Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 43

Zvipire Zvakazara Kuna Jehovha

Zvipire Zvakazara Kuna Jehovha

“Jehovha ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara.”​—NAH. 1:2.

RWIYO 51 Takazvitsaurira Kuna Mwari!

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei Jehovha ari iye chete watinofanira kunamata?

JEHOVHA ndiye chete watinofanira kunamata nekuti ndiye akatisika uye akatipa upenyu. (Zvak. 4:11) Asi pane zvatinofanira kungwarira. Kunyange zvazvo tichida Jehovha uye tichimuremekedza, pane zvinhu zvinogona kutitadzisa kuzvipira zvakazara kwaari. Tinofanira kunzwisisa kuti izvozvo zvinoitika sei. Asi ngatitangei nekukurukura kuti kuzvipira zvakazara kunosanganisirei.

2. Maererano naEksodho 34:14, tinoitei kana takazvipira zvakazara kuna Jehovha?

2 Bhaibheri parinotaura nezvekuzvipira kuna Mwari rinenge richireva kumuda zvakadzama. Kana takazvipira zvakazara kuna Jehovha, tinonamata iye chete. Hatizobvumiri mumwe munhu kana chimwe chinhu kutora nzvimbo yake mumwoyo medu.​—Verenga Eksodho 34:14.

3. Tine zvikonzero zvipi zvekuti tizvipire kuna Jehovha?

3 Takazvipira kuna Jehovha pasina chikonzero here? Aiwa. Kuzvipira kwedu kunobva pane zvatakadzidza nezvake. Takasvika pakuyemura zvaari. Tinoziva zvaanoda nezvaasingadi uye manzwiro ake ndiwo atinoitawo. Tinoziva kuti akatisikirei uye tinorarama maererano nechinangwa ichocho. Tinofara chaizvo kuti anotibvumira kuti tive shamwari dzake. (Pis. 25:14) Zvese zvatinodzidza nezveMusiki wedu zvinoita kuti tiswedere pedyo naye.​—Jak. 4:8.

4. (a) Dhiyabhorosi anoshandisei kuti tisaramba takazvipira zvakazara kuna Jehovha? (b) Tichakurukurei munyaya ino?

4 Nyika ino iri mumaoko aDhiyabhorosi uye achishandisa nyika iyoyo anoita kuti tinyanye kukoshesa zvinhu zvinodiwa nenyama yedu uye anoita kuti zvitiomere kukunda zvido zvakaipa. (VaEf. 2:1-3; 1 Joh. 5:19) Anoda kuti tidewo zvimwe zvinhu, topedzisira tisisina kuzvipira zvakazara kuna Jehovha. Ngatikurukurei nzira mbiri dzaanowanzoshandisa achibudirira. Yekutanga, anotiisa pamuedzo wekuda mari uye yechipiri, anoedza kutinyengera kuti tisarudze kuvaraidzwa nezvinhu zvisina kunaka.

NGWARIRA KUTI USADA MARI

5. Nei tichifanira kungwarira kuti tisatanga kuda mari?

5 Tese tinoda kuva nezvekudya zvakakwana, zvekupfeka zvakanaka, uye pekugara pakanaka. Asi tinofanira kungwarira kuti tisatanga kuda mari. Vanhu vakawanda “vanoda mari” uye zvinhu zvainotenga. (2 Tim. 3:2) Jesu aiziva kuti vateveri vake vanogona kuva pamuedzo uyu. Saka akavaudza kuti: “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nekuti anogona kuvenga mumwe oda mumwe wacho, kana kuti acharamba achida mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.” (Mat. 6:24) Munhu anonamata Jehovha uku achipedza nguva yakawanda nesimba achiedza kuwana pfuma, anenge achiedza kushandira vanatenzi vaviri. Anenge asiri kuzvipira zvakazara kuna Jehovha.

Vamwe vaRaodhikiya vaizviona seizvi . . . asi Jehovha naJesu vaivaona seizvi (Ona ndima 6)

6. Tinodzidzei pamashoko aJesu aakaudza ungano yaiva muRaodhikiya?

6 Pasara nguva pfupi kuti gore ra100 C.E. risvike, vaKristu vaiva muguta reRaodhikiya vaizvikudza vachiti: “Ndakapfuma uye ndine upfumi, hapana chandinoshaya.” Asi kuna Jehovha naJesu, ‘vaisiririsa, vainzwisa tsitsi, vaiva varombo, mapofu uye vainge vasina kupfeka.’ Jesu haana kuvatsiurira kupfuma kwavo, asi akavatsiura nekuti kuda kwavaiita pfuma kwaikanganisa ushamwari hwavo naJehovha. (Zvak. 3:14-17) Kana tikaona kuti tava kutanga kuda pfuma mumwoyo medu, tinofanira kukurumidza kugadzirisa mafungiro edu. (1 Tim. 6:7, 8) Kana tikasadaro, tinopedzisira tava nemwoyo miviri uye Jehovha haazogamuchiri kunamata kwedu. “Anoda kuzvipira kwakazara.” (Dheut. 4:24) Zvinofamba sei kuti tipedzisire tava kunyanya kukoshesa mari muupenyu hwedu?

7-9. Unodzidzei pane zvakaitika kumukuru anonzi David?

7 Funga nezvaDavid, mukuru anoshanda nesimba anogara muUnited States. Anoti aiva munhu anoshanda nesimba kubasa kwake. Akakwidziridzwa pakambani yaaishandira, uye munyika macho akasvika pakuzivikanwa seimwe yenyanzvi dzebasa raaiita. “Panguva iyoyo ndaifunga kuti kubudirira kwandaiita kwaiva kukomborerwa naJehovha,” akadaro David. Asi tingati kwaiva kukomborerwa here?

8 David akatanga kuona kuti basa rake raikanganisa ushamwari hwake naJehovha. Anoti, “Pamisangano yeungano kunyange muushumiri, ndaizongoona ndava kufunga zvinhu zvainetsa kubasa. Ndaiwana mari yakawanda, asi ndaiwedzera kunetseka, uye ini nemudzimai wangu tainge tisisagarisane zvakanaka.”

9 David akaona kuti aifanira kusarudza kuti zvinonyanya kukosha kwaari ndezvipi. Anoti, “Ndakashinga kuti ndigadzirise upenyu hwangu.” David aida kuchinja mashandiro aaiita, uye akaudza mukuru wake webasa zvaainge aronga. Zvakaguma nei? David akadzingwa basa! Saka akazoita sei? Akati: “Mangwana acho chaiwo ndakazadza fomu kuti ndishumire sapiyona webetsero kwenguva yakareba.” Kuti vawane cheuviri, David nemudzimai wake vakatanga kuita basa rekuchenesa zvivakwa. Papera kanguva, David akava piyona wenguva dzese, uye mudzimai wake akazotangawo kupayona. Vaviri ava vakasarudza kuita basa rinotarisirwa pasi nevakawanda, asi basa ravari kuita harisi iro rinonyanya kukosha kwavari. Kunyange zvazvo mari yavava kuwana iri shoma zvekuti inopinda ka10 mune yavaimbowana, mwedzi wega wega vanowana inovakwanira. Vanoda kuti Jehovha ave pekutanga muupenyu hwavo, uye vakazvionera vega kuti Jehovha anochengeta vaya vanoisa zvine chekuita neUmambo pekutanga.​—Mat. 6:31-33.

10. Tingachengetedza sei mwoyo yedu?

10 Tingave tiine mari shoma kana kuti yakawanda, tinofanira kuchengetedza mwoyo yedu. Tinozviita sei? Usatange kuda pfuma. Uye usaita kuti basa rako rikoshe kupfuura basa raunoitira Jehovha. Ungaziva sei kana zviri izvo zvava kuitika kwauri? Mimwe mibvunzo yaungazvibvunza ndeiyi: ‘Ndinowanzofunga nezvebasa rangu pandinenge ndiri pamisangano kana muushumiri here? Ndinoramba ndichinetseka nezvekuwana mari inondikwanira mune ramangwana here? Mari nepfuma zviri kuita kuti ndinetsane newandakaroorana naye here? Ndingada kuita basa rinotarisirwa pasi nevamwe asi richindiwanisa nguva yakawanda yekushumira Jehovha here?’ (1 Tim. 6:9-12) Patinenge tichifunga nezvemibvunzo iyoyo, ngatiyeukei kuti Jehovha anotida uye anovimbisa vaya vakazvipira kwaari kuti: “Handizokusiyi, uye handizokurasi.” Ndosaka muapostora Pauro akanyora kuti: “Mararamiro enyu ngaarege kuva ekuda mari.”​—VaH. 13:5, 6.

NGWARIRA PAUNOSARUDZA ZVINOKUVARAIDZA

11. Chii chinogona kuitika kumunhu nemhaka yezvaanosarudza kuvaraidzwa nazvo?

11 Jehovha anoda kuti tinakidzwe neupenyu, uye zvinhu zvinovaraidza zvinogona kutibatsira kudaro. Shoko raMwari rinoti: “Hapana chiri nani pane kuti munhu adye, anwe uye afadzwe nekushanda kwake nesimba.” (Mup 2:24) Asi zvakawanda zvinovaraidza vanhu munyika zvinogona kutikanganisa. Zvinoodza tsika dzevanhu, zvichivakurudzira kugamuchira kana kufarira zvinhu zvinorambidzwa neShoko raMwari.

Ndiani ari kugadzira zvaunovaraidzwa nazvo? (Ona ndima 11-14) *

12. Maererano na1 VaKorinde 10:21, 22, nei tichifanira kungwarira pakusarudza zvinotivaraidza?

12 Tinoda kuzvipira zvakazara kuna Jehovha, saka hazviiti kuti tidyire “patafura yaJehovha” ukuwo tichidyira “patafura yemadhimoni.” (Verenga 1 VaKorinde 10:21, 22.) Kudya nemumwe munhu kunowanzoratidza ushamwari. Kana tikasarudza kuvaraidzwa nezvinhu zvinokurudzira kurwisana, chidhimoni, upombwe, kana kuti zvimwe zvinhu zvinoratidza kuchiva kwenyama, tinenge tichidya nevavengi vaMwari uye tichidya zvekudya zvavanenge vabika. Saka tinopedzisira takuvara uye tinokanganisawo ushamwari hwedu naJehovha.

13-14. Tichifunga zvinotaurwa pana Jakobho 1:14, 15, nei tichifanira kungwarira zvatinosarudza kuvaraidzwa nazvo? Taura muenzaniso.

13 Zvinhu zvinovaraidza zvingafananidzwa sei nechikafu? Tinogona kusarudza zvatinoda kudya, asi kana tangomedza, hatigoni kuzosarudza kuti zvatadya zvichashanda sei mumuviri medu. Chikafu chakanaka chinoita kuti tive neutano hwakanaka, asi chisina kunaka chinogona kutirwarisa. Izvi zvinogona kusaoneka nekukurumidza asi zvinozooneka nekufamba kwenguva.

14 Izvi ndizvo zvatinoitawo panyaya yekusarudza zvinotivaraidza. Tinogona kusarudza zvatinoisa mupfungwa dzedu. Asi kana tadaro, zvatinenge tasarudza zvacho zvine zvazvinoita mupfungwa dzedu nemumwoyo medu. Kuvaraidzwa nezvinhu zvakanaka kunotizorodza asi kuvaraidzwa nezvinhu zvakashata kunotikuvadza. (Verenga Jakobho 1:14, 15.) Kukanganiswa kwatinoitwa nekuvaraidzwa nezvinhu zvakashata kungasakurumidza kuoneka, asi kunogona kuzobuda pachena nekufamba kwenguva. Ndosaka Bhaibheri richitiyambira kuti: “Musatsauswa: Mwari haasi wekuseka. Nekuti zvinodyarwa nemunhu, ndizvo zvaachakohwa; nekuti anodyara achiitira nyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake.” (VaG. 6:7, 8) Zvinokosha chaizvo kuti tirambe varaidzo yese inokurudzira zvinhu zvinovengwa naJehovha!​—Pis. 97:10.

15. Chipo chipi chatakapiwa naJehovha kuti tinakidzwe nacho?

15 Vanhu vaJehovha vakawanda vanofarira kuona JW Broadcasting®, nhepfenyuro yedu yepaIndaneti ine mapurogiramu anobatsira chaizvo. Imwe hanzvadzi inonzi Marilyn yakati: “JW Broadcasting inondibatsira kuti ndigare ndichifara, uye ndinoona zvese zvinobuda ipapo nekuti zvakanaka. Pandinenge ndakaora mwoyo, ndinoona hurukuro inokurudzira kana purogiramu yeKunamata Kwemangwanani. Izvi zvinoita kuti ndive pedyo naJehovha nesangano rake. JW Broadcasting yakanyatsochinja upenyu hwangu.” Uri kubatsirwa here nechipo ichi chinobva kuna Jehovha? JW Broadcasting inobudisa purogiramu yemwedzi nemwedzi, uyewo ine zvimwe zvakawanda zvaunogona kuteerera kana kuona chero paunenge uchida, zvakadai senziyo nemavhidhiyo.

16-17. Nei tichifanira kuisa muganhu panguva yatinoshandisa pakuzvivaraidza uye tingazviita sei?

16 Tinofanira kungwarira pakusarudza mhando yezvatinovaraidzwa nazvo uyewo kuwanda kwenguva yatinopedzera pazviri. Kana tikasadaro, nguva yatinopedza tichizvivaraidza inogona kuwanda kupfuura yatinoshandisa pakushumira Jehovha. Vakawanda vanoomerwa nekuisa muganhu panguva yavanopedzera pakuzvivaraidza. Imwe hanzvadzi ine makore 18 inonzi Abigail inoti: “Kuona TV kunondibatsira kuzorodza pfungwa pashure pekunge ndaswera ndichishanda zvakaoma. Asi kana ndikasangwarira, ndinogona kupedza maawa akawanda ndichiiona.” Imwe hama ine makore 21 inonzi Samuel inoti: “Dzimwe nguva ndinoona tumavhidhiyo tupfupi twakawanda paIndaneti. Ndinotanga nekuona kavhidhiyo kamwe chete, uye ndinotozoona kuti papera maawa 3 kana 4 ndichiona tumavhidhiyo utwu.”

17 Ungaisa sei muganhu panguva yaunopedza uchizvivaraidza? Danho rekutanga nderekuona kuti inguva yakawanda sei yauri kushandisa pakuzvivaraidza. Wadii kuzviedza kwevhiki rimwe chete? Nyora pasi maawa aunopedza uchiona TV, uchitarisa zvinhu paIndaneti, uye uchitamba magemhu pafoni kana patablet. Kana ukaona kuti uri kupedza nguva yakawandisa, edza kuva nepurogiramu. Tanga nekunyora nguva yauchashandisa pazvinhu zvinonyanya kukosha, wozonyora nguva yekuzvivaraidza. Chibva wakumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe uchitevedzera zvawakaronga. Kana ukadaro uchawana nguva nesimba rekuita zvinhu zvakadai sekudzidza Bhaibheri uri wega, kunamata kwemhuri, kupinda misangano yeungano, uye kushumira Jehovha mubasa rekuparidza nekudzidzisa. Ukaita izvozvo hauzozvipi mhosva nezvenguva yaunoshandisa pakuzvivaraidza.

RAMBA WAKAZVIPIRA ZVAKAZARA KUNA JEHOVHA

18-19. Tingaratidza sei kuti takazvipira zvakazara kuna Jehovha?

18 Pashure pekunyora nezvekuguma kwenyika yaSatani uye nezvenyika itsva iri kuuya, muapostora Petro akati: “Vadiwa, sezvo makamirira zvinhu izvi, itai zvese zvamunogona kuti pakupedzisira muwanikwe naye musina ruvara kana pakasviba, muine rugare.” (2 Pet. 3:14) Patinoteerera zano iroro, toita zvese zvatinogona kuti tirambe tichirarama uye tichinamata nenzira inodiwa naJehovha, tinoratidza kuti takazvipira zvakazara kwaari.

19 Satani nenyika yake vacharamba vachitiisa pamuedzo wekuti tinyanye kukoshesa zvimwe zvinhu kupfuura Jehovha. (Ruka 4:13) Asi hatizoregi chero ani kana chii zvacho chichitora nzvimbo yaJehovha mumwoyo medu. Takatsunga kuzvipira zvakazara kuna Jehovha!

RWIYO 30 Baba Vangu, Mwari Wangu, Shamwari Yangu

^ ndima 5 Takazvipira kushumira Jehovha. Asi ndiye chete watakazvipira kwaari here? Mhinduro yacho inoratidzwa nezvisarudzo zvatinoita. Kuti tione kuti takazvipira zvakadii kuna Jehovha, ngationei zvisarudzo zvatinoita panyaya yemari uye panyaya yezvinhu zvinotivaraidza.

^ ndima 53 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hatidi kudya chikafu chinobikirwa mukicheni musina utsanana. Saka hatifaniri kuona varaidzo ine kurwisana, chidhimoni kana upombwe.