Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 42

Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2

Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2

“Ramba uchizvichenjerera iwe pachako nekudzidzisa kwako.”—1 TIM. 4:16.

RWIYO 77 Chiedza Munyika Ine Rima

ZVICHADZIDZWA *

1. Tinoziva sei kuti basa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi ibasa rinoponesa?

BASA rekuita kuti vanhu vave vadzidzi ibasa rinoponesa! Sei tichidaro? Jesu paakapa murayiro uri pana Mateu 28:19, 20, akati: “Endai, . . . munoita kuti vanhu vave vadzidzi . . . , muchivabhabhatidza.” Kubhabhatidzwa kwakakosha zvakadii? Tinofanira kubhabhatidzwa kana tichida kupona. Munhu anoda kubhabhatidzwa anofanira kutenda kuti ruponeso runongovapo chete nekuti Jesu akatifira uye akamutswa. Ndosaka muapostora Petro akaudza vaKristu kuti: “Rubhabhatidzo . . . ruri kukuponesaiwo zvino . . . pachishandiswa kumuka kwaJesu Kristu.” (1 Pet. 3:21) Saka mudzidzi paanobhabhatidzwa, anogona kutarisira kuzorarama nekusingaperi.

2. Pana 2 Timoti 4:1, 2 tinokurudzirwa kuva vadzidzisi vakaita sei?

2 Kuti tiite kuti vanhu vave vadzidzi, tinofanira kuva “neunyanzvi hwekudzidzisa.” (Verenga 2 Timoti 4:1, 2.) Nei tichifanira kuva neunyanzvi? Nekuti Jesu akatirayira kuti: “Endai, . . . munoita kuti vanhu vave vadzidzi . . . , muchivadzidzisa.” Muapostora Pauro akati ‘tirambe takashinga’ mubasa iri, ‘nekuti kana tikadaro tichazviponesa isu pachedu nevaya vanotiteerera.’ Ndosaka akazoti: ‘Ramba uchichenjerera kudzidzisa kwako.’ (1 Tim. 4:16) Sezvo kudzidzisa kuchikosha pabasa rekuita kuti vanhu vave vadzidzi, tinoda kuti kudzidzisa kwedu kuve kwemhando yepamusoro.

3. Zvii zvatichakurukura panyaya yekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri?

3 Tiri kudzidzisa mamiriyoni evanhu chokwadi chiri muBhaibheri. Asi sezvakataurwa munyaya yakapfuura, tinoda kuziva kuti tingabatsira sei vakawanda vavo kuti vave vadzidzi vakabhabhatidzwa vaJesu Kristu. Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvishanu zvinofanira kuitwa nemudzidzisi mumwe nemumwe pakubatsira mudzidzi kuti asvike pakubhabhatidzwa.

ITA KUTI BHAIBHERI RIDZIDZISE

Kumbira mudzidzisi agara nebasa kuti akubatsire kuvandudza unyanzvi hwako pakushandisa Bhaibheri pakudzidzisa (Ona ndima 4-6) *

4. Nei Mudzidzisi asingafaniri kutaura zvakawanda paanenge achiitisa chidzidzo cheBhaibheri? (Onawo mashoko emuzasi.)

4 Tinoda zvatinodzidzisa zviri muShoko raMwari. Saka tinogona kuva pamuedzo wekutaura zvakawanda. Asi muitisi haafaniri kutaura zvakawandisa. Angava ari kuitisa chidzidzo cheNharireyomurindi, Chidzidzo cheBhaibheri cheUngano kana kuti achidzidza nemunhu Bhaibheri. Saka kuti Bhaibheri ridzidzise, mudzidzisi haafaniri kutaura zvakawandisa uye haafaniri kuedza kutsanangura kese kaanoziva nezveimwe vhesi yemuBhaibheri kana kuti nezvenyaya yavanenge vachidzidza. * (Joh. 16:12) Chimbofunga zvawaiziva nezveBhaibheri pawakabhabhatidzwa wozvienzanisa nezvawava kuziva iye zvino. Zvichida pawakabhabhatidzwa waingonzwisisa dzidziso dzekutanga. (VaH. 6:1) Zvakakutorera makore akawanda kuti uzodzidza zvawava kuziva iye zvino, saka usaedza kudzidzisa mudzidzi mutsva zvese panguva imwe chete.

5. (a) Maererano na1 VaTesaronika 2:13, tinoda kuti mudzidzi wedu anzwisisei pane zvaari kudzidza? (b) Tingakurudzira sei mudzidzi kuti ataure zvaari kudzidza?

5 Tinoda kuti mudzidzi wedu anzwisise kuti zvaari kudzidza zviri kubva muShoko raMwari rakafemerwa. (Verenga 1 VaTesaronika 2:13.) Tingazviita sei? Kurudzira mudzidzi kuti ataure zvaari kudzidza. Pane kugara uchimutsanangurira mavhesi emuBhaibheri, mukumbire kuti akutsanangurire. Batsira mudzidzi kuti aone kuti zviri muShoko raMwari zvinoshanda sei kwaari. Mubvunze mibvunzo inomubatsira kutaura zvaanofunga uye manzwiro aanoita pamusoro pemavhesi aanenge averenga. (Ruka 10:25-28) Unogona kumubvunza kuti: “Maererano nevhesi iyi, waona here kuti Jehovha ndiMwari akaita sei?” “Zvinhu zvawadzidza muBhaibheri zvingakubatsira sei?” “Unoti kudii nezvauchangobva kudzidza?” (Zvir. 20:5) Kuda kwaanoita zvaari kudzidza uye kuzvishandisa ndiko kunonyanya kukosha, kwete kuwanda kwezvaanoziva.

6. Nei zvakanaka kuti tiende kuchidzidzo cheBhaibheri nemudzidzisi agara nebasa?

6 Paunoitisa chidzidzo cheBhaibheri, unomboenda nevadzidzisi vagara nebasa here? Kana uchimboenda navo, vabvunze kuti vanoona sei madzidzisiro aunoita, uye kuti uri kugona here kuita kuti Bhaibheri ridzidzise. Unofanira kuzvininipisa kana uchida kuvandudza madzidzisiro ako. (Enzanisa naMabasa 18:24-26.) Bvunzawo muparidzi agara nebasa zvaanofunga panyaya yekuti mudzidzi ari kubata here chokwadi. Unogona kukumbira muparidzi iyeye kuti azoitisa chidzidzo chacho kana usipo kwevhiki imwe chete kana kupfuura. Izvozvo zvichaita kuti chidzidzo chacho chiitwe nguva dzese, uye zvichaita kuti mudzidzi aone kukosha kwechidzidzo chacho. Usambofa wakaona sekuti chidzidzo chacho “ndechako” uye kuti hapana mumwe munhu anofanira kuchiitisa. Chaunoda ndechekuti zvifambire zvakanaka mudzidzi wacho kuitira kuti afambire mberi pakudzidza chokwadi.

RATIDZA KUTI UNODA UYE UNOTENDA ZVAUNODZIDZISA

Udza mudzidzi mienzaniso yevamwe kuti umubatsire kuona kuti angashandisa sei zvinotaurwa neBhaibheri (Ona ndima 7-9) *

7. Chii chichaita kuti mudzidzi afarire zvaari kudzidza?

7 Mudzidzi anofanira kuona kuti unoda uye unotenda chokwadi chiri muBhaibheri. (1 VaT. 1:5) Izvi zvinogona kuita kuti iyewo awedzere kunakidzwa nezvaari kudzidza. Kana zvichiita, muudze kuti kurarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri kwakakubatsira sei muupenyu hwako. Iye achabva aona kuti mazano ari muBhaibheri anogona kumubatsirawo.

8. Ndezvipi zvimwe zvaungaita kuti ubatsire mudzidzi wako weBhaibheri, uye nei zvichikosha kuti udaro?

8 Pamunenge muchidzidza, udza mudzidzi nezvevamwe vakakunda matambudziko akafanana neaari kusangana nawo. Unogona kuenda kuchidzidzo chacho nemumwe munhu wemuungano ane zvakaitika muupenyu hwake zvingabatsira mudzidzi. Unogona kuwana nyaya dzinokurudzira pajw.org pachikamu chakanzi “Bhaibheri Rinochinja Upenyu.” * Nyaya dzakadaro nemavhidhiyo dzichaita kuti mudzidzi aone zvazvakanakira kushandisa mazano emuBhaibheri muupenyu hwake.

9. Ungakurudzira sei mudzidzi kuti audzewo hama neshamwari dzake zvaari kudzidza?

9 Kana mudzidzi wacho akaroora kana kuroorwa, mumwe wake ari kudzidzawo here? Kana asiri kudzidza, mukumbire kuti avepowo pamunenge muchidzidza. Kurudzira mudzidzi kuti audzewo hama neshamwari dzake zvaari kudzidza. (Joh. 1:40-45) Ungamukurudzira sei? Unogona kumubvunza kuti: “Pfungwa iyi ungaitsanangurira sei vemumhuri mako?” kana kuti “Ivhesi ipi yaungashandisa kuti uratidze shamwari yako kuti ichi ichokwadi?” Paunoita izvozvo unenge uchibatsira mudzidzi kuti ave mudzidzisi. Paanenge ava kukodzera kuva muparidzi, anogona kutanga kuparidza neungano. Unogona kubvunza mudzidzi kana achiziva mumwe munhu angada kudzidza Bhaibheri. Kana aripo, chibva wataura nemunhu wacho uye muudze nezvekudzidza Bhaibheri. Muratidze vhidhiyo inonzi Zvidzidzo zveBhaibheri Zvinoitwa Sei? *

KURUDZIRA MUDZIDZI KUTI ATSVAGE SHAMWARI MUUNGANO

Kurudzira mudzidzi kuti atsvage shamwari muungano (Ona ndima 10-11) *

10. Sezvinotaurwa pana 1 VaTesaronika 2:7, 8, mudzidzisi angatevedzera sei zvakaitwa naPauro?

10 Vadzidzisi vanofanira kuva nehanya nevadzidzi vavo. Vaone sevanhu vachazova hama kana hanzvadzi dzako dzechiKristu. (Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) Hazvisi nyore kuti vasiyane neshamwari dzavo dziri munyika vochinja kuitira kuti vashumire Jehovha. Tinofanira kuvabatsira kuti vawane shamwari dzechokwadi muungano. Wana nguva yekumbotaura nemudzidzi wako, isiri iya yamunodzidza. Kumufonera, kumutumira meseji, kana kumushanyira kwenguva pfupi kunoratidza kuti une hanya naye.

11. Tinoda kuti vadzidzi vedu vawanei muungano, uye nei zvakadaro?

11 Pane chirevo chinoti: “Mwana ndewemunhu wese.” Isu tinogonawo kuti: “Zvinotoda ungano yese kuti munhu ave mudzidzi.” Ndosaka vadzidzisi veBhaibheri vanobudirira vachiita kuti vadzidzi vavo vazivane nevamwe vari muungano vanogona kuvabatsira kuti vave pedyo naJehovha. Izvi zvinoita kuti vadzidzi vakwanise kushamwaridzana nevanhu vaMwari, avo vanogona kuvabatsira kuti vave shamwari dzaJehovha uye vanovakurudzira pavanosangana nematambudziko. Tinoda kuti mudzidzi mumwe nemumwe aone kuti tinofara kuva naye muungano, uye kuti anzwe ari mumwe wevanhu vemumhuri yedu yechiKristu. Tinoda kuti aone rudo rwunoratidzwa mumhuri yedu yehama nehanzvadzi. Zvinobva zvava nyore kwaari kuti arege kushamwaridzana nevanhu vasingamubatsiri kuda Jehovha. (Zvir. 13:20) Kana vanhu vaimbova shamwari dzake vakarega kushamwaridzana naye, achaziva kuti anogona kuwana shamwari dzechokwadi musangano raJehovha.—Mako 10:29, 30; 1 Pet. 4:4.

TAURA NAYE NEZVEKUZVITSAURIRA UYE KUBHABHATIDZWA

Pane zvakawanda zvinofanira kuitwa nemudzidzi kuti asvike pakubhabhatidzwa! (Ona ndima 12-13)

12. Nei tichifanira kutaura nemudzidzi wedu nezvenyaya yekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa?

12 Unofanira kugara uchitaura nezvekukosha kwekuti munhu atsaurire upenyu hwake kuna Jehovha uye kuti abhabhatidzwe. Chinangwa chedu pakuitisa chidzidzo cheBhaibheri ndechekubatsira munhu kuti ave mudzidzi akabhabhatidzwa. Pashure pemwedzi mishoma muchidzidza Bhaibheri nguva dzese uye kunyanya kana atanga kupinda misangano, mudzidzi anofanira kunzwisisa kuti chinangwa chekudzidza Bhaibheri ndechekumubatsira kuti atange kushumira Jehovha semumwe weZvapupu zvake.

13. Mudzidzi weBhaibheri anofanira kutora matanho api kuti azosvika pakubhabhatidzwa?

13 Pane zvinhu zvakawanda zvinoitwa nemudzidzi weBhaibheri anoda kubhabhatidzwa! Anotanga nekusvika pakuziva uye pakuda Jehovha, otenda maari. (Joh. 3:16; 17:3) Anobva ava neushamwari naJehovha uye anotanga kuwirirana nevamwe vari muungano. (VaH. 10:24, 25; Jak. 4:8) Anozosvika pakuvenga zvakaipa uye anopfidza zvivi zvake. (Mab. 3:19) Panguva iyi kutenda kwake kunoita kuti audze vamwe chokwadi chaari kudzidza. (2 VaK. 4:13) Anobva azvitsaurira kuna Jehovha oratidza kuzvitsaurira kwake nekubhabhatidzwa. (1 Pet. 3:21; 4:2) Uye musi waanobhabhatidzwa munhu wese anofara! Mudzidzi zvaanotora danho rimwe nerimwe kuti azadzise chinangwa chake, murumbidze nemwoyo wese uye mukurudzire kuti arambe achifambira mberi.

POTA UCHIONGORORA KUFAMBIRA MBERI KWEMUDZIDZI

14. Mudzidzisi angaongorora sei kufambira mberi kwemudzidzi?

14 Tinofanira kuva nemwoyo murefu patinenge tichibatsira mudzidzi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Asi pane imwe nguva, tinofanira kuziva kana aine chido chekushumira Jehovha Mwari. Pane zvauri kuona here zvinoratidza kuti mudzidzi ari kuedza kuteerera mirayiro yaJesu? Kana kuti ari kungodawo hake kuziva zviri muBhaibheri.

15. Ndezvipi zvinofanira kutariswa nemudzidzisi zvinoratidza kuti mudzidzi ari kufambira mberi?

15 Gara uchiongorora kufambira mberi kwemudzidzi. Semuenzaniso, anombotaura nezvemadiro aanoita Jehovha here? Anonyengetera kuna Jehovha here? (Pis. 116:1, 2) Anonakidzwa nekuverenga Bhaibheri here? (Pis. 119:97) Ari kupinda misangano nguva dzese here? (Pis. 22:22) Ane zvaakachinja pamararamiro ake here? (Pis. 119:112) Akatotanga kuudza hama neshamwari dzake zvaari kudzidza here? (Pis. 9:1) Chinonyanya kukosha ndechekuti anoda here kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha? (Pis. 40:8) Kana mudzidzi asiri kufambira mberi pane chimwe chezvinhu izvi, edza kuziva chikonzero chacho wotaura naye zvakanakanaka asi uchimubudira pachena. *

16. Zvii zvingaratidza kuti tinofanira kumira kudzidza Bhaibheri nemunhu?

16 Pota uchiongorora kana uchiri kufanira kuramba uchidzidza nemumwe munhu. Zvibvunze kuti: ‘Mudzidzi uyu haagadziriri chidzidzo chacho here? Haadi kupinda misangano here? Ane zvakaipa zvaachiri kuita here? Achiri nhengo yechitendero chenhema here?’ Kana wapindura mibvunzo iyi uchiti hongu, kuramba uchidzidza naye kwakafanana nekuedza kudzidzisa munhu kutuhwina iye asingadi kutota. Kana mudzidzi asingakoshesi zvaari kudzidza uye asingadi kuchinja, tingarambirei tichidzidza naye?

17. Maererano na1 Timoti 4:16, vadzidzisi vese veBhaibheri vanofanira kuitei?

17 Tinokoshesa chaizvo basa rekuti vanhu vave vadzidzi, uye tinoda kubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vafambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Ndosaka tichiita kuti Bhaibheri ridzidzise uye tichiratidza kuti tinoda uye tinotenda zvatinodzidzisa. Tichakurudzira mudzidzi kuti atsvage shamwari muungano. Uye tichataura nezvenyaya yekuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa, topota tichiongorora kufambira mberi kwemudzidzi. (Ona bhokisi rakanzi, “ Zvinofanira Kuitwa Nevadzidzisi Kuti Vabatsire Vadzidzi Kusvika Pakubhabhatidzwa.”) Tinofara kuti tinokwanisa kuitawo basa iri rinoponesa! Ngatirambei tichiita zvese zvatinogona pakubatsira vadzidzi vedu veBhaibheri kuti vafambire mberi kusvika vabhabhatidzwa.

RWIYO 79 Vadzidzisei Kumira Vakasimba

^ ndima 5 Patinoitisa zvidzidzo zveBhaibheri, tinova neropafadzo yekubatsira vanhu kuti vafunge uye vaite zvinhu nenzira inodiwa naJehovha. Nyaya ino ichataura zvimwe zvatingaita kuti tiwedzere unyanzvi hwedu pakudzidzisa.

^ ndima 4 Ona nyaya yakanzi “Zvausingafaniri Kuita Pakudzidzisa Munhu Bhaibheri” iri muPurogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa yaSeptember 2016.

^ ndima 8 Enda pakanzi NEZVEDU > ZVAKAITIKA KUZVAPUPU ZVAJEHOVHA.

^ ndima 9 PaJW Library®, enda pakanzi MEDIA > OUR MEETINGS AND MINISTRY > TOOLS FOR THE MINISTRY.

^ ndima 15 Ona nyaya dzinoti “Kuda Jehovha Kunoita kuti Ubhabhatidzwe” uye “Wagadzirira Kubhabhatidzwa Here?” dziri muNharireyomurindi yaMarch 2020.

^ ndima 77 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pashure pechidzidzo cheBhaibheri, hanzvadzi yagara nebasa inobatsira uya anga achiitisa chidzidzo chacho kuona kuti haafaniri kutaura zvakawandisa paanenge achidzidzisa.

^ ndima 79 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Pavanenge vachidzidza, mudzidzi anodzidza kuti angava sei mudzimai akanaka. Anozoudzawo murume wake zvaadzidza.

^ ndima 81 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mudzidzi nemurume wake vari kutandara pamba pehama nehanzvadzi dzaakaonana nadzo paImba yeUmambo.