NYAYA YEKUDZIDZA 44
Ita Kuti Tariro Yako Irambe Yakasimba
“Tarisira kuna Jehovha.”—PIS. 27:14.
RWIYO 144 Ramba Wakatarisa Mubayiro!
ZVICHADZIDZWA a
1. Itariro ipi yatakapiwa naJehovha?
JEHOVHA akatipa tariro yakazonaka yeupenyu husingaperi. Vamwe vane tariro yekurarama kudenga sezvisikwa zvemweya zvisingafi. (1 VaK. 15:50, 53) Asi vakawanda vane tariro yekurarama nekusingaperi panyika vaine utano hwakanaka uye vachifara. (Zvak. 21:3, 4) Tingava tiine tariro yekurarama nekusingaperi kudenga kana kuti panyika, tariro yedu inokosha chaizvo kwatiri.
2. Tariro yedu yakavakirwa pai, uye nei tichidaro?
2 Shoko rekuti “tariro,” sekushandiswa kwarinoitwa muBhaibheri, rinogona kutsanangurwa “sechivimbo chekuti zvinhu zvakanaka zvichaitika.” Tine chokwadi chekuti tariro yedu yeramangwana ichazadziswa nekuti inobva kuna Jehovha. (VaR. 15:13) Tinoziva zvaakavimbisa, uye tinoziva kuti anogara achizadzisa vimbiso dzake. (Num. 23:19) Tine chokwadi chizere chekuti Jehovha ane chido nesimba rekuzadzisa zvese zvaanoti achaita. Saka tariro yedu hakusi kungorotawo zvako, kana fungidziro dzatiinadzo dzekuti dai zvimwe zvinhu zvaitika, asi yakavakirwa pazvinhu zvatinoziva kuti ndezvechokwadi.
3. Tichakurukurei munyaya ino? (Pisarema 27:14)
3 Baba vedu vekudenga vanotida uye vanoda kuti tivimbe navo. (Verenga Pisarema 27:14.) Kana tariro yedu muna Jehovha yakasimba, tichakwanisa kutsungirira matambudziko, uye tichava neushingi uye mufaro pasinei nezvingaitika kwatiri. Ngationei kuti tariro yedu inotichengetedza sei. Tichatanga nekuona kuti sei tariro ichifananidzwa nechinhu chinotsigisa ngarava uye nengowani. Tichabva tazokurukura zvatingaita kuti tisimbise tariro yedu.
TARIRO YEDU YAKAITA SECHINHU CHINOTSIGISA NGARAVA
4. Tariro yedu yakaita sechinhu chinotsigisa ngarava pakudii? (VaHebheru 6:19)
4 Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, muapostora Pauro akafananidza tariro yedu nechinhu chinotsigisa ngarava. (Verenga VaHebheru 6:19.) Pauro aiwanzofamba nemugungwa, saka aiziva kuti zvinhu zvinotsigisa ngarava zvaishandiswa pakuita kuti ngarava isakukurwa. Pane imwe nguva, aiva mungarava pakaitika dutu raiva nesimba. Paiitika dutu iroro, akaona vafambisi vengarava vachikanda mumvura zvinhu zvinoitsigisa kuitira kuti irege kunorovera pamatombo. (Mab. 27:29, 39-41) Kungofanana nechinhu chinotsigisa ngarava, tariro yedu inotidzikamisa kuitira kuti tisabva pana Jehovha patinosangana nematambudziko akaita semadutu muupenyu hwedu. Tariro yedu inotibatsira kuti tirambe takadzikama patinosangana nematambudziko, nekuti tinoziva kuti zvinhu zvichanaka. Yeuka kuti Jesu akatiyambira kuti tichatambudzwa. (Joh. 15:20) Saka kufungisisa zvatakavimbiswa naJehovha kunotibatsira kuti tirambe tichimushumira.
5. Tariro yakabatsira sei Jesu paakanga atarisana nerufu?
5 Ona kuti tariro yakabatsira sei Jesu kuti arambe akatendeka kunyange zvazvo aizofa rufu runorwadza. PaPendekosti ya33 C.E., muapostora Petro akataura nezveuprofita huri mubhuku raMapisarema hunorondedzera kudzikama kwainge kwakaita Jesu uye chivimbo chaaiva nacho. Uprofita hwacho hunoti: “Ndichagara ndiine tariro; nekuti hamuzondisiyi muGuva, uye hamuzoregi munhu wenyu akavimbika achiona kuora. . . . Muchandizadza nemufaro mukuru pamberi penyu.” (Mab. 2:25-28; Pis. 16:8-11) Kunyange zvazvo Jesu aiziva kuti aizofa, aiva netariro yakasimba yekuti Mwari aizomumutsa uye aizofara kuva pamwe chete zvakare naBaba vake kudenga.—VaH. 12:2, 3.
6. Imwe hama yakatii nezvetariro?
6 Tariro yedu iri kubatsira hama nehanzvadzi dzedu dzakawanda kuti dzitsungirire. Funga nezvemuenzaniso waLeonard Chinn, hama yakatendeka yaigara kuEngland. Pairwiwa Hondo Yenyika Yekutanga, akasungwa nekuti akanga aramba kupinda muchiuto. Akaita mwedzi miviri akavharirwa make ega. Pashure peizvozvo akazotanga kuitiswa basa rakaoma chaizvo. Akazonyora kuti, “Zvakaitika kwandiri zvakaita kuti ndione kuti tariro inotibatsira kutsungirira. Tine mienzaniso yakadai saJesu, vaapostora nevaprofita, uye tine vimbiso dzakanaka dziri muBhaibheri. Zvese izvi zvinotipa tariro yakasimba yeramangwana uye zvinotibatsira kuti titsungirire.” Tariro yainge yakaita sechinhu chinotsigisa ngarava kuna Leonard, uye inogonawo kuita saizvozvo kwatiri.
7. Matambudziko anosimbisa sei tariro yedu? (VaRoma 5:3-5; Jakobho 1:12)
7 Patinotsungirira matambudziko, toona kubatsirwa kwatinoitwa naJehovha, tinobva taziva kuti anotida. Izvi zvichaita kuti tariro yedu isimbe. (Verenga VaRoma 5:3-5; Jakobho 1:12.) Saka iye zvino tariro yedu yasimba kupfuura patakagamuchira mashoko akanaka. Satani anoda kuti matambudziko atinosangana nawo atipedze simba, asi tichibatsirwa naJehovha tinogona kukunda dambudziko rimwe nerimwe.
TARIRO YEDU YAKAITA SENGOWANI
8. Tariro yakaita sengowani pakudii? (1 VaTesaronika 5:8)
8 Bhaibheri rinofananidzawo tariro yedu nengowani. (Verenga 1 VaTesaronika 5:8.) Musoja anopfeka ngowani kuti asakuvadzwa musoro wake nevavengi. Muhondo yedu yemweya, tinofanira kudzivirira pfungwa dzedu kuti dzisakanganiswa naSatani. Anoshandisa zvinhu zvakasiyana-siyana kuti atitsause uye akanganise mafungiro edu. Sezvo ngowani ichichengetedza musoro wemusoja, tariro yedu inochengetedza mafungiro edu kuitira kuti tirambe takatendeka kuna Jehovha.
9. Chii chinoitika kana vanhu vasina tariro?
9 Tariro yedu yeupenyu husingaperi ichatibatsira kuti tiite zvisarudzo zveuchenjeri. Asiwo kana tariro yedu isisina kusimba, totanga kungofunga zvinhu zvinodiwa nenyama yedu, tinogona kubva takanganwa tariro yedu yeupenyu husingaperi. Funga zvakaitika kune vamwe vaKristu vaigara muKorinde. Vakarasikirwa nekutenda muvimbiso yaMwari inokosha yekumutswa kwevakafa. (1 VaK. 15:12) Pauro akanyora kuti vaya vasingatendi murumuko vanongoraramira kugutsa zvido zvavo. (1 VaK. 15:32) Mazuva ano vakawanda vasina tariro muvimbiso dzaMwari vanoita chero zvavada kuti vafare iye zvino. Asi isu tine tariro yezvinhu zvatinovimbiswa naMwari mune ramangwana. Tariro yedu iyo yakaita sengowani inochengetedza mafungiro edu uye inotibatsira kuti tisararama tichingoita zvakatinakira, nekuti izvozvo zvinogona kukanganisa ushamwari hwedu naJehovha.—1 VaK. 15:33, 34.
10. Tariro inotibatsira sei kuti tisava nemafungiro asina kunaka?
10 Tariro yedu inogonawo kutidzivirira pamafungiro ekuti hazvina zvazvinobatsira kuedza kufadza Jehovha. Semuenzaniso, mumwe munhu anogona kufunga kuti: ‘Handimbofi ndakava pakati pevaya vachararama nekusingaperi. Handina kukodzera. Handingambokwanisi kuita zvandinonzi naMwari ndiite.’ Yeuka kuti Erifazi, uyo ainyepedzera kunyaradza Jobho, akashandisa mafungiro akadaro kuna Jobho. Erifazi akati: “Munhu chii kuti ave akachena?” Akatiwo nezvaMwari: “Iye haatendi muvatsvene vake, uye kunyange denga harina kuchena pamberi pake.” (Job. 15:14, 15) Idzi dzaiva nhema dzisingaiti! Yeuka kuti Satani ndiye anoda kuti uve nemafungiro iwayo. Anoziva kuti kana ukaramba uine mafungiro iwayo, tariro yako inopera. Saka ramba nhema dzakadaro uye isa pfungwa pavimbiso dzaJehovha. Iva nechokwadi chekuti anoda kuti urarame nekusingaperi uye achakubatsira kuti uwane upenyu ihwohwo.—1 Tim. 2:3, 4.
ITA KUTI TARIRO YAKO IRAMBE YAKASIMBA
11. Nei tichifanira kuva nemwoyo murefu patinenge takamirira kuti zvatiri kutarisira zviitike?
11 Hazvisi nyore nguva dzese kuti tariro yedu irambe yakasimba. Tinogona kutadza kuva nemwoyo murefu patinenge takamirira kuti vimbiso dzaMwari dzizadziswe. Asi Jehovha haana paanotangira uye paanogumira, saka maonero aanoita nguva akasiyana needu. (2 Pet. 3:8, 9) Achaita zvaakavimbisa nenzira yakanakisisa, asi angasazviita panguva yatinoda isu. Chii chingatibatsira kuti tariro yedu irambe yakasimba patinenge takamirira kuti Mwari azadzise zvaakavimbisa?—Jak. 5:7, 8.
12. Maererano naVaHebheru 11:1, 6, tariro yakabatana papi nekutenda?
12 Tariro yedu icharamba yakasimba kana tikaramba tiri pedyo naJehovha uyo achaita kuti zvatiri kutarisira zviitike. Kuti tive netariro, tinofanira kutenda kuti Jehovha ariko uye kuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.” (Verenga VaHebheru 11:1, 6.) Kana tichinyatsotenda kuti Jehovha ariko, tichava nechokwadi chizere chekuti achaita zvaakavimbisa. Ngationei zvimwe zvinhu zvatingaita kuti tisimbise ushamwari hwedu naJehovha kuitira kuti tariro yedu irambe yakasimba.
13. Tingaitei kuti tiswedere pedyo naMwari?
13 Nyengetera kuna Jehovha, uye verenga Shoko rake. Kunyange zvazvo tisingaoni Jehovha, tinogona kuswedera pedyo naye. Tinogona kutaura naye mumunyengetero tiine chivimbo chekuti achatiteerera. (Jer. 29:11, 12) Tinogona kuteerera Mwari nekuverenga Shoko rake uye kufungisisa nezvaro. Patinoverenga nezvekuti Jehovha aichengeta sei vaya vakavimbika kwaari kare, tariro yedu inowedzera kusimba. Zvinhu zvese zviri muShoko raMwari “zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti tive netariro inobva pakutsungirira kwedu uye pakunyaradza kunobva muMagwaro.”—VaR. 15:4.
14. Nei tichifanira kufungisisa zvakaitirwa vamwe vanhu naJehovha?
14 Fungisisa kuti Jehovha akazadzisa sei vimbiso dzake. Funga zvakaitwa naMwari kuna Abrahamu naSara. Vakasvika zera rekuti vakanga vasingachakwanisi kuva nevana. Asi Mwari akavavimbisa kuti vaizova nemwana. (Gen. 18:10) Abrahamu akaita sei? Bhaibheri rinoti: ‘Aitenda kuti aizova baba vemarudzi mazhinji.’ (VaR. 4:18) Kunyange zvazvo mukuona kwevanhu zvaiita sekuti pakanga pasisina tariro, Abrahamu aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizozadzisa vimbiso yake. Murume iyeye akatendeka haana kuodzwa mwoyo. (VaR. 4:19-21) Nyaya dzakadai dzinotidzidzisa kuti nguva dzese tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anozadzisa vimbiso dzake pasinei nekuti tingaona sezvisingakwanisiki.
15. Nei tichifanira kufunga zvatakaitirwa naMwari?
15 Funga zvawakaitirwa naJehovha. Chimbofunga kubatsirwa kwawakaitwa nekuzadziswa kwevimbiso dziri muShoko raMwari. Semuenzaniso, Jesu akavimbisa kuti Baba vake vachakupa zvaunoda pakurarama. (Mat. 6:32, 33) Jesu akakuvimbisawo kuti Jehovha achakupa mweya mutsvene paunoukumbira. (Ruka 11:13) Jehovha akachengeta vimbiso idzodzo. Zvimwe unogona kufunga nezvedzimwe vimbiso dzawakaona dzichizadzika muupenyu hwako. Semuenzaniso, anovimbisa kukuregerera, kukunyaradza, uye kukupa zvekudya zvekunamata. (Mat. 6:14; 24:45; 2 VaK. 1:3) Paunofungisisa zvawakatoitirwa naMwari, tariro yako yezvaachakuitira mune ramangwana ichawedzera kusimba.
FARAI PATARIRO
16. Nei tariro iri chipo chakazonaka?
16 Tariro yedu yeupenyu husingaperi chipo chakazonaka chinobva kuna Mwari. Tinotarisira kuzova neramangwana rakanaka iro ratiine chokwadi chekuti richavapo. Tariro iyi yakaita sechinhu chinotitsigisa, pakuti inotibatsira kuti tikwanise kutsungirira matambudziko kunyange kutarisana nerufu. Inoita sengowani, pakuti inodzivirira mafungiro edu kuitira kuti tikwanise kuramba zvakaipa, tonamatira pane zvakarurama. Tariro yedu, iyo inobva muBhaibheri, inotiswededza pedyo naMwari uye inoratidza kuti anotida zvakadzama. Tinobatsirwa chaizvo patinoita kuti tariro yedu irambe yakajeka uye yakasimba.
17. Nei tariro yedu ichiita kuti tifare?
17 Mutsamba yaakanyorera vaRoma, muapostora Pauro akavakurudzira achiti, “Farai patariro.” (VaR. 12:12) Pauro aifara nekuti aiva nechokwadi chekuti kana akaramba akatendeka aizowana upenyu husingaperi kudenga. Isuwo tinogona kufara patariro yedu nekuti tine chokwadi chekuti Jehovha achaita zvaakavimbisa. Sezvakataurwa nemumwe munyori wepisarema, “anofara munhu . . . anoisa tariro muna Jehovha Mwari wake, . . . uyo anoramba akatendeka.”—Pis. 146:5, 6.
RWIYO 139 Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva
a Jehovha akatipa tariro yakazonaka yeramangwana. Tariro iyoyo inotikurudzira uye inotibatsira kuti tisaramba takaisa pfungwa pamatambudziko atiinawo iye zvino. Inotipa simba rekuti tirambe takatendeka pasinei nematambudziko atinosangana nawo. Uye inogona kutibatsira kuti tisaita zvinhu zvingakanganisa mafungiro edu. Sezvatichadzidza munyaya ino, zvese izvi zvikonzero zvakanaka zvichatibatsira kuti tariro yedu irambe yakasimba.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Sezvo ngowani ichichengetedza musoro wemusoja uye chinhu chinotsigisa chichidzikamisa ngarava, tariro yedu inochengetedza mafungiro edu uye inotidzikamisa patinosangana nematambudziko. Hanzvadzi iri kunyengetera nechivimbo kuna Jehovha. Hama iri kufungisisa kuti Jehovha akazadzisa sei vimbiso dzake kuna Abrahamu. Imwe hama iri kufungisisa nezvekukomborerwa kwayakaitwa.