Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

NYAYA YEKUDZIDZA 41

Unogona Kuwana Mufaro Wechokwadi

Unogona Kuwana Mufaro Wechokwadi

“Anofara munhu wese anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.”—PIS. 128:1.

RWIYO 110 “Mufaro waJehovha”

ZVICHADZIDZWA a

1. Nei mufaro wedu uchibva pakuziva kuti ‘tinoda kutungamirirwa naMwari’?

 MUFARO wechokwadi hakusi kufara kunoita zvekuuya kuchienda. Unogona kuramba uripo kweupenyu hwese. Nei zvakadaro? Jesu akatsanangura chikonzero chacho muMharidzo Yepagomo achiti: “Vanofara vaya vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa naMwari.” (Mat. 5:3) Jesu aiziva kuti vanhu vakasikwa vaine chido chakasimba chekuziva uye chekunamata Musiki wavo, Jehovha Mwari. Uye sezvo Jehovha ari “Mwari anofara,” vaya vanomunamata vanogonawo kufara.—1 Tim. 1:11.

“Vanofara vaya vakatambudzwa nekuda kwekururama.”—Mat. 5:10 (Ona ndima 2-3) d

2-3. (a) Sezvakataurwa naJesu, ndevapi vamwe vanhu vanogona kufara? (b) Tichakurukurei munyaya ino, uye nei izvozvo zvichikosha?

2 Kuti tifare muupenyu, zvinoreva here kuti tinofanira kunge tisina kana dambudziko? Aiwa. Mumharidzo yake, Jesu akataura chimwe chinhu chinoshamisa. “Vaya vanochema” zvichida nemhaka yekuremerwa nezvivi zvavo kana kuti nekuti vari kusangana nezvinhu zvinoshungurudza muupenyu hwavo vanogona kufara. Jesu akataurawo izvozvo nezvevaya “vakatambudzwa nekuda kwekururama” kana kuti ‘vanozvidzwa’ nekuti vateveri vaKristu. (Mat. 5:4, 10, 11) Asi zvingaita here kuti munhu anyatsofara mumamiriro ezvinhu akadaro?

3 Jesu aidzidzisa kuti mufaro haubvi pakuti zvinhu zviri kutifambira zvakanaka muupenyu, asi unobva pakuita zvinhu zvinoratidza kuti tinoda kutungamirirwa naMwari uye pakuswedera pedyo naye. (Jak. 4:8) Tingazviita sei? Munyaya ino tichakurukura matanho matatu anotibatsira kuti tiwane mufaro wechokwadi.

IDYA ZVEKUDYA ZVEKUNAMATA

4. Nderipi danho rekutanga rinoita kuti tiwane mufaro wechokwadi? (Pisarema 1:1-3)

4 DANHO REKUTANGA: Kuti tinyatsofara, tinofanira kudya zvekudya zvekunamata. Vanhu vanoda zvekudya kuti vararame uye ndozvinoitawo mhuka. Asi vanhu chete ndivo vanoda zvekudya zvekunamata. Uye tinotofanira kuzvidya. Ndosaka Jesu akati: “Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.” (Mat. 4:4) Saka hatifaniri kupfuudza zuva tisina kuverenga Shoko raMwari Bhaibheri. Munyori wepisarema akati: ‘Anofara munhu anofarira mutemo waJehovha uye anouverenga siku nesikati.’—Verenga Pisarema 1:1-3.

5-6. (a) Zvii zvatinodzidza muBhaibheri? (b) Kuverenga Bhaibheri kunotibatsira sei?

5 Sezvo Jehovha achitida, akatipa mashoko anokosha anotaura zvatinofanira kuita kuti tifare muupenyu. Tinodzidza nezvechinangwa chaakatisikira. Tinodzidza kuti tingaitei kuti tiswedere pedyo naye uye kuti atiregerere zvivi zvedu. Uye tinodzidza nezvezvinhu zvinoshamisa zvaachatiitira mune ramangwana. (Jer. 29:11) Chokwadi ichi chatinodzidza muBhaibheri chinoita kuti tifare chaizvo!

6 Sezvatinoziva, Bhaibheri rakazarawo nemazano anotibatsira pakurarama. Patinoshandisa mazano iwayo tinogona kuwana mufaro. Pese paunoodzwa mwoyo nematambudziko eupenyu, wedzera nguva yaunoverenga Shoko raJehovha uye yekurifungisisa. Jesu akati: “Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”—Ruka 11:28.

7. Ungaitei kuti unyatsobatsirwa nekuverenga kwaunoita Shoko raMwari?

7 Paunenge uchiverenga Shoko raMwari, wana nguva yekunakirwa nezvaunenge uchiverenga. Zvinotevera zvakamboitika kwauri here? Mumwe munhu anokubikira zvekudya zvaunofarira chaizvo. Asi zvichida nemhaka yekuti hauna nguva kana kuti pane zvauri kunyanya kufunga nezvazvo, unodya uchimhanya-mhanya zvekuti haunyatsonzwi kunaka kwechikafu chacho. Paunopedza kudya, unoona kuti wadya uchimhanya uye unoshuva kuti dai wadya zvishoma nezvishoma wanyatsonakirwa nechikafu chacho. Wakamboverenga Bhaibheri uchimhanya-mhanya here zvekuti wakatadza kunakirwa nezvawanga uchiverenga? Zvipe nguva yekunakirwa nekuverenga Shoko raMwari; ita seuri kuona zviri kuitika, fungidzira manzwi evanhu, uye fungisisa zvaunenge waverenga. Paunoita izvozvo mufaro wako uchawedzera.

8. Zvii zviri kuitwa ‘nemuranda akatendeka, akangwara’ pakuita basa rake? (Onawo mashoko emuzasi.)

8 Jesu akagadza “muranda akatendeka, akangwara” kuti ape zvekudya zvekunamata panguva yakakodzera, uye tiri kuwana zvekudya izvozvo zvakawanda. b (Mat. 24:45) Bhaibheri ndiro rinonyanya kushandiswa pazvinhu zvese zvinobudiswa nemuranda akatendeka. (1 VaT. 2:13) Saka zvekudya zvekunamata izvozvo zvinotibatsira kuziva mafungiro aJehovha anoratidzwa muBhaibheri. Ndosaka tichiverenga magazini eNharireyomurindi neMukai! uye nyaya dzinobuda pajw.org. Tinogadzirira misangano yepakati pevhiki neyekupera kwevhiki. Uye mwedzi nemwedzi tinoona JW Broadcasting®. Kudya zvekudya zvekunamata zvakakwana kuchatibatsira kuti titore danho rechipiri rinoita kuti tiwane mufaro wechokwadi.

TEERERA MIRAYIRO YAJEHOVHA

9. Nderipi danho rechipiri rinoita kuti tiwane mufaro wechokwadi?

9 DANHO RECHIPIRI: Kuti tiwane mufaro wechokwadi, tinofanira kuteerera mirayiro yaJehovha. Munyori wepisarema akati: “Anofara munhu wese anotya Jehovha, anofamba munzira dzake.” (Pis. 128:1) Kutya Jehovha zvinoreva kumuremekedza zvikuru zvekuti hatiiti chero chii zvacho chinomugumbura. (Zvir. 16:6) Saka tinoita zvese zvatinogona kuti titeerere mirayiro yaMwari yezvakarurama nezvakaipa inotsanangurwa muBhaibheri. (2 VaK. 7:1) Tinofara kana tikaita zvinhu zvinodiwa naJehovha, toramba zvinhu zvaanovenga.—Pis. 37:27; 97:10; VaR. 12:9.

10. Maererano naVaRoma 12:2, tinofanira kuitei?

10 Verenga VaRoma 12:2. Munhu anogona kuziva kuti Jehovha ane kodzero yekutaura kuti izvi zvakarurama uye izvi zvakaipa, asi anofanirawo kuzvisarudzira ega kuteerera mitemo yaMwari. Semuenzaniso, munhu anogona kuziva kuti hurumende ine kodzero yekutaura kuti mota dzinofanira kumhanya nesipidhi ipi mumigwagwa. Asi anogona kunge asingadi kuteerera izvozvo. Saka anomhanyisa mota kupfuura zvaanofanira kuita. Tinoratidza nemararamiro atinoita kuti tinonyatsobvuma kuti kuteerera mirayiro yaJehovha ndiwo mararamiro akanyanya kunaka. (Zvir. 12:28) Dhavhidhi ainzwa saizvozvo, ndosaka akataura nezvaJehovha achiti: “Munoita kuti ndizive gwara reupenyu. Pamberi penyu pane mufaro mukuru; kuruoko rwenyu rwerudyi kune mufaro nekusingaperi.”—Pis. 16:11.

11-12. (a) Tinofanira kungwarirei patinenge tichinetseka kana kuti takaora mwoyo? (b) Mashoko ari pana VaFiripi 4:8 angatibatsira sei pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo?

11 Patinenge tichinetseka kana kuti takaora mwoyo, tinganzwa sekuti tinofanira kuita chimwe chinhu chinotibatsira kuti tisanyanya kunetseka nezvematambudziko edu. Izvozvo zvinonzwisisika, asi tinofanira kungwarira kuti tisazoita chimwe chinhu chinovengwa naJehovha.—VaEf. 5:10-12, 15-17.

12 Mutsamba yaakanyorera vaFiripi, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti varambe vachifunga zvinhu “zvakarurama, . . . zvakachena, . . . zvinodiwa, [uye] zvakanaka.” (Verenga VaFiripi 4:8.) Kunyange zvazvo Pauro akanga asiri kutaura nyaya yekuzvivaraidza, zvaakanyora zvinofanira kutibatsira pakusarudza zvekuzvivaraidza nazvo. Edza izvi: Pese pane shoko rekuti “zvinhu” muvhesi yacho, ritsive nemashoko akadai sekuti “nziyo,” “mafirimu,” “manovhero,” kana kuti “mavhidhiyo gemu.” Kuita izvi kunogona kukubatsira kuona kuti ndezvipi zvingagamuchirika mukuona kwaMwari uye kuti ndezvipi zvingasagamuchirika. Tinoda kuti upenyu hwedu huenderane nemirayiro yaJehovha. (Pis. 119:1-3) Saka tiine hana yakachena, tinogona kubva tatora danho rinotevera rinotibatsira kuti tive nemufaro wechokwadi.—Mab. 23:1.

ITA KUTI KUNAMATA JEHOVHA KUVE PEKUTANGA

13. Nderipi danho rechitatu rinoita kuti tiwane mufaro wechokwadi? (Johani 4:23, 24)

13 DANHO RECHITATU: Iva nechokwadi chekuti kunamata Jehovha ndiko kuri pekutanga muupenyu hwako. Sezvo ari Musiki wedu, Jehovha ane kodzero yekunamatwa nesu. (Zvak. 4:11; 14:6, 7) Saka kunamata Jehovha nenzira yaanoda, kureva ‘kumunamata mumweya nemuchokwadi,’ ndiko kunofanira kuva chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwedu. (Verenga Johani 4:23, 24.) Tinoda kuti mweya mutsvene waMwari utitungamirire pakunamata kwedu kuitira kuti kuenderane nechokwadi chiri muShoko rake. Kunamata kwedu kunofanira kuva pekutanga kunyange tichigara munyika yakabhanwa basa redu kana kuti matinorambidzwa kuita zvimwe zvinhu. Iye zvino, hama nehanzvadzi dzedu dzinopfuura 100 dziri mumajeri nechikonzero chekungoti ivo Zvapupu zvaJehovha. c Kunyange zvakadaro, vanofara kuita zvese zvavanogona kuti vanyengetere, vadzidze, uye vaudze vamwe nezvaMwari wedu neUmambo hwake. Patinozvidzwa kana kutambudzwa, tinogona kufara tichiziva kuti Jehovha anesu uye kuti achatipa mubayiro.—Jak. 1:12; 1 Pet. 4:14.

MUENZANISO WEZVAKAITIKA MUUPENYU

14. Chii chakaitika kune imwe hama yechidiki yekuTajikistan, uye nei izvozvo zvakaitika?

14 Zvinhu zvakaitika muupenyu hwevamwe zvinoratidza kuti matanho matatu atichangobva kukurukura anoita kuti tiwane mufaro wechokwadi, pasinei nezvinenge zvichiitika muupenyu hwedu. Funga zvakaitika kune mumwe mukomana wekuTajikistan aiva nemakore 19 anonzi Jovidon Bobojonov, uyo akaramba kupinda muchiuto. Musi wa4 October 2019, akatorwa pamba pavo ndokubva aiswa mujeri kwemwedzi yakawanda, uye aibatwa semunhu akapara mhosva. Kubatwa zvisina kunaka uku kwaakaitwa kwakabudiswa munhau munyika dzakawanda. Zvinonzi akarohwa pavaiedza kumumanikidza kuti aite mhiko yekuvimbika kuchiuto uye kuti apfeke yunifomu yechiuto. Akabva azonzi ane mhosva, ndokuendeswa kujeri raaishanda zvakaoma kusvikira purezidhendi wenyika yacho paakaita kuti iye nevamwe vasungwa vasunungurwe. Panguva yese iyi, Jovidon akaramba akaperera kuna Mwari uye achifara. Aizviita sei? Aigara achiziva kuti aida kutungamirirwa naMwari.

Jovidon aidya zvekudya zvekunamata, aiteerera mitemo yaMwari, uye aiita kuti kunamata Jehovha kuve pekutanga muupenyu hwake (Ona ndima 15-17)

15. Jovidon aiwana sei zvekudya zvekunamata paaiva mujeri?

15 Paaiva mujeri, Jovidon aidya zvekudya zvekunamata, kunyange paakanga asina Bhaibheri kana rimwe remabhuku edu. Aizviita sei? Hama nehanzvadzi padzaimuendesera chikafu dzainyora rugwaro rwezuva pamapepa adzaitakurira chikafu chacho. Saka zuva nezuva aikwanisa kuverenga Bhaibheri uye kufungisisa nezvaro. Paakabudiswa mujeri, akapa zano iri kune vaya vasati vasangana nemiedzo yakakura: “Zvinokosha chaizvo kuti munyatsoshandisa rusununguko rwamuinarwo kuti muwedzere kunyatsoziva Jehovha nekuverenga Shoko rake nemabhuku edu.”

16. Jovidon akaisa pfungwa dzake pachii?

16 Hama yedu yaiteerera mirayiro yaJehovha. Haana kuramba akaisa pfungwa dzake pazvido zvakaipa uye haana kuita zvinhu zvakaipa. Asi akaisa pfungwa dzake pana Jehovha uye pazvinhu zvinokosheswa naJehovha. Jovidon aiyevedzwa nekunaka kwezvinhu zvakasikwa naMwari. Mangwanani ega ega aimuka achiteerera kuimba kweshiri. Manheru aitarisa mwedzi nenyeredzi. Akati: “Zvipo izvozvo zvinobva kuna Jehovha zvaiita kuti ndifare uye zvaindikurudzira.” Patinoonga zvinhu zvatinopiwa naJehovha uye kutidzidzisa kwaanoita achishandisa Bhaibheri, tinofara uye mufaro iwoyo unogona kutibatsira kuti titsungirire.

17. Mashoko ari pana 1 Petro 1:6, 7 angashanda sei kumunhu anenge ari mumamiriro ezvinhu akaita seakasangana naJovidon?

17 Jovidon akaitawo kuti kunamata Jehovha kuve pekutanga. Aiziva kuti zvinokosha kuti arambe akaperera kuna Mwari wechokwadi. Jesu akati: “Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Vakuru vakuru vemuchiuto nemasoja vaida kuti Jovidon asiye chitendero chake. Asi ainyengetera zvakasimba kuna Jehovha siku nesikati, achimukumbira kuti amubatsire kuti asakanda mapfumo pasi uye arambe akatendeka. Pasinei nekubatwa zvakaipa kwaakaitwa, Jovidon akaramba akatendeka. Saka iye zvino anofara chaizvo kuti ava nekutenda kwakaedzwa, uko kwaaisava nako asati atorwa, arohwa, uye aiswa mujeri.—Verenga 1 Petro 1:6, 7.

18. Tingaitei kuti tirambe tichifara?

18 Jehovha anoziva zvatinoda kuti tive nemufaro wechokwadi. Kana ukatevedzera matanho matatu anoita kuti uve nemufaro wechokwadi, unogona kuramba uchifara pasinei nematambudziko aunosangana nawo. Uye uchakwanisawo kutaura kuti: “Vanofara vanhu vana Jehovha saMwari wavo!”—Pis. 144:15.

RWIYO 89 Teerera, Uzviite, Ukomborerwe

a Vanhu vakawanda vanotadza kuwana mufaro wechokwadi nekuti vanoutsvaga nenzira dzisiri idzo dzakadai sekutsvaga mafaro, upfumi, mukurumbira kana kuda kuva nesimba. Asi Jesu paaiva panyika akaudza vanhu zvavangaita kuti vawane mufaro wechokwadi. Munyaya ino tichaongorora matanho matatu anogona kutibatsira kuti tiwane mufaro wechokwadi.

b Ona nyaya inoti “Uri Kuwana ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’ Here?” iri muNharireyomurindi yaAugust 15, 2014.

c Kuti uwane mamwe mashoko, tsvaga chikamu chakanzi “Imprisoned for Their Faith” pajw.org.

d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Zvapupu zvichitsigira hama yakasungwa iri kuendeswa kudare kunotongwa.