NYAYA YEKUDZIDZA 42
Vanofara Vaya Vanoramba Vakaperera Kuna Jehovha
‘Vanofara vaya vanoramba vakaperera, vanofamba mumutemo waJehovha.’—PIS. 119:1.
RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika
ZVICHADZIDZWA a
1-2. (a) Dzimwe hurumende dziri kupikisa sei vanhu vaJehovha, asi vanhu vake vari kuita sei? (b) Nei tichigona kufara kunyange patinotambudzwa? (Taurawo zviri pamufananidzo uri pakavha.)
KUTAURA kuno, munyika dzinopfuura 30, basa redu rakarambidzwa kana kuti tine zvimwe zvinhu zvatisingakwanisi kuita. Mune dzimwe nyika idzodzo, vaya vane masimba vakaisa hama nehanzvadzi dzedu mumajeri. VaKristu ava vakatadzei? Hapana chavakatadza mukuona kwaJehovha. Mhosva yavanopiwa ndeyekuti vanoverenga uye vanodzidza Bhaibheri, vanoudza vamwe zvavanotenda, uye vanopinda misangano nevamwe vavanonamata navo. Vanorambawo vasina divi ravanotsigira mune zvematongerwo enyika. Pasinei nekupikiswa zvakanyanya, vashumiri vaMwari ava vakatendeka vanoramba vakaperera kwaari, b kureva kuti vanoramba vakazvipira kuna Jehovha. Uye vanofara kuti ndizvo zvavari kuita!
2 Zvimwe wakaona mifananidzo yezvimwe Zvapupu izvi zvakashinga ukaona kuti zvainyemwerera. Vanofara nekuti vanoziva kuti Jehovha anofadzwa nekuramba kwavo vakaperera kwaari. (1 Mak. 29:17a) Jesu akati: “Vanofara vaya vakatambudzwa nekuda kwekururama . . . Farai mufarisise, nekuti mubayiro wenyu mukuru.”—Mat. 5:10-12.
MUENZANISO WEKUTI TITEVEDZERE
3. Sezvinotaurwa pana Mabasa 4:19, 20, vaapostora vakaita sei pavakatambudzwa, uye nei vakadaro?
3 Matambudziko ari kusangana nehama nehanzvadzi dzedu akafanana neakatsungirirwa nevaapostora pavaitambudzirwa kuparidza nezvaJesu. Vatongi vedare repamusoro rechiJudha vaigara vachivaudza kuti ‘varege kutaura pamusoro pezita raJesu.’ (Mab. 4:18; 5:27, 28, 40) Vaapostora vakaita sei? (Verenga Mabasa 4:19, 20.) Vaiziva kuti munhu ane simba rinopfuura revatongi ‘akanga avarayira kuti vaparidzire vanhu uye vapupure kwazvo’ pamusoro paKristu. (Mab. 10:42) Saka vachimiririra vamwe vaapostora, Petro naJohani vakataura neushingi kuti vaizoteerera Mwari pane kuti vateerere vatongi ivavo uye vakazivisa kuti vaisazorega kutaura nezvaJesu. Zvaiita sekuti vaivabvunza mubvunzo wekuti, ‘Munofunga kuti mirayiro yenyu iri pamusoro peyaMwari here?’
4. Sezvinoratidzwa pana Mabasa 5:27-29, vaapostora vakasiyira vaKristu vese vechokwadi muenzaniso upi, uye tingavatevedzera sei?
4 Vaapostora vakaratidza muenzaniso wakanaka wakazoteverwa nevaKristu vese vechokwadi, ‘wekuteerera Mwari panzvimbo pevanhu.’ (Verenga Mabasa 5:27-29.) Pashure pekunge varoverwa kuramba kwavo vakaperera, vaapostora vakabva pamberi pedare repamusoro rechiJudha, “vachifara nekuti vakanga vanzi vakakodzera kuzvidzirwa zita” raJesu, uye vakaramba vachiparidza!—Mab. 5:40-42.
5. Mibvunzo ipi yatinofanira kupindura?
5 Zvakaitwa nevaapostora zvinoita kuti pave nemimwe mibvunzo. Semuenzaniso, kusarudza kwavakaita kuteerera Mwari panzvimbo pevanhu kunoenderana sei nemurayiro wemuMagwaro ‘wekuzviisa pasi pevanhu vane masimba’? (VaR. 13:1) Tingateerera sei “hurumende nevanhu vane masimba,” sezvakataurwa nemuapostora Pauro, asi tichiramba takaperera kuna Mwari seMutongi wedu mukuru?—Tito 3:1.
“VANHU VANE MASIMBA”
6. (a) Ndivanaani “vanhu vane masimba” vanotaurwa pana VaRoma 13:1, uye tinofanira kuitei kwavari? (b) Ichokwadi chipi chiripo nezvevanhu vese vanotonga?
6 Verenga VaRoma 13:1. Muvhesi iyi, mashoko ekuti “vanhu vane masimba” anoreva vatongi vane simba pamusoro pevamwe vanhu. VaKristu vanofanira kuvateerera. Vatongi ava vanoita kuti zvinhu zvirambe zvakadzikama, vanhu vateerere mutemo, uye dzimwe nguva vanodzivirira vanhu vaJehovha. (Zvak. 12:16) Saka tinorayirwa kuvapa zvinhu zvavanenge vachida zvinoti: mitero, miripo, kutyiwa, uye kukudzwa. (VaR. 13:7) Asi vatongi ivavo vane simba nekungoti chete Jehovha anovabvumira kuti vave naro. Jesu akajekesa izvozvo paaibvunzurudzwa naGavhuna weRoma, Pondiyo Pirato. Pirato paakati aigona kusarudza kuita kuti Jesu asaurayiwa kana kuti aurayiwe, Jesu akamuudza kuti: “Kudai usina kupiwa simba kubva kumusoro ungadai usina simba pandiri.” (Joh. 19:11) Sezvazvainge zvakaita kuna Pirato, simba revanhu vese vanotonga uye vezvematongerwo enyika mazuva ano rine parinogumira.
7. Ndepapi patisingafaniri kuteerera vatongi, uye tinofanira kuyeukei?
7 VaKristu vanoteerera hurumende dzevanhu kana mitemo yadzo isingapesani nemitemo yaMwari. Asi hatigoni kuteerera vanhu pavanenge vachida kuti tiite zvinorambidzwa naMwari kana kuti pavanenge vachirambidza zvinodiwa naMwari. Semuenzaniso, vangada kuti varume vechidiki vapinde muchiuto kuti varwire nyika yavo. c Kana kuti vanogona kurambidza Bhaibheri redu nemabhuku anotsanangura Bhaibheri uye kutirambidza kuparidza uye kunamata pamwe chete. Vatongi pavanoshandisa simba ravo zvisiri izvo, sepaya pavanotambudza vadzidzi vaKristu, vanofanira kuzvidavirira kuna Mwari. Jehovha ari kuona!—Mup. 5:8.
8. Musiyano upi uri pakati ‘pekuva nesimba’ ‘nekuva mukurusa,’ uye nei izvozvo zviine basa?
8 Kana munhu aine simba hazvirevi kuti simba rake rinenge rava kutopfuura revanhu vese. Kunyange zvazvo hurumende dzevanhu dzichitaurwa nezvadzo ‘sevanhu vane masimba,’ pane ane simba rinopfuura revanhu vese. Kanokwana ka4 muBhaibheri, Jehovha Mwari anotaurwa nezvake ‘saIye Mukurusa.’—Dhan. 7:18, 22, 25, 27.
“IYE MUKURUSA”
9. Muprofita Dhanieri akaonei pane zvaakaratidzwa?
9 Muprofita Dhanieri akaona zviratidzo zvainyatsoratidza kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vanhu vese vane masimba. Dhanieri akatanga nekuona mhuka huru ina dzaimiririra umambo hwaiva nesimba kupfuura humwe hwese kare, hunoti: Bhabhironi, Medhiya nePezhiya, Girisi uye Roma, uyewo umambo hune simba kupfuura humwe hwese mazuva ano hweBritain neAmerica. (Dhan. 7:1-3, 17) Dhanieri akabva aona Jehovha Mwari akagara pachigaro cheumambo mudare rekudenga. (Dhan. 7:9, 10) Zvakazoonekwa nemuprofita iyeye akatendeka zvinofanira kushanda seyambiro kuvatongi mazuva ano.
10. Maererano naDhanieri 7:13, 14, 27, Jehovha akapa ani simba rekutonga nyika, uye izvi zvinoratidzei nezvake?
10 Verenga Dhanieri 7:13, 14, 27. Mwari achatorera hurumende dzevanhu simba rese oripa kune vamwe vakakodzera uye vane simba kudarika idzo. Richapiwa vanaani? Richapiwa “mumwe munhu akafanana nemwanakomana wemunhu,” Jesu Kristu, uye “vatsvene vaIye Mukurusa,” vane 144 000 avo vachatonga “nariini nariini.” (Dhan. 7:18) Zviri pachena kuti Jehovha ndiye “Mukurusa,” nekuti ndiye ega ane kodzero yekuita izvozvo.
11. Ndezvipi zvimwe zvakanyorwa naDhanieri zvinoratidza kuti Jehovha ane simba pamusoro pemadzimambo ese?
11 Zvakaonekwa naDhanieri pane zvaakaratidzwa zvinoenderana nezvimwe zvaakanga ambotaura. Dhanieri akati: ‘Mwari wekudenga anobvisa madzimambo nekugadza madzimambo.’ Akanyorawo kuti: “Wekumusorosoro ndiye Mutongi muumambo hwese hwevanhu uye kuti anohupa waanoda.” (Dhan. 2:19-21; 4:17) Jehovha akambobvisa nekugadza vatongi here? Hongu!
12. Taura muenzaniso unoratidza zvakaitwa naJehovha achibvisa madzimambo pazvigaro munguva dzekare. (Ona mufananidzo.)
12 Jehovha akaratidza pachena kuti simba rake rinopfuura ‘revanhu vane masimba.’ Funga nezvemienzaniso mitatu. Farao weIjipiti akaita kuti vanhu vaJehovha vave varanda uye aigara achiramba kuvasunungura. Asi Mwari akavasunungura uye akanyudza Farao muGungwa Dzvuku. (Eks. 14:26-28; Pis. 136:15) Mambo Bheshazari weBhabhironi akaita mutambo uye “akazvikwidziridza pamberi paIshe wekudenga” uye “[akarumbidza] vanamwari vesirivha nevegoridhe” pane kuti arumbidze Jehovha. (Dhan. 5:22, 23) Asi Mwari akaninipisa murume iyeye aizvikudza. “Usiku ihwohwo,” Bheshazari akaurayiwa uye umambo hwake hwakapiwa vaMedhiya nevaPezhiya. (Dhan. 5:28, 30, 31) Mambo Herodhi Agripa I weParestina akaita kuti muapostora Jakobho aurayiwe uye akabva aita kuti muapostora Petro aiswe mujeri, nechinangwa chekuti naiyewo aurayiwe. Asi Jehovha akatadzisa Herodhi kuita zvaainge aronga. “Ngirozi yaJehovha yakamurova,” akabva afa.—Mab. 12:1-5, 21-23.
13. Taura muenzaniso unoratidza kuti Jehovha akakunda sei madzimambo ainge akabatana.
13 Jehovha akaratidzawo ukuru hwake pavatongi vainge vakabatana. Akarwira vaIsraeri, uye akavabatsira kuti vaparadze mubatanidzwa wemadzimambo 31 evaKenani uye akaita kuti vatore zvikamu zvakakura zveNyika Yakapikirwa. (Josh. 11:4-6, 20; 12:1, 7, 24) Jehovha akabatsirawo vaIsraeri kuti vakunde Mambo Bheni-hadhadhi nevatongi 32 veSiriya avo vairwisa vaIsraeri.—1 Madz. 20:1, 26-29.
14-15. (a) Madzimambo anoti Nebhukadhinezari naDhariyasi, akatii nezveutongi hwaJehovha? (b) Munyori wepisarema akatii nezvaJehovha uye nezverudzi rwake?
14 Jehovha anogara achiratidza kuti iye ndiye Mukurusa! Mambo Nebhukadhinezari weBhabhironi paakazvikudza pamusoro ‘pesimba rake neukuru hwake’ pane kuti azvininipise achibvuma kuti Jehovha ndiye akakodzera kurumbidzwa, Mwari akaita kuti apenge. Pfungwa dzake padzakanga dzava kushanda zvakanaka, Nebhukadhinezari “akarumbidza Wekumusorosoro” uye akabvuma kuti “ushe [hwaJehovha] ushe husingagumi.” Akawedzera kuti: “Hapana angamutadzisa kuita zvaanoda.” (Dhan. 4:30, 33-35) Pashure pekunge kuperera kwaDhanieri kuna Mwari kwaedzwa uye Jehovha amununura kubva mugomba reshumba, Mambo Dhariyasi akazivisa kuti: “Vanhu vanofanira kudedera nekutya pamberi paMwari waDhanieri. Nekuti ndiye Mwari mupenyu, uye haana magumo. Umambo hwake hahuzomboparadzwi, uye utongi hwake hahugumi.”—Dhan. 6:7-10, 19-22, 26, 27.
15 Munyori wepisarema akati: “Jehovha akavhiringidza mazano emarudzi; akaita kuti zvirongwa zvevanhu zvikundikane.” Akawedzera kuti: “Runofara rudzi runonamata Jehovha saMwari warwo, vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.” (Pis. 33:10, 12) Ichocho chikonzero chakanaka chaizvo chekuti tirambe takaperera kuna Jehovha!
HONDO YEKUPEDZISIRA
16. Tichifunga ‘nezvekutambudzika kukuru,’ tine chivimbo chei, uye nei tiine chivimbo chakadaro? (Ona mufananidzo.)
16 Taverenga zvakaitwa naJehovha kare. Saka chii chatiri kutarisira mune ramangwana? Tinogona kuva nechivimbo chekuti Jehovha achanunura vashumiri vake vakavimbika ‘pakutambudzika kukuru’ kuri kuuya. (Mat. 24:21; Dhan. 12:1) Achaita izvi nyika dzinenge dzabatana, idzo dzinozivikanwa saGogi weMagogi, padzicharwisa vanhu vese vakatendeka kuna Jehovha vanenge vari panyika. Kunyange kana mubatanidzwa uyu ukasanganisira nyika dzese 193 dziri muSangano Remubatanidzwa Wenyika Dzepasi Rese (United Nations), hapana zviripo kana dzichienzaniswa naIye Mukurusa neuto rake rekudenga! Jehovha anovimbisa kuti: “Ndicharatidza ukuru hwangu uye ndichazvitsvenesa pamberi pamarudzi mazhinji, ndoita kuti andizive. Vachaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezek. 38:14-16, 23; Pis. 46:10.
17. Bhaibheri rinotii nezveramangwana remadzimambo enyika uye revaya vanoramba vakaperera kuna Jehovha?
17 Kurwisa kwaGogi kuchaita kuti hondo yeAmagedhoni itange, Jehovha paachaparadza “madzimambo enyika yese.” (Zvak. 16:14, 16; 19:19-21) Asi “vakarurama chete ndivo vachagara panyika, uye vanoramba vakaperera vacharamba vari pairi.”—Zvir. 2:21, mashoko emuzasi.
TINOFANIRA KURAMBA TAKAPERERA
18. VaKristu vakawanda vechokwadi vanoda kuitei, uye nei vachida kudaro? (Dhanieri 3:28)
18 Kubvira kare, vaKristu vakawanda vechokwadi vakaisa rusununguko rwavo, kunyange upenyu hwavo pangozi nekuti vanoda Jehovha seMutongi wavo. Vanochengeta kuperera kwavo sezvakaitwa nevaHebheru vatatu vakaponeswa muchoto chemoto unopisa kwazvo nekuti vakaramba vakatendeka kuna Iye Mukurusa.—Verenga Dhanieri 3:28.
19. Jehovha achatonga vanhu vake maererano nei, uye izvi zvinoda kuti mumwe nemumwe wedu aitei iye zvino?
19 Munyori wemapisarema Dhavhidhi akanyora nezvekuramba takaperera kuna Mwari achiti: “Jehovha achapa mutongo pamarudzi. Nditongeiwo, Jehovha, zvinoenderana nekururama kwangu uye zvinoenderana nekuperera kwangu kwamuri.” (Pis. 7:8) Dhavhidhi akanyorazve kuti: “Kuperera kwangu kwamuri uye kururama kwangu ngazvindichengetedze.” (Pis. 25:21) Nzira yakanakisisa yekurarama ndeyekuramba takatendeka kuna Jehovha, toramba takavimbika kwaari pasinei nezvingaitika kwatiri! Tichabva tava nemanzwiro akaita seemunyori wepisarema uyo akanyora kuti: ‘Vanofara vaya vanoramba vakaperera, vanofamba mumutemo waJehovha.’—Pis. 119:1.
RWIYO 122 Ivai Vakasimba, Vasingazununguki!
a Bhaibheri rinorayira vaKristu kuti vateerere vanhu vane masimba, kureva hurumende dzenyika ino. Asi dzimwe hurumende dzinopikisa zviri pachena Jehovha nevashumiri vake. Tingateerera sei vatongi asi tichiramba takaperera kuna Jehovha?
b KUTSANANGURWA KWESHOKO: Kuti tirambe takaperera kuna Jehovha, tinofanira kuramba takavimbika kwaari uye kuuchangamire hwake kunyange patinenge tiri mumuedzo.
c Ona nyaya iri mumagazini ino inoti “VaIsraeri Vairwa Hondo—Nei Isu Tisingarwi?”