NYAYA YEKUDZIDZA 43
Uchenjeri Hwechokwadi Huri Kushevedzera
“Uchenjeri hwechokwadi hunoshevedzera huri mumugwagwa. Hunoramba huchikwidza inzwi huri mumisika.”—ZVIR. 1:20.
RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu
ZVICHADZIDZWA a
1. Vanhu vakawanda mazuva ano vanoita sei kuuchenjeri hwechokwadi? (Zvirevo 1:20, 21)
MUNYIKA dzakawanda, zvainge zvakajairika kuona vaparidzi veUmambo vanenge vachinyemwerera vachipa mabhuku vanhu vanenge vachipfuura mumugwagwa. Wakamboitawo ushumiri uhwu here? Kana wakahuita, zvimwe wakafunga nezvefananidzo iri mubhuku raZvirevo yeuchenjeri hunoshevedzera mumisika kuti vanhu vahunzwe. (Verenga Zvirevo 1:20, 21.) MuBhaibheri uye mumabhuku edu mune “uchenjeri hwechokwadi,” uchenjeri hwaJehovha. Uhwu ndihwo uchenjeri hunodiwa nevanhu kuitira kuti vawane upenyu husingaperi. Tinofara chaizvo mumwe munhu paanotora rimwe remabhuku edu. Asi havasi vese vanodaro. Vamwe havadi kuziva zvinotaurwa neBhaibheri. Vamwe vanotiseka. Vanofunga kuti Bhaibheri harichashandi. Vamwewo ndivo vanotsoropodza zvinodzidziswa neBhaibheri panyaya yekuzvibata, vachiti vaya vanotevedzera izvozvo vanhu vasina tsitsi uye vanozviita vakarurama. Asi Jehovha anoramba achiita kuti uchenjeri hwechokwadi huwanikwe nemunhu wese. Anozviita sei?
2. Uchenjeri hwechokwadi hunowanikwa kupi mazuva ano, asi vanhu vakawanda vanosarudza kuitei?
2 Jehovha anoita kuti Shoko rake Bhaibheri riwanikwe neanenge munhu wese. Zvakadiiwo nemabhuku edu anotsanangura Bhaibheri? Tinotenda Jehovha kuti ari kuita kuti mabhuku aya awanikwe mumitauro inopfuura 1 000. Vaya vanoteerera, kureva kuti vanoverenga uye vanoshandisa zvavanenge vadzidza, vanobatsirwa. Asi vanhu vakawanda havadi kuteerera uchenjeri hwechokwadi. Pavanenge vachida kuita zvisarudzo, vanoona zviri nani kuita zvemumusoro mavo kana kuti vanosarudza kuteerera vamwe vanhu. Vanogona kutotitarisira pasi nekuti tinosarudza kuteerera zvinotaurwa neBhaibheri. Nyaya ino ichataura kuti nei vanhu vachiita izvozvo. Asi ngatitangei nekuona kuti tingaitei kuti tiwane uchenjeri hunobva kuna Jehovha.
KUZIVA JEHOVHA KUNOITA KUTI TIVE NEUCHENJERI
3. Kuva neuchenjeri hwechokwadi kunosanganisirei?
3 Uchenjeri hunogona kutsanangurwa sekukwanisa kushandisa zvatinoziva kuti tiite zvisarudzo zvakanaka. Asi uchenjeri hwechokwadi hunobatanidza zvakawanda. Bhaibheri rinoti: “Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri, uye kuziva Mutsvenetsvene ndiko kunzwisisa.” (Zvir. 9:10) Saka patinenge tichida kuita chisarudzo chinokosha, tinofanira kutanga taona kuti Jehovha anotii nezvacho. Tinogona kuita izvozvo nekudzidza Bhaibheri uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Patinoita izvozvo, tinenge tichiratidza kuti tine uchenjeri hwechokwadi.—Zvir. 2:5-7.
4. Nei Jehovha ari iye ega anokwanisa kutipa uchenjeri hwechokwadi?
4 Jehovha ndiye ega anogona kutipa uchenjeri hwechokwadi. (VaR. 16:27) Nei tichiti uchenjeri hunobva kuna Jehovha? Chekutanga ndechekuti ndiye Musiki, uye anoziva zvese nezvezvinhu zvaakasika. (Pis. 104:24) Chechipiri ndechekuti zvese zvinoitwa naJehovha zvinoratidza kuti ane uchenjeri. (VaR. 11:33) Chechitatu ndechekuti mazano aJehovha euchenjeri anobatsira vaya vanoashandisa. (Zvir. 2:10-12) Kana tichida kuva neuchenjeri hwechokwadi, tinofanira kubvuma chokwadi ichi toita kuti chititungamirire patinenge tichiita zvisarudzo.
5. Chii chinoitika kana vanhu vakaramba kubvuma kuti Jehovha ndiye Tsime reuchenjeri hwechokwadi?
5 Vanhu vakawanda vanobvuma kuti zvinhu zviri panyika izvo zvisina kugadzirwa nevanhu zvinoshamisa, asi vanoramba kuti kune Musiki. Vamwe vatinoona vanoti vanotenda muna Mwari, asi vanoona zvinotaurwa neBhaibheri sezvisingachashandi uye vanosarudza vega mararamiro avanoda. Izvozvo zviri kuguma nei? Zvinhu zviri kuwedzera here kunaka panyika nekuti vanhu vari kuvimba neuchenjeri hwavo pane kuvimba nehwaMwari? Vari kuwana mufaro wechokwadi here kana tariro yechokwadi yeramangwana? Zvatiri kuona zviri kuita kuti mashoko aya ave echokwadi ekuti: “Hapana uchenjeri, kana ungwaru, kana zano zvingarwisana naJehovha.” (Zvir. 21:30) Izvi zvinofanira kuita kuti tirambe tichikumbira Jehovha kuti atipe uchenjeri hwechokwadi! Zvinorwadza kuti vanhu vakawanda havadi kuita izvozvo. Nei vasingadi?
NEI VANHU VACHIRAMBA UCHENJERI HWECHOKWADI?
6. Maererano naZvirevo 1:22-25, ndivanaani vanoisa zvimiti munzeve pavanonzwa uchenjeri hwechokwadi?
6 Vakawanda vanoisa zvimiti munzeve uchenjeri hwechokwadi ‘pahunoshevedzera huri mumugwagwa.’ Maererano neBhaibheri, kune mapoka matatu evanhu anoramba uchenjeri hwechokwadi anoti: “vasina ruzivo,” “vaseki,” uye “mapenzi.” (Verenga Zvirevo 1:22-25.) Ngatinyatsoongororai zvimwe zvikonzero zvinoita kuti vanhu ava varambe uchenjeri hwaMwari, uye ngationewo kuti tingaitei kuti tisava nemafungiro akafanana neavo.
7. Nei vamwe vachisarudza kuramba “vasina ruzivo”?
7 Vanhu “vasina ruzivo” ndevaya vanobvuma zvese zvavanonzwa, uye vanonyengerwa zviri nyore. (Zvir. 14:15) Tinowanzosangana nevanhu vakadaro muushumiri. Semuenzaniso, funga nezvemamiriyoni evanhu ari kunyengerwa nevatungamiriri vezvitendero, kana kuti nevatungamiriri vezvematongerwo enyika. Vamwe vanorwadziwa zvakanyanya pavanoziva kuti vakanyengerwa nevatungamiriri ivavo. Asi vaya vanotaurwa pana Zvirevo 1:22 vanosarudza kuramba vasina ruzivo nekuti ndizvo zvavanoda. (Jer. 5:31) Vanoita zvavanoda uye havadi kudzidza zvinotaurwa neBhaibheri kana kuteerera mitemo yaro. Vakawanda vanonzwa sezvakaita mumwe mukadzi akanyura mune zvechitendero anogara kuQuebec, Canada, uyo akaudza Chapupu chakanga chamushanyira kuti, “Kana kuri kuti takatsauswa nemupristi wedu, iyoyo imhosva yake, kwete yedu!” Hatitombodi kutevedzera vaya vanosarudza kusava neruzivo!—Zvir. 1:32; 27:12.
8. Chii chichatibatsira kuti tiwane ruzivo rwakarurama?
8 Bhaibheri rinotikurudzira kuti tisaramba tisina ruzivo, asi kuti ‘tinyatsokura pakunzwisisa kwedu.’ (1 VaK. 14:20) Tinowana ruzivo rwakarurama patinoshandisa mazano eBhaibheri muupenyu hwedu. Patinoita izvozvo tinoona kuti mazano iwayo anotibatsira sei kuti tisapinda mumatambudziko uye kuti tiite zvisarudzo zveuchenjeri. Zvinokosha kuti tiongorore kuti tiri kufambira mberi zvakadii panyaya iyi. Kana tava nenguva tichidzidza Bhaibheri uye tichipinda misangano, tingada kuzvibvunza kuti nei tisati tatora matanho ekuti tizvitsaurire kuna Jehovha tobhabhatidzwa. Kana takabhabhatidzwa, tiri kufambira mberi semuparidzi uye mudzidzisi wemashoko akanaka here? Zvisarudzo zvedu zvinoratidza here kuti tiri kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri? Tiri kuratidza here unhu hwechiKristu pamabatiro atinoita vamwe? Kana tikaona panoda kugadziriswa, tinofanira kufungisisa nezvezviyeuchidzo zvaJehovha, izvo ‘zvinochenjedza asina ruzivo.’—Pis. 19:7.
9. Zvii zvinoitwa ‘nevaseki’ zvinoratidza kuti vanoramba uchenjeri?
9 Boka rechipiri revanhu vanoramba uchenjeri hwaMwari “vaseki.” Dzimwe nguva tinosangana nevanhu vakadaro mubasa redu rekuparidza. Vanonakidzwa nekuseka vamwe. (Pis. 123:4) Bhaibheri rakayambira kuti mumazuva ekupedzisira, paizova nevaseki vakawanda. (2 Pet. 3:3, 4) Sezvainge zvakaita vakuwasha vaRoti uyo ainge akarurama, mazuva ano vamwe vanhu havateereri yambiro dzinobva kuna Mwari. (Gen. 19:14) Vakawanda vanoseka vaya vanorarama maererano nezvinotaurwa neBhaibheri. Vaseki vanoita izvi nekuti vanoda kutevera “mwoyo yavo inoda kuita zvisingafadzi Mwari.” (Jud. 7, 17, 18) Matsananguriro anoita Bhaibheri vaseki akafanana nearinoita vakatsauka pakutenda nevamwe vakaramba Jehovha.
10. Sezvinotaurwa pana Pisarema 1:1, tingaitei kuti tisava vaseki?
10 Tingaitei kuti tisava vaseki? Imwe nzira ndeyekusashamwaridzana nevaya vanonyunyuta pamusoro pezvinhu zvese. (Verenga Pisarema 1:1.) Izvi zvinoreva kuti hatiteereri kana kuverenga chero chii zvacho chinobva kune vakatsauka pakutenda. Tinoziva kuti kana tikasangwarira, zviri nyore kuti titange kuva vanhu vanongotsoropodza totanga kusava nechokwadi naJehovha uye kutungamirirwa kwatiri kuitwa nesangano rake. Kuti tisaita izvozvo, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndinowanzotaura chimwe chinhu chakaipa here patinopiwa mirayiridzo mitsva kana kuti tsanangudzo itsva? Ndinowanzowanira mhosva vaya vari kutungamirira here?’ Kana tikakurumidza kurega maitiro akadaro, Jehovha achafadzwa nesu.—Zvir. 3:34, 35.
11. “Mapenzi” anoona sei zvinotaurwa naJehovha panyaya dzetsika?
11 Boka rechitatu rinoramba uchenjeri hwaMwari “mapenzi.” Vanhu ava vanonzi mapenzi nekuti vanoramba kurarama maererano nemitemo yaMwari inotaura nezvetsika. Vanoita zvinhu zvavanoona sekunge kuti ndizvo zvakarurama. (Zvir. 12:15) Vanhu vakadaro vanoramba Jehovha, Tsime reuchenjeri. (Pis. 53:1) Patinovaona mubasa rekuparidza, vanowanzotitsoropodza zvakasimba nekuti tinoremekedza zvinotaurwa neBhaibheri. Asi havana chavangatipa chinovandudza upenyu hwedu. Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri hwechokwadi hauwanikwi nebenzi; harina zvekutaura pagedhi reguta.” (Zvir. 24:7) Mapenzi haana kana mashoko euchenjeri aangataura. Ndosaka Jehovha achitiyambira kuti ‘titambire kure nebenzi’!—Zvir. 14:7.
12. Chii chichatibatsira kuti tisaita semapenzi?
12 Kusiyana nevaya vanovenga mazano aMwari, isu tinodzidza kuda mafungiro aMwari, kusanganisira mitemo yake yese. Tinowedzera kuda mitemo yaMwari patinoenzanisa zvinoitika kune vaya vanoiteerera nezvinoitika kune vaya vasingaiteereri. Cherechedza matambudziko ese ayo vanhu vanozvipinza maari nekuti vanoramba mazano aJehovha euchenjeri. Chibva wafunga nezvekuvandudzika kwakaita upenyu hwako nekuti unoteerera Mwari.—Pis. 32:8, 10.
13. Jehovha anotimanikidza kuteerera mazano ake euchenjeri here?
13 Jehovha anoita kuti uchenjeri huwanikwe nevanhu vese, asi haana waanomanikidza kuti ahugamuchire. Kunyange zvakadaro, anotsanangura zvinoitika kune vaya vasingateereri huchenjeri. (Zvir. 1:29-32) Vaya vanosarudza kusateerera Jehovha “vachawana zvinokodzerana nenzira yavo.” Nekufamba kwenguva, mararamiro avo anozoita kuti vashungurudzike, vatambure, uye pakupedzisira vaparadzwe. Asi vaya vanoteerera mazano aJehovha euchenjeri voashandisa vanovimbiswa kuti: “Munhu anonditeerera achagara akachengeteka uye haazonetseki achitya dambudziko.”—Zvir. 1:33.
UCHENJERI HWECHOKWADI HUNOTIBATSIRA
14-15. Tinodzidzei pana Zvirevo 4:23?
14 Kushandisa uchenjeri hwaMwari nguva dzese kunotibatsira. Sezvatakurukura, Jehovha anoita kuti mazano ake euchenjeri awanikwe zviri nyore. Semuenzaniso, mubhuku raZvirevo, Jehovha anotipa mazano anotibatsira muupenyu pese patinoashandisa. Ngationgororei mienzaniso mina yemazano aya euchenjeri.
15 Chengetedza mwoyo wako wekufananidzira. Bhaibheri rinoti: “Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza, nekuti mauri ndimo mune zvitubu zveupenyu.” (Zvir. 4:23) Funga zvatinofanira kuita kuti mwoyo wedu urambe uchishanda zvakanaka. Tinofanira kudya zvekudya zvine utano, kuita maekisesaizi, uye kusaita zvinhu zvakaipa zvinoukanganisa. Ndizvo zvatinoitawo pakuchengetedza mwoyo wedu wekufananidzira. Tinodzidza Shoko raMwari zuva nezuva. Tinogadzirira misangano yechiKristu uye tinoipinda, uye tinopa mhinduro pamisangano yacho. Tinoramba takamuka nekugara tichishanda nesimba muushumiri. Uye kuti tisava netsika dzakaipa, tinotambira kure nezvinhu chero zvipi zvazvo zvinokanganisa mafungiro edu, zvakadai sevaraidzo ine unzenza uye ushamwari hwakaipa.
16. Nei Zvirevo 23:4, 5 ichitibatsira mazuva ano?
16 Gutsikana nezvauinazvo. Bhaibheri rinotipa zano rekuti: “Usazvifondotsa kuti uwane pfuma. . . . Paunokanda maziso ako pairi, inenge isisipo, nekuti chokwadi ichamera mapapiro segondo yobhururuka mudenga.” (Zvir. 23:4, 5) Zviri nyore kuti vanhu varasikirwe nemari yavo uye nezvinhu zvavo. Kunyange zvakadaro, vapfumi nevarombo vakawanda mazuva ano vari kunyura mukutsvaga mari. Ndosaka vachiwanzoita zvinhu zvinokanganisa mukurumbira wavo, ushamwari hwavo nevamwe, uye kunyange utano hwavo. (Zvir. 28:20; 1 Tim. 6:9, 10) Ukuwo uchenjeri hunotibatsira kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo nezvemari. Maonero akadaro anotibatsira kuti tive vanhu vasina makaro, vanogutsikana uye vanofara.—Mup. 7:12.
17. Tingaitei kuti tive “nerurimi rweakachenjera” sezvinotaurwa pana Zvirevo 12:18?
17 Tanga wafunga usati wataura. Kana tikasangwarira, tinogona kurwadzisa vamwe zvakanyanya nezvatinotaura. Bhaibheri rinoti: “Mashoko anotaurwa asina kufungwa anobaya sebakatwa, asi rurimi rweakachenjera runoporesa.” (Zvir. 12:18) Tinochengetedza ushamwari hwedu nevamwe patinorega kuita makuhwa. (Zvir. 20:19) Kana tichida kuti mashoko edu anyaradze vanhu uye asavarwadzisa, tinofanira kugara tichiverenga Shoko raMwari uye tichirifungisisa. (Ruka 6:45) Patinofungisisa zvinotaurwa neBhaibheri, mashoko edu anogona kuva ‘sechitubu cheuchenjeri’ chinozorodza vamwe.—Zvir. 18:4.
18. Kushandisa zvinotaurwa pana Zvirevo 24:6 kunotibatsira sei muushumiri?
18 Tevedzera mirayiridzo. Bhaibheri rinotipa zano iri rinobatsira rekuti: “Kutungamirira kweuchenjeri kuchaita kuti urwe hondo yako, uye kana vanopa mazano vakawanda panova nekubudirira.” (Zvir. 24:6, mashoko emuzasi) Ona kuti kushandisa zano iri kunotibatsira sei pabasa redu rekuparidza nekudzidzisa. Pane kuti tiite ushumiri nenzira yatinoda, tinoedza kutevedzera mazano atinopiwa. Tinowana mazano euchenjeri pamisangano yedu yechiKristu, apo patinogona kudzidza pamadzidzisiro akanaka anoitwa nevamwe. Uyewo sangano raJehovha rinotipa mabhuku nemavhidhiyo anogona kubatsira vanhu kuti vanzwisise Bhaibheri. Uri kudzidza kushandisa maturusi aya zvakanaka here?
19. Uchenjeri hunobva kuna Jehovha hunoita kuti unzwe sei? (Zvirevo 3:13-18)
19 Verenga Zvirevo 3:13-18. Tinotenda chaizvo kuti tine mazano akanaka anobva muShoko raMwari! Tingadai tiri kupi kudai pasina mazano iwayo? Munyaya ino taona mienzaniso yemazano akanaka anowanikwa mubhuku raZvirevo. Asi Bhaibheri rese zvaro rakazara nemazano euchenjeri anobva kuna Jehovha. Ngatirambei tichishandisa mazano atinopiwa naJehovha muupenyu hwedu. Vanhu vakawanda havakoshesi uchenjeri hunobva kuna Mwari, asi tine chokwadi chizere chekuti ‘vaya vanoramba vakabatisisa uchenjeri vachanzi vanofara.’
RWIYO 36 Tinorinda Mwoyo Yedu
a Uchenjeri hunobva kuna Jehovha hunopfuura chero chii zvacho chinopiwa nenyika. Munyaya ino tichaongorora fananidzo iri mubhuku raZvirevo yeuchenjeri hunoshevedzera huri mumusika. Tichakurukura zvatingaita kuti tiwane uchenjeri hwechokwadi, zvikonzero zvinoita kuti vamwe vaise zvimiti munzeve pavanonzwa uchenjeri hwaJehovha, uye kubatsirwa kwatinoitwa patinohuteerera.