Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 42

Batisisa Chokwadi Uine Kutenda Kwakasimba

Batisisa Chokwadi Uine Kutenda Kwakasimba

“Ivai nechokwadi nezvinhu zvese; batisisai zvinhu zvakanaka.”—1 VAT. 5:21.

RWIYO 142 Kubatisisa Tariro Yedu

ZVICHADZIDZWA *

1. Nei vanhu vakawanda vari kuvhiringidzika?

PANE zvitendero zvakawanda zvinonzi ndezvechiKristu zvinotaura kuti zvinonamata Mwari nenzira yaanoda. Ndosaka vanhu vakawanda vachivhiringidzika. Vanobvunza kuti, “Kune chitendero chimwe chete chechokwadi here, kana kuti zvitendero zvese zvinofadza Mwari here?” Tinonyatsogutsikana mupfungwa dzedu here kuti zvatiri kudzidzisa ndicho chokwadi uye kuti manamatiro eZvapupu zvaJehovha ndiwo anogamuchirwa naJehovha? Zvinoita here kuti tigutsikane saizvozvo? Ngatikurukurei uchapupu hwacho.

2. Maererano na1 VaTesaronika 1:5, nei muapostora Pauro aigutsikana kuti zvaaitenda chaiva chokwadi?

2 Muapostora Pauro ainyatsogutsikana kuti akanga awana chokwadi. (Verenga 1 VaTesaronika 1:5.) Kugutsikana kwake kwaisabva pamanzwiro aaiita. Pauro ainyatsodzidza Shoko raMwari. Aitenda kuti “Magwaro ese akafemerwa naMwari.” (2 Tim. 3:16) Zvii zvaakadzidza? Paaidzidza Magwaro, Pauro akawana uchapupu husingarambiki hwekuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa, asi vatungamiriri vechitendero chechiJudha vakasarudza kupira gotsi uchapupu ihwohwo. Vanyengeri ivavo vaiti vanodzidzisa vanhu chokwadi nezvaMwari asi vaimuramba nemabasa avo. (Tito 1:16) Pauro ainge akasiyana nevarume ivavo. Aisaita zvekusarudza kuti otenda zvikamu zvipi zveShoko raMwari. Ainge akagadzirira kudzidzisa “zvinhu zvese nezvechinangwa chaMwari,” uye kurarama maererano nazvo.—Mab. 20:27.

3. Kuti tigutsikane kuti zvatinotenda ndicho chokwadi, tinofanira kuwana mhinduro dzemibvunzo yedu yese here? (Onawo bhokisi rakanzi “ Mabasa aJehovha Uye Zvaanofunga ‘Zvakawanda Zvekuti Hazvitsananguriki.’”)

3 Vamwe vanofunga kuti chitendero chechokwadi chinofanira kunge chichikwanisa kupindura mibvunzo yese, kunyange mibvunzo isingapindurwi neBhaibheri. Zvine musoro here kutarisira izvozvo? Funga zvakaitwa naPauro. Akakurudzira vaainamata navo kuti vave “nechokwadi nezvinhu zvese,” asi akabvumawo kuti aiva nezvinhu zvakawanda zvaaisanzwisisa. (1 VaT. 5:21) Akanyora kuti, “tine ruzivo rusina kukwana,” uye akawedzera kuti, “tinoona zvisina kunyatsojeka negirazi resimbi.” (1 VaK. 13:9, 12) Pauro aisanzwisisa zvinhu zvese sezvatinongoitawo. Asi ane zvinhu zvinokosha zvaainzwisisa nezvechinangwa chaJehovha. Zvaaiziva zvainge zvakakwana kuti agutsikane kuti ainge awana chokwadi.

4. Zvii zvatingaita kuti tinyatsogutsikana kuti takawana chokwadi, uye tichakurukurei nezvevaKristu vechokwadi?

4 Chimwe chinhu chatingaita kuti tinyatsogutsikana kuti takawana chokwadi kuenzanisa manamatiro akaratidzwa naJesu neanoitwa neZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Munyaya ino tichaona kuti vaKristu vechokwadi (1) havanamati zvidhori, (2) vanoremekedza zita raJehovha, (3) vanoda chokwadi, uye (4) vanodanana zvikuru.

HATINAMATI ZVIDHORI

5. Tinodzidzei pana Jesu nezvenzira yakakodzera yekunamata Mwari, uye tingashandisa sei zvaakadzidzisa?

5 Jesu ainamata Jehovha chete paaiva kudenga uye paaiva panyika, nekuti anoda Mwari zvikuru. (Ruka 4:8) Akadzidzisawo vadzidzi vake kuti vanamate Jehovha chete. Jesu uye vadzidzi vake vakatendeka havana kumbobvira vashandisa zvifananidzo pakunamata. Mwari haaoneki, saka hapana munhu anogona kugadzira chinhu chakaita saiye. (Isa. 46:5) Asi zvakadii nekugadzira mifananidzo yevanhu vanoonekwa sevatsvene uye kunyengetera kwairi? Mumurayiro wechipiri paMirayiro Gumi, Jehovha akati: “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro, kana chiri panyika pasi . . . Usazvikotamira.” (Eks. 20:4, 5) Mashoko iwayo akajeka kune vaya vanoda kufadza Mwari.

6. Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera manamatiro api mazuva ano?

6 Vaongorori vezvakaitika kare vanobvuma kuti vaKristu vekutanga vainamata Mwari chete. Semuenzaniso, bhuku rinonzi History of the Christian Church rinoti vaKristu vekutanga “vaizosemeswa nazvo” kudai zvainzi munzvimbo dzekunamatira muiswe mifananidzo inoshandiswa pakunamata. Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinotevedzera zvaiitwa nevaKristu vekutanga. Hatinyengeteri kumifananidzo yevanhu vanoonekwa sevatsvene kana kuti kungirozi, uye hatitombonyengeteri kunyange kuna Jesu. Hatisaruti mureza kana kuita chimwe chinhu chinoratidza kuti tiri kunamata nyika yedu. Pasinei nekuti mumwe munhu angada kuti tiitei, tinoteerera mashoko aJesu ekuti: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata.”—Mat. 4:10.

7. Musiyano upi wakakura uri pakati peZvapupu zvaJehovha nezvimwe zvitendero?

7 Mazuva ano vanhu vakawanda vanotevera vatungamiriri vemachechi vane mukanwa munotapira. Vanoyemura vatungamiriri vakadaro zvekuti vanoita sevari kutovanamata. Vanodirana mumachechi avo, vanotenga mabhuku avo, uye vanobvisa mari yakawanda yekuvatsigira kana kutsigira zvirongwa zvavo. Vamwe vanhu vanotenda zvese zvavanoparidza. Kufara kwavanoita pavanoona vatungamiriri vemachechi ava ungati vari kuona Jesu! Asi vanamati vechokwadi vaJehovha havana vanhu vavanotevera. Kunyange zvazvo tichiremekedza vaya vari kutungamirira, tinoteerera dzidziso yaJesu yakajeka yekuti: “Imi mese muri hama.” (Mat. 23:8-10) Hatinamati vanhu, vangava vatungamiriri vechitendero kana kuti vezvematongerwo enyika. Uye hatitsigiri zvinangwa zvavo. Tinoramba tisina divi ratinotsigira uye tinoramba takaparadzana nenyika. Saka pane zvese izvi, takasiyana chaizvo nezvimwe zvitendero zvinozviti ndezvechiKristu.—Joh. 18:36.

TINOREMEKEDZA ZITA RAJEHOVHA

VaKristu vechokwadi vanodada nekuudza vamwe nezvaJehovha (Ona ndima 8-10) *

8. Tinoziva sei kuti Jehovha anoda kuti zita rake rikudzwe uye rizivikanwe nemunhu wese?

8 Pane imwe nguva, Jesu akanyengetera achiti: “Baba, kudzai zita renyu.” Jehovha pachake akapindura munyengetero iwoyo nenzwi guru rakabva kudenga, achivimbisa kuti aizokudza zita rake. (Joh. 12:28) Jesu paaiita ushumiri hwake aikudza zita raBaba vake. (Joh. 17:26) Saka zvine musoro kuti titarisire kuti vaKristu vechokwadi vaizodada nekushandisa zita raMwari uye kuita kuti rizivikanwe nevanhu.

9. VaKristu vekutanga vakaratidza sei kuti vairemekedza zita raMwari?

9 Ungano yechiKristu ichangotanga, Jehovha akafunga “mamwe marudzi kuti atore vanhu vezita rake pakati pawo.” (Mab. 15:14) VaKristu ivavo vaidada nekushandisa zita raMwari uye kuita kuti rizivikanwe nevamwe. Vaishandisa zita raMwari pavaiparidza uye pavainyora mabhuku eBhaibheri. * Vakaratidza kuti vaiva vanhu vezita raMwari.—Mab. 2:14, 21.

10. Uchapupu hupi hunoratidza kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vezita raJehovha?

10 Zvapupu zvaJehovha vanhu vezita raJehovha here? Ona uchapupu hwacho. Mazuva ano vatungamiriri vezvitendero vari kuedza chaizvo kuita kuti zita raMwari risazivikanwa. Vakaribvisa mushanduro dzavo dzeBhaibheri, uye pamwe pacho, vakarambidza kuti zita iroro rishandiswe mumachechi avo. * Zviri pachena kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvega zvinonyatsoremekedza zita raMwari? Tinopfuura zvimwe zvitendero zvese pakuita kuti zita raMwari rizivikanwe kwese kwese! Tinoita zvese zvatinogona kuti tirarame zvinoenderana nezita redu rekuti Zvapupu zvaJehovha. (Isa. 43:10-12) Takaprinda makopi anopfuura 240 miriyoni eShanduro Yenyika Itsva yeMagwaro Matsvene, iyo inoshandisa zita raJehovha munzvimbo dzarakabviswa nevamwe vashanduri veBhaibheri. Uye tinobudisa mabhuku anotsanangura Bhaibheri ayo anoshandisa zita raJehovha mumitauro inopfuura 1 000!

TINODA CHOKWADI

11. VaKristu vekutanga vakaratidza sei kuti vaida chokwadi?

11 Jesu aida chokwadi, kureva chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake. Jesu airarama maererano nechokwadi, uye akaita kuti chizivikanwe nevamwe. (Joh. 18:37) Vateveri vaJesu vechokwadi vaidawo chokwadi ichi zvakadzama. (Joh. 4:23, 24) Muapostora Petro akataura nezvechiKristu achiti ‘inzira yechokwadi.’ (2 Pet. 2:2) VaKristu vekutanga vaida chokwadi zvakadzama, saka vairamba zvinhu zvinopesana nechokwadi panyaya yedzidziso dzezvitendero, tsika, uye maonero evanhu. (VaK. 2:8) Mazuva ano vaKristu vechokwadi vanoedza chaizvo “kuramba vachifamba muchokwadi” nekuita kuti zvese zvavanotenda uye mararamiro avo zvienderane neShoko raJehovha.—3 Joh. 3, 4.

12. Chii chinoitika kana Dare Rinotungamirira rikaona kuti tinofanira kugadzirisa manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi, uye nei richidaro?

12 Vanhu vaMwari mazuva ano havatauri kuti vanonyatsonzwisisa zvese zviri muBhaibheri. Dzimwe nguva vanombokanganisa pakutsanangura imwe dzidziso yeBhaibheri kana kuti pamarongero avanoita zvinhu musangano. Izvozvo hazvifaniri kutishamisa. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti ruzivo rwakarurama runoramba ruchiwedzera nekufamba kwenguva. (VaK. 1:9, 10) Jehovha anojekesa chokwadi zvishoma nezvishoma, uye tinofanira kuva nechido chekumirira kuti chiedza chechokwadi chiwedzere kupenya. (Zvir. 4:18) Dare Rinotungamirira parinoona kuti manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi anofanira kugadziriswa, rinobva ragadzirisa. Mazuva ano machechi akawanda anochinja dzidziso dzawo nekuti anoda kufadza vanhu kana kuwana mukurumbira munyika. Asi sangano raJehovha rinochinja zvimwe zvinhu kuitira kuti tiwedzere kuva pedyo naMwari uye timunamate tichitevedzera zvaiitwa naJesu. (Jak. 4:4) Kuchinja kwatinoita zvimwe zvinhu hakubvi pakuti vanhu vari munyika vachinja maonero avanoita zvinhu, asi kunobva pakuwedzera kunzwisisa kwatinoita Bhaibheri. Tinoda chokwadi.—1 VaT. 2:3, 4.

TINODANANA ZVINOBVA PASI PEMWOYO

13. VaKristu vechokwadi vanonyanya kuzivikanwa neunhu hupi, uye izvozvo zvinooneka sei paZvapupu zvaJehovha mazuva ano?

13 Ungano yechiKristu yekutanga yaizivikanwa neunhu hwakanaka hwayairatidza, asi yainyanya kuzivikanwa nerudo. Jesu akati: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Mazuva ano Zvapupu zvaJehovha zvinodanana uye zvakabatana pasi rese. Takasiyana nezvimwe zvitendero zvese, nekuti takaita semhuri imwe chete kunyange zvazvo tichibva munyika dzakasiyana-siyana, uye tiine tsika dzakasiyana-siyana. Tinozviona pamisangano yedu, uye pamagungano edunhu neemunharaunda. Izvi zvinoita kuti tinyatsogutsikana kuti manamatiro edu ndiwo anodiwa naJehovha.

14. Maererano naVaKorose 3:12-14, ndeipi nzira inokosha yatinoratidza nayo kuti tinodanana kwazvo?

14 Bhaibheri rinotikurudzira kuti ‘tidanane kwazvo.’ (1 Pet. 4:8) Imwe nzira yatinoratidza nayo rudo rwakadaro ndeyekuregererana uye kunzwisisana. Tinotsvagawo mikana yekuva nerupo uye kuva neushamwari kune vese vari muungano, kunyange vaya vanenge vakatitadzira. (Verenga VaKorose 3:12-14.) Patinova nerudo rwakadaro tinenge tichiratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi.

“KUTENDA KUMWE CHETE”

15. Ndedzipi dzimwe nzira dzatinotevedzera nadzo manamatiro aiita vaKristu vekutanga?

15 Panewo dzimwe nzira dzatinotevedzera nadzo manamatiro aiitwa neungano yechiKristu yekutanga. Semuenzaniso, marongerwo akaitwa zvinhu musangano redu akafanana nezvainge zvakaita vaKristu ivavo. Kungofanana navo, tine vatariri vanofambira, vakuru uye vashumiri veungano. (VaF. 1:1; Tito 1:5) Maonero atinoita zvebonde uye wanano, kuremekedza kwatinoita utsvene hweropa, uye chido chatiinacho chekuchengetedza ungano pavatadzi vasingapfidzi, zvese tinozviita tichitevedzera zvaiitwa nevaKristu vekutanga.—Mab. 15:28, 29; 1 VaK. 5:11-13; 6:9, 10; VaH. 13:4.

16. Tinodzidzei pamashoko ari pana VaEfeso 4:4-6?

16 Jesu akataura kuti vanhu vakawanda vaizozviti vadzidzi vake, asi havasi vese vaizova vechokwadi. (Mat. 7:21-23) Bhaibheri rakayambirawo kuti mumazuva ekupedzisira, vakawanda vaizoita “sekunge vanonamata Mwari.” (2 Tim. 3:1, 5) Asi rinotaura zvakajeka kuti kune “kutenda kumwe chete” kunofarirwa naMwari.—Verenga VaEfeso 4:4-6.

17. Mazuva ano ndivanaani vari kutevera Jesu uye vane kutenda kumwe chete kwechokwadi?

17 Ndivanaani vane kutenda kumwe chete kwechokwadi mazuva ano? Taongorora uchapupu hwacho. Taona manamatiro akadzidziswa naJesu uye aiitwa nevaKristu vekutanga. Panongova nemhinduro imwe chete yekuti, Zvapupu zvaJehovha. Iropafadzo yakakura kuva mumwe wevanhu vaJehovha uye kuziva chokwadi nezvaJehovha uye zvinangwa zvake! Ngatirambei takabatisisa chokwadi tiine kutenda kwakasimba.

RWIYO 3 Ndimi Simba Redu, Tariro Yedu, Tinovimba Nemi

^ ndima 5 Munyaya ino tichaona kunamata kwechokwadi kwakaratidzwa naJesu uye tichaongorora kuti vadzidzi vake vekutanga vaikutevedzera sei. Tichapawo uchapupu hwekuti Zvapupu zvaJehovha zviri kutevedzera muenzaniso iwoyo wekunamata kwechokwadi mazuva ano.

^ ndima 9 Ona bhokisi rakanzi “VaKristu Vokutanga Vaishandisa Zita raMwari Here?” riri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2010, peji 6.

^ ndima 10 Semuenzaniso, muna 2008, Pope Benedict XVI akarayira kuti zita raMwari “risashandiswa kana kutaurwa” pazvinhu zvinoitwa nechechi yeRoma zvakadai sekunamata, kuimba, kana kunyengetera.

^ ndima 63 KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Sangano raJehovha rakabudisa Shanduro Yenyika Itsva mumitauro inopfuura 200 kuitira kuti vanhu vakwanise kuverenga Bhaibheri rine zita raMwari mumutauro wavo.