Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 44

Vachakura Vachishumira Mwari Here?

Vachakura Vachishumira Mwari Here?

“Jesu akaramba achiva neuchenjeri uye achikura uye achifarirwa naMwari nevanhu.”—RUKA 2:52.

RWIYO 134 Vana Makavachengeteswa naMwari

ZVICHADZIDZWA *

1. Ndechipi chisarudzo chakanaka pane zvese zvingaitwa nemunhu?

KAKAWANDA, zvisarudzo zvinoitwa nevabereki zvinobatsira kana kukanganisa vana vavo kwenguva refu. Kana vabereki vakatadza kusarudza zvakanaka, vanogona kukonzera matambudziko kuvana vavo. Asi kana vakaita zvisarudzo zvakanaka vanogona kuita kuti vana vavo vave nemukana wekuva neupenyu hunofadza. Vana vacho vanofanirawo kuita zvisarudzo zvakanaka. Chisarudzo chakanaka pane zvese zvingaitwa nemunhu ndechekushumira Baba vedu vekudenga vane rudo, Jehovha.—Pis. 73:28.

2. Jesu nevabereki vake vakaita zvisarudzo zvipi zvakanaka?

2 Vabereki vaJesu vaida kubatsira vana vavo kuti vashumire Jehovha, uye zvisarudzo zvavakaita zvakaratidza kuti ichocho ndicho chaiva chinangwa chavo chikuru muupenyu. (Ruka 2:40, 41, 52) Jesu akaitawo zvisarudzo zvakanaka zvakamubatsira kuti aite zvaidiwa naJehovha. (Mat. 4:1-10) Jesu akava murume ane tsitsi, akavimbika uye ane ushingi. Vabereki vese vanoda Jehovha vaizofara uye vaizodada kuva nemwanakomana akadaro.

3. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?

3 Munyaya ino tichapindura mibvunzo inoti: Zvisarudzo zvipi zvakanaka zvakaitwa naJehovha zvine chekuita naJesu? Vabereki vechiKristu vanodzidzei kubva pazvisarudzo zvakaitwa nevabereki vaJesu, Josefa naMariya? Uye vaKristu vechidiki vanodzidzei kubva pane zvisarudzo zvakaitwa naJesu?

DZIDZAI PANE ZVAKAITWA NAJEHOVHA

4. Jehovha akaita chisarudzo chipi chinokosha achiitira Mwanakomana wake?

4 Jehovha akasarudzira Jesu vabereki vakazonaka. (Mat. 1:18-23; Ruka 1:26-38) Mashoko akataurwa naMariya, ayo ari muBhaibheri, anoratidza kuti aida chaizvo Jehovha uye Shoko rake. (Ruka 1:46-55) Kuteerera kwakaita Josefa zvaakaudzwa naJehovha kunoratidza kuti aitya Mwari uye aida kumufadza.—Mat. 1:24.

5-6. Jehovha akabvumira kuti Mwanakomana wake asangane nezvinhu zvakaita sei?

5 Jehovha haana kusarudzira Jesu vabereki vakapfuma. Chibayiro chakapiwa naJosefa naMariya pashure pekuzvarwa kwaJesu chinoratidza kuti vaiva varombo. (Ruka 2:24) Josefa anogona kunge aiva nenzvimbo yaaiitira basa rekuveza pamba pake muNazareta. Vanofanira kunge vairarama nezvinhu zvishoma, kunyanya mhuri yavo payakazokura ichiva nevana 7 kana kupfuura.—Mat. 13:55, 56.

6 Jehovha akadzivirira Mwanakomana wake Jesu pane zvimwe zvinhu zvaigona kumukuvadza, asi haana kumudzivirira pamatambudziko ese. (Mat. 2:13-15) Semuenzaniso, Jesu aiva nehama dzakanga dzisingatendi maari. Anogona kunge akarwadziwa chaizvo vamwe vemumhuri make pavasina kutenda kuti aiva Mesiya. (Mako 3:21; Joh. 7:5) Anofanira kunge akarwadziwawo pakafa baba vake vakamurera, Josefa. Sezvo Jesu aiva mwana wedangwe, anofanira kunge ari iye akaenderera mberi nebhizinesi remhuri pakafa Josefa. (Mako 6:3) Jesu paaikura, akadzidza kuriritira vemumhuri make. Anofanira kunge aishanda nesimba kuti avachengete. Aiziva kuneta kunoita munhu anenge aswera achishanda.

Vabereki, batsirai vana venyu kugadzirira matambudziko avachazosangana nawo muupenyu nekuvadzidzisa kuti vavimbe nemazano ari muShoko raMwari (Ona ndima 7) *

7. (a) Mibvunzo ipi inobatsira varume nemadzimai pakurera vana vavo? (b) Zvirevo 2:1-6 inobatsira sei vabereki pakudzidzisa vana vavo?

7 Kana muri murume nemudzimai uye muchida kuva nevana, zvibvunzei kuti: ‘Tiri vanhu vanozvininipisa uye vanoda zvekunamata here, avo Jehovha angasarudza kuti varere mwana mucheche?’ (Pis. 127:3, 4) Kana utori mubereki zvibvunze kuti: ‘Ndiri kudzidzisa vana vangu kuti vaone zvakanakira kushanda nesimba here?’ (Mup. 3:12, 13) ‘Ndiri kuita zvese zvandinokwanisa kuti ndidzivirire vana vangu pazvinhu zvakaipa zvavangasangana nazvo munyika yaSatani here?’ (Zvir. 22:3) Hamugoni kudzivirira vana venyu pamatambudziko ese avangasangana nawo. Izvozvo hazviiti. Asi munogona kuvabatsira kugadzirira matambudziko eupenyu nekuramba muchivadzidzisa zvine rudo kuti vavimbe nemazano eBhaibheri. (Verenga Zvirevo 2:1-6.) Semuenzaniso, kana munhu weukama akasiya kushumira Jehovha, batsirai vana venyu muchishandisa Shoko raMwari kuti vaone kuti nei zvichikosha chaizvo kuti varambe vakavimbika kuna Jehovha. (Pis. 31:23) Kana kuti pamunofirwa, ratidzai vana venyu mavhesi emuBhaibheri anogona kuvabatsira kuti vatsungirire uye kuti vave nerugare.—2 VaK. 1:3, 4; 2 Tim. 3:16.

DZIDZAI PANA JOSEFA NAMARIYA

8. Maererano naDheuteronomi 6:6, 7, Josefa naMariya vaifanira kuitei?

8 Josefa naMariya vakabatsira Jesu kuti akure achifarirwa naMwari nekuti vakatevedzera mirayiro yakapiwa vabereki naJehovha. (Verenga Dheuteronomi 6:6, 7.) Vaida Jehovha chaizvo, uye chinangwa chavo chikuru chaiva chekubatsira vana vavo kuti vadewo Jehovha saizvozvo.

9. Zvisarudzo zvipi zvinokosha zvakaitwa naJosefa naMariya?

9 Josefa naMariya vakasarudza kunamata Jehovha nguva dzese pamwe chete nevana vavo. Vaienda kumisangano yaiitwa vhiki nevhiki pasinagogi muNazareta, uye vaiendawo kuPaseka yaiitwa muJerusarema gore negore. (Ruka 2:41; 4:16) Pavaiita nzendo dzekuenda kuJerusarema, vanogona kunge vaidzidzisa Jesu nevamwe vana vavo nezvenhoroondo yevanhu vaJehovha, zvimwe vachitoshanyira nzvimbo dzinotaurwa muMagwaro. Mhuri yavo payakakura, zvinogona kunge zvaisava nyore kuna Josefa naMariya kuti varambe vachinamata Jehovha nguva dzese. Asi kuita izvozvo kwakaita kuti vakomborerwe! Sezvo kunamata Jehovha kwaiva pekutanga muupenyu hwavo, mhuri yavo yakaramba iri pedyo naye.

10. Vabereki vechiKristu vangadzidzei pana Josefa naMariya?

10 Vabereki vanotya Mwari vangadzidzei pana Josefa naMariya? Chinonyanya kukosha ndechekuti muratidze vana venyu nezvamunotaura uye zvamunoita kuti munoda Jehovha chaizvo. Zivai kuti chipo chikuru pane zvese zvamunogona kupa vana venyu kuvabatsira kuti vade Jehovha. Chimwe chezvinhu zvinokosha chamunogona kuvadzidzisa ndechekuti vagare vachidzidza Bhaibheri, vachinyengetera, vachipinda misangano uye vachiita ushumiri. (1 Tim. 6:6) Munofanira kupa vana venyu zvinhu zvinodiwa pakurarama. (1 Tim. 5:8) Asi yeukai kuti kuva neushamwari hwepedyo naJehovha ndiko kuchaita kuti vana venyu vapone pachaguma nyika ino yakaipa vopinda munyika itsva yaMwari, kwete kuva nemari kana zvinhu. *Ezek. 7:19; 1 Tim. 4:8.

Zvinofadza kuona vabereki vechiKristu vachiita zvisarudzo zvakanaka zvinobatsira mhuri dzavo kuti dziswedere pedyo naJehovha! (Ona ndima 11) *

11. (a) Zano riri pana 1 Timoti 6:17-19 rinobatsira sei vabereki kuti vaite zvisarudzo zvakanaka pavanenge vachirera vana vavo? (b) Mhuri yenyu ingava nezvinangwa zvipi, uye makomborero api amunogona kuwana? (Ona bhokisi rakanzi “ Zvinangwa Zvipi Zvamungava Nazvo?”)

11 Zvinofadza kuona vabereki vechiKristu vakawanda vachiita zvisarudzo zvakanaka zvinobatsira vana vavo kuswedera pedyo naJehovha! Vanogara vachinamata pamwe chete. Vanopinda misangano yeungano nemagungano. Uye vanoparidza mashoko akanaka. Dzimwe mhuri dzinotokwanisa kuparidza mundima isingawanzoparidzwi. Dzimwe dzinoshanya kuBheteri kana kuti dzinobatsira panenge pachivakwa zvivakwa zvesangano. Mhuri dzinoita izvi dzinoshandisa mari yadzo uye zvinogona kunge zvisiri nyore kuti dzidaro. Asi pavanoita izvi Jehovha anovakomborera chaizvo. (Verenga 1 Timoti 6:17-19.) Vana vanokurira mumhuri dzakadaro vanowanzoramba vachiita zvinhu zvakanaka zvavakadzidza, uye vanofara kuti vabereki vavo vakavarera saizvozvo! *Zvir. 10:22.

DZIDZAI PANA JESU

12. Jesu aifanira kuitei paaikura?

12 Baba vaJesu vekudenga vanogara vachiita zvisarudzo zvakanaka, uye vabereki vake vepanyika vakaitawo zvisarudzo zvekuchenjera. Asi Jesu paaikura aifanira kuitawo zvisarudzo zvake. (VaG. 6:5) Kungofananawo nesu tese, aigona kusarudza zvaaida. Aigona kusarudza kuita zvaaida iye, orega kuita kuda kwaMwari. Asi akasarudza kuramba aine ushamwari hwakanaka naJehovha. (Joh. 8:29) Zvaakaita zvingabatsira sei vechidiki mazuva ano?

Vechidiki musambofa makarega kuteerera vabereki venyu (Ona ndima 13) *

13. Chisarudzo chipi chinokosha chakaitwa naJesu paaiva mudiki?

13 Paaiva mudiki, Jesu akasarudza kuteerera vabereki vake. Haana kumbobvira arega kuteerera vabereki vake achifunga kuti aiziva zvakawanda kuvapfuura. Asi “akaramba achizviisa pasi pavo.” (Ruka 2:51) Jesu anofanira kunge akaita zvese zvaitarisirwa kwaari semwana wedangwe. Akashanda nesimba kuti adzidzire basa rekuveza raiitwa naJosefa kuti akwanise kuwana mari yekuriritira mhuri.

14. Tinoziva sei kuti Jesu aiva mudzidzi akanaka weShoko raMwari?

14 Vabereki vaJesu vanofanira kunge vakamuudza nezvechishamiso chekuberekwa kwake uye zvakataurwa nevatumwa vaMwari nezvake. (Ruka 2:8-19, 25-38) Jesu aisangogutsikana nezvaaiudzwa, asi aidzidzawo ega zvaiva muMagwaro. Tinoziva sei kuti Jesu aiva mudzidzi akanaka weShoko raMwari? Nekuti paainge achiri mukomana, vadzidzisi vaiva muJerusarema “vaishamiswa nekunzwisisa kwake nemhinduro dzake.” (Ruka 2:46, 47) Uye paaingova nemakore 12 chete, Jesu ainge atoona ega kuti Jehovha ndiBaba vake.—Ruka 2:42, 43, 49.

15. Jesu akaratidza sei kuti akasarudza kuita kuda kwaJehovha?

15 Jesu paakadzidza zvaidiwa naJehovha kuti aite, akasarudza kuita kuda kwaMwari. (Joh. 6:38) Aiziva kuti vanhu vakawanda vaizomuvenga. Kunyange zvazvo aisada kuvengwa, akasarudza kuteerera Jehovha. Jesu paakabhabhatidzwa muna 29 C.E., chinhu chainyanya kukosha kwaari kwaiva kuita kuda kwaJehovha. (VaH. 10:5-7) Kunyange paakanga ava kufa padanda rekutambudzirwa, Jesu akaramba akatsunga kuita kuda kwaBaba vake.—Joh. 19:30.

16. Vana vanogona kudzidza chidzidzo chipi kuna Jesu?

16 Teerera vabereki vako. Sezvainge zvakaita Josefa naMariya, vabereki vako vanokanganisawo. Kunyange zvakadaro, vabereki vako vakapiwa basa naJehovha rekukudzivirira uye kukudzidzisa. Kana ukateerera mazano avanokupa uye ukavaremekedza, “zvichakufambira zvakanaka.”—VaEf. 6:1-4.

17. Maererano naJoshua 24:15, vechidiki vanofanira kuita vega chisarudzo chipi?

17 Sarudza wauchashumira. Unofanira kudzidza, woona wega kuti Jehovha ndiani, chinangwa chake chinosanganisirei, uye kuti ungaita sei kuda kwake muupenyu hwako. (VaR. 12:2) Kana ukadaro uchakwanisa kuita chisarudzo chinonyanya kukosha muupenyu hwako, chisarudzo chekushumira Jehovha. (Verenga Joshua 24:15; Mup. 12:1) Kana ukava nepurogiramu yekugara uchiverenga Bhaibheri uye kuridzidza, kuda kwaunoita Jehovha kucharamba kuchiwedzera uye kutenda kwako kuchawedzera kusimba.

18. Chisarudzo chipi chinofanira kuitwa nevechidiki, uye chichaguma nei?

18 Ita kuti kuda kwaJehovha kuve pekutanga muupenyu hwako. Nyika yaSatani inokuvimbisa kuti kana ukashandisa unyanzvi hwako kuita zvakangokunakira, uchafara. Chokwadi ndechekuti vaya vanoisa pfungwa dzavo pakutsvaga pfuma vanozvibaya “pese pese nemarwadzo akawanda.” (1 Tim. 6:9, 10) Asi kana ukateerera Jehovha, woita kuti kuda kwake kuve pekutanga muupenyu hwako, zvinhu zvichakufambira zvakanaka “uye uchava akachenjera pane zvaunoita.”—Josh. 1:8.

UCHASARUDZA KUITEI?

19. Vabereki vanofanira kuyeukei?

19 Vabereki, itai zvese zvamunogona kuti mubatsire vana venyu kuti vashumire Jehovha. Vimbai naye, uye achakubatsirai kuita zvisarudzo zvakanaka. (Zvir. 3:5, 6) Yeukai kuti vana venyu vachanyanya kubatsirwa nezvamunoita kwete zvamunotaura. Saka itai zvisarudzo zvichabatsira vana venyu kuti vafarirwe naJehovha.

20. Vechidiki vachawana makomborero api kana vakasarudza kushumira Jehovha?

20 Vechidiki, vabereki venyu vanogona kukubatsirai kuita zvisarudzo zvakanaka muupenyu. Asi munofanira kuita zvisarudzo zvakanaka kuti mufarirwe naMwari. Saka tevedzerai Jesu uye sarudzai kushumira Baba venyu vekudenga vane rudo. Kana mukadaro muchava nezvakawanda zvekuita muupenyu iye zvino muchigutsikana uye muchifara. (1 Tim. 4:16) Uye mune ramangwana, muchava neupenyu hunofadza chaizvo!

RWIYO 133 Namatai Jehovha muchiri vadiki

^ ndima 5 Vabereki vechiKristu vanoda kuti vana vavo vakure vachishumira Jehovha vachifara. Ndezvipi zvingaitwa nevabereki kuti vabatsire vana vavo kuti vazoshumira Jehovha? VaKristu vechidiki vanofanira kuitei kuti vabudirire pakushumira Jehovha? Nyaya ino ichapindura mibvunzo iyoyo.

^ ndima 11 Ona bhokisi rakanzi “Handifungi Kuti Ndaizova Nevamwe Vabereki Vakanaka Kudarika Vandinavo” riri muMukai! yaOctober 2011, peji 20, uye nyaya inoti “Tsamba Inokosha Kuvabereki Vavo” iri muMukai! yaMarch 8, 1999, peji 25.

^ ndima 66 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mariya anofanira kunge akabatsira Jesu achiri mudiki kuti ade Jehovha chaizvo. Mazuva ano vanaamai vanogonawo kubatsira vana vavo kuti vade Jehovha.

^ ndima 68 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Josefa anofanira kunge aikoshesa kuenda kusinagogi nemhuri yake. Mazuva ano vanababa vanogonawo kukoshesa nyaya yekupinda misangano yeungano nemhuri yavo.

^ ndima 70 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Jesu akadzidza unyanzvi hwekuita mabasa kuna baba vake. Mazuva ano vechidiki vanogonawo kudzidza kuita mabasa kuna baba vavo.