Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

1921—Makore 100 Apfuura

1921—Makore 100 Apfuura

NHARIREYOMURINDI yaJanuary 1, 1921, yakabvunza Vadzidzi veBhaibheri mubvunzo wekuti: “Ibasa ripi ratiri kutarisira kuita gore rino?” Yakapindura mubvunzo uyu ichishandisa Isaya 61:1, 2, iyo yakavayeuchidza nezvebasa ravo rekuparidza mashoko akanaka. Vhesi yacho inoti: “Jehovha wakandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka . . . , kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu.”

VAPARIDZI VANE USHINGI

Kuti vakwanise kuita basa ravo rekuparidza, Vadzidzi veBhaibheri vaifanira kuva neushingi. Vaifanira kuzivisa “mashoko akanaka” kuvanyoro uyewo ‘zuva rekutsiva’ vakaipa.

Hama J. H. Hoskin, avo vaigara kuCanada, vakaparidza neushingi pasinei nekupikiswa mugore iroro. Rimwe zuva vakasangana nemufundisi weMethodist. Hama Hoskin vakatanga kutaura naye vachiti: “Tinofanira kutaura zviri muBhaibheri tichibvumirana, uye kunyange tikasabvumirana pane zvimwe zvinhu, tinofanira kuparadzana zvine rugare uye tichiwirirana.” Asi izvozvo handizvo zvakaitika. Hama Hoskin vakati: “Tainge tangotaura kwemaminitsi mashoma [mufundisi wacho] paakarovera dhoo zvine simba zvekuti ndakafunga kuti girazi repadhoo racho richadonha.”

Mufundisi wacho akashevedzera kuti, “Munodii kuenda kunotaura nemahedheni uko?” Hama Hoskin havana zvavakataura, asi pavaibvapo, vakati nechemumwoyo, ‘Ndaona sekuti ndanga ndichitotaura nemumwe wavo!’

Mufundisi wacho paakazopa mharidzo yake mangwana acho, akataura zvakaipa nezvaHama Hoskin. “Akaudza vanhu vake kuti pavanhu vese vanonyepa vari mutaundi rino, hapana aindipfuura uye ndaifanira kuurayiwa,” vakadaro Hama Hoskin. Asi vakaramba vachiparidza uye vachitaura nevanhu vakawanda. Vakati: “Ndainakidzwa chaizvo nekuparidza munzvimbo iyoyo. Pane vamwe vanhu vaitotaura kuti, ‘Ndinoziva kuti uri munhu waMwari!’ uye vaitondibvunza kana ndaiva nezvinhu zvandaida kubatsirwa nazvo kuitira kuti ndisava nechandinoshayiwa.”

KUDZIDZA MUNHU ARI EGA UYE SEMHURI

Kuti vabatsire vanhu vaifarira kuti vafambire mberi, Vadzidzi veBhaibheri vakabudisa mapurogiramu ekudzidza Bhaibheri muThe Golden Age. * Paiva nemibvunzo yeBhaibheri yevana vadiki yaishandiswa nevabereki pakukurukura nevana vavo. Vabereki “vaibvunza vana vavo mibvunzo iyi vovabatsira kuwana mhinduro dzacho muBhaibheri.” Mibvunzo yakadai sekuti, “MuBhaibheri mune mabhuku mangani?,” yaidzidzisa zvinhu zviri nyore nezveBhaibheri. Mimwe mibvunzo yakadai seyekuti, “MuKristu wese wechokwadi anofanira kutarisira kuti achatambudzwa here?,” yaibatsira vechidiki kuti vasatya kuparidza.

Paivawo nemibvunzo yeBhaibheri nemhinduro dzacho kuitira vaya vaiva neruzivo rwakawanda rweBhaibheri. Mhinduro dzacho dzaiwanika mubhuku rekutanga reStudies in the Scriptures. Zviuru zvevanhu zvakabatsirwa nezvirongwa izvi, asi The Golden Age yaDecember 21, 1921, yakazivisa kuti zvirongwa zviviri izvi zvaizomiswa. Izvi zvakaitirwei?

BHUKU IDZVA!

Bhuku rinonzi The Harp of God

Kadhi raiudza munhu paaifanira kuverenga

Makadhi aiva nemibvunzo

Hama dzaitungamirira dzakaona kuti vadzidzi vatsva veBhaibheri vaifanira kudzidza chokwadi nenzira yakarongeka. Saka pakabudiswa bhuku rinonzi The Harp of God muna November 1921. Vanhu vanofarira vakagamuchira bhuku racho vakatangawo kurishandisa pakudzidza Bhaibheri. Kosi iyi yekuti munhu anodzidza Bhaibheri ari ega yakabatsira vanhu kuti vanzwisise “chinangwa chaMwari chekupa vanhu upenyu husingaperi.” Kosi yacho yaiitwa sei?

Munhu paaigamuchira bhuku racho, aibva apiwawo kakadhi kaimuudza mapeji aaifanira kuverenga mubhuku racho. Vhiki raitevera racho, munhu aiwana kadhi raiva nemibvunzo ine chekuita nezvaainge averenga. Mashoko ekupedzisira aiva pakadhi racho airatidza paifanira kuverengwa muvhiki rinotevera.

Vhiki rega rega kwemavhiki 12, mudzidzi aiwana kadhi idzva raitumirwa neungano yaiva pedyo. Kakawanda kacho makadhi aya aitumirwa nehama nehanzvadzi dzemuungano dzainge dzakwegura kana kuti dzaisakwanisa kuenda paimba neimba. Semuenzaniso, Anna K. Gardner, uyo aibva kuMillvale, Pennsylvania, U.S.A., akati: “Bhuku rinonzi The Harp of God parakabudiswa, rakaita kuti sisi vangu Thayle, avo vaisagona kufamba, vawane basa rakawanda rekuita. Vhiki rega rega vaitumira vanhu makadhi aiva nemibvunzo.” Mudzidzi paaipedza kosi yacho, aizoshanyirwa kuti adzidziswe zvimwe zvine chekuita neBhaibheri.

Thayle Gardner akagara pawiricheya

BASA RAIVA MBERI

Pakupera kwegore racho, Hama J. F. Rutherford vakatumira tsamba kuungano dzese. Vakataura kuti “kuparidza Umambo kwaitwa gore rino kwakakura uye kwabatsira vanhu vakawanda kupfuura zvaiitwa mumakore adarika.” Vakabva vawedzera kuti: “Pachine basa guru rinofanira kuitwa. Kurudzirai vamwe kuti vaite basa iri rakazonaka.” Zviri pachena kuti Vadzidzi veBhaibheri vakateerera zano iri. Muna 1922 vakava neushingi hwekuparidza nezveUmambo kupfuura zvavakanga vamboita.

^ ndima 9 The Golden Age yakazonzi Consolation muna 1937 uye Awake! muna 1946.