pakuteerera zvakarekodhwa. Kana tikadaro, tinenge tichitsigira Kristu uyo anoda kuti zvinhu zvesangano zvishandiswe zvakanaka.

19. Nei tichifanira kutungamirirwa naKristu?

19 Kana tikabvuma kutungamirirwa naKristu nemwoyo wese, tinosimbisa kutenda kwevamwe uye tinowedzera kubatana. Achifunga nezvekuderedzwa kwakaitwa mhuri yeBheteri pasi rese, André anoti: “Unhu hwakanaka hwakaratidzwa nevaimbova paBheteri hwakaita kuti ndivaremekedze uye ndivimbe nekutungamirira kwaKristu. Vanofambirana nengoro yaJehovha pavanoita chero basa ravanenge vapiwa.”

IVA NEKUTENDA UYE VIMBA NEMUTUNGAMIRIRI WEDU

20, 21. (a) Nei tichigona kuvimba naKristu, Mutungamiriri wedu? (b) Mubvunzo upi watichakurukura munyaya inotevera?

20 Mutungamiriri wedu akagadzwa, Jesu Kristu, ‘achapedzisa kukunda kwake’ nekukurumidza uye achaita “zvinhu zvinotyisa.” (Zvak. 6:2; Pis. 45:4) Pari zvino, ari kutidzidzisa nezveupenyu hwatichararama munyika itsva uye basa ratichazoita imomo, patichadzidzisa vanenge vamutswa uye patichabatsira pakuita kuti nyika ive paradhiso.

21 Mambo wedu akazodzwa achaita kuti tipinde munyika itsva, chero bedzi tikaramba tichivimba naye, pasinei nekuchinja kwezvinhu. (Verenga Pisarema 46:1-3.) Dzimwe nguva tinogona kunetseka zvinhu pazvinochinja, kunyanya kana zvikaitika tisingatarisiri. Saka tingaramba sei tiine rugare rwemupfungwa uye tiine kutenda kwakasimba muna Jehovha? Mubvunzo iwoyo uchakurukurwa munyaya inotevera.

^ ndima 8 Nyanzvi dzakaongorora matongo eJeriko dzakaona zvekudya zvakawanda, uye izvi zvinoratidza kuti guta racho harina kukombwa kwenguva yakareba uye zvekudya hazvina kusvika pakupera muguta racho. Sezvo vaIsraeri vaisabvumirwa kutora zvinhu muJeriko, iyi yaiva nguva yakanaka kuti vapinde munyika yacho nekuti yaiva nguva yekukohwa uye zvekudya zvainge zvakawanda muminda.—Josh. 5:10-12.