NHARIREYOMURINDI​—YEKUDZIDZA October 2019

Magazini ino ine nyaya dzekudzidza dzaDecember 2-29, 2019.

1919—Makore 100 Apfuura

Muna 1919, Jehovha akapa vanhu vake simba rekuparidza kupfuura zvavaimboita. Asi izvi zvisati zvaitika, pane chimwe chinhu chikuru chaifanira kuchinja paVadzidzi veBhaibheri.

Mitongo yaMwari—Pese Paanoipa Anenge Ayambira Zvakakwana Here?

Jehovha Mwari ari kuyambira vanhu nezvedambudziko rinotyisa kupfuura mamwe ese. Ari kuzviita sei?

Ramba Uchishingaira “Mazuva Ekupedzisira” Zvaava Kupera

Zvii zvichaitika pakupera ‘kwemazuva ekupedzisira’? Uye Jehovha anotarisira kuti tiitei patinenge takamirira zviitiko izvozvo?

Ramba Wakatendeka ‘Pakutambudzika Kukuru’

Jehovha achatarisira kuti tiitei ‘pakutambudzika kukuru’? Tingagadzirira sei iye zvino kuti tizoramba takatendeka?

Jehovha Achaita Kuti Uve Chii?

Kare, Jehovha aipa vashumiri vake chido nesimba rekuita kuda kwake. Mazuva ano Jehovha anotibatsira sei kuti timushumire?

Zvipire Zvakazara Kuna Jehovha

Funga zvinhu zviviri zvatinoita muupenyu zvinotibatsira kuona kuti takazvipira zvakadii kuna Jehovha.