Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira AbhabhatidzwaChikamu 1

Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira AbhabhatidzwaChikamu 1

“Zviri pachena kuti muri tsamba yaKristu yakanyorwa nesu sevashumiri.”—2 VAK. 3:3.

RWIYO 78 “Kudzidzisa Shoko raMwari”

ZVICHADZIDZWA *

Hapana chinofadza vanhu vese vemuungano kupfuura kuona mudzidzi weBhaibheri wavanoda achibhabhatidzwa (Ona ndima  1)

1. Mashoko ari pana 2 VaKorinde 3:1-3 anotibatsira sei kukoshesa ropafadzo yatiinayo yekudzidzisa mumwe munhu Bhaibheri kusvikira abhabhatidzwa? (Ona mufananidzo uri pakavha.)

UNONZWA sei paunoona mudzidzi weBhaibheri anogara mundima yeungano yenyu achibhabhatidzwa? Izvi zvinoita kuti ufare chaizvo. (Mat. 28:19) Kuzoti kana uriwe wakadzidza naye Bhaibheri, unoita seuchabata denga! (1 VaT. 2:19, 20) Vadzidzi vatsva vakabhabhatidzwa “itsamba dzekurumbidza” kune vaya vakadzidza navo Bhaibheri, uyewo kuungano yese.—Verenga 2 VaKorinde 3:1-3.

2. (a) Mubvunzo upi unokosha watinofanira kufunga nezvawo, uye nei tichifanira kudaro? (b) Chii chinonzi chidzidzo cheBhaibheri? (Ona mashoko emuzasi.)

2 Zvinofadza chaizvo kuona kuti mumakore 4 adarika, mwedzi wega wega, zvidzidzo zveBhaibheri * zvinenge 10 000 000 zvaiitiswa pasi rese. Uye mumakore iwayo, vanhu vanopfuura 280 000 vaibhabhatidzwa gore rega rega vachiva Zvapupu zvaJehovha uye vachiva vadzidzi vatsva vaJesu Kristu. Tingabatsira sei vamwe vavo kuti vabhabhatidzwe? Sezvo Jehovha achiri kupa vanhu nguva nemukana, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tivabatsire kuti vabhabhatidzwe nekukurumidza. Nguva yapera!—1 VaK. 7:29a; 1 Pet. 4:7.

3. Tichakurukurei munyaya ino nezvekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

3 Sezvo zvichinyanya kukosha kuti tiite kuti vanhu vave vadzidzi iye zvino, mahofisi emapazi akabvunzwa zvingaitwa kuti tibatsire vadzidzi veBhaibheri vakawanda kuti vasvike pakubhabhatidzwa. Munyaya ino neinotevera, tichaona zvatingadzidza kubva pamapiyona agara nebasa, mamishinari uye vatariri vematunhu. * (Zvir. 11:14; 15:22) Vakataura zvinogona kuitwa nevadzidzisi veBhaibheri nevadzidzi vavo kuti chidzidzo chacho chinyatsobatsira mudzidzi. Munyaya ino, tichakurukura zvinhu zvishanu zvinofanira kuitwa nemudzidzi kuti asvike pakubhabhatidzwa.

DZIDZA NAYE VHIKI REGA REGA

Bvunza mudzidzi kana zvichiita kuti mukurukure Bhaibheri makagara pasi (Ona ndima 4-6)

4. Chii chatinofanira kuziva nezvekudzidza Bhaibheri takamira pasuo rasaimba?

4 Hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda dzinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri pasuo rasaimba. Kunyange zvazvo izvi zvichiita kuti munhu atange kufarira Bhaibheri, kakawanda kacho kukurukura uku kunenge kuri kwenguva pfupi uye kungasaitwa vhiki nevhiki. Kuti munhu wacho arambe achifarira, vamwe vanomukumbira nhamba yefoni kuitira kuti vazopota vachimufonera kana kumutumira meseji vachikurukura nezveBhaibheri. Vanogona kuramba vachikurukura kwemwedzi yakawanda vasati vatanga kudzidza Bhaibheri zvakarongeka. Mudzidzi anganyatsofambira mberi here zvekusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa kana achingodzidza Shoko raMwari saizvozvo? Zvingasadaro hazvo.

5. Maererano naRuka 14:27-33, zvii zvakataurwa naJesu zvinogona kutibatsira pabasa redu rekuita kuti vanhu vave vadzidzi?

5 Pane imwe nguva, Jesu akashandisa mufananidzo achitsanangura zvinofanira kuitwa nemunhu kuti ave mudzidzi waJesu. Akataura nezvemunhu anoda kuvaka shongwe uye nezvamambo anoda kuenda kunorwa. Jesu akati munhu ari kuda kuvaka anofanira kutanga ‘agara pasi kuti averenge zvinoda kushandiswa’ kuti apedze shongwe yacho uye akati mambo wacho anofanira ‘kutanga agara pasi onzwawo pfungwa dzevamwe’ kuti aone kana uto rake richikwanisa kuenda kunorwa. (Verenga Ruka 14:27-33.) Jesu aiziva kuti munhu anoda kuva mudzidzi wake anofanira kunyatsoongorora zvaanofanira kuita kuti ave muteveri wake. Saka tinofanira kukurudzira vatinodzidza navo Bhaibheri kuti vadzidze nesu vhiki rega rega. Tingazviita sei?

6. Zvii zvatingaedza kuita kuti tive nezvidzidzo zvinofambira mberi?

6 Tanga nekuwedzera nguva yamunodzidza muri pasuo. Panzvimbo pekukurukura vhesi imwe chete, munogona kukurukura mavhesi maviri pese paunomushanyira. Kana ukaona kuti saimba ava kunzwa akasununguka kuti mukurukure kwenguva yakati rebei, mubvunze kana zvichiita kuti mukurukure makagara pasi. Mhinduro yake icharatidza kuti anokoshesa zvakadii kudzidza Bhaibheri. Kuti umubatsire kufambira mberi nekukurumidza, unogona kumubvunza kana achida kudzidza kaviri pavhiki. Asi pane zvimwe zvinofanira kuitwa zvinopfuura kungodzidza kamwe chete kana kaviri pavhiki.

GADZIRIRA CHIDZIDZO CHIMWE NECHIMWE

Nyatsogadzirira kuti uzodzidza nemunhu Bhaibheri, uye muratidze kuti angagadzirira sei (Ona ndima 7-9)

7. Ndezvipi zvinofanira kuitwa nemudzidzisi pakugadzirira chidzidzo cheBhaibheri chimwe nechimwe?

7 Semudzidzisi, unofanira kunyatsogadzirira chidzidzo cheBhaibheri chimwe nechimwe. Unogona kutanga nekuverenga zvamuchadzidza uye kuona magwaro arimo. Nyatsojekerwa nepfungwa huru. Funga nezvemusoro wechidzidzo chacho, misoro midiki, mibvunzo, magwaro akanzi “verenga,” mifananidzo, uye funga kana paine mavhidhiyo anogona kubatsira pakujekesa nyaya yacho. Chibva wafunga nezvemudzidzi wako, woona kuti ungakurukura sei naye zviri nyore uye zvakajeka kuti akurumidze kuzvinzwisisa uye kuzvishandisa.—Neh. 8:8; Zvir. 15:28a.

8. Mashoko akataurwa nemuapostora Pauro ari pana VaKorose 1:9, 10 anotidzidzisei nezvekunyengeterera vadzidzi vedu veBhaibheri?

8 Paunenge uchigadzirira, nyengetera kuna Jehovha uchitaura nezvemudzidzi wacho uye paangada kubatsirwa. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kudzidzisa Bhaibheri zvinosvika pamwoyo wemudzidzi. (Verenga VaKorose 1:9, 10.) Funga zvingangoomera mudzidzi wako kunzwisisa kana kubvuma. Ramba uchiyeuka kuti chinangwa chako ndechekumubatsira kusvika pakubhabhatidzwa.

9. Ungabatsira sei mudzidzi wako kuti agadzirire chidzidzo? Tsanangura.

9 Tinovimba kuti kana mudzidzi akagara achidzidza Bhaibheri, zvichamubatsira kuonga zvakaitwa naJehovha naJesu, uye zvichaita kuti ade kudzidza zvakawanda. (Mat. 5:3, 6) Kuti anyatsobatsirwa nezvaari kudzidza, mudzidzi wacho anofanira kuisa pfungwa pane zvaari kudzidza. Kuti umubatsire kuita izvozvo, mutsanangurire kukosha kwazvakaita kuti agadzirire chidzidzo chimwe nechimwe nekufanoverenga zvamuchadzidza uye kufunga kuti angashandisa sei mashoko acho muupenyu hwake. Ungamubatsira sei kugadzirira? Gadzirira chimwe chidzidzo naye kuti aone kuti zvinoitwa sei. * Mutsanangurire kuti angawana sei mhinduro dzemibvunzo yechidzidzo chacho uye kuti kumaka mashoko mashoma anokosha kungamubatsira sei kuyeuka mhinduro dzemibvunzo yacho. Chibva wamukumbira kuti ataure mhinduro yacho nemashoko ake. Kana akaita saizvozvo, unenge wava kukwanisa kuziva kuti ari kunzwisisa zvakadii zvamuri kudzidza. Asi pane chimwezve chaunogona kukurudzira mudzidzi wako kuti aite.

MUDZIDZISE KUKURUKURA NAJEHOVHA ZUVA REGA REGA

Dzidzisa mudzidzi wako weBhaibheri kuti angakurukura sei naJehovha (Ona ndima 10-11)

10. Nei zvichikosha kuti mudzidzi averenge Bhaibheri zuva nezuva, uye zvii zvaanofanira kuita kuti anyatsobatsirwa nekuriverenga?

10 Kuwedzera pakudzidza kwaanoita nemudzidzisi wake vhiki rega rega, mudzidzi anogona kubatsirwawo kana akaita zvimwe zvinhu zuva rimwe nerimwe ari ega. Anofanira kukurukura naJehovha. Angazviita sei? Angazviita nekuteerera Jehovha uye nekutaura naye. Anogona kuteerera Mwari kuburikidza nekuverenga Bhaibheri zuva nezuva. (Josh. 1:8; Pis. 1:1-3) Muratidze kuti angashandisa sei “Purogiramu Yekuverenga Bhaibheri” inogona kuprindwa iri pajw.org. * Kuti anyatsobatsirwa nekuverenga kwaari kuita Bhaibheri, mukurudzire kuti afungisise zvaari kuverenga muBhaibheri nezvaJehovha uye kuti angashandisa sei zvaari kudzidza muupenyu hwake.—Mab. 17:11; Jak. 1:25.

11. Mudzidzi angadzidza sei kunyengetera zvakanaka, uye nei zvichikosha kuti agare achinyengetera kuna Jehovha?

11 Kurudzira mudzidzi wako kuti ataure naJehovha kuburikidza nekunyengetera zuva nezuva. Nyengetera zvichibva pamwoyo pamunotanga nepamunopedza chidzidzo chacho. Uye taurawo nezvemudzidzi wako muminyengetero iyoyo. Paanenge achiteerera minyengetero yako anodzidzawo kunyengetera zvichibva pamwoyo uye kuti anofanira kunyengetera kuna Jehovha Mwari muzita raJesu Kristu. (Mat. 6:9; Joh. 15:16) Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva (kureva kuteerera Jehovha) uye kunyengetera (kureva kutaura naJehovha) kuchabatsira mudzidzi wako kuti awedzere kuswedera pedyo naMwari. (Jak. 4:8) Kana akaita izvozvo zuva nezuva zvichamubatsira kuti afambire mberi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Ndezvipi zvimwe zvichamubatsira?

MUBATSIRE KUTI AVE NEUSHAMWARI NAJEHOVHA

12. Mudzidzisi angabatsira sei mudzidzi kuti ave neushamwari naJehovha?

12 Zvinodzidzwa nemudzidzi wako paanenge achidzidza Bhaibheri hazvifaniri kungogumira mupfungwa, asi zvinofanirawo kusvika pamwoyo. Nei zvichifanira kudaro? Mwoyo wedu, uyo unosanganisira zvido zvedu uye manzwiro atinoita, ndiwo unoita kuti tiite chimwe chinhu. Jesu aidzidzisa zvine unyanzvi uye vanhu vaifarira kumuteerera. Asi vanhu vaimutevera nekuti aidzidzisawo zvinosvika pamwoyo yavo. (Ruka 24:15, 27, 32) Mudzidzi wako anofanira kuona Jehovha seMunhu chaiye waanogona kuva neushamwari naye, uye kumuona saBaba vake, Mwari wake uye Shamwari yake. (Pis. 25:4, 5) Pamunenge muchidzidza Bhaibheri, batsira mudzidzi kuti aone kunaka kwakaita Mwari wedu. (Eks. 34:5, 6; 1 Pet. 5:6, 7) Ita izvozvo panyaya imwe neimwe yamunenge muchidzidza. Batsira mudzidzi kuti aonge rudo rwaJehovha, mutsa wake uye tsitsi dzake. Jesu akati “murayiro mukuru pane yese uye wekutanga” ndewekuti “ida Jehovha Mwari wako.” (Mat. 22:37, 38) Edza kubatsira mudzidzi wako kuti ade Jehovha.

13. Taura muenzaniso unoratidza kuti tingabatsira sei mudzidzi kuti adzidze nezveunhu hwaJehovha.

13 Paunenge uchikurukura nemudzidzi wako, mutsanangurire kuti nei uchida Jehovha. Izvi zvinogona kumubatsira kuona kuti anofanira kuva neushamwari naMwari. (Pis. 73:28) Semuenzaniso, pane mashoko ari mubhuku ramuri kudzidza kana kuti murugwaro anoratidza chimwe chinhu nezvaJehovha chinokubaya mwoyo here, chakadai serudo rwake, uchenjeri, kutonga zvakarurama kana simba rake? Uye ita kuti azive kuti ichi ndicho chimwe chezvikonzero zvakawanda zvinoita kuti ude Baba vedu vekudenga. Pane chimwe chinhu chinofanira kuitwa nemudzidzi weBhaibheri wese kuitira kuti afambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

MUKURUDZIRE KUPINDA MISANGANO YEUNGANO

Kurudzira mudzidzi wako kuti abva angotanga kupinda misangano! (Ona ndima 14-15)

14. Zvii zvinotaurwa pana VaHebheru 10:24, 25 nezvemisangano yeungano zvinogona kubatsira mudzidzi kuti afambire mberi?

14 Tese zvedu tinoda kuti vadzidzi vedu vasvike pakubhabhatidzwa. Imwe nzira inokosha yatingavabatsira nayo ndeyekuvakurudzira kupinda misangano yeungano. Vadzidzisi vagara nebasa vanoti vadzidzi vanobva vangotanga kupinda misangano ndivo vanonyanya kufambira mberi nekukurumidza. (Pis. 111:1) Vamwe vadzidzisi vanotsanangurira vadzidzi vavo kuti hafu yezvinodzidziswa neBhaibheri vanoiwana pachidzidzo chavo asi imwe hafu yacho vanoiwana kumisangano. Verenga VaHebheru 10:24, 25 nemudzidzi wako, uye mutsanangurire kuti nei zvakanaka kuti auye kumisangano. Muratidze vhidhiyo inonzi Chii Chinoitwa paImba yeUmambo? * Batsira mudzidzi wako kuti akoshese nyaya yekupinda misangano vhiki nevhiki.

15. Tingaitei kuti tikurudzire mudzidzi kuti apinde misangano nguva dzese?

15 Ungaitei kana mudzidzi wako asati ambopinda musangano kana kuti asingapindi nguva dzese? Taura nechido nezvechimwe chinhu chawakadzidza pamusangano uchangobva kuitwa. Izvozvo zvinokurudzira kupfuura kungokoka mudzidzi wacho kuti apinde misangano. Mupe Nharireyomurindi kana kuti Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa inenge ichidzidzwa pamisangano panguva iyoyo. Muratidze zvichadzidzwa pamusangano unotevera, uye mubvunze kuti chikamu chipi chaanyanya kufarira. Zvaachaona uye zvaachanzwa zvichapfuura nekure chero chii zvacho chaakaona kana kunzwa kune zvimwe zvitendero. (1 VaK. 14:24, 25) Achasangana nevamwe vanhu vane mienzaniso yakanaka yaanogona kutevedzera uye vachamubatsira kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

16. Zvii zvinodiwa kuti tidzidzise vanhu Bhaibheri zvekusvika pakubhabhatidzwa, uye tichadzidzei munyaya inotevera?

16 Tingaitei kuti tidzidze Bhaibheri nevanhu zvekusvika pakubhabhatidzwa? Tinogona kubatsira mudzidzi kuti akoshese chidzidzo chacho kana tikamukurudzira kuti adzidze vhiki nevhiki uye agadzirire chidzidzo chimwe nechimwe. Tinodawo kumukurudzira kuti akurukure naJehovha zuva rega rega uye kuti ave neushamwari naye. Tinoda kukurudzira mudzidzi kuti apinde misangano yeungano. (Ona bhokisi rakanzi, “ Zvinofanira Kuitwa Nevadzidzi Kuti Vasvike Pakubhabhatidzwa.”) Asi sezvichataurwa munyaya inotevera, pane zvimwe zvinhu zvishanu zvinogona kuitwa nevadzidzisi veBhaibheri kuti vabatsire vadzidzi kufambira mberi kusvika pakubhabhatidzwa.

RWIYO 76 Unonzwa Sei Nebasa Iri?

^ ndima 5 Kudzidzisa munhu chimwe chinhu zvinoreva kumubatsira kuti ave “nemafungiro, manzwiro uye maitiro akasiyana neaaimbova nawo.” Rugwaro rwedu rwegore rwa2020, urwo rwakatorwa pana Mateu 28:19, runotiyeuchidza kukosha kwakaita kudzidza Bhaibheri nevanhu uye kuvabatsira kuti vave vadzidzi vaJesu Kristu vakabhabhatidzwa. Munyaya ino neinotevera, tichaona zvatingaita kuti tiwedzere unyanzvi hwedu pakuita basa iri rinokosha chaizvo.

^ ndima 2 KUTSANANGURWA KWEMASHOKO: Kana uchigara uchidzidza Bhaibheri nemumwe munhu uye muchidzidza zvakarongeka, uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri. Ungashuma chidzidzo chacho kana wakachiitisa kaviri pashure pekunge waratidza mudzidzi wacho kuti chinoitwa sei uye kana uchinge uine chokwadi chekuti chidzidzo chacho chicharamba chichienderera mberi.

^ ndima 3 Nyaya idzi dzinewo mazano akatorwa munyaya dzaiti “Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi” dzakabuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo kubva muna July 2004 kusvika muna May 2005.

^ ndima 9 Ona vhidhiyo yemaminitsi 4 yakanzi Kudzidzisa Vadzidzi Vedu Kugadzirira. PaJW Library®, enda pakanzi MEDIA > OUR MEETINGS AND MINISTRY > IMPROVING OUR SKILLS.

^ ndima 10 Enda pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > ZVEKUSHANDISA PAKUDZIDZA BHAIBHERI.

^ ndima 14 PaJW Library®, enda pakanzi MEDIA > OUR MEETINGS AND MINISTRY > TOOLS FOR THE MINISTRY.