Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

VaIsraeri Vairwa Hondo—Nei Isu Tisingarwi?

VaIsraeri Vairwa Hondo—Nei Isu Tisingarwi?

“KANA mumwe chete wenyu akaramba kurwisa France kana England, mese muri kufa!” akashevedzera kudaro mukuru wemasoja eNazi kuzvimwe Zvapupu zvaJehovha panguva yeHondo yeNyika II. Kunyange zvazvo paiva nemasoja eNazi ainge akapakata zvombo, hapana kana mumwe chete wehama dzedu akabvuma kutyora mutemo waJehovha. Uhwu hwaiva ushingi hwakaratidzwa nehama idzi! Izvi zvinoratidza maonero anoita Zvapupu zvaJehovha hondo: Hatibvumi kurwa hondo dzenyika ino. Kunyange kana vanhu vakati vachatiuraya, tinoramba tisina divi ratinotsigira pane zvematongerwo enyika.

Asi havasi vese vanozviti vaKristu vanobvumirana nazvo. Vakawanda vanotenda kuti muKristu anogona kudzivirira nyika yake uye ndizvo zvaanofanira kuita. Vangabvunza kuti, ‘Kana vaIsraeri vaiva vanhu vaMwari uye vairwa hondo, nei vaKristu vasingafaniri kurwa mazuva ano?’ Ungapindura sei mubvunzo iwoyo? Unogona kutsanangura kuti mamiriro ezvinhu evaIsraeri ainge akasiyana chaizvo neevanhu vaMwari mazuva ano. Ngationei misiyano mishanu.

1. VANHU VAMWARI VESE VAIVA RUDZI RUMWE CHETE

Kare, Jehovha akaita kuti vanhu vake vave rudzi rumwe chete, rudzi rwaIsraeri. Akati vaIsraeri vaiva ‘pfuma yake yaanokoshesa pakati pemarudzi ese.’ (Eks. 19:5) Mwari akavapawo nyika yekugara. Saka paairayira vaIsraeri kuti vaende kuhondo kunorwisa mamwe marudzi, vakanga vasiri kunorwisa kana kuuraya vamwe vanhu vainamatawo Jehovha. a

Mazuva ano, vanamati vechokwadi vanobva “kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi.” (Zvak. 7:9) Kana vanhu vaMwari vakapinda muhondo, vanenge vava kurwisa kunyange kuuraya vavanonamata navo.

2. JEHOVHA AIRAYIRA VAISRAERI KUTI VAENDE KUHONDO

Kare, Jehovha ndiye aiudza vaIsraeri pavaifanira kuenda kuhondo. Semuenzaniso, Mwari akarayira vaIsraeri kuti varwise vaKenani, avo vaizivikanwa nekunamata madhimoni, kuita unzenza, uye kubayira vana. Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vaparadze vanhu vaiita zvinhu izvi zvakaipa munyika yakapikirwa kuitira kuti vaIsraeri vasaitawo zvinhu izvozvo zvakaipa. (Revh. 18:24, 25) Pashure pekunge vaIsraeri vava kugara muNyika Yakapikirwa, dzimwe nguva Mwari aivabvumira kuti vaende kuhondo kuitira kuti vadzivirire rudzi rwavo pavavengi vaivadzvinyirira. (2 Sam. 5:17-25) Asi Jehovha haana paakambobvumira vaIsraeri kuti vazvisarudzire vega kuenda kuhondo. Pavaiita izvozvo, vaipinda mutsekwende.—Num. 14:41-45; 2 Mak. 35:20-24.

Mazuva ano, Jehovha haaudzi vanhu kuti vaende kuhondo. Nyika dzinorwisana dzichiitira zvido zvevanhu kwete zvinodiwa naMwari. Vanogona kutanga hondo kuti vawedzere nzvimbo yavanotonga, vaite mari yakawanda kana kuti vasimudzire zvirongwa zvavo zvematongerwo enyika. Asi zvakadii nevaya vanoti vari kurwa muzita raMwari kuti vadzivirire chitendero chavo kana kuti vauraye vavengi vaMwari? Jehovha achachengetedza vanamati vake vechokwadi uye achaparadza vavengi vake muhondo icharwiwa mune ramangwana inonzi Amagedhoni. (Zvak. 16:14, 16) Muhondo iyoyo, uto raMwari richange ringori rezvisikwa zvemweya chete, kwete vanamati vake vanenge vari panyika.—Zvak. 19:11-15.

3. VAISRAERI VAISAURAYA VAYA VAIRATIDZA KUTENDA MUNA JEHOVHA

Hondo dzemazuva ano dzinosiya vaya vakatendeka vari vapenyu here sekusiyiwa kwakaitwa Rakabhi nemhuri yake, Jehovha paakarwisa Jeriko?

Kare, uto revaIsraeri raiwanzonzwira tsitsi vaya vairatidza kutenda muna Mwari, uye raingouraya chete vaya vainge vatongwa naJehovha kuti vakakodzera kuurayiwa. Ona mienzaniso miviri. Kunyange zvazvo Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vaparadze Jeriko, havana kuuraya Rakabhi nemhuri yake nekuti aiva nekutenda. (Josh. 2:9-16; 6:16, 17) Pava paya, guta rese reGibhiyoni rakasiyiwa nekuti vaGibhiyoni vakaratidza kuti vairemekedza Mwari.—Josh. 9:3-9, 17-19.

Mazuva ano, panorwisana nyika, panourayiwa vanhu vasiri masoja kunyange vaya vane kutenda.

4. VAISRAERI VAIFANIRA KUTEERERA MITEMO YAMWARI YEHONDO

Kare, Jehovha aida kuti masoja evaIsraeri arwe hondo achitevedzera mirayiridzo yake. Semuenzaniso, dzimwe nguva Mwari aivarayira kuti vaudze vanhu vemuguta ravaida kurwisa zvavangaita kuti ‘vave nerugare’ nevaIsraeri. (Dheut. 20:10) Jehovha aitarisirawo kuti masoja echiIsraeri arambe akachena uye misasa yavo irambe yakachena. Aitarisirawo kuti varambe vachitevedzera mitemo yake yekuzvibata. (Dheut. 23:9-14) Kunyange zvazvo mauto edzimwe nyika aiwanzobata chibharo vakadzi venyika dzavainge vakunda, Jehovha airambidza vaIsraeri kuti vaite izvozvo. MuIsraeri aisatombofanira kuita kuti mukadzi akatapwa ave mudzimai wake, kusvikira papera mwedzi kubva pavanenge vakunda guta racho.—Dheut. 21:10-13.

Mazuva ano, nyika dzakawanda dzinonyorerana zvibvumirano zvekuti ndezvipi zvavanofanira kuita. Kunyange zvazvo zvibvumirano izvi zvichiitirwa kuti zvichengetedze vanhu vasiri muchiuto, zvinorwadza kuti mitemo iyi inowanzotyorwa.

5. MWARI AIRWIRA VANHU VAKE

Mwari anorwira nyika chero ipi zvayo here mazuva ano sekurwira kwaakaita vaIsraeri paJeriko?

Kare, Jehovha airwira vaIsraeri, uye aiwanzoita zvishamiso kuitira kuti vakunde muhondo. Semuenzaniso, Jehovha akabatsira sei vaIsraeri kuti vakunde guta reJeriko? Sezvavakanga varayirwa naJehovha, vaIsraeri ‘pavakashevedzera zvinotyisa, rusvingo rwakabva rwawondomoka,’ zvikabva zvavaitira nyore kuti vatore guta racho. (Josh. 6:20) Vakakunda sei muhondo yavakarwa nevaAmori? “Jehovha akanayisa pavari chimvuramabwe chikuru chichibva kudenga . . . Vaya vakafa nechimvuramabwe vakanga vakatowanda kupfuura vakaurayiwa nebakatwa nevaIsraeri.”—Josh. 10:6-11.

Mazuva ano, Jehovha haarwiri nyika chero ipi zvayo. Umambo hwake uhwo hunotungamirirwa naJesu saMambo, “hahusi hwenyika ino.” (Joh. 18:36) Asi hurumende dzese dziri panyika dziri pasi paSatani. Utsinye hunoitwa muhondo dziri kurwiwa munyika hunoratidza unhu hwake hwakashata.—Ruka 4:5, 6; 1 Joh. 5:19.

VAKRISTU VECHOKWADI VANOEDZA KUVA NERUGARE NEVAMWE

Sezvataona, isu takasiyana nekure nevaIsraeri. Asi misiyano iyoyo handiyo yega inoita kuti tisaenda kuhondo. Panewo zvimwe zvikonzero. Semuenzaniso, Mwari akataura kuti mumazuva ekupedzisira, vaya vanodzidziswa naye “havazodzidzi kurwa zvakare.” (Isa. 2:2-4) Saka havaendi kuhondo. Uyewo Kristu akataura kuti vadzidzi vake ‘vaisazova venyika.’ Vaizoramba vasina divi ravanotsigira mune zvematongerwo enyika.—Joh. 15:19.

Kristu akakurudzirawo vateveri vake kuti vaite zvinopfuura ipapo. Akavarayira kuti vasaita zvinhu zvinoita kuti vanhu vagumbuke, vatsamwe uye vaite zvehondo. (Mat. 5:21, 22) Akarayirawo vateveri vake kuti ‘vaite kuti pave nerugare’ uye vade vavengi vavo.—Mat. 5:9, 44.

Izvi tingazviita sei? Zviri pachena kuti hatidi kurwa hondo, asi tinombonzwa here sekuti mumwe munhu ari muungano muvengi wedu? Ngatirambei tichishanda nesimba kuti tisava nemanzwiro akadaro.—Jak. 4:1, 11.

Hatibatanidzwi muhondo dzenyika, asi tinoshanda nesimba kuti tive nerugare nerudo pakati pedu. (Joh. 13:34, 35) Ngatirambei tisina divi ratinotsigira sezvatinotarisira zuva iro Jehovha achabvisa hondo dzese zvachose.—Pis. 46:9.

a Dzimwe nguva madzinza evaIsraeri airwisana, asi Jehovha aisafadzwa nekurwisana ikoko. (1 Madz. 12:24) Asi pane dzimwe nguva, aibvumira kuti hondo idzi dziitike nekuti mamwe madzinza ainge amupandukira kana kuti aita zvivi zvakakura.—Vat. 20:3-35; 2 Mak. 13:3-18; 25:14-22; 28:1-8.