Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hama Rutherford vachitaura pagungano rakaitwa paCedar Point, Ohio, 1919

1919—Makore 100 Apfuura

1919—Makore 100 Apfuura

PAKAZOSVIKA gore ra1919, Hondo Huru (kana kuti Hondo Yenyika I), iyo yakaita makore anopfuura 4, yakanga yapera. Gore ra1918 rava kunopera, nyika dzakamira kurwa uye musi wa18 January 1919, musangano werunyararo wainzi Paris Peace Conference wakatangwa. Chimwe chibvumirano chakaitwa pamusangano uyu icho chinonzi Treaty of Versailles ndicho chakaita kuti nyika dzairwisana neGermany dzichirega zviri pamutemo kuirwisa. Chakasainwa musi wa28 June, 1919.

Chibvumirano chacho chakaita kuti patangwewo sangano renyika dzakabatana rainzi League of Nations. Chinangwa charo chaiva “chekukurudzira nyika dzakawanda kuti dzibatane uye dzive nerunyararo.” Machechi akawanda akatsigira sangano iri. Sangano remachechi rinonzi The Federal Council of the Churches of Christ in America rakarumbidza League of Nations richiti yaiva “kuratidzwa kweUmambo hwaMwari panyika achishandisa zvematongerwo enyika.” Sangano iri remachechi rakatsigira League of Nations nekutumira nhume kumusangano weParis Peace Conference. Imwe nhume yacho yakati musangano wacho “waiva kutanga kwezvinhu zvitsva munhoroondo yenyika.”

Ichokwadi kuti paiva nezvinhu zvitsva zvainge zvava kutanga, asi zvaisazotangwa nevanhu vaiva pamusangano uyu werunyararo. Zvinhu zvitsva zvakatanga pakuti muna 1919, Jehovha akapa vanhu vake simba rekuparidza kupfuura zvavaimboita. Asi izvi zvisati zvaitika, pane chimwe chinhu chikuru chaifanira kuchinja paVadzidzi veBhaibheri.

CHISARUDZO CHAKAOMA

Joseph F. Rutherford

Sarudzo dzaiitwa gore negore dzevatungamiriri veWatch Tower Bible and Tract Society dzakanga dzichizoitwa musi weMugovera, 4 January, 1919. Panguva iyoyo, Joseph F. Rutherford, uyo aitungamirira vanhu vaJehovha akanga aiswa mujeri muAtlanta, Georgia, U.S.A., pamwe nedzimwe hama 7, asi vasina mhosva yavakapara. Mubvunzo waivapo ndewekuti: Hama dzaitungamirira, idzo dzainge dzava mujeri, dzaifanira kusarudzwazve here kuti dzitungamirire kana kuti dzaifanira kutsiviwa?

Evander J. Coward

Hama Rutherford pavaiva mujeri vainetseka nezveramangwana resangano. Vaiziva kuti dzimwe hama dzaifunga kuti zvaiva nani kusarudza mumwe munhu kuti ave purezidhendi. Saka vakanga vanyora tsamba kune vaiva pamusangano wemusi wa4 January, 1919, vachiti Evander J. Coward ndiye wavaiona achikodzera kuva purezidhendi. Hama Rutherford vakataura kuti hama Coward vaiva munhu “munyoro,” “akangwara,” uye “akavimbika kuna Ishe.” Asi hama dzakawanda dzaida kuti sarudzo dzizoitwa pashure pemwedzi 6. Magweta aimiririra hama dzaiva mujeri akabvumirana nazvo. Pavaikurukura kuti zvinhu zvofambiswa sei, dzimwe hama dzakagumbuka.

Richard H. Barber

Pane chimwe chinhu chakabva chaitika zvekuti Richard H. Barber akachirondedzera achiti kwaiva kugadzirisa nyaya yakaoma nenzira iri nyore chaizvo. Imwe hama yaivapo yakati: “Ini hangu handisi gweta, asi ndinoziva kuti kana munhu achida kuva akavimbika anofanira kuitei. Kuvimbika ndiko kunodiwa naMwari. Nzira yakanaka chaizvo yatingaratidza nayo kuti takavimbika kuna Mwari ndeyekuita sarudzo, tosarudza Hama Rutherford kuti vave purezidhendi.”—Pis. 18:25.

Alexander H. Macmillan

A. H. Macmillan uyo aivawo mujeri anoyeuka kuti zuva rakatevera racho Hama Rutherford vakagogodza maaiva vakati, “Buritsa ruoko.” Hama Rutherford vakabva vamutambidza teregiramu. Macmillan akaona mashoko acho, achibva aziva zvazvaireva. Mashoko acho aiti: “RUTHERFORD WISE VAN BARBER ANDERSON BULLY uye SPILL MUTUNGAMIRIRI VAKURU VATATU VEKUTANGA TINOKUDAI MESE.” Izvi zvinoreva kuti vatungamiriri vese vainge vasarudzwa zvakare, uye Joseph Rutherford, naWilliam Van Amburgh vakaramba vari vatungamiriri. Saka Hama Rutherford vaizoramba vari purezidhendi.

KUBUDISWA MUJERI

Hama 8 idzi padzakanga dzichiri mujeri, Vadzidzi veBhaibheri vakatendeka vakakumbira vanhu kuti vasaine chikumbiro chekuti dzibudiswe mujeri. Hama nehanzvadzi idzi dzakawana masiginicha evanhu vanopfuura 700 000, uye kuita izvi kwaida ushingi. Musi weChitatu, 26 March, 1919, chikumbiro chacho chisati chaendeswa, Hama Rutherford nedzimwe hama dzaitungamirira vakabudiswa mujeri.

Pamashoko avakataura kune vaya vainge vauya kuzovagamuchira, Hama Rutherford vakati: “Ndine chokwadi chekuti zvaitika kwatiri izvi zviri kungotibatsira kugadzirira zvinhu zvakaoma zviri mberi. . . . Hondo yenyu yakanga isiri yekuti hama dzenyu dzibudiswe mujeri. Handicho chaiva chinangwa chebasa rese iri. . . . Hondo yamanga muchirwa yaiva yekuti Jehovha akudzwe uye vaya vakarwa vakawana makomborero akazonaka.”

Zvakaitika panyaya yehama dzedu idzi zvinoratidza kuti Jehovha anofanira kunge ari iye aitungamirira zvaiitika. Musi wa14 May, 1919, dare rinotonga nyaya dzinenge dzakwidzwa rakati: ‘Vanhu vari kupomerwa havana kutongwa zvakarurama, saka mutongo wavainge vapiwa hauchashandi.’ Hama idzi dzainge dzanzi dzine mhosva hombe chaizvo. Uye dzaizoramba dzichizivikanwa sevanhu vakapara mhosva kudai vakangonzi varegererwa kana kuti kudai mitongo yavo yakangotapudzwa chete. Havana kuzopomerwa dzimwe mhosva. Saka Judge Rutherford akaramba aine kodzero dzake dzekumiririra vanhu vaJehovha muDare Guru remuUnited States ari gweta ravo, uye akadzimiririra kakawanda paakanga abudiswa mujeri.

KUSHINGA KURAMBA VACHIPARIDZA

“Tainge tisiri kuzongogara pasi, toramba takapeta maoko tichimirira kuti Ishe azotitora kuti tiende kudenga,” vanoyeuka kudaro Hama Macmillan. “Takaziva kuti tine zvataifanira kuita kuti tizive kuti Ishe aida kuti tiitei.”

Asi hama dzaiva kumahofisi edu makuru dzakanga dzisiri kuzongoenderera mberi nebasa radzainge dzichiita kwemakore. Nei tichidaro? Nekuti pavaiva mujeri, zvimwe zvinhu zvavaishandisa pakuprinda zvakanga zvaparadzwa. Izvi zvaipedza simba uye dzimwe hama dzainge dzisina chokwadi kuti basa rekuparidza rainge raitwa zvakakwana here kana kuti kwete.

Kwakanga kuchiine vanhu vaifarira mashoko eUmambo aiparidzwa neVadzidzi veBhaibheri here? Kuti mubvunzo iwoyo upindurwe, Hama Rutherford vakafunga kupa hurukuro, uye munhu wese aizokokwa. Hama Macmillan vakati, “Kana pakashaya anouya tichabva taziva kuti takapedza basa.”

Kushambadzirwa kwehurukuro yaHama Rutherford muLos Angeles, California, muna 1919 yaiti: “Tariro Kune Vanhu Vese Vatambura”

Saka pasinei nekurwara zvakasimba kwaiita Hama Rutherford, vakapa hurukuro muLos Angeles, California, musi weSvondo, 4 May, 1919, yaiva nemusoro waiti, “The Hope for Distressed Humanity [Tariro Kune Vanhu Vese Vatambura].” Vanhu vanenge 3 500 vakauya uye vamwe vakawanda vakanzi vadzokere nekuti mavaiitira makanga mazara. Mangwana acho kwakauya vamwe 1 500. Mubvunzo wehama idzi wakabva wapindurwa. Dzakaona kuti vanhu vakanga vachiri kufarira.

Zvakazoitwa nehama idzi ndizvo zvichiri kutevedzerwa neZvapupu zvaJehovha pabasa rekuparidza.

VAINGE VAKAGADZIRIRA KUWEDZERA KWAIZOITA BASA

Nharireyomurindi yaAugust 1, 1919, yakataura kuti pane gungano raizoitwa muCedar Point, Ohio, kutanga kwaSeptember. Mumwe Mudzidzi weBhaibheri wechidiki wekuMissouri ainzi Clarence B. Beaty akati, “Munhu wese aida kuvapo.” Hama nehanzvadzi dzinopfuura 6 000 dzakapinda gungano iroro uye vakanga vakawanda kupfuura vaitarisirwa. Chimwezve chakaita kuti vanhu vafare kwaiva kubhabhatidzwa kwevanhu vanopfuura 200, muLake Erie iyo yaiva pedyo.

Kavha yemagazini yekutanga yeThe Golden Age, yaOctober 1, 1919

Musi wa5 September, 1919, zuva rechi5 regungano racho, pahurukuro yavo yaiti “Mashoko Kuvashandi Vakabatana,” Hama Rutherford vakazivisa kubudiswa kwemagazini itsva yainzi The Golden Age. * Yaizova “nenhau dzinokosha dzezvinenge zvichiitika, ichitsanangura zvinotaurwa neBhaibheri kuti nei [paiitika] zviitiko zvikuru zvakadai.”

Vadzidzi veBhaibheri vese vakakurudzirwa kuti vaparidze neushingi vachishandisa magazini itsva iyi. Tsamba yaitaura kuti basa racho raifanira kuitwa sei yakati: “Munhu wese akabhabhatidzwa ngaayeuke kuti iropafadzo yakakura chaizvo kushumira, obva ashandisa mukana wacho iye zvino kuti aite zvese zvaanogona pakuparidzira vanhu.” Vanhu vakawanda vakaita basa iri rekuparidza! Pakazosvika December, vaparidzi veUmambo vanoshingaira vakanga vawana vanhu vanopfuura 50 000 vainge vanyoresa kuti vanoda magazini itsva iyi.

Hama dziri muBrooklyn, New York, nemotokari yakatakura magazini yeThe Golden Age

Pakazopera gore ra1919, vanhu vaJehovha vakanga varongeka zvakare uye vava nesimba. Uyewo, uprofita hwakawanda hune chekuita nemazuva ekupedzisira hwakanga hwazadzika. Kuedzwa uye kucheneswa kwevanhu vaMwari kwakagara kwataura pana Maraki 3:1-4 kwakanga kwapera, vanhu vaJehovha vakanga vasunungurwa pakutapwa kwekufananidzira kwavainge vaitwa ‘neBhabhironi Guru,’ uye Jesu ainge agadza “muranda akatendeka, akangwara.” * (Zvak. 18:2, 4; Mat. 24:45) Iye zvino Vadzidzi veBhaibheri vainge vagadzirira kuita basa iro Jehovha aida kuti vaite.

^ ndima 22 The Golden Age yakazonzi Consolation muna 1937 uye Awake! muna 1946.