Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 42

Jehovha Achaita Kuti Uve Chii?

Jehovha Achaita Kuti Uve Chii?

“Mwari . . . ari kukupai simba, achikupai chido chekuita zvinhu uye simba rekuzviita.”​—VAF. 2:13.

RWIYO 104 Chipo chaMwari cheMweya Mutsvene

ZVICHADZIDZWA *

1. Jehovha anogona kuitei kuti azadzise chinangwa chake?

JEHOVHA anogona kuva chero zvinenge zvichidiwa kuti azadzise chinangwa chake. Semuenzaniso, akava Mudzidzisi, Munyaradzi, uye Muparidzi. Tangotaura zvishoma chete zvaakava. (Isa. 48:17; 2 VaK. 7:6; VaG. 3:8) Asi anowanzoshandisa vanhu kuti azadzise zvinangwa zvake. (Mat. 24:14; 28:19, 20; 2 VaK. 1:3, 4) Jehovha anogonawo kupa chero ani zvake wedu uchenjeri nesimba ratinoda kuti tive chero zvinenge zvichidiwa pakuzadzisa chinangwa chake. Izvi ndezvimwe zvinobatanidzwa pane zvinorehwa nezita raJehovha sezvinotaurwa nevaongorori veBhaibheri vakawanda.

2. (a) Nei dzimwe nguva tingaona sekuti Jehovha haasi kutishandisa? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

2 Tese tinoda kushandiswa naJehovha, asi vamwe vanogona kuona sekuti Jehovha haasi kuvashandisa. Chii chinoita kuti vadaro? Vanonzwa sekuti havakwanisi kuita zvakawanda nemhaka yezera uye mamiriro avo ezvinhu, kana kuti nemhaka yekutadza kuita zvimwe zvinhu. Asi kunewo vamwe vanogutsikana nezvavanenge vachiita, voona pasina chikonzero chekuwedzera pane zvavagara vachiita. Munyaya ino tichakurukura kuti Jehovha anogona kubatsira chero ani zvake pakati pedu kuti ashandewo pakuzadzisa chinangwa chake. Tichabva taongorora vamwe varume nevakadzi vanotaurwa muBhaibheri vakapiwa chido nesimba naJehovha kuti vaite kuda kwake. Tichapedzisa nekuona kuti tingabvumira sei Jehovha kuti atishandise.

JEHOVHA ANOTIBATSIRA SEI KUTI TIITE KUDA KWAKE?

3. Jehovha anotipa sei chido chekuita zvinhu sezvinovimbiswa pana VaFiripi 2:13?

3 Verenga VaFiripi 2:13. * Jehovha anogona kutipa chido chekuita zvinhu. Angazviita sei? Pamwe tinganzwa nezvekuti pane anoda rubatsiro muungano. Kana kuti vakuru vangaverenga tsamba yakabva kuhofisi yebazi ichitaura nezvebasa rinoda kuitwa kune imwe nzvimbo isiri mundima medu. Izvi zvingaita kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndingabatsirawo sei?’ Kana kuti tingakumbirwa kuita rimwe basa rakaoma tonetseka kuti tichariita nemazvo here. Kana kuti pashure pekuverenga mamwe mavhesi muBhaibheri, tinogona kufunga kuti, ‘Ndingabatsira sei vamwe nezvandaverenga izvi?’ Jehovha haatimanikidzi kuita chimwe chinhu. Asi kana akaona kuti tine zvatiri kufunga kuita, anogona kutipa chido chekuzviita, tobva tazviita.

4. Jehovha anotipa sei simba rekuita zvimwe zvinhu?

4 Jehovha anogonawo kutipa simba rekuita zvimwe zvinhu. (Isa. 40:29) Anogona kutibatsira kuti tiwedzere unyanzvi hwedu achishandisa mweya wake mutsvene. (Eks. 35:30-35) Anogona kutidzidzisa mamwe mabasa achishandisa sangano rake. Kana usinganyatsozivi kuti rimwe basa rinoitwa sei, kumbira rubatsiro. Uyewo usazeza kukumbira ‘simba rakawedzerwa pane rawagara uinaro’ kuna Baba vedu vekudenga avo vasinganyimi. (2 VaK. 4:7; Ruka 11:13) MuBhaibheri mune varume nevakadzi vakawanda vakapiwa chido nesimba naJehovha kuti vaite zvimwe zvinhu. Patichange tichiongorora nyaya idzi, edza kuona kuti Jehovha angakubatsirawo sei kuti uite sezvavakaita.

KUBATSIRWA KWAKAITWA VAMWE VARUME

5. Tinodzidzei nezvekushandiswa kwakaitwa Mozisi naJehovha kuti anunure vanhu vake?

5 Jehovha akaita kuti Mozisi ave mununuri wevaIsraeri. Asi Jehovha akazomushandisa zvaita sei? Paiva paya here paainzwa sekuti ava kukodzera kuita basa racho pashure pekunge adzidziswa “uchenjeri hwese hwevaIjipiti”? (Mab. 7:22-25) Aiwa. Jehovha akazoshandisa Mozisi pashure pekumubatsira kuti ave munhu anozvininipisa uye munyoro. (Mab. 7:30, 34-36) Jehovha akapa Mozisi ushingi hwekumira pamberi pemutongi aiva nesimba kupfuura vamwe vese muIjipiti. (Eks. 9:13-19) Tinodzidzei nezvekushandiswa kwakaitwa Mozisi naJehovha? Jehovha anoshandisa vanhu vanoedza kumutevedzera uye vanovimba naye kuti avape simba.​—VaF. 4:13.

6. Tinodzidzei pakushandiswa kwakaitwa Bhazirai naJehovha kuti abatsire Mambo Dhavhidhi?

6 Papera mazana emakore, Jehovha akashandisa Bhazirai, uyo ainge akwegura, kuti abatsire Mambo Dhavhidhi. Dhavhidhi nevanhu vaaiva navo vakanga “vava nenzara, vaneta, uye vava nenyota” pavaitiza Absaromu, mwanakomana wake. Bhazirai nevamwe varume vakaisa upenyu hwavo pangozi kuti vabatsire Dhavhidhi nevamwe vaaiva navo. Bhazirai haana kufunga kuti sezvo akanga akwegura zvainge zvisingachaiti kuti ashandiswe naJehovha. Asi akabatsira vashumiri vaMwari vaiva panguva yakaoma achishandisa zvinhu zvaaiva nazvo. (2 Sam. 17:27-29) Tinodzidzei panyaya iyi? Pasinei nezera redu, Jehovha anogona kutishandisa kuti tibatsire vatinonamata navo vari kushayiwa zvekurarama nazvo, vangava vemunyika medu kana kuti vekune dzimwe nyika. (Zvir. 3:27, 28; 19:17) Kunyange zvazvo tingasakwanisa kuenda kwavari isu pachedu, tinogona kupa mari yekutsigira basa remunyika yese kuti izoshandiswa kubatsira hama nehanzvadzi dzedu padzinenge dzichida rubatsiro.​—2 VaK. 8:14, 15; 9:11.

7. Jehovha akashandisa sei Simiyoni, uye nei izvozvo zvichitikurudzira?

7 Jehovha akavimbisa Simiyoni, murume akavimbika ainge akwegura wemuJerusarema kuti aisazofa kusvikira aona Mesiya. Vimbiso iyi inofanira kunge yakakurudzira Simiyoni chaizvo sezvo ainge ava nemakore akamirira Mesiya. Kutenda kwake uye kutsungirira kwake kwakaita kuti akomborerwe naJehovha. Rimwe zuva akapinda mutemberi “achitungamirirwa nemweya mutsvene.” Akaona Jesu ari mucheche, uye Jehovha akashandisa Simiyoni kutaura uprofita hune chekuita nemwana iyeye aizova Kristu. (Ruka 2:25-35) Kunenge kuti Simiyoni haana kurarama kusvikira pakatanga Jesu ushumiri hwake panyika, asi akaonga chaizvo ropafadzo yaakava nayo uye achawana makomborero akawanda mune ramangwana! Munyika itsva, murume iyeye akatendeka achaona kukomborerwa kuchaita vanhu vese panyika pachishandiswa utongi hwaJesu. (Gen. 22:18) Isuwo tinoonga chaizvo zvese zvatinopiwa naJehovha kuti tiite mubasa rake.

8. Jehovha angatishandisa sei sezvaakaita Bhanabhasi?

8 Panguva yevaapostora, mumwe murume aiva nemwoyo wakanaka ainzi Josefa aida kushandiswa naJehovha. (Mab. 4:36, 37) Vaapostora vanogona kunge vakapa Josefa zita rekuti Bhanabhasi, rinoreva kuti “Mwanakomana Wekunyaradza,” nekuti aigona chaizvo kunyaradza vamwe. Semuenzaniso, Sauro paakatendeuka, hama dzakawanda dzaimutya nekuti aizivikanwa nekutambudza ungano. Asi Bhanabhasi akamubatsira uye Sauro anofanira kunge akaonga chaizvo kubatsirwa kwaakaitwa. (Mab. 9:21, 26-28) Nekufamba kwenguva, vakuru vaiva muJerusarema vakaona kuti hama dzaigara kure, kuAndiyoki yekuSiriya, dzaida kukurudzirwa. Vakatuma ani? Bhanabhasi! Vakagona kusarudza. Tinoudzwa kuti Bhanabhasi “akatanga kuvakurudzira vese kuti varambe vari munaShe nemwoyo wese.” (Mab. 11:22-24) Jehovha anogonawo kutibatsira kuti tinyaradze vamwe vaKristu. Anogona kutishandisa kuti tinyaradze vanenge vafirwa. Anogona kuita kuti tishanyire kana kufonera munhu anenge achirwara kana kuti akaora mwoyo tichimuudza mashoko anokurudzira. Uchabvuma kushandiswa naJehovha sekushandisa kwaakaita Bhanabhasi here?​—1 VaT. 5:14.

9. Tinodzidzei pakubatsirwa kwakaitwa Vasily naJehovha kuti ave mufudzi akanaka?

9 Jehovha akabatsira imwe hama inonzi Vasily kuti ive mufudzi akanaka. Vasily paakagadzwa kuti ashumire semukuru aine makore 26, aiona sekuti aisazokwanisa kubatsira hama dzaiva muungano kunyanya vaya vainge vakaomerwa neupenyu. Asi akabatsirwa nevakuru vaiva neruzivo uye nekupinda Chikoro Cheushumiri hweUmambo. Vasily akashanda nesimba kuti awedzere kuva neunyanzvi. Semuenzaniso, akanyora pasi zvinhu zvidiki zvaaida kuita. Paaiita chimwe nechimwe chazvo, kutya kwake kwaiitawo kuchipera. Iye zvino anoti: “Zvinhu zvandaitya kare ikako ndizvo zvava kuita kuti ndifare chaizvo. Jehovha paanondibatsira kuti ndione rugwaro rwakakodzera runonyaradza hama kana hanzvadzi yemuungano, ndinofara chaizvo.” Hama, kana mukava nechido chekushandiswa naJehovha sechaiva naVasily, Jehovha anogona kukubatsirai kuti muite zvakawanda muungano.

KUBATSIRWA KWAKAITWA VAMWE VAKADZI

10. Abhigairi akaitei, uye unodzidzei kwaari?

10 Dhavhidhi nevanhu vaaiva navo vaidzingirirwa naMambo Sauro uye vaida kubatsirwa. Varume vaiva naDhavhidhi vakakumbira mumwe muIsraeri aiva mupfumi ainzi Nabhari kuti avape zvekudya chero zvaaiva nazvo. Vakanzwa vakasununguka kumukumbira nekuti vainge vachengetedza zvipfuwo zvake murenje. Asi Nabhari uyo ainge akaomera akaramba kuvabatsira. Dhavhidhi akagumbuka chaizvo uye akafunga kuuraya Nabhari nemunhurume wese weimba yake. (1 Sam. 25:3-13, 22) Asi Abhigairi, mudzimai waNabhari, ainge akachenjera uye akanaka. Akashinga kuenda kuna Dhavhidhi, ndokupfugama pamberi pake achimukumbira nemwoyo wese kuti asatsiva zvaakaitirwa, kuitira kuti asava nemhosva yeropa. Akamupa zano zvine ungwaru kuti asiyire nyaya yacho mumaoko aJehovha. Dhavhidhi akabayiwa mwoyo nemashoko aAbhigairi airatidza kuzvininipisa uye neuchenjeri hwake. Akaona kuti Jehovha ndiye ainge atuma mukadzi uyu. (1 Sam. 25:23-28, 32-34) Abhigairi aiva neunhu hwaiita kuti agone kushandiswa naJehovha. Hanzvadzi dzechiKristu dzine ungwaru uye dzinonzwisisa dzinogona kushandiswa naJehovha kuti dzisimbise mhuri dzadzo uye vamwe muungano.​—Zvir. 24:3; Tito 2:3-5.

11. Vanasikana vaSharumu vakaitei, uye ndivanaani vari kuvatevedzera mazuva ano?

11 Papera mazana emakore, vanasikana vaSharumu vakavawo pakati pevanhu vakashandiswa naJehovha pakugadziridza masvingo eJerusarema. (Neh. 2:20; 3:12) Kunyange zvazvo baba vavo vaiva muchinda, vanasikana ivavo vakazvipira kuita basa iri rakaoma uye raiisa upenyu hwavo pangozi. (Neh. 4:15-18) Vakanga vakasiyana chaizvo nevarume vakakurumbira vekuTekoa avo ‘vasina kuzvininipisa kuti vaitewo’ basa racho. (Neh. 3:5) Chimbofunga kufara kwakaita vanasikana vaSharumu pakapera basa racho pashure pemazuva 52 chete! (Neh. 6:15) Mazuva ano, hanzvadzi dzedu dzinozvipira kuita basa dzvene rekuvaka uye kugadziridza zvivakwa zvinoshandiswa pakunamata Jehovha. Unyanzvi hwavo, chido chavo, uye kuvimbika kwavo zvinobatsira chaizvo pabasa iri.

12. Jehovha anogona kutishandisa sei sezvaakaita Tabhita?

12 Jehovha akabatsira Tabhita kuti aite “mabasa akawanda akanaka” kunyanya pakubatsira chirikadzi. (Mab. 9:36) Vakawanda vakamuchema chaizvo paakafa nekuti aiva munhu akanaka uye anobatsira vamwe. Asi vakafara chaizvo paakamutswa nemuapostora Petro. (Mab. 9:39-41) Tinodzidzei pana Tabhita? Tingava vadiki kana vakuru, varume kana vakadzi, tese tine zvatinogona kuita kuti tibatsire hama nehanzvadzi dzedu.​—VaH. 13:16.

13. Imwe hanzvadzi yainyara inonzi Ruth yakashandiswa sei naJehovha, uye yakatii?

13 Imwe hanzvadzi yainyara chaizvo inonzi Ruth yaida kuva mumishinari. Achiri mudiki, aishingaira kupa vanhu maturakiti paimba neimba. Akati: “Ndainakidzwa chaizvo nebasa iri.” Asi Ruth aiomerwa chaizvo nekutaura nevanhu padzimba dzavo uye kuvaudza nezveUmambo hwaMwari. Pasinei nekuti ainyara, Ruth akava piyona wenguva dzese aine makore 18. Muna 1946, akapinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi uye akazoshumira kuHawaii nekuJapan. Jehovha akaita kuti aparidze chaizvo mashoko akanaka munyika idzodzo. Pashure pekuparidza kwemakore anoda kusvika 80, Ruth akati: “Jehovha ndiye aindipa simba. Ari kundibatsira kuti ndisaramba ndichinyara. Ndakanyatsozvionera kuti Jehovha anogona kushandisa chero ani zvake anovimba naye.”

BVUMIRA JEHOVHA KUTI AKUSHANDISE

14. Maererano naVaKorose 1:29, tinofanira kuitei kana tichida kuti Jehovha atishandise?

14 Kubvira kare, Jehovha anoita kuti vashumiri vake vaite mabasa akasiyana-siyana. Achaita kuti iwe uve chii? Izvi zvichaenderana nekuti unoda kushanda nesimba zvakadii. (Verenga VaKorose 1:29.) Kana uchida kuti Jehovha akushandise, anogona kuita kuti uve muparidzi anoshingaira, mudzidzisi akanaka, munyaradzi, munhu anogona basa, shamwari yakanaka, kana kuti chero zvimwe zvaanoda kuti azadzise chinangwa chake.

15. Maererano na1 Timoti 4:12, 15, hama dzechidiki dzinofanira kukumbira Jehovha kuti adzibatsire kuitei?

15 Ko imi vechidiki mungashandiswawo sei naJehovha? Pari kudiwa varume vakawanda vane simba kuti vave vashumiri veungano. Muungano dzakawanda mune vakuru vakawanda kupfuura vashumiri veungano. Zvinoita here kuti imi hama dzechidiki muve nechido chekuita mamwe mabasa muungano? Dzimwe hama dzinogona kuti, “Ndiri kugutsikana hangu nekuva muparidzi.” Kana uchinzwa saizvozvo, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuva nechido chekuti ukodzere kuva mushumiri weungano uye kuti akupe simba rekuita zvese zvaunogona kuti umushumire. (Mup. 12:1) Tinoda chaizvo kuti mutibatsire.​—Verenga 1 Timoti 4:12, 15.

16. Tinofanira kukumbirei Jehovha, uye nei tichifanira kudaro?

16 Jehovha anogona kuita kuti uve chero zvaanoda kuti azadzise chinangwa chake. Saka mukumbire kuti akupe chido chekuita basa rake, wozomukumbira simba rekuita basa racho. Pasinei nekuti uri mudiki kana kuti wakura, shandisa nguva yako, simba, unyanzvi, kana zvimwe zvinhu zvauinazvo kuti ukudze Jehovha iye zvino. (Mup. 9:10) Usarega zvinhu zvakadai sekutya kana kuzvitarisira pasi zvichikutadzisa kushandisa mukana wauinawo wekuita zvese zvaunogona mubasa raJehovha. Tese zvedu tine ropafadzo yakazonaka yekuita zvatinogona kuti Baba vedu vane rudo vakudzwe.

RWIYO 127 Ndinofanira Kuva Munhu Akaita Sei?

^ ndima 5 Unonzwa sekuti zvauri kuitira Jehovha zvishoma here? Unomboona sekuti hauna zvauchakwanisa kumuitira here? Kana kuti unomboona sekuti hapana chikonzero chekuti uite zvakawanda mubasa raJehovha here? Nyaya ino ichataura nzira dzakasiyana-siyana dzinogona kushandiswa naJehovha kuti akupe simba nechido, kuti uite chero zvaanoda pakuzadzisa chinangwa chake.

^ ndima 3 Kunyange zvazvo Pauro akanyorera tsamba iyi vaKristu vekare, zvaakataura zvinoshandawo kuvashumiri vaJehovha vese.