Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mutongo waMwari zvawava kusvika, vanhu vanofanira kuteerera yambiro!

Mitongo yaMwari—Pese Paanoipa Anenge Ayambira Zvakakwana Here?

Mitongo yaMwari—Pese Paanoipa Anenge Ayambira Zvakakwana Here?

MUNHU anoongorora mamiriro ekunze anoona kuti kuchauya mvura inotyisa ine mhepo nemabhanan’ana. Anoona kuti mvura yacho yakananga kunzvimbo inogara vanhu vakawanda chaizvo. Haadi kuti vanhu vacho vafe, saka anoita zvese zvaanogona kuti avaudze nezvemvura yacho nguva ichiripo.

Izvi ndizvo zviri kuitwawo naJehovha. Ari kuyambira vanhu nezvedambudziko rinotyisa kupfuura mamwe ese. Ari kuzviita sei? Nei tingati ari kupa vanhu nguva yakakwana yekuti vaite zvaari kuvaudza? Kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo iyi, ngatimboonai kuti Jehovha aizviita sei kare.

MWARI AKAMBOYAMBIRA VANHU

Bhaibheri rinoratidza kuti Jehovha akamboyambira vanhu vainge vasingateereri mirayiro yake nezvemitongo yakaita ‘semadutu’ yaaizounza pavari. (Zvir. 10:25; Jer. 30:23) Pese paainyevera vanhu, aivaudza nezvemutongo wacho pachine nguva uye aivaudza kuti vachinje nzira dzavo voita maererano nekuda kwake. (2 Madz. 17:12-15; Neh. 9:29, 30) Kuti avabatsire kuchinja, aiwanzoshandisa vashumiri vake vakatendeka avo vaizivisa mitongo yake, uye vachibatsira vanhu kuti vazive kuti vaifanira kukurumidza kuchinja.—Amo. 3:7.

Noa ndiye mumwe wevanhu vakatendeka vakashandiswa naJehovha. Kwemakore akawanda, Noa aishinga kuyambira vanhu vaiita zvakaipa uye vaigara vachirwisana kuti kwaizouya Mafashamo aizofukidza nyika yese. (Gen. 6:9-13, 17) Akavaudzawo zvavaifanira kuita kuti vaponeswe. Noa akaparidza zvekuti akatozonzi “muparidzi wekururama.”—2 Pet. 2:5.

Pasinei nezvakaitwa naNoa, vanhu vepanguva iyoyo havana kuteerera mashoko ake aibva kuna Mwari. Vakaratidza kuti vakanga vasingatombotendi zvachose muna Mwari. Saka vakafa pakauya Mafashamo “akavakukura vese.” (Mat. 24:39; VaH. 11:7) Zvainge zvisingaiti kuti vati Mwari haana kumbovayambira.

Dzimwe nguva Jehovha aiyambira vanhu pasara nguva pfupi kuti mutongo wake usvike. Kunyange zvakadaro, aipa vanhu nguva yakakwana yekuti vaite zvaaivaudza. Aitanga ayambira vanhu paaiunza Matambudziko Gumi akatambudza vanhu muIjipiti. Semuenzaniso, Jehovha akatuma Mozisi naAroni kunoyambira Farao nevashandi vake nezvedambudziko rechi7 rechimvuramabwe chaiparadza. Sezvo chimvuramabwe chacho chainge chasara nezuva rimwe chete kuti chiuye, tingati here Mwari akapa vanhu nguva yakakwana yekuti vatsvage pekuhwanda? Bhaibheri rinoti: “Mushandi wese waFarao aitya shoko raJehovha akakurumidza kuisa vashandi vake nezvipfuwo zvake mumba, asi wese asina kuteerera shoko raJehovha akasiya vashandi vake nezvipfuwo zvake kumafuro.” (Eks. 9:18-21) Zviri pachena kuti Jehovha akavayambira zvakakwana zvekuti vaya vakakurumidza kuita zvavakaudzwa havana kusangana nedambudziko.

Farao nevashandi vake vakayambirwawo dambudziko rechi10 risati rasvika, asi havana kuteerera. (Eks. 4:22, 23) Izvi zvakaita kuti vafirwe nevanakomana vavo vaiva matangwe. Zvairwadza chaizvo! (Eks. 11:4-10; 12:29) Vaigona kuteerera zvisati zvavaipira here? Ehe, vaigona! Mozisi akakurumidza kuyambira vaIsraeri nezvedambudziko racho rechi10 rainge rava kutosvika uye akavaudza zvavaifanira kuita kuti mhuri dzavo dziponeswe. (Eks. 12:21-28) Vangani vakaita zvavakaudzwa naMozisi? Zvinofungidzirwa kuti vanhu 3 miriyoni, avo vaisanganisira vaIsraeri ‘neboka guru revanhu vakasiyana-siyana’ revaIjipiti nevamwe vainge vasiri vaIsraeri, vakateerera Jehovha, ndokubuda muIjipiti.—Eks. 12:38; mashoko emuzasi.

Mienzaniso iyi inoratidza kuti Jehovha aiva nechokwadi chekuti vanhu vawana mukana wakakwana wekuti vateerere yambiro yake. (Dheut. 32:4) Aizviitirei? Muapostora Petro anoti Jehovha haana “waanoda kuti aparadzwe asi anoda kuti vanhu vese vasvike pakutendeuka.” (2 Pet. 3:9) Izvi zvinoratidza kuti Mwari aivada. Aida kuti vatendeuke uye kuti vaite zvaaivaudza mutongo wake usati wasvika.—Isa. 48:17, 18; VaR. 2:4.

KUTEERERA YAMBIRO YAMWARI MAZUVA ANO

Mazuva ano, vanhu vese vanofanirawo kuteerera yambiro inokosha iri kuziviswa pasi rese. Jesu paaiva panyika akataura kuti vanhu vakaipa vachaparadzwa panguva ‘yekutambudzika kukuru.’ (Mat. 24:21) Nezvemutongo iwoyo uri mberi, Jesu akataura uprofita hwainyatsorondedzera zvinhu zvaizoonekwa nevateveri vake uye zvaizoitika kwavari kana nguva yacho yava kusvika. Muuprofita ihwohwo, Jesu akataura zvinhu zvikuru zvatiri kuona zvichiitika pasi rese.​—Mat. 24:3-12; Ruka 21:10-13.

Maererano neuprofita ihwohwo, Jehovha ari kukurudzira munhu wese kuti asarudze kumushumira uye kumuteerera. Anoda kuti vanhu vanoteerera vanakidzwe neupenyu iye zvino uye vazowana makomborero munyika yake itsva yakanaka. (2 Pet. 3:13) Kuti abatsire vanhu kuti vave nekutenda mune zvaakavimbisa, Jehovha akaita kuti pave ‘nemashoko akanaka eUmambo’ anoponesa. Jesu akati mashoko iwawo “achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese.” (Mat. 24:14) Mwari ari kuita kuti vanamati vake vechokwadi vape “uchapupu” uhwu kana kuti vaparidze mashoko ake munyika dzinosvika 240. Jehovha anoda kuti vanhu vakawanda chaizvo vateerere yambiro vopona pamutongo wake uri kuuya.​—Zef. 1:14, 15; 2:2, 3.

Saka taona kuti pese panopa Jehovha mitongo yake, anenge ayambira vanhu zvakakwana. Asi mubvunzo unokosha unosara uripo ndeuyu: Vanhu vachakurumidza kuteerera yambiro yaMwari here? Isu sevashumiri vaMwari ngatirambei tichibatsira vanhu vakawanda kuti vazopona pachaparadzwa nyika ino.