Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

Ramba Wakatendeka ‘Pakutambudzika Kukuru’

Ramba Wakatendeka ‘Pakutambudzika Kukuru’

“Idai Jehovha, imi mese vakavimbika kwaari! Jehovha anochengetedza vakatendeka.”​—PIS. 31:23.

RWIYO 129 Ticharamba Tichitsungirira

ZVICHADZIDZWA *

1-2. (a) Munguva pfupi iri kuuya, vatungamiriri venyika vachazivisa kuti chii? (b) Mibvunzo ipi yatinofanira kupindura?

FUNGIDZIRA vatungamiriri venyika vachangobva kutaura mashoko ava nenguva refu akamirirwa ekuti “kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana.” Vanogona kunge vachidada kuti nyika haisati yambova nerunyararo rwakadaro. Vanenge vachida kuti tifunge kuti vanokwanisa kupedza matambudziko ese ari panyika. Asi havazokwanisi kumisa zvinenge zvava kuda kuitika! Nei vasingakwanisi? Sezvinotaurwa neuprofita huri muBhaibheri, “vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri, . . . uye havasi kuzopukunyuka.”​—1 VaT. 5:3.

2 Pane mibvunzo inokosha inofanira kupindurwa inoti: Chii chichaitika ‘pakutambudzika kukuru’? Jehovha achada kuti tiitei panguva iyoyo? Uye tingagadzirira sei iye zvino kuti tizoramba takatendeka pakutambudzika kukuru?​—Mat. 24:21.

CHII CHICHAITIKA ‘PAKUTAMBUDZIKA KUKURU’?

3. Maererano naZvakazarurwa 17:5, 15-18, Mwari achaparadza sei “Bhabhironi Guru”?

3 Verenga Zvakazarurwa 17:5, 15-18. “Bhabhironi Guru” richaparadzwa! Sezvambotaurwa, vatungamiriri venyika havazokwanisi kumisa zvinenge zvichiitika panguva iyoyo. Nei vasingazokwanisi? “Nekuti Mwari [achaisa] mumwoyo mavo kuti vaite zvaari kufunga.” Zvii izvozvo? Achange achifunga kuparadza zvitendero zvese zvenhema, kusanganisira chiKristu chenhema. * Mwari achaisa zvaari kufunga mumwoyo ‘yenyanga gumi’ ‘dzechikara chitsvuku.’ Nyanga gumi dzinomiririra hurumende dzese dzinotsigira “chikara,” kureva Sangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese. (Zvak. 17:3, 11-13; 18:8) Kana hurumende idzodzo dzapandukira chitendero chenhema, ndiko kuchava kutanga kwekutambudzika kukuru. Izvi zvichangoerekana zvaitika uye zvichatyisa vanhu panyika.

4. (a) Hurumende dzenyika dzinogona kuzopa zvikonzero zvipi zvekuparadza kwadzichaita zvitendero zvenhema? (b) Vanhu vaimbova muzvitendero izvozvo vanogona kuzoitei?

4 Hatizivi kuti hurumende dzenyika dzichapa zvikonzero zvipi zvekuparadza kwadzichaita Bhabhironi Guru. Dzinogona kutaura kuti zvitendero ndizvo zvinotadzisa kuti panyika pave nerunyararo uye kuti zvinoramba zvichipindira mune zvematongerwo enyika. Kana kuti dzinogona kutaura kuti masangano ezvitendero iwayo akazviunganidzira upfumi hwakawandisa. (Zvak. 18:3, 7) Zvine musoro kuti kuparadzwa kwaachaitwa hakurevi kuti vanhu vese vezvitendero izvozvo vachaparadzwa. Asi kunenge kuti hurumende dzenyika dzichaparadza masangano ezvitendero. Kana masangano iwayo angoparadzwa, vanhu vaimbova muzvitendero izvozvo vachabva vaona kuti vatungamiriri vavo vezvitendero vakavanyengera uye kunenge kuti vachange vasisadi kuzivikanwa kuti ndizvo zvaiva zvitendero zvavo.

5. Jehovha akavimbisa kuti achaitei pakutambudzika kukuru uye achazviitirei?

5 Bhaibheri haritauri kuti zvichatora nguva yakareba sei kuti Bhabhironi Guru riparadzwe, asi tinoziva kuti zvichaitika munguva pfupi. (Zvak. 18:10, 21) Jehovha akavimbisa kuti ‘achatapudza mazuva iwayo’ kuitira kuti vanhu vake “vaakasarudza” vasaparara uye kuti chitendero chechokwadi chisaparadzwa. (Mako 13:19, 20) Asi Jehovha anoda kuti tinge tichiitei kubvira pachatanga kutambudzika kukuru kusvika pahondo yeAmagedhoni?

RAMBA UCHITSIGIRA CHITENDERO CHECHOKWADI

6. Nei zvisina kukwana kungozviparadzanisa nechitendero chenhema?

6 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, Jehovha anoda kuti vanamati vake vazviparadzanise neBhabhironi Guru. Asi hatifaniri kungogumira ipapo. Tinofanirawo kuramba tichishumira Jehovha. Ona kuti tingazviita sei munzira mbiri.

Ngatisamborega kuungana pamwe chete kunyange zvinhu zvikaoma (Ona ndima 7) *

7. (a) Tingaramba sei tichiteerera mitemo yaJehovha panyaya dzekuzvibata? (b) VaHebheru 10:24, 25 inoratidza sei kuti kuungana pamwe chete kunokosha, kunyanya iye zvino?

7 Chekutanga, tinofanira kuramba tichiteerera mitemo yaJehovha panyaya dzekuzvibata. Hatifaniri kuva nemaonero enyika panyaya dzekuzvibata. Semuenzaniso, hatitsigiri kuita zvebonde kwese kunopesana nemutemo waMwari, kusanganisira kuroorana kwemurume nemurume kana mukadzi nemukadzi uye mamwe maitiro eungochani. (Mat. 19:4, 5; VaR. 1:26, 27) Chechipiri, tinofanira kuramba tichinamata pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Tinoita izvi chero kwatinokwanisa, mungava muDzimba dzeUmambo, mudzimba dzedu kana patisingaonekwi nevanhu. Pasinei nezvingaitika, hatifaniri kurega kuungana nevamwe vaKristu tichinamata. Tinotofanira kuungana pamwe chete “zvikurukuru [tichiona] zuva richiswedera kudai.”​—Verenga VaHebheru 10:24, 25.

8. Mashoko atinoparidza angangochinja sei mune ramangwana?

8 Pakutambudzika kukuru, mashoko atinoparidza anogona kuchinja. Parizvino tiri kuparidza mashoko akanaka eUmambo uye tiri kuedza kuita kuti vanhu vave vadzidzi. Asi panguva iyoyo, zvimwe tichaparidza mashoko anorwadza sechimvuramabwe. (Zvak. 16:21) Zvimwe tichaparidza nezvekuti nyika yaSatani yava pedyo nekuparadzwa zvachose. Tichazoziva hedu kuti tichaparidza nezvei uye kuti tichaparidza sei. Tichashandisa here nzira dzatanga tichishandisa pakuita ushumiri hwedu kwemakore anopfuura 100? Tichashandisa dzimwewo nzira here? Hatizivi. Pasinei nenzira yatichaparidza nayo, zvinoita sekuti tichava neropafadzo yekuparidza neushingi mashoko aJehovha ekutonga.​—Ezek. 2:3-5.

9. Mashoko edu anogona kuita kuti hurumende dziite sei, asi tine chokwadi chei?

9 Zvinoita sekuti mashoko edu achaita kuti hurumende dziedze kutirambidza kuita basa redu zvachose. Tichafanira kuvimba naJehovha sezvatiri kuita iye zvino pakuita ushumiri hwedu. Tine chokwadi chekuti Mwari wedu achatipa simba rekuti tiite kuda kwake.​—Mika 3:8.

GARA WAKAGADZIRIRA KURWISWA KUCHAITWA VANHU VAMWARI

10. Sezvakagara zvataurwa pana Ruka 21:25-28, vakawanda vachaita sei pakutambudzika kukuru?

10 Verenga Ruka 21:25-28. Pakutambudzika kukuru, vanhu vachavhunduka pavachaona zvinhu zvavaifunga kuti zvicharamba zviripo zvichiparara. Vachange ‘vachinetseka,’ vachityira kuti vangaurayiwa panguva iyi yakaoma zvikuru muupenyu hwevanhu. (Zef. 1:14, 15) Panguva iyoyo kunyange vanhu vaJehovha vanogona kutowedzera kuomerwa neupenyu. Sezvo tichiramba tisiri venyika, zvimwe zvinhu zvinogona kutiomera. Tingatofanira kurarama tisina zvimwe zvinhu zvinokosha muupenyu.

11. (a) Nei vatungamiriri venyika nevamwe vanhu vachati nangananga neZvapupu zvaJehovha? (b) Nei tisingafaniri kutya kutambudzika kukuru?

11 Pane imwe nguva, vanhu vane zvitendero zvinenge zvaparadzwa vanogona kutsamwa kuti sangano reZvapupu zvaJehovha richiripo. Zviri pachena kuti vachaita kuti vanhu vakawanda vazive nezvekutsamwa kwavo, zvimwe vachishandisa zvinhu zvakadai seIndaneti. Vanhu venyika nemutongi wavo Satani vachativenga nekuti chitendero chedu ndicho chete chinenge chasara. Vachange vasina kubudirira pachinangwa chavo chekubvisa zvitendero zvese panyika. Saka vachati nangananga nesu. Panguva iyi nyika ndipo padzichava Gogi weMagogi. * Dzichabatana dzoita zvese zvadzinogona kuti dzirwise vanhu vaJehovha. (Ezek. 38:2, 14-16) Tinogona kutanga kunetseka patinofunga zvinhu izvozvo sezvo tisinganyatsozivi kanhu kese kachaitika panguva iyi. Asi chatinoziva ndechekuti: Hatifaniri kutya kutambudzika kukuru. Jehovha achatiudza zvatinofanira kuita kuti tipone. (Pis. 34:19) Tichakwanisa ‘kusimuka, tosimudza misoro yedu,’ nekuti tinenge tichiziva kuti “kununurwa [kwedu] kuri kuswedera pedyo.” *

12. “Muranda akatendeka, akangwara” ari kutibatsira sei kuti tigadzirire zvichaitika mune ramangwana?

12 “Muranda akatendeka, akangwara” ari kutibatsira kuti tizoramba takatendeka pakutambudzika kukuru. (Mat. 24:45) Ari kuita izvi nenzira dzakasiyana-siyana. Funga nezvemagungano emunharaunda atakava nawo kubva muna 2016 kusvika muna 2018. Magungano iwayo akatibatsira kuti tiwedzere kuva vanhu vakavimbika, vanotsungirira uye vakashinga sezvo tava pedyo nezuva raJehovha. Ngatimbokurukurai kuti izvozvo tingazviita sei.

RAMBA UCHIWEDZERA KUVA MUNHU AKAVIMBIKA, ANOTSUNGIRIRA UYE ANE USHINGI

Gadzirira iye zvino kuti uzopona ‘pakutambudzika kukuru’ (Ona ndima 13-16) *

13. Tingawedzera sei kuva vanhu vakavimbika kuna Jehovha, uye nei tichifanira kuita izvozvo iye zvino?

13 Kuvimbika: Musoro wegungano remunharaunda ra2016 waiti “Ramba Wakavimbika Kuna Jehovha!” Gungano iri rakatidzidzisa kuti kana tikava neushamwari hwepedyo naJehovha ticharamba takatendeka kwaari. Takayeuchidzwa kuti tinogona kuswedera pedyo naJehovha nekunyengetera kwaari nemwoyo wese uye nekushanda nesimba pakudzidza Shoko rake. Patinoita izvozvo tinobva tawana simba rekukunda miedzo yakakura chaizvo. Sezvo kutambudzika kukuru kwava pedyo, tinogona kutarisira kuti zvichatowedzera kutiomera kuti tirambe takavimbika kuna Mwari uye kuUmambo hwake. Vanhu vanogona kuramba vachitinyomba. (2 Pet. 3:3, 4) Izvi zvinogona kuitika nekuti hatitsigiri nyika yaSatani. Tinofanira kuwedzera kuva vanhu vakavimbika iye zvino kuti tizoramba takavimbika pakutambudzika kukuru.

14. (a) Chii chichachinja pakutungamirirwa kwevanhu vaJehovha panyika? (b) Nei tichifanira kuva vanhu vakavimbika panguva iyoyo?

14 Pane zvichachinja pakutungamirirwa kwevanhu vaJehovha. Pane imwe nguva pakutambudzika kukuru, vaKristu vese vakazodzwa avo vanenge vachiri panyika vachaenda kudenga kuti vazorwa pahondo yeAmagedhoni. (Mat. 24:31; Zvak. 2:26, 27) Izvi zvinoreva kuti tichange tisisina Dare Rinotungamirira pano panyika. Asi boka guru richaramba rakarongeka. Hama dzakakodzera dziri muboka remamwe makwai ndidzo dzichange dzava kutungamirira. Tichafanira kuratidza kuti takavimbika kuna Jehovha nekuteerera hama idzodzo uye kuita zvadzinenge dzichiudzwa naMwari. Kana tichida kupona tinofanira kubvuma kutungamirirwa nadzo.

15. Kutsungirira kwedu kunobva pachii, uye nei zvichikosha kuti titsungirire iye zvino?

15 Kutsungirira: Musoro wegungano remunharaunda ra2017 waiti “Usaneta!” Gungano iri rakatibatsira kuti tiwedzere kuva neushingi hwekutsungirira miedzo. Takadzidza kuti kutsungirira kwedu hakubvi pakuti tinenge tiine zvimwe zvinhu zviri kutifambira zvakanaka, asi kunobva pakuvimba kwatinoita naJehovha. (VaR. 12:12) Ngatisambokanganwa zvakavimbiswa naJesu zvekuti: “Anenge atsungirira kusvikira kumugumo achaponeswa.” (Mat. 24:13) Vimbiso iyi inoratidza kuti tinofanira kuramba takatendeka pasinei nematambudziko atingava nawo. Kana tikatsungirira matambudziko edu ese iye zvino, panozosvika kutambudzika kukuru tinenge tiine kutenda kwakasimba.

16. Chii chinoita kuti tive neushingi, uye tingaitei iye zvino kuti tiwedzere kuvimba naJehovha?

16 Ushingi: Musoro wegungano remunharaunda ra2018 waiti “Shinga!” Gungano iri rakatiyeuchidza kuti ushingi hwedu hahubvi pane zvatinogona kuita. Sezvataona panyaya yekutsungirira, tinofanirawo kuvimba naJehovha kuti tive neushingi. Tingaitei kuti tiwedzere kuvimba naye? Tinofanira kuverenga Shoko rake zuva nezuva uye kufungisisa kuti Jehovha aiponesa sei vanhu vake kare. (Pis. 68:20; 2 Pet. 2:9) Paticharwiswa nehurumende dzenyika pakutambudzika kukuru, tichafanira kushinga uye kuvimba naJehovha kupfuura zvatagara tichiita. (Pis. 112:7, 8; VaH. 13:6) Kana tikavimba naJehovha iye zvino, tichava neushingi paticharwiswa naGogi. *

IVA NETARIRO YEKUNUNURWA

Jesu neuto rake rekudenga vava pedyo kuuya kuzoparadza vavengi vaMwari pahondo yeAmagedhoni! (Ona ndima 17)

17. Nei tisingafaniri kutya Amagedhoni? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

17 Sezvakataurwa munyaya yakapfuura, vakawanda vedu tararama mumazuva ekupedzisira kubvira patakaberekwa. Asi tinotarisirawo kupona pakutambudzika kukuru. Hondo yeAmagedhoni ndiyo ichaparadza vanhu vese vakaipa vanenge vasara. Hatifaniri kutya hondo iyi nekuti ichange iri hondo yaMwari uye isu hatisi kuzorwa. (Zvir. 1:33; Ezek. 38:18-20; Zek. 14:3) Jehovha paachati ngaichitanga, Jesu Kristu achabva atungamirira uto raMwari pahondo yacho. Achange aine ve144 000 pamwe chete nezviuru zvengirozi. Vacharwa naSatani, nemadhimoni ake pamwe chete nemauto avo anenge ari panyika.​—Dhan. 12:1; Zvak. 6:2; 17:14.

18. (a) Jehovha akavimbisei? (b) Zvakazarurwa 7:9, 13-17 inoita kuti uve nechivimbo chei nezveramangwana?

18 Jehovha akavimbisa kuti: “Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira.” (Isa. 54:17) “Boka guru” revanamati vaJehovha vakatendeka ‘richapona pakutambudzika kukuru.’ Vachaenderera mberi nekumuitira basa dzvene. (Verenga Zvakazarurwa 7:9, 13-17.) Bhaibheri rinotipa zvikonzero zvakawanda zvekuti tive nechokwadi chekuti tichaponeswa mune ramangwana. Tinoziva kuti “Jehovha anochengetedza vakatendeka.” (Pis. 31:23) Vese vanoda Jehovha uye vanomurumbidza vachafara pavachaona achireverera zita rake dzvene.​—Ezek. 38:23.

19. Tichava neupenyu hwakaita sei munguva pfupi iri kuuya?

19 Funga kuti 2 Timoti 3:2-5 inganyorwa sei kana kuri kuti iri kurondedzera vanhu vemunyika itsva vasingafurirwi naSatani. (Ona bhokisi rinoti “ Zvichange Zvakaita Vanhu Panguva Iyoyo.”) Hama George Gangas, * avo vaiva muDare Rinotungamirira, vakazvitsanangura seizvi: “Ichange iri nyika yakanaka chaizvo munhu wese achinamata Jehovha. Munguva pfupi inotevera, uchange wava neropafadzo yekugara munyika itsva. Uchararama nekusingaperi.” Iyi itariro yakazonaka!

RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!

^ ndima 5 Tinoziva kuti vanhu vese vachasangana ‘nekutambudzika kukuru’ kwava pedyo. Chii chichaitika kuvashumiri vaJehovha panguva iyoyo? Jehovha achada kuti tiitei ipapo? Tinofanira kuva vanhu vakaita sei iye zvino kuti tizoramba takatendeka? Izvi tichazvidzidza munyaya ino.

^ ndima 3 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Mashoko ekuti chiKristu chenhema ari kureva machechi ese anozviti ndeechiKristu asi asingadzidzisi vanhu kuti vanamate Jehovha zvakarurama.

^ ndima 11 KUTSANGANURWA KWEMASHOKO: Mashoko ekuti Gogi weMagogi (uye muchidimbu, Gogi) anoreva nyika dzinenge dzabatana kuti dzirwise kunamata kwakachena kutambudzika kukuru kwava kunopera.

^ ndima 11 Kuti uone panonyatsokurukurwa zvichaitika hondo yeAmagedhoni isati yatanga, ona chitsauko 21 chebhuku rinonzi Umambo hwaMwari Huri Kutonga! Kuti uone panotaura nezvekurwisa kuchaita Gogi weMagogi uye kuti Jehovha achadzivirira sei vanhu vake paAmagedhoni, ona Nharireyomurindi yaJuly 15, 2013 mapeji 3-8 uye yaJuly 15, 2015 mapeji 14-19.

^ ndima 16 Gungano remunharaunda ra2019 iro rine musoro unoti “Rudo Harumboperi”! rinoita kuti tive nechivimbo chekuti tinogona kuramba takachengeteka mumaoko aJehovha.​—1 VaK. 13:8.

^ ndima 19 Ona nyaya inoti “Mabasa Avo Anovatevera” muNharireyomurindi yaDecember 1, 1994.

^ ndima 65 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pakutambudzika kukuru, Zvapupu zvishomanana zvichishinga kuungana pamwe chete musango kuti zvinamate.

^ ndima 67 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Boka guru revanamati vaJehovha vakatendeka richabuda mukutambudzika kukuru richifara!