NYAYA YEKUDZIDZA 43
Jehovha “Achakusimbisa” Sei?
“[Jehovha] achakutsigisai, achakusimbisai, uye achaita kuti mumire makasimba.”—1 PET. 5:10.
RWIYO 38 Achakusimbisa
ZVICHADZIDZWA a
1. Vashumiri vaMwari vekare vaisimbiswa sei?
SHOKO RAMWARI rinowanzotaura nezvevarume vakatendeka sevane simba. Asi kunyange vaya vaiva nesimba kudarika vamwe vaiva nenguva dzavainzwa vasina simba. Semuenzaniso, dzimwe nguva Mambo Dhavhidhi ainzwa sekuti ‘akasimba segomo,’ asi pamwe pacho ‘aitya.’ (Pis. 30:7) Kunyange zvazvo Samsoni aiva nesimba rakakura chaizvo paaibatsirwa nemweya waMwari, aiziva kuti pasina simba iroro rinobva kuna Mwari, aizova ‘munhu asina simba oita sevamwe varume vese.’ (Vat. 14:5, 6; 16:17) Jehovha ndiye aipa simba varume ava vakatendeka.
2. Nei muapostora Pauro akataura kuti ainge asina simba uye kuti aiva nesimba? (2 VaKorinde 12:9, 10)
2 Muapostora Pauro aiziva kuti naiyewo aida simba rinobva kuna Jehovha. (Verenga 2 VaKorinde 12:9, 10.) Pauro aiva nematambudziko eutano sezvakaita vakawanda vedu. (VaG. 4:13, 14) Dzimwe nguva ainetsekawo kuti aite zvakanaka. (VaR. 7:18, 19) Uye pamwe pacho ainzwa akaora mwoyo uye achityira ramangwana. (2 VaK. 1:8, 9) Asi Pauro paaiva asina simba, ndipo paaiva nesimba. Zvaiitika sei izvozvo? Jehovha aipa Pauro simba raaida kuti atsungirire matambudziko ake.
3. Mibvunzo ipi yatichapindura munyaya ino?
3 Jehovha anovimbisawo kuti achatipa simba rekuti titsungirire. (1 Pet. 5:10) Asi simba iroro hatingoripiwi tisina zvataita. Semuenzaniso, injini inogona kuita kuti mota ifambe. Asi mutyairi anofanira kutsika mafuta kuti ifambe. Saizvozvowo, Jehovha akagadzirira kutipa simba rekuti titsungirire, asi tine matanho atinofanira kutora kuti tibatsirwe nesimba iroro. Jehovha akatipei kuti tive nesimba? Uye tinofanira kuitei kuti tipiwe simba iroro? Tichawana mhinduro dzemibvunzo iyoyo patinenge tichikurukura kuti Jehovha akapa sei simba vanhu vatatu vanotaurwa muBhaibheri, vanoti: muprofita Jona, Mariya amai vaJesu, uye muapostora Pauro. Tichaonawo kuti Jehovha ari kuramba achisimbisa sei vashumiri vake mazuva ano achishandisa nzira idzodzo.
KUNYENGETERA UYE KUDZIDZA KUNOITA KUTI UWANE SIMBA
4. Tingaitei kuti tiwane simba rinobva kuna Jehovha?
4 Imwe nzira yatinowana nayo simba kubva kuna Jehovha ndeyekunyengetera kwaari. Jehovha anogona kupindura minyengetero yedu nekutipa “simba rakawedzerwa pane ratagara tiinaro.” (2 VaK. 4:7) Tinogonawo kuwana simba patinoverenga Shoko rake, tofungisisa zvatinenge taverenga. (Pis. 86:11) Mashoko aJehovha ari muBhaibheri ane “simba.” (VaH. 4:12) Paunonyengetera kuna Jehovha uye paunoverenga Shoko rake, uchawana simba raunoda kuti utsungirire, urambe uchifara, kana kuti ukwanise kuita basa rakaoma. Ona kuti Jehovha akasimbisa sei muprofita Jona.
5. Nei muprofita Jona aifanira kuva nesimba?
5 Muprofita Jona aifanira kuva nesimba. Akanga atiza basa rakaoma raakanga apiwa naJehovha. Izvi zvakaita kuti iye nevamwe vaaiva navo mungarava vapotse vafira mudutu raiva nesimba. Paakakandwa mumvura, akazviona ava munzvimbo yaasina kumbobvira ava, mudumbu rehove huru maityisa. Unofunga kuti Jona akanzwa sei? Anogona kunge akafunga kuti aizofira imomo. Uye anogona kunge akanzwa sekuti Jehovha akanga amuramba. Jona anofanira kunge akanetseka chaizvo.
6. Maererano naJona 2:1, 2, 7, Jona akasimbiswa nei paaiva mudumbu rehove?
6 Jona akaitei kuti awane simba paaiva ega mudumbu rehove? Chimwe chinhu chaakaita kunyengetera. (Verenga Jona 2:1, 2, 7.) Kunyange zvazvo akanga asina kuteerera Jehovha, Jona aiva nechivimbo chekuti Jehovha aizoteerera munyengetero wake waakapa achizvininipisa uye achiratidza kuti akanga apfidza. Jona akaratidzawo kuti aiziva Magwaro. Nei tichidaro? Mumunyengetero wake uri muna Jona chitsauko 2, anoshandisa mashoko akawanda akafanana neanowanika muMapisarema. (Semuenzaniso, enzanisa Jona 2:2, 5 naPisarema 69:1; 86:7.) Zviri pachena kuti Jona ainyatsoziva magwaro iwayo. Kufungisisa mavhesi aya paaiva mudambudziko, kwakaita kuti ave nechivimbo chekuti Jehovha aizomubatsira. Pava paya, Jona akadzoserwa panyika, uye akanga agadzirira kubvuma uye kuita basa raaizopiwa.—Jona 2:10–3:4.
7-8. Imwe hama yekuTaiwan yakawana sei simba payaisangana nematambudziko?
7 Muenzaniso waJona unogona kutibatsira patinenge tichisangana nematambudziko akasiyana-siyana. Semuenzaniso, imwe hama yekuTaiwan inonzi Zhiming, b ine dambudziko reurwere hwakakura. Uyewo ari kutsungirira kubatwa zvisina kunaka nevemumhuri make nekuti anoshumira Jehovha. Kuti awane simba rinobva kuna Jehovha anonyengetera uye anodzidza ari ega. Anoti: “Dzimwe nguva panomuka matambudziko, ndinonetseka chaizvo zvekuti handitokwanisi kudzidza ndiri ndega.” Asi anovimba naJehovha kuti amubatsire. Anoti: “Ndinotanga ndanyengetera kuna Jehovha, ndotora maearphones angu ndobva ndatanga kuteerera nziyo dzeUmambo. Dzimwe nguva ndinotodziimba nenzwi riri pasi kusvikira ndagadzikana. Zvadaro, ndinobva ndatanga kudzidza.”
8 Zhiming akawana simba rekutsungirira dambudziko rake kubva pakudzidza kwaaiita ari ega. Paakanga aitwa oparesheni yakakura, mumwe nesi akamuudza kuti sezvo ropa rake rakanga rava shoma, aifanira kuwedzerwa rimwe. Usiku hwekupedzisira asati aoparetwa, Zhiming akanga averenga nezveimwe hanzvadzi yakaitwa oparesheni yakafanana neyaainge aitwa. Hanzvadzi iyi yaiva neropa shoma kutopfuura raZhiming, asi haina kubvuma kuwedzerwa ropa uye yakapora. Zvakaitika kuhanzvadzi iyi zvakabatsira Zhiming kuti arambe akatendeka.
9. Ungaitei kana dambudziko rikakupedza simba? (Onawo mifananidzo.)
9 Paunenge uri mudambudziko, unombonetseka zvakanyanya here zvekuti unotadza kunyatsotaura zvauri kuda mumunyengetero? Kana kuti unonzwa here wakanyanya kuneta zvekuti haukwanisi kudzidza? Yeuka kuti Jehovha anonyatsonzwisisa mamiriro ako ezvinhu. Saka kunyange kana ukapa munyengetero mupfupi, unogona kuva nechokwadi chekuti achakupa zvaunoda chaizvo. (VaEf. 3:20) Kana marwadzo ako achiita kuti zvikuomere kuti uverenge kana kudzidza, unogona kuedza kuteerera Bhaibheri rakarekodhwa kana mabhuku anotsanangura Bhaibheri akarekodhwa. Zvinogonawo kukubatsira kana ukateerera imwe yenziyo dzedu kana kuona vhidhiyo pajw.org. Kana ukanyengetera kuna Jehovha uye ukatsvaga mhinduro dzako muzvinhu zvaanotipa, unenge uchimukumbira kuti akusimbise.
HAMA NEHANZVADZI DZAKO DZINOGONA KUKUSIMBISA
10. Hama nehanzvadzi dzedu dzinotisimbisa sei?
10 Jehovha anogona kushandisa hama nehanzvadzi dzedu kuti atisimbise. Dzinogona ‘kutinyaradza zvikuru’ patinosangana nedambudziko kana kuti patinotadza kuita basa rakaoma. (VaK. 4:10, 11) Tinonyanya kuda shamwari “panguva yekutambudzika.” (Zvir. 17:17) Patinonzwa tisina simba, hama nehanzvadzi dzedu dzinogona kutipa zvatinoda pakurarama, kutinyaradza, uye kutikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha. Ona kuti Mariya, amai vaJesu, vakasimbiswa sei nevamwe.
11. Nei Mariya aida simba rekuti aite kuda kwaJehovha?
11 Mariya aida simba rekuti aite kuda kwaJehovha. Funga kuti akanzwa sei paakapiwa basa rakaoma nengirozi Gabrieri. Akanga asina kuroorwa, asi aizofanira kuva nepamuviri. Akanga asina kumbobvira arera vana vake pachake, asi aizofanira kurera mukomana aizova Mesiya. Uye sezvo akanga asina kumborara nemurume, aizotsanangura sei zvese izvozvo kuna Josefa uyo aida kumuroora?—Ruka 1:26-33.
12. Maererano naRuka 1:39-45, Mariya akawana sei simba raaida?
12 Mariya akawana sei simba raaida kuti akwanise kuita basa rainge rakasiyana nemamwe ese uye rainge rakaoma? Akatsvaga kubatsirwa nevamwe. Semuenzaniso, akakumbira Gabrieri kuti amuudze mamwe mashoko ane chekuita nebasa racho. (Ruka 1:34) Akabva aita rwendo rwekuenda “kunyika yemakomo” yeJudha achishanyira hama yake Erizabheti. Akafambira zviripo. Erizabheti akarumbidza Mariya uye akafemerwa naJehovha kuti ataure uprofita hunokurudzira nezvemwanakomana waMariya ainge asati aberekwa. (Verenga Ruka 1:39-45.) Mariya akati Jehovha ainge “ashandisa simba reruoko rwake.” (Ruka 1:46-51) Jehovha akasimbisa Mariya achishandisa Gabrieri uye Erizabheti.
13. Imwe hanzvadzi yekuBolivia yakabatsirwa sei payakakumbira rubatsiro kuhama nehanzvadzi dzayo?
13 Sezvakaitika kuna Mariya, unogonawo kusimbiswa nehama nehanzvadzi dzako. Imwe hanzvadzi yekuBolivia inonzi Damaris yaifanira kusimbiswa saizvozvo. Baba vake vakarwara chaizvo uye chirwere chavaiva nacho chaisarapika. Pavaiva muchipatara, Damaris aida kuita zvese zvaaigona kuti arambe ainavo. (1 Tim. 5:4) Dzimwe nguva zvaisava nyore. Anoti, “Kakawanda ndainzwa sekuti handichazvikwanisi.” Damaris akatsvaga kubatsirwa here? Pakutanga haana. Anoti: “Ndaisada kunetsa hama dzangu. Ndaizviudza kuti, ‘Jehovha ndiye achandipa rubatsiro rwandinoda.’ Asi ndakazoona kuti ndaizviparadzanisa nevamwe. Ndaiedza kupedza matambudziko angu ndega.” (Zvir. 18:1) Damaris akasarudza kunyorera dzimwe shamwari dzake achitsanangura mamiriro ake ezvinhu. Anoti: “Handikwanisi kutsanangura kusimbiswa kwandakaitwa neshamwari dzangu dzechiKristu dzine rudo. Vaiunza zvekudya kuchipatara uye vaindiverengera mavhesi emuBhaibheri anonyaradza. Zvinofadza chaizvo kuziva kuti hatisi tega. Tiri mumhuri yaJehovha yakakura, mhuri inoda kutibatsira, inoda kuchema nesu, uye inotikurudzira kuti tirambe tichishumira Jehovha pamwe chete.”
14. Nei tichifanira kubvuma kubatsirwa nevakuru?
14 Jehovha anoshandisawo vakuru kuti atipe simba. Ivo zvipo zvaanoshandisa kutisimbisa uye kutizorodza. (Isa. 32:1, 2) Saka paunonzwa wakaora mwoyo, udza vakuru zviri kukunetsa. Pavanenge vachida kukubatsira, bvuma kubatsirwa navo. Jehovha anogona kukusimbisa achivashandisa.
WANA SIMBA KUBVA PATARIRO YAKO YERAMANGWANA
15. Itariro ipi inokosha ine vaKristu vese?
15 Tariro yedu inobva muBhaibheri inogona kutipa simba. (VaR. 4:3, 18-20) SevaKristu, tine tariro yakazonaka yekurarama nekusingaperi, zvichida panyika inenge yava paradhiso kana kuti muUmambo hwekudenga. Tariro yedu inogona kutipa simba rekutsungirira miedzo, rekuparidza mashoko akanaka, uye rekuita mabasa akasiyana-siyana muungano. (1 VaT. 1:3) Tariro iyoyo ndiyo yakasimbisawo muapostora Pauro.
16. Nei muapostora Pauro aida kusimbiswa?
16 Pauro aida kusimbiswa. Mutsamba yake yaakanyorera vaKorinde, akazvifananidza nemudziyo wevhu usina kusimba. ‘Aiomerwa,’ ‘aivhiringidzika,’ ‘aitambudzwa,’ uye ‘aipunzirwa pasi.’ Upenyu hwake hwaitova pangozi. (2 VaK. 4:8-10) Pauro akanyora mashoko iwayo paaiva parwendo rwake rwechitatu rweumishinari. Anogona kunge aisazviziva panguva iyoyo, asi matambudziko ake ainge asati apera. Aizorohwa nemhomho yevanhu, kusungwa, kuita tsaona nengarava, uye kuiswa mujeri.
17. Maererano na2 VaKorinde 4:16-18, chii chakabatsira Pauro kuti atsungirire miedzo?
17 Pauro akawana simba rekutsungirira nekuisa pfungwa patariro yake. (Verenga 2 VaKorinde 4:16-18.) Akaudza vaKorinde kuti kunyange zvazvo muviri wake wakanga uri “kupera,” aisazorega izvozvo zvichimuodza mwoyo. Pauro akaisa pfungwa patariro yake. Tariro yake yekurarama nekusingaperi kudenga yainge ‘yakakura kwazvo,’ zvekuti aida kutsungirira chero dambudziko kuitira kuti awane mubayiro wake. Pauro aifungisisa nezvetariro iyoyo, uye izvi zvakaita kuti anzwe ari “mutsva zuva nezuva.”
18. Tihomir nevamwe vemumhuri make vakasimbiswa sei netariro yeramangwana?
18 Imwe hama yekuBulgaria inonzi Tihomir inosimbiswa netariro yayo. Makore mashoma adarika, munin’ina wake Zdravko akafira mutsaona. Kwenguva yakati Tihomir airwadziwa chaizvo. Kuti vatsungirire, iye nevemumhuri make vanofungidzira zvichange zvakaita rumuko. Anoti: “Tinokurukura kuti tichasangana kupi naZdravko, tichamubikira zvekudya zvakaita sei, ndivanaani vatichakoka pamhemberero yekutanga paanenge amutswa, uye kuti zvii zvatichamuudza nezvemazuva ekupedzisira.” Tihomir anoti kuisa pfungwa patariro yavainayo kunosimbisa mhuri yavo kuti irambe ichitsungirira uye kuti irambe ichimirira nguva iyo Jehovha achamutsa munin’ina wake.
19. Ungaitei kuti usimbiswe netariro yako yeramangwana? (Onawo mufananidzo.)
19 Ungasimbisa sei tariro yako yeramangwana? Kana uine tariro yekurarama nekusingaperi panyika, verenga nezvekutsanangurwa kunoitwa Paradhiso muBhaibheri uye fungisisa nezvayo. (Isa. 25:8; 32:16-18) Fungidzira kuti upenyu huchange hwakaita sei munyika itsva. Zvione urimo. Ndiani wauri kuona? Zvii zvauri kunzwa nenzeve dzako? Uri kunzwa sei mumwoyo mako? Kuti ukwanise kufungidzira zvazvichange zvakaita, tarisa mifananidzo yeParadhiso iri mumabhuku edu kana kuti ona mavhidhiyo emumhanzi akadai seinonzi Nyika Itsva, Yatosvika, kana kuti Fungidzira Nguva Yacho. Kana tikagara tichiwana nguva yekufungidzira zvinenge zvakaita nyika itsva, matambudziko edu achava ‘enguva diki uye akareruka.’ (2 VaK. 4:17) Achishandisa tariro yaakakupa, Jehovha ari kukubatsira kuti urambe uchitsungirira matambudziko.
20. Tingaitei kuti tiwane simba kunyange patinenge tichinzwa tisina kusimba?
20 Kunyange patinonzwa tisina simba, “Mwari achaita kuti tiwane simba.” (Pis. 108:13) Jehovha akatokupa zvaunoda kuti uwane simba rinobva kwaari. Saka paunenge uchida kubatsirwa kuti uite rimwe basa, utsungirire muedzo, kana kuti urambe uchifara, nyengetera kuna Jehovha nemwoyo wese uye tsvaga kutungamirirwa naye kuburikidza nekudzidza uri wega. Bvuma kukurudzirwa nehama nehanzvadzi dzako. Gara uchiwana nguva yekufunga nezvetariro yako yeramangwana. Kana ukadaro, uchabva ‘wasimbiswa nesimba rese maererano nesimba raMwari rinokudzwa kuti ukwanise kutsungirira zvinhu zvese uine mwoyo murefu nemufaro.’—VaK. 1:11.
RWIYO 33 Kanda Mutoro Wako Pana Jehovha
a Nyaya ino ichabatsira vaya vanonzwa sekuti havakwanisi kutsungirira dambudziko ravo kana kuti havakwanisi kuita basa ravakapiwa. Tichadzidza kuti Jehovha anogona kutisimbisa sei uye kuti tingaitei kuti atibatsire.
b Mamwe mazita akachinjwa.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi iri matsi ichifungisisa nezvevimbiso iri muBhaibheri uye ichiona vhidhiyo yemumhanzi kuti ikwanise kufungidzira zvichange zvakaita upenyu hwayo munyika itsva